Rwiyo 177
Tinofanira Kuva Rudzii Rwanhu?
1. Tirangarire zuva guru raJehovha.
Mwoyo yedu iri kwa’ri noMwana wake.
Kwoda kuedza, zuva raswedera;
Zvinhu zvose zvaSatani zvopfu’ra.
Ngatisvinurire kwazvo kunyengetera.
Pane dikano yokurwira m’nyengetero.
Tikanyengetera nomweya nomwoyo,
Tinowana rugare rwepfungwa rwaanopa.
2. Mufaro wedu norugare hazviperi.
Tinosekwa, kuti vanhu vose vazive.
Ipapo tova vanhu vorudzii?
Zviitoi zvitsvene zvino’nekwa?
Tinotsvaka kutaura nezvoUmambo
Titaure zvamatenga nepasi idzva
Nokuvamo kuchaita kururama.
Ngatiparidze kwazvo mashoko akanaka.
3. Tingwarire zvi’to nenzira youpenyu
Mukuwirirana nenheyo dzine mhindu.
She Jesu wakatisuka muchivi,
Towana zvino rugare rwaMwari.
Tisave negwapa, nemhaka nguva dzose;
Savaranda vaMwari takasunungurwa.
Tikava pedyo naye ari Shamwari,
Uchatitarisira kusvikira kum’gumo.