Rwiyo 187
Zvinhu Zvose Zvinoitwa Zvitsva
1. Zviratidzo zvonesa Ushe hwa’po.
Jesu akagara pachigaro.
Mudenga wakakunda Satani,
Vanhu vachaita kuda kwake.
(Korasi)
2. Vanhu onai Jerusarema’dzva,
Mwenga weGwaina uchipenya.
Akashongedzwa mabweokosha,
Jehovha ndiye chiedza chake.
(Korasi)
3. Guta’ri rakanaka rinofadza.
Masuo aro akazaruka.
Marudzi achafamba m’chiedza.
Isu tiratidze chiedza’cho.
(KORASI)
Fara. Tente ina vanhu,
Iye unogara navo.
Hapachinazve kurwadziwa,
Kusuruvara kana kufa;
She woti: ‘Zvose zvichava zvitsva.
Mashoko’ya nde edi.’