Rwiyo 168
Kuziva Mambo Mutsva Wapasi
1. Tarira mupasi rose
Mwoyo wangu woona
Boka ravarwi vaMwari,
Muhumwe ropfurira.
Ngowani dzavo dzopenya,
Kusaziva kunopera.
Inzwi rehondo ronzwika:
“Kristu avakutonga.”
(Korasi)
2. Kristu anotungamira;
Vanomuteverera.
Shoko rake voterera
Saka havangashuwi.
Munondo wavo iShoko.
Mutsoka mune mashoko.
Vofamba nenzira yaShe;
Kusvikira parufu.
(Korasi)
3. Nguva zvino yazosvika
Kuti Kristu atonge.
Vavengi uchaparadza;
Ngatimufugamire.
Ja womubata rwuoko.
Tsuri yake yonyevera.
Ngwarai vabatiushe;
Bvumai simba raShe.
(KORASI)
Tsvodai Mwanakomana
Musazofe munzira.
Vanofara vose
Vanomuvimba nhasi!