RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w92 8/15 pp. 15-20
  • Nhandaro—Farikanya Betsero, Dzivisa Misungo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nhandaro—Farikanya Betsero, Dzivisa Misungo
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Nhandaro Munguva Yayo Nenzvimbo
  • Svinurira Misungo
  • Nhandaro Munzvimbo Yayo
  • Kusarudza Kwaungaita Varaidzo Yakanaka
    “Rambai Muri Murudo rwaMwari”
  • Zvivaraidze Nezvinhu Zvinofadza Jehovha
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Tingasarudza Sei Zvinotivaraidza?
    Ramba Uri Murudo rwaMwari
  • Unogona Kuwana Varaidzo Yakanaka
    Mukai!—1997
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
w92 8/15 pp. 15-20

Nhandaro—Farikanya Betsero, Dzivisa Misungo

“Hakuna chinhu chiri nani kupfuura kuti [munhu] anofanira kudya ndokunwa zvamazvirokwazvo ndokuparira mweya wake kuona zvakanaka nemhaka yebasa rake rakaoma.”—MUPARIDZI 2:24, NW.

1. Nhungamiro yaMwari inobetsera vanhu vake pamusoro penhandaro munzirai?

NHUNGAMIRO yaJehovha inounzira vabatiri vake betsero dzakawanda. Tinogona kuona ikoku munzvimbo yenhandaro. Nhungamiro yake inobetsera maKristu kudzivisa kunyanyisa kumugumo upi noupi womurangariro. Vamwe vezvorudzidziso, avo vanoomerera parumano mumupfekero nomufambiro, vanorangarira unodokuva mufarwa upi noupi sowokutadza. Pane rumwe rutivi, vanhu vazhinjisa vanoronda mifarwa kunyange kana yakadaro ichirwisana nemitemo nenheyo zvaJehovha.—VaRoma 1:24-27; 13:13, 14; VaEfeso 4:17-19.

2. Chii chakapa ratidziro yapakuvamba yomurangariro waMwari wenhandaro?

2 Zvakadini, kunyanguvezvo, nezvavanhu vaMwari? Vazhinji vanovamba kufunda Bhaibheri vanoshamiswa nokuziva kuti Mwari akasika zvomenemene vanhu vane mano okufarikanya upenyu. Iye akapa vabereki vedu vokutanga basa rokuita—asi kwete basa rinofinha rinoodza mwoyo iro rakaratidzira upenyu hwavanhu vazhinjisa vasina kukwana. (Genesi 1:28-30) Funga nezvenzira dzakanaka dzakawanda umo vose vanogara muparadhiso yapasi vangawana farikanyo. Fungidzira mufaro wavo mukutarira mhuka dzomusango dzingasaparira tyisidziro nemhatsa yezvipfuwo zvingagona kuva rutivi rwoupenyu hwezuva nezuva! Uye ndizvokudya zvakadini zvavangava nazvo zvinobva mu“miti yose inofadza meso neyakanaka kudya”!—Genesi 2:9, NW; Muparidzi 2:24.

3-5. (a) Nhandaro inofanira kubatira donzoi? (b) Neiko tichigona kuva nechokwadi chokuti Mwari haana kudzivisa vaIsraeri kuwana farikanyo?

3 Mibato iyoyo inogona, kutaura idi, kurangarirwa senhandaro, donzo rayo muParadhiso ringava rimwe chetero sazvino: kuzorodza nokumutsidzira simba romunhu nokuda kwemimwe mibato (basa) inobudirira. Apo nhandaro inoita ikoku, inobetsera. Ikoko kunoreva here kuti vanamati vechokwadi vanogona kuita nzvimbo muupenyu hwavo nokuda kwenhandaro kunyange vachigere kurarama muParadhiso? Hungu. Insight on the Scriptures rinotaura pamusoro penhandaro pakati pavanhu vakare vaJehovha, kuti:

4 “Varaidzo nenhandaro zvaIsraeri hazviratidzirwi zvakatanhamara muchinyorwa cheBhaibheri. Kunyanguvezvo, chinozviratidza kuva zvairangarirwa sezvose zviri zviviri zvakafanira nezvakanaka apo zvaiva mutsinhirano nenheyo dzorudzidziso dzorudzi rwacho. Zvimiro zvikuru zvevaraidzo kwakanga kuri kuridzwa kwezviridzwa zvenziyo, kuimba, kutamba, kurukurirano, pamwe chete nemitambo. Kududzirwa kwezvirahwe nemibvunzo yakaoma kwairumbidzwa zvikuru.—Vat 14:12.”—Vhoriyamu 1, peji 102.

5 Apo Dhavhidhi akadzokera murukundo, vakadzi vechiHebheru vakashandisa zviridzwa nengoma vachichengeta (chiHebheru, sa·chaqʹ). (1 Samueri 18:6, 7) Shoko rechiHebheru rinoreva zvikurukuru “kuseka,” uye dzimwe shanduro dzinotaura nezva“vakadzi vanofara.” (Byington, Rotherham, The New English Bible) Apo Areka yakanga ichifambiswa, “Dhavhidhi neimba yose yaIsraeri vakaridza pamberi paJehovha zvinoridzwa zvamarudzi.” Mikari, mudzimai waDhavhidhi, akava nomurangariro usina kudzikama, nokuti iye akaramba goverano yaDhavhidhi mumibato inovaraidza. (2 Samueri 6:5, 14-20) Mwari akadeya kutaura kuti nhapwa dzinodzokera dzichibva Bhabhironi dzaizogoverana mumibato inofadza yakafanana.—Jeremia 30:18, 19; 31:4; enzanisa nePisarema 126:2.

6. Magwaro echiKristu echiGiriki anotibetsera sei mumurangariro wedu wenhandaro?

6 Isuwo tinofanira kutsvaka kuva vakadzikama pamusoro penhandaro. Tinonzwisisa here, somuenzaniso, kuti Jesu akanga asiri muzvinyimi? Iye aiwana nguva yezvokudya zvinozorodza, zvakadai so“mutambo mukuru” uyo Revhi akagadzira. Uye apo vanozviruramisa vakamutsoropodza nokuda kwokudya nokunwa, Jesu akaramba mirangariro yavo nenzira. (Ruka 5:29-31; 7:33-36) Yeukawo kuti iye akaita zvose zviri zviviri kupinda muchato nokupa chimwe chinhu mumitambo. (Johane 2:1-10) Munun’una kuna mai waJesu Judhasi anodudza kuti maKristu aiva ne“mitambo yorudo,” sezviri pachena zvokudya apo vanoshaiwa vaigona kufarikanya zvokudya noruwadzano runofadza, runozorodza.—Judhasi 12.

Nhandaro Munguva Yayo Nenzvimbo

7. Shoko raMwari rinokurudzira sei dzikamo pamusoro penhandaro?

7 Muparidzi 10:19 inotaura zvakanaka nezve‘chingwa chokuseka kwavashandi newaini inoita kuti upenyu hufare.’ Ikoko hakunzwiki sokunge nhandaro yakaipa kana kuti yakashata nenzira yomuzvarirwo, kunodaro here? Bva, bhuku rimwe chetero rinoti: “Nokuti kune nguva yakagadzwa yechinhu chimwe nechimwe, . . . nguva yokuchema nenguva yokuseka; nguva yokuungudza nenguva yokupembera.” (Muparidzi 3:1, 4, NW) Hungu, risingashurikidzi nhandaro yakafanira, Bhaibheri rinotipa nyevero. Idzodzi dzinobatanidza zano rokuchengeta nhandaro iri munzvimbo yayo pamusoro penguva nouwandu. Rinotinyeverawo pamusoro pengozi dzave dzichiitika kazhinji kazhinji zvikuru nokuungana kukuru kwokutandara.—2 Timotio 3:4.

8, 9. Neiko nguva yatinorarama mairi nomugove wedu wakapiwa naMwari zvine chokuita nenhandaro?

8 Tacherechedza kuti vaJudha vaidzokera vachibva Bhabhironi—avo vaiva nebasa rakaoma rakawanda rokuita—vaizogoverana muvaraidzo inofadza. Bva, Jeremia pamberi pezvi akataura kuti haasati aizo‘gara muboka rapedyo raavo vanoita majee kana kuti kuvamba kufara.’ (Jeremia 15:17) Iye akagoverwa nenzira youmwari kupa shoko rechirango chinoswedera, naizvozvo yakanga isiri nguva yakagadzwa yokuti ave anofara.

9 MaKristu nhasi akagoverwa kuzivisa shoko raMwari retariro pamwe chete nokuzivisa marutongeso ake patsika yakaipa yaSatani. (Isaya 61:1-3; Mabasa 17:30, 31) Kunofanira nokudaro kuva pachena kuti hatifaniri kubvumira nhandaro kuva yakatanhamara muupenyu hwedu. Tinogona kuenzanisira pfundo racho nomunyu mushomanene kana kuti uhwiro chaihwo hunowedzera kunaka kwezvokudya. Ungadururira here uhwiro mumwero mikuru yakadaro zvokuti inotokunda zvokudya? Aiwa, zvamazvirokwazvo. Mutsinhirano namashoko aJesu ari paJohane 4:34 naMateo 6:33, itiro hanya yedu hurusa—zvokudya zvedu zvimene—kunofanira kuva kuitwa kwokuda kwaMwari. Naizvozvo varaidzo inova yakafanana nouhwiro. Inofanira kuzorodza ndokusimbaradza, kwete kunetesa kana kuti kukurira.

10. Neiko tose zvedu tichifanira kunzverazve nhandaro yedu pamusoro penguva?

10 Mira ndokurangarira, kunyanguvezvo: Vanhu vazhinjisa havangatauri here kuti nguva nengwariro zvavanopa kunhandaro ndezvemwero? Kana vakarangarira zvakasiana, vaizova vaita gadziridzo. Ikoku hakukarakadzi here kuti mumwe nomumwe wedu anofanira kumira ndokukamuranisa zvakakomba, zvakajeka, nzvimbo iyo nhandaro inayo zvomenemene muupenyu hwedu? Ingava here nenzira yechiverevere yakava yakati tanhamarei? Somuenzaniso, tinongoerekana zvedu here tavhura TV panguva ipi kana ipi tinodzokera kumusha? Takaumba here muitiro wokuchengetedza nguva huru yevaraidzo vhiki rimwe nerimwe, zvakadai sousiku huri hwose hweChishanu kana kuti usiku hweChitanhatu? Tinganzwa here taodzwa mwoyo kana nguva iyeyo ikasvika tiri pamba uye tisina varaidzo yakarongwa? Mibvunzo miviri yokuwedzera: Pazuva rapashure pokuungana, tinowana here kuti takanonoka kwazvo kuuya kana kuti takaenda kure kwazvo zvokuti taneta, zvimwe tarukutika zvikuru zvokusagona kugoverana muushumiri hwechiKristu kana kuti kupa mushandirwi wedu basa rakanaka rezuva? Kana nhandaro yedu panhambo nenhambo, kana kuti kazhinji kazhinji, ine muuyo iwoyo, mufaro wakafanira chaizvoizvo nowakadzikama here?—Enzanisa naZvirevo 26:17-19.

11. Neiko kuhwirudzurwa kworudzi rwenhandaro yedu kwakakodzera?

11 Kungavawo kwakanaka kuti tihwirudzure rudzi rwenhandaro yedu. Kuva kwedu vabatiri vaMwari hakusi vimbiso yokuti nhandaro yedu yakafanira. Rangarira icho muapostora Petro akanyora kumaKristu akazodzwa: “Nguva yakapfuura yakaringana kuita kuda kwavahedheni, nokufamba noutere, nokuchiva, [kunyanyisa, NW] kunwa waini, nokutamba kwakaipa, namabira, nokunamata zvifananidzo zvisakafanira.” (1 Petro 4:3) Akanga asiri kunongedza munwe wake, sokunge zvakadaro, achipomera hama dzake kutevedzera izvo avo vaiva munyika vakanga vachiita. Bva, kusvinurira kunokosha nokuda kwamaKristu (panguva iyeyo uye zvino) nemhaka yokuti munhu anogona kusatana kuva nyajambwa wenhandaro inokuvadza.—1 Petro 1:2; 2:1; 4:7; 2 Petro 2:13.

Svinurira Misungo

12. Petro Wokutanga 4:3 inosimbisa rudzii rwomusungo?

12 Kurudzii rwomusungo kwatinofanira kusvinurira? Eya, Petro akadudza “[kunyanyisa, NW] kunwa waini, nokutamba kwakaipa, namabira.” Mutsinhiri weGermany akatsanangura kuti mashoko echiGiriki akashandiswa “zvikurukuru akashanda kukunwa kwokutandara pamadyo.” Purofesa weSwitzerland akanyora kuti miitiro yakadaro yaizivikanwa navose shure panguva iyeyo: “Rondedzero yacho inofanira kuva nechokuita nokuungana kwakarongwa kana kuti kunyange mapoka enguva dzose umo mibato inonyadzisa inorondedzerwa yaipfuuridzirwa.”

13. Kushandiswa kwezvinodhakisa pakuungana kwave kuri musungo sei? (Isaya 5:11, 12)

13 Kuva nezvinwiwa zvinodhakisa pakuungana kukuru kwokutandara kwakapinza mumusungo vazhinji. Hakuna kuita sokunge Bhaibheri rinorambidza kushandiswa kune mwero kwezvinwiwa zvakadaro, nokuti harisati. Soufakazi hwaikoku, Jesu akaita waini pamadyo omuchato muKana. Panofanira kuva paisava nokunyanyonwisa, nokuti Jesu aizotsigira zano raMwari rokudzivisa kuva pakati pavanamusiyadzasukwa. (Zvirevo 23:20, 21) Asi rangarira uhu udzame: Mutungamiriri wamadyo iwayo akataura kuti pamamwe madyo waini yakanaka yaitanga kupiwa ‘uye apo vanhu vainge vadhakwa, waini isinganaki’ yaipiwa. (Johane 2:10) Naizvozvo kwaizivikanwa navose kuti vaJudha vadhakwe pamichato apo waini yakawanda yaiwanikwa nokuda kwavose.

14. Vagamuchiri vechiKristu vangagonana nomusungo uyo zvinwiwa zvinodhakisa zvinogona kupa munzirai?

14 Naizvozvo, vamwe vagamuchiri vechiKristu vakasarudza kugovera waini, doro, uye zvimwe zvinwiwa zvinodhakisa bedzi kana ivo somunhu oga vachigona kutarisira izvo vaenzi vavo vanopiwa kana kuti kudya. Kana boka riri guru zvikuru kupfuura iro mugamuchiri anogona kutarisira nenzira yakananga, zvakadai semichato yechiJudha yadudzwa, zvinodhakisa zvakawanda zvinogona kuva musungo une ngozi. Mumwe munhu angavapo uyo akarwisa ndokukurira chinetso nokunwa. Unogona kunzwisisa kuti kuwana kwavose, kusingadzorwi zvinodhakisa kungagona kumuedza kunyanyisa ndokuparadza nhambo yacho nokuda kwavose. Mutariri uye baba muGermany akatsinhira kuti mhuri yake inobetserwa nesonganiro inofadza panhandaro navatendi biyavo. Iye akawedzera, kunyanguvezvo, kuti bviro yezvinetso yakanga iri huru zvikuru zvamazvirokwazvo apo doro raiwanika nyore nyore.

15. Nhungamiro yakafanira yeboka renhandaro inogona sei kuitwa?

15 Muchato womuKana waiva no“mutungamiriri wamadyo.” (Johane 2:8, NW) Uku hakusi kutaura kuti mhuri ine boka kumba kwavo nokuda kwezvokudya kana kuti nhambo yesonganiro yaizofanira kugadza mutungamiriri. Murume aizova nomutoro wokutarisirwa kwechinoitika chacho. Asi kana boka riri mhuri mbiri chete kana kuti rakati kurei, kunofanira kuva kwakajeka kuti mumwe munhu ave nomutoro wechinoitika. Vabereki vazhinji vanonzvera ikoku apo mwanakomana wavo kana kuti mwanasikana anokokwa kukutandara. Ivo vanoonana nomugamuchiri kuti vabvunze achatarisira nhambo yacho yose, kubatanidza kuvapo kusvikira kumugumo wayo. Vabereki vechiKristu vakatogadziridza rudungwe rwavo vamene kuti vavepo kuitira kuti vose vari vaviri vakuru navaduku vagogona kufarikanya ruwadzano.

16. Ndedzipi dziri rangariro dzakafanira pamusoro poukuru hwamapoka?

16 Bazu reCanada reWatch Tower Society rinonyora, kuti: “Zano rine chokuita nokuganhurira ukuru hweboka rokutandara rakanzwisiswa navakuru vashomanene kureva kuti mapoka makuru pasvitsa dzomuchato anoputsa zano racho. Ivo vakagumisa kuti kana tikapiwa zano rokuchengeta boka redu rokutandara riri pamwero muduku, unodzoreka, kungava kusina kururama kuva navanhu 200 kana kuti 300 pasvitsa yomuchato.”a Panzvimbo pokunyanyosimbisa ukuru hwakavakirwa pamurangariro womunhu oga, ngwariro huru inofanira kupiwa kutarisiro yakafanira, zvisinei hazvo nokuti vangani vachavapo. Huwandu hwewaini iyo Jesu akagovera hunoratidzira kuti boka rakati kurei rakapinda muchato muKana, asi sezviri pachena rakatarisirwa nenzira yakakodzera. Mamwe madyo shure panguva iyeyo akanga asina; ukuru hwawo hungave hwaiva chinhu chakatungamirira kuutarisiri husina kukwana. Kana boka riri guru, panovawo nedenho huru zvikuru, nemhaka yokuti kuri nyore zvikuru kuti vakaneta zvikuru, avo vanodisa kunyanyisa, vazvisimbise vamene. Pamapoka asingatarisirwi ivo vangatsigira mibato inopanikirika.—1 VaKorinte 10:6-8.

17. Dzikamo yechiKristu ingaratidzwa sei apo boka rinenge richirongwa?

17 Kutarisirwa kwakaisvonaka kweboka rokutandara kunobatanidza kurongwa kwaro negadziriro. Ikoku hakusati kuchida kuronga musoro unoorora kukuita kwakatsaukana kana kuti kunoyeukwa asi uko kwaizotevedzera mapati enyika, zvakadai sokutamba kukuru vakapfeka kositumu kana kuti mapati umo vanhu vanotamba vakapfeka mamasiki. Unogona here kufungidzira vaIsraeri vakatendeka muNyika Yakapikirwa vachironga pati umo vose vaifanira kupfeka savahedheni muEgipita kana kuti imwe nyika? Vaizoronga here kutamba kwoutere kana kuti nziyo dzoupengo dzingava dzakakurumbira pakati pavahedheni? Shure paGomo reSinai, ivo vakapinzwa mumusungo munziyo nokutamba zvakadai sezvingave zvakanga zvakapararira panguva iyeyo nokukurumbira muEgipita. Tinoziva kuti Mwari nomubatiri wake akakura mumudzimu Mosesi vakarangarira sei nhandaro iyoyo. (Eksodho 32:5, 6, 17-19) Nokudaro, mugamuchiri kana kuti mutarisiri wechinoitika chokutandara anofanira kurangarira kana pachizova nokuimba kupi nokupi kana kuti kutamba; uye kana zvakadaro, anofanira kuva nechokwadi chokuti kunotsinhirana nenheyo dzechiKristu.—2 VaKorinte 6:3.

18, 19. Inzwisisoi yatingawana mukukokwa kwaJesu kumuchato, uye tingashandisa sei iyoyi?

18 Pakupedzisira, tinoyeuka kuti ‘Jesu navadzidzi vake vakakokwa kumadyo eroorano.’ (Johane 2:2) Sezvinobvumwa, muKristu mumwe kana kuti mhuri vangashanyira zvavo vamwe nokuda kwenguva inofadza, inovaka. Asi nokuda kwezvinoitika zvokutandara zvakarongwa, ruzivo rwokuzviwanira runoratidza kuti kuziva pachine nguva mberi vachavako kunobetsera kudzivisa zvinetso. Ukoshi hwaikoku hwakasimbiswa nomumwe mukuru muTennessee, U.S.A., uyo akarera vanakomana navanasikana avo vari muushumiri hwenguva yakazara. Iye kana kuti mudzimai wake asati agamuchira kokero, kana kuti kupa vana vake mvumo yokupinda, iye aionana nomugamuchiri kuti ave nechokwadi chokuti vapindi vakadeya kusarudzwa. Mhuri yake yaidzivirirwa pamisungo yakawira vamwe pakuungana kwakazarukira vose, kungava nokuda kwezvokudya, pikiniki, kana kuti kutamba, zvakadai sokutamba nhabvu.

19 Jesu akadzivisa kukoka kuungana hama dzokunyama chete, shamwari dzekare, kana kuti vezera rakafanana kana kuti mugariro wezvemari. (Ruka 14:12-14; enzanisa naJobho 31:16-19; Mabasa 20:7-9.) Kana iwe ukasarudza nenzira yokungwarira wokukoka, kuri nyore zvikuru kubatanidza maKristu ane mhatsa yamazera akasiana-siana nemigariro. (VaRoma 12:13; VaHebheru 13:2) Vashomanene vavo vangava vakaneta mumudzimu kana kuti vatsva avo vanogona kubetserwa nesonganiro namaKristu akakura mumudzimu.—Zvirevo 27:17.

Nhandaro Munzvimbo Yayo

20, 21. Neiko nhandaro nenzira yakakodzera ingava nenzvimbo muupenyu hwedu?

20 Kwakakodzera kuti isu savanhu vanotya Mwari tifarire nhandaro yedu nokuitira hanya kuti yakadaro yakafanira uye kuti takadzikama muchitsama chenguva chatinoshandisa nokuda kwayo. (VaEfeso 2:1-4; 5:15-20) Munyori akafuridzirwa waMuparidzi akanzwa nenzira iyoyo: “Ndakarumbidza mufaro, nokuti munhu haane chinhu chinopfuura ichi, kuti adye, anwe, afare; kuti izvozvo zvigare naye pakubata kwake mazuva ose oupenyu hwake, hwaakapiwa naMwari pasi pezuva.” (Muparidzi 8:15) Mifarwa yakadzikama yakadaro inogona kuzorodza muviri ndokubetsera kubvisa zvinetso nekangaidziko izvo zviri zvavose mutsika yazvino.

21 Kuenzanisira, mumwe piona weAustria akanyorera shamwari yekare, kuti: “Takava nokufamba kwakaisvonaka zvikuru rimwe zuva. Vanenge 50 vedu takaenda kunyanza duku pedyo neFerlach. Hama B—— vakatungamirira kufamba kwacho muvhani yavo, vachitakura magiriru matatu okubikisa, zvigaro zvinopetwa, matafura, uye kunyange tafura yetable-tennis. Takakufarikanya zvikuru kwazvo. Imwe hanzvadzi yaiva nengorositina, naizvozvo kwaiva nenziyo dzoUmambo dzakawanda. Hama, vaduku nevakura, dzakafarikanya ushamwaridzani.” Iye aiva neyeuko dzakanaka dzevaraidzo yakasanotarisirwa iyo yakachengetwa isina misungo yakadai sokunyanyonwisa kana kuti kusazvibata.—Jakobho 3:17, 18.

22. Tichifarikanya nhandaro, inyeveroi iyo mumwe nomumwe wedu anofanira kutanhamarisa mukufunga kwedu?

22 Pauro akatikurudzira kungwarira kusatera kuzvishuvo zvenyama isina kukwana, kwete kunyange kuita rongedzero dzinotiratidzira kumiedzo. (VaRoma 13:11-14) Ikoko kunobatanidza rongedzero dzenhandaro. Apo tinoshandisa zano rake kuzvakadaro, tichakwanisa kudzivisa migariro yakatungamirira vamwe kuruparadziko rwomudzimu. (Ruka 21:34-36; 1 Timotio 1:19) Panzvimbo pezvo; tichasarudza nokuchenjera varaidzo yakanaka iyo ichatibetsera kuchengeta ukama hwedu naMwari. Nokudaro tichabetserwa nenhandaro iyo inogona kurangarirwa kuva chimwe chezvipo zvakanaka zvaMwari.—Muparidzi 5:18.

[Mashoko Omuzasi]

a Nharireyomurindi yaOctober 15, 1984, yaiva nezano rakadzikama pamusoro pemichato namadyo omuchato. Chikomba chinokarirwa nomwenga wacho, pamwe chete navamwe vachavabetsera, vanogona kuhwirudzura nenzira inobetsera aya mashoko pamberi pokuita rongedzero dzavo dzomuchato.

Chii Chatadzidza?

◻ Murangariroi wakadzikama watinowana muBhaibheri pamusoro pokufarikanya nhandaro?

◻ Neiko rangariro ichifanira kupiwa kunguva norudzi zvenhandaro?

◻ Ndezvipi zviri zvimwe zvinhu izvo mugamuchiri wechiKristu anogona kuita kudzivisa misungo?

◻ Kana yakafanira uye yakadzikama, nhandaro inogona kuitei nokuda kwamaKristu?

[Mufananidzo uri papeji 18]

Mugamuchiri kana kuti mutungamiriri paboka ane mutoro wokuona kuti vaenzi havapinzwi mumusungo

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe