Tinoda Ungano
1 Vanakomana vaKora vakambotaura kuonga kwavo ungano yaJehovha muiyi nzira: “Nokuti zuva rimwe pavazhe dzenyu rinokunda mamwe ane churu pakunaka.” (Pis. 84:10) Kwavari, nyika yakanga isina chokuvapa mukuenzanisa. Kana uchigoverana mirangariro iyoyo, unofanira kuita ungano nzvimbo huru muupenyu hwako.
2 Kubva pakuvamba kwayo, ungano yechiKristu yakaratidzira kuti ine chikomborero chaJehovha. (Mabasa 16:4, 5) Hapana nomumwe wedu anofanira kurerutsa ungano kana kuti kunzwa kuti iyo inongova zvayo mutoo wokutiunganidza nawo pamwe chete mumuviri. Ungano ndiyo nzvimbo yokukurudzirwa yeZvapupu zvaJehovha munzanga iri yose. Iyo inogovera songaniro yakabatana kuitira kuti tigogona kudzidziswa naJehovha uye kurongwa nokuda kwomubato woUmambo.—Isa. 2:2.
3 Ungano yechiKristu ndiwo mukoto mukuru wokutidzidzisa zvokwadi. (1 Tim. 3:15) Vateveri vaJesu vanofanira “[kuva] vamwe”—vane rugare naMwari, naKristu, uye nomumwe nomumwe. (Joh. 17:20, 21; enzanisa naIsaya 54:13.) Pasinei hapo nokwatingaenda munyika, hama dzedu dzinodavira dzidziso dzeBhaibheri nenheyo, uye dzinozvibata dzimene mutsinhirano nazvo.
4 Tinorovedzwa uye tinoshongedzerwa kuita mugove wedu wokuita vadzidzi. Mwedzi mumwe nomumwe, Nharireyomurindi, Mukai!, uye Ushumiri Hwedu hwoUmambo zvinogovera mashoko anobetsera kutibatsira mukutanga kurukurirano dzapaMagwaro. Misangano yakagadzirirwa kutiratidza nzira yokuwana uye kukudziridza nayo fariro. Wedzero yatinoona munyika yose inobvumikisa kuti tine tsigiro yokudenga muiri basa.—Mat. 28:18-20.
5 Kupfurikidza neungano, tinogamuchira kurudziro yezuva nezuva ‘ichitinyandurira kurudo namabasa akaisvonaka.’ (VaH. 10:24, 25) Tinosimbiswa kutsungirira miedzo nenzira yokutendeka. Vatariri vane rudo vanotibetsera kugonana nedzvinyiriro uye funganyo. (Mup. 4:9-12) Tinopiwa zano rinodikanwa apo tinenge tiri mungozi yokutsauka. Nderipi rimwe sangano rinogovera tarisiro yorudo yakadaro?—1 VaT. 5:14.
6 Kuda kwaJehovha kuti tirambire pedyo nesangano rake kuti tichengete chinzwano chedu. (Joh. 10:16) Imwe nzira iyo ungano inotibetsera nayo kuchengeta onano nomuranda akatendeka uye akangwara iri kupfurikidza nokutumira vatariri vanofambira nokuda kwekurudziro yedu. Kugamuchira kwedu nhungamiro yorudo kunotikwevera pamwe chete mukuva pedyo uko kunobetsera kutichengeta takasimba mumudzimu.
7 Ungano inokosha kukurarama kwedu kwomudzimu. Kwaizova kusingabviri kubatira Jehovha nenzira inogamuchirika tisinayo. Ngatirambirei, ipapoka, tiri pedyo neicho Jehovha akagovera. Ngatishandei mutsinhirano nezvinangwa zvayo uye kushandisa nenzira yapachokwadi zano ratinogamuchira imomo. Neiyi nzira bedzi tinogona kuratidza kuti ungano inoreva zvakawanda sei kwatiri.—Pis. 27:4.