Rwiyo 159
Kuva Kwedu Norugare
1. Rugare harubviri
PavaSatani,
Vanofunga saiye,
Navanodada.
Rugare rwokudenga,
Kuna Jehovha,
Rwopiwa vane rudo
Vanoda Mwari.
2. Rumbidzai Jehovha,
Mururamisi.
Achagumisa hondo,
Opa kunzwana.
Kristu ndewe rugare,
Oda vanyoro.
Ozivisa rugare,
Hondo yopera.
3. Kutuka nokutyawo,
Takakusiya.
Mapfumo neminondo
Ava mapadza.
Uve norugare’rwu,
Kanganwirawo.
Sa“makwai”aJesu,
Shanda Upone.
4. Sevara rokunaka,
Ita rugare,
Zvino ratidza njere,
Dzatokumbira.
Torumbidza nzira’yi
Tova m’rugare,
Kusvikira chiedza
Chapa mufaro.