Shanyo Dzedzokerero Dzine Chinangwa
1 Pakuita shanyo yedzokerero, unofanira kuvavarira kushandisa rugwaro rwuchawedzera zivo yomunhu wacho yenhau yeBhaibheri yamakakurukura nguva yakapfuura.
2 Chimwe chezvinangwa mukuita shanyo dzedzokerero kwakagoverwa magazini ndechokutanga kwakamirirwa magazini. Mharidzo yakapfava seiyi ingava inobudirira:
◼ “Ndinovimba makafarikanya nyaya yeNharireyomurindi yandakakusiyirai iyo yaitsanangura nei tichifanira kutya Mwari. Nhasi ndaunza nyaya iri mumagazini yeMukai! iyo inobvunza kuti, ‘Neiko Upenyu Huri Hupfupi Zvikuru?’ Iwoyo mubvunzo wakanaka, hauna here?” Ungagona kupfuurira kupfurikidza nokuti: “Mashoko aJesu anozivikanwa kwazvo ari pana Johane 3:16 anopa chipikirwa choupenyu husingaperi. Ndapota gamuchirai iyi magazini uye kurudzirwai netariro chaiyo inogoverwa muShoko raMwari.” Ipapo tsanangura kuti uchadzoka kuzounza zvinyorwa zvinotevera uye zvichida kukurukurazve icho Mwari akapikira nokuda kworudzi rwomunhu rwunoteerera. Yeuka kuti nguva imwe neimwe yaunoendesa magazini, unogona kushuma shanyo yedzokerero.
3 Kana wakagovera nyaya inoti “Nyika Isina Hondo—Rini?” ungati:
◼ “Upenyu pasi pano hwaizova hwakaita sei kudai kwakanga kuchisinazve hondo? [Bvumira mhinduro.] Regai ndikuratidzei icho Mwari akapikira kuita.” Rava Pisarema 37:10, 11, uye rondedzera kuti zvinhu zvichava zvakaita sei apo kuda kwaMwari kunoitwa pasi pano. Yeuchidza munhu wacho nezveizvo Jesu akadzidzisa vadzidzi vake kunyengeterera sezvakanyorwa pana Mateo 6:9, 10. Mubetsere kurangarira revo yamashoko aJesu. Kana pane fariro yechokwadi, ungakarakadza fundo yeBhaibheri ndokuita gadziriro dzokudzoka nokuda kweimwe kurukurirano.
4 Kana wadzoka nokuda kweimwe kurukurirano panyaya inoti “Neiko Upenyu Huri Hupfupi Zvikuru?” ungavamba neiyi nzira:
◼ “Nguva yandakapedzisira kushanya, takataura pamusoro penduramo yomunhu. Sezvamakacherekedza pasina panikiro munyaya dzeMukai!, vasayendisiti vanopa tariro shomanene yokutibetsera kurarama anopfuura makore 70 kana kuti 80. Asi munofungei nezveizvo Bhaibheri rinopikira? [Bvumira mhinduro.] Bhaibheri rinoratidza kuti Mwari anorangarira chimwe chinhu chiri nani zvikuru nokuda kwomunhu.” Ipapo rava Johane 17:3, uye tsanangura kuti kupinza zivo kunogona sei kutungamirira kuupenyu husingaperi. Panguva ino ungakwanisa kukarakadza fundo yeBhaibheri yapamusha kana kuti kuronga nokuda kweimwe kurukurirano yeBhaibheri.
5 Kutanga fundo yeBhaibheri chinangwa chinokosha muushumiri hwedu. Zvichida wakaita shanyo dzinoverengeka pamunhu akagamuchira magazini. Kuregerereiko kuedza uku kusvika nguva inotevera yaunoshanya?:
◼ “Vanhu vane mifungo yakawanda kwazvo yakasiyana-siyana pamusoro porudzidziso nokukosha kwarwo mukurarama kwazvino uno. Pane rudaviro rwunorwisana pamusoro pechikonzero nei Mwari akabvumidza uipi kana kuti chikonzero nei tichikwegura ndokufa. Vamwe vanhu vangada kuziva nzira yokunyengetera nayo ndokunzwiwa naMwari.” Vhura chimwe chezvinyorwa zvedu zvefundo yeBhaibheri panhau yaunofunga kuti ichafadza saimba, uye enzanisira nokupfupikisa maitisirwe efundo.
6 Jehovha ndiMwari wechinangwa. Ngatimutevedzerei mukati maOctober kupfurikidza nokuita shanyo dzedzokerero dzine chinangwa.