Rwiyo 46
Magwaro—Akafuridzirwa Uye Anobetsera
1. Shoko raShe chiedza,
Rinotitungamira.
Mwenje wesununguko;
‘Rinotisunungura.’
2. Kubva mumagwaro’wa,
Takaziviswa Mwari.
Kuatenda injere,
Tinowana upenyu.
3. Shoko rakafemerwa,
Iro rinodzidzisa.
Rinoruramisira,
Murovedzwo yaMwari.
4. Iro rinobetsera,
Nokutipa tsiuro;
Kuti munhu waMwari
Akwaniriswe kwazvo.