Goverana Navamwe Maererano Nezvinodikanwa Zvavo
1 Jehovha anoita gadziriro yokugutsa zvinodikanwa zvedu zvomudzimu kupfurikidza no“muranda” akatendeka. (Mat. 24:45-47) Zhinji dzeidzi gadziriro dziri muchimiro chemabhuku, maBhaibheri, mabhaundi vhoriyamu, mavhidhiyo, makaseti okuteerera akarekodwa, uye madhisiki ekombiyuta nokuda kwekunzvera Bhaibheri. Icho Jehovha anogovera chakakwana nguva dzose pasina kupambadza. Iye anotikarira kugoverana nomumwe nomumwe, kuva nechokwadi chokuti tose tinobetserwa zvakaenzana.
2 Gadziriro dzose dzakadaro dzinobudiswa pandyiko huru yemari. Idzi ndyiko dzinotarisirwa neuhama hwemunyika yose. Ikoku ndekwechokwadi zvikuru sezvo mabhuku edu achiwanikwa nokuda kwemipiro miduku bedzi. Mukuwedzera, mapazu mazhinji anowana idzi gadziriro kubva kuSosaiti pamutengo wakaderera unogonesa hama kuva nezvadzinoda nokuda kwemisangano nemubato womumunda kunyange zvazvo dziine pfuma yezvokunyama yakaganhurirwa zvikuru.
3 Nzira Yatinogona Kubetsera Nayo: Tinogona kugamuchira zano raPauro rokugoverana navamwe “pakushayiwa kwavo.” (VaR. 12:13) Apo tinoita mipiro yemari kubasa remunyika yose, tiri kugoverana nenzira yakananga zvatinazvo nehama dzedu kupota nyika. Vachirangarira ikoku, vamwe vakafunga kutsaura chitsama chokupa kubasa renyika yose mwedzi mumwe nomumwe, sezvavanongoita nokuda kwendyiko dzeHoro yoUmambo. Vanoziva kuti idzi mari dzinoshandiswa kwete bedzi nokuda kwekubudiswa kwamabhuku asi nokuda kwemativi osewo ebasa. Fungidzira betsero huru iyo uhama hwedu hwenyika yose hwaizowana kana vazhinji vakagoverana nenzira iyoyi nguva dzose.
4 Uyezve, tinogona kugoverana navo kupfurikidza nokuva vanongwarira nguva dzose pakuodha zvinhu zvinowanika nyore nyore kwatiri. Kuodha bedzi zvatirikuda chaizvoizvo kunobvumira hama dzedu kune imwe nzvimbo kugamuchira gadziriro dzomudzimu dzadzinodawo kuti dzirambe dzakasimba nokufambisira mberi basa rokuparidza mashoko akanaka murutivi rwavo rwenyika.—VaH. 13:16.
5 Tinofanira kurangarira ikoku zvikurukuru pakuodha zvinhu chaizvo zvinokumbirwa zvinogadzirwa nendyiko huru kuSosaiti. Izvozvi zvinobatanidza maVhidhiyo, maCD-ROM, mabhuku makuru enongedzero, mabhaundi vhoriyamu, uye kuzvinyoresa kwamakaseti okuteerera. Panzvimbo pokuodha izvi zvinhu nokuzvirega zviri mukamuri ramabhuku, tinofanira kuzvibhadhara nokukurumidza ndokuzvitora pakarepo. Ungano dzakawanda dzine zvikwereti nemhaka yevaparidzi vakakumbira ungano kuvaodhera zvinhu chaizvo zvinokumbirwa asi ipapo vakakundikana kubhadhara izvozvi apo zvakasvika. Ungano yose ipapo inotambura nemhaka yeava vaparadzi vashomanene, sezvo ungano isichagoni kuodha mabhuku nechikwereti.—VaF. 2:4.
6 Ndyiko yokuita mabhuku inobhadharwa nemipiro inokumbirwa vanasaimba pakugovera mabhuku. Zvisinei, iyi haifukidzi zvizere ndyiko dzokuita. Sosaiti inotsamira pamipiro yenyu imi hama kufukidza idzi ndyiko. Padzimwe nguva, tinogamuchira mipiro inobva kuvanofarira, asi hatigoni kukarira vari kunze kutarisira zvinodikanwa zvedu. Vabatiri vakazvitsaurira vaJehovha manyuko makuru ouku kutsigirwa nemari. Kuti awane pfungwa yokuti kunoda mari yakawanda sei kubudisa mabhuku edu, munhu anongofanira bedzi kuenzanisa zvinhu zvedu neizvo zvinotengeswa mune zvokutengeserana. Somuenzaniso, Bhaibheri redeluxe, rine mativi akapendwa nendarama rinogona kuita nyore nyore $212 kana kuti kupfuura, bhuku renongedzero ringaita $400 uye kukwira, karenda rinoturikwa pamadziro rine makara akazara rakakwana ringatengeswa neinenge $50, inisayikiropedhiya paCD-ROM inotengeswa kuvambira pa$6 600 kusvikira ku$8 100 kana kuti kupfuura, macompact disc enziyo anowanzoita pedyo ne$224, uye mamwe amavhidhiyo anowanzotengeswa nemari yakawanda pamusoro. Kukundikana kupa mipiro zvakakwana kufukidza ndyiko kuchaganhurira pakupedzisira neimwe nzira izvo sangano zvichida ringakwanisa kuita mukufambisira basa renyika yose.
7 Jesu akazivisa kuti vadzidzi vake vechokwadi vaizozivikanwa nenzira yakajeka nerudo rwavo nokudana kwavo. (Joh. 13:34, 35) Rupo rwedu mukupa mune zvokunyama nokusava kwedu noudyire mukugoverana navamwe maererano nezvinodikanwa zvavo zvirokwazvo inzira dzakanaka dzokuzvibvumikisa timene kuva vaKristu vapachokwadi.