Rwiyo 134
“Itai Savarume”
1. Pirato woti nezvaShe “M’rume!”
Zvirokwazvo Jesu muenzaniso!
Akakunda noushingi kwazvo
Nyika yakaipa’yi yaSatani.
2. Jesu wakagadza m’enzaniso.
Ngative zvaakanga akaita.
Zvatonangana neArmagedho,
Ngatishinge; tiite savarume.
3. Ushingi hunokosha zvikuru
Kuvanhu vaMwari vezera rose.
Zvam’gumo unoswederapedyo,
Ngatishinge mubasa roUmambo.
4. Varume navakadzi varanda,
Vano’na Jesu saMambo wotonga.
Tisingatyi tive vakasimba.
Rwiyo rwokukundawo rwuchaimbwa.