Rwiyo 93
Nzvimbo Yakanaka yaJehovha Yokunamatira
1. Tembere yakanakisa,
Ine nhandare dzavanhu!
Mweya wangu unozvida,
Kuti ndi goimbira’mo,
Kuti ndigoimbira’mo.
2. Mwari patinokumbira
Tinoda kusimbaradzwa,
Muchitidyisa zvokwadi,
Tishande sapahuduku,
Tishande sapahuduku.
3. Zuva munhandare yenyu
Rinopfu’ra zvuru kumwe.
Toda kuva pamba penyu
Panokuva navatadzi,
Panokuva navatadzi.
4. Mwari izuva nenhovo
Kuavo vaka rurama.
Chakanaka haanyimi
Kuvakarurama vake,
Kuvakarurama vake.