Rwiyo 223
Vakavimbika Venyu Vachakurumbidzai
1. Vakavimbika vom’kudza,
Mwari Mambo wedu.
Vozivisa basa renyu
Nokumuimbira.
Muri kumusoro,
M’nofanira kukudzwa,
Haimbonzvereki,
Mifungo nenzira dzenyu.
Vakavimbika vofara;
Zvikurusa kwazvo.
Vanoda kuudza vanhu
Zvinhu vanoziva.
2. She wakasarudza zera
Rinomurumbidza.
Zera’ro ravapo zvino,
Rofamba muna’She.
Boka romuranda,
Rinodyisa “makwai”
Kuti agopona,
Jesu wovatungamira.
Vanokudza basa renyu,
Vachikududzai.
Vanotaura nom’faro
Nezvezita renyu.
3. Ja wakanaka kuvose;
Hatipanikiri.
She achaponesa vanhu
—To’nga kunaka’ku.
Iye haatsamwi;
Vanhu vake voziva.
Ngationge kwazvo
Kuda kwake kuva nesu!
Tinosimudzwa tikawa
Achigutsa mweya.
Tom’rumbidza zuva rose;
Tomukudza kwazvo.