Rwiyo 137
Nguva Yakagadzwa Inoswedera Pedyo
1. She Jehovha, Mutsvene,
Dombo rekaresa,
Muchadzvova m’Zioni;
Kuti muzotonga.
Kana kukanonoka,
Asi kuchasvika.
Onai m’gumo wosvika;
Ndizvo tomirira.
2. Hakuzi kure m’sati
Mavhomora m’nondo.
Tino’na kudzorerwa
Kwenamato ye’di.
Vakaipa voganza
Vachida kuchinya,
Asi nguva yatosvika
Yokuti mutonge.
3. Changamire Jehovha,
Ndiro zita renyu.
Vanhu ngavanyarare
Vadzidze nezvenyu.
Munotonga saMambo
Nesimba gurusa.
Hungu, m’gere pachigaro,
Muchitonga pasi.
4. Toimba nomufaro;
Kuna Mwari wedu.
She Kristu anounza
Ruponeso zvino.
Imi muri kum’soro,
Nguva’yi ndeyenyu.
Tinoimirira kwazvo
Rukundo rukuru.