RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w93 5/1 pp. 3-4
  • Tinoda Bhaibheri Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Tinoda Bhaibheri Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Vatsoropodzi Navapanikiri
  • Kudikanwa Kwenhungamiro
  • Chisarudzo Bedzi
  • Ndokupi Kwaunogona Kuwana Nhungamiro Yakavimbika?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Nyaya Dziri Mumagazini Ino: Bhaibheri Rinogona Kukubatsira Here?
    Mukai!—2019
  • Bhaibheri—Nhungamiro Inoshanda nokuda Kwomunhu Wazvino Uno
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Bhaibheri Newe
    Bhaibheri—iShoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu?
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
w93 5/1 pp. 3-4

Tinoda Bhaibheri Here?

OXANA, mumwe mukadzi muduku weRussia, akafadzwa apo akacherechedza Bhaibheri rakagoverwa nomutengesi wamabhuku murutivi momugwagwa muMoscow. Shamwari yake, John, uyo akabva kuimwe nyika umo maBhaibheri aiwanika norusununguko, akaororwa nembavarira yaOxana. “Ini—asingatendi kuvapo kwaMwari—ndaida kumutengera iro,” anobvuma kudaro. Kunyange zvazvo Oxana pakuvamba akaramba, pakupedzisira akagamuchira chipo chaJohn.

Vazhinji, kufanana naOxana, vane chishuvo chikuru chokuva neBhaibheri. Ikoku ndokwechokwadi zvikuru munyika umo iro rakadzvinyirirwa kwamakore akawanda. Vabudisi vamagazini ino, somuenzaniso, vanoshanda zvakaoma kuti vavambirane nokudiwa kwamaBhaibheri mudzaichimbova nyika dzinozvitonga dzeSoviet, pamwe chete nomumamwe mativi enyika. Kwenguva yokutanga, vanhu vazhinji vari muidzi nharaunda vane banza rokuita kunzverwa kwakafanira kweBhaibheri—uye chiverengero chikuru chinokwezviwa neshoko raro rine simba.

Vatsoropodzi Navapanikiri

Kuno rumwe rutivi, zvikurukuru muEurope yokuchamhembe, Bhaibheri rakaderedzerwa kukuungana guruva riri pasherufu yamabhuku. “Nhau yakafa!” vamwe vanodaro, vachiwedzera kuti, “Rakanyorerwa rimwe zera. Harina chokuita nomunhu wazvino uno.” Kunyange vafundisi vakatanhamara vakataura pachena zvinozvidza Bhaibheri. Bhishopi mukuru weAnglican Desmond Tutu anoshumwa muThe Star, rimwe pepanhau reSouth Africa, saakati: “Kune mativi eBhaibheri asina faniro yechigarire.” Kutaura kwakadai saikoku kwakaparira vazhinji kushamisika kuti vanofanira kurangarira zvakakomba sei Bhaibheri.

Kudikanwa Kwenhungamiro

Vatsoropodzi navatendi zvakafanana vanofanira kubvuma kuti, kupfuura nakare kose, nyika inoda mishonga inoshanda. “Kutoti munhu akadzidza nokukurumidza kudzora mwero wechinjo muzvinhu zvake zvomunhu oga pamwe chete nomuchaunga chose,” akanyora kudaro Alvin Toffler mubhuku rake Future Shock, “takashurikidzirwa kuruparadziko . . . rukuru.” Nyevero iyoyo yakapiwa anopfuura makore 20 apfuura. Ruparadziko Toffler akataura pamusoro parwo rwunoratidzika kuva rwuri kuitika iko zvino.

Sezvo zana rino ramakore rinoswedera pedyo nomugumo, zvinoitika zvokugadzira zvinhu nouzivi hwavanhu zvakundikana kuparira kuterama kwenyika. Kariro dzazvino uno dzenhevedzo yenyika itsva dzakatsiviwa nokuora mwoyo, uye upenyu hwavazhinji hwakaderedzerwa kuparapatiko yezuva nezuva nokuda kwokupukunyuka.

Zviverengero zvinoratidza kuti musiano wezvemari uri pakati pavapfumi navarombo wazova mukaha mukuru. Fundo yemisi ichangobva kupfuura iyi inoratidza kuti 82,7 muzana yepfuma yenyika iri mumaoko e 20 muzana bedzi yechiverengero chayo chavagari vemo. Kunomboshamisa here kuti hondo, nzara, hosha, zvimurenga, uye nyongano zvakapararira munyika dzakawanda? Dzvinyiriro yokugonana norudzi rwunoderera rwoupenyu iri kuparira chinetso chikuru pamirangariro yavanhu. Somuuyo, kunyange boka guru zvikurusa renzanga, mhuri, riri kutambura ushati.

Kunyange zvazvo vazhinji, kufanana naToffler, vachikarakadza kuti mutoro womunhu ku“nzvera nzira itsva chose chose dzokuzvisimbisa amene nadzo,” ufakazi hunobvumikisa kuti vanhu havagoni kugovera mishonga yavo vamene.

Chisarudzo Bedzi

Bhaibheri Dzvene, kunyorwa kwaro kwakatanga anenge makore 3 500 apfuura, harina kuchinja mumazana ose amakore apfuura. Nheyo dzaro dzinoramba dzisingachinji. Somuenzaniso, mashoko aJeremia 10:23 akaratidzwa kuva echokwadi nhasi kupfuura nakare kose: “Ndinoziva kuti nzira yomunhu haizi yake amene; munhu, unofamba, haagoni kururamisa nhano dzake.” Kana vanhu vasingakwanisi kutungamira nzira yavo, ndiani anogona? Bhaibheri rinonongedzera kuManyuko echokwadi bedzi enhungamiro: “Ndini Jehovha Mwari wako, unokudzidzisa zvinokubatsira, unokutungamirira panzira yaunofanira kufamba nayo.”—Isaya 48:17.

Kupfurikidza namapeji eBhaibheri, Jehovha Mwari anotidzidzisa kuti tizvibetsere timene. Iwo akazadzwa nezano rinoratidza nzira matinofanira kufamba. Zano raro rakakodzera nhasi sapazuva parakanyorwa. Nyaya inotevera ichanzvera kushanda kweBhaibheri nokuda kwezera redu razvino uno. Mumhatsa yezvinhu, kuvambira pautano kusvikira kupfuma, upenyu hwemhuri, uye mufambiro womunhu oga, uchakwanisa kuona kuti Bhaibheri zvamazvirokwazvo ibwe rakatsiga mumajecha asina kusimba enyika yanhasi.

[Mufananidzo uri papeji 4]

Bhaibheri chisimbiso chokutsiga munyika yanhasi yakanyongana 

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe