RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w95 8/1 pp. 25-29
  • Tuso Dzokupfuurira

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Tuso Dzokupfuurira
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mienzaniso Yokupfuurira
  • Jehovha Anopa ‘Mudzimu Mutsvene Vaya Vanomukumbira’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • Kumhanya Nhangemutange Netsungiriro
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Migumisiro Inofadza Inobva Pakushivirira Nokutsungirira
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
  • “Shivirirai”
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1999
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
w95 8/1 pp. 25-29

Tuso Dzokupfuurira

AKANGA ari mukadzi wechiGiriki aigara muFenikia mugore ra32 C.E. Mwanasikana wake akanga achirwara zvikuru, uye mukadzi wacho aitsvakisisa mushonga. Achinzwa nezvemuenzi aishanyira nharaunda yake—wokune imwe nyika aifungwa kuva ane masimba okuporesa vanorwara—akatsunga kunomuona ndokukumbira betsero yake.

Pakusangana naye, akapfugama, achiteterera, kuti: “Ndinzwirei ngoni, Ishe, Mwanakomana waDhavhidhi; mwanasikana wangu wakabatwa kwazvo nomweya wakaipa.” Nenzira iyoyo, mukadzi wechiGiriki akakumbira Jesu kuporesa mwanasikana wake.

Unogona kufungidzira here ushingi nokuzvininipisa kwaidikanwa kwaari kuti aite ikoku? Jesu aiva munhu ane chiremera pamwe chete nesimba uye mukurumbira, uye akanga amboita kuti zvizivikanwe kuti aisada kuti munhu upi noupi azive kwaaive ari. Akanga aendesa vaapostora vake kuFenikia kuti vawane kuzorora kwaidikanwa zvikuru, kwete kushanda pakati paVamarudzi vasingatendi. Kupfuurirazve, Jesu akanga ari muJudha uye iye waVamarudzi, uye pasina kupokana aiziva kusada kwavaJudha kusonganirana navanhu vaizvidzwa vamarudzi. Kunyange zvazvo zvakadaro, akanga akasimba muchisarudzo chake chokuwana mushonga nomwana wake.

Jesu navaapostora vake vakaedza kurambidza mukadzi wacho kutsvaka betsero panguva iyoyo. Pakutanga, Jesu aisagona kutaura shoko kwaari. Ipapo, nemhaka yezvichemo zvake zvakadzokororwa zvadzokororwazve, vaapostora nehasha vakaudza Jesu, kuti: “Mumuendesei, nokuti unodanidzira shure kwedu.”

Haasati aizorega kusvikira awana zvaaida. Panzvimbo pezvo, akazvizvambaradza amene patsoka dzaJesu, achiti: “Ishe, dondibatsirai henyu.”

Achionesa basa rake guru kuvanakomana vaIsraeri uye, panguva imwe cheteyo, achiedza kutenda kwake uye kutsunga, Jesu nenzira yetsitsi akatsanangura kwaari, kuti: “Hazvina kunaka kutora chingwa chavana [vaIsraeri], ndokuchikandira imbwanana [Vamarudzi].”

Panzvimbo pokugumburwa nenongedzero yakashata kudzinza rake, akapfuurira nokuzvininipisa mukutsvaka kwake kupfurikidza nokupindura, kuti: “Hongu, Ishe, kunyange nembwananawo dzinodya zvimedu zvinodonha patafura ravatenzi vadzo.”

Jesu akatusa kupfuurira kwomukadzi wechiGiriki kupfurikidza nokurumbidza kutenda kwake uye kuita zvakanaka pamikumbiro yake. Fungidzira mufaro wake apo akadzokera kumusha ndokuwana mwanasikana wake aporeswa chose chose!—Mateo 15:21-28; Marko 7:24-30.

Somukadzi iyeyo womuzana rokutanga ramakore, tinofanira kupfuurira munhamburiko dzedu dzokufadza Jehovha ndokuwana nyasha dzake. Somuchakaitika chomukadzi wechiGiriki, Bhaibheri rinotivimbisa kuti kupfuurira kwedu “pakuita zvakanaka” kuchatuswa zvakanaka.—VaGaratia 6:9.

Kupfuurira chii? Nemhaka yei kuchidikanwa? Zvinhui zvingatiparira kurasikirwa neiri vara, kurega kana kuti kutera? Itusoi dzatinogona kukarira kugamuchira kana zvino tikapfuurira kubatira Musiki wedu naBaba, Jehovha?

Rimwe duramashoko rinorondedzera chiito chokuti “pfuurira” se“kubatirira zvakasimba uye zvakatsiga kuchinangwa chakati, namamiriro ezvinhu, kana kuti basa, pasinei zvapo nemhinganidzo, nyevero, kana kuti zvinodzivisa. . . . kupfuurira kuvapo; kugara kwenguva refu.”

Bhaibheri rinokurudzira rakurudzirazve vabatiri vaJehovha kupfuurira mukuita kuda kwake. Somuenzaniso, tinoudzwa ku“tsvaka ushe,” ku“batisisa zvakanaka,” ku“ramba tichinyengetera,” uye kwete ku“neta” mukuita chakaisvonaka.—Mateo 6:33; 1 VaTesaronika 5:21; VaRoma 12:12; VaGaratia 6:9.

Muzvinhu zvezuva nezuva zvoupenyu, kupfuurira ivara iro tose tinofanira kuva naro ndokurikudza kuti tipukunyuke. Tisinaro hatigoni kuita chinhu chipi nechipi choukoshi hwechokwadi, hunogara kwenguva refu. Rangarira muenzaniso wemwana ari kuedza kumira nenhano dzake dzokutanga dzokudzedzereka. Mucheche anogona kudzidza kumira nokufamba-famba nyore nyore muzuva rimwe chete haawanzowaniki. Savana, tose zvedu zvimwe takaedza ndokukundikana kakawanda tisati tawana pakupedzisira mwero wakati webudiriro mukufamba. Chii chingadai chakaitika kudai pakupunzika kwokutanga, takanga tasarudza kurega kuedza? Tingadai tichiri kukambaira-kambaira namaoko edu namabvi! Kupfuurira kunokosha nokuda kwokusvika nharidzano dzakafanira uye kuwana wedzero dzinowirirana muunyanzvi nokuzviremekedza. Chimwe chirevo chakakurumbira chinoti, “Vakundi havatongoregi, uye varegi havatongokundi.”

Vave vari mapiyona kwenguva refu vanoziva kuti kubudirira hakuvimbiswi kupfurikidza nemano chaiwo kana kuti unyanzvi. Kunoda kupfuurira, kutsunga kuita kuda kwaJehovha zvizere, uye ushingi mukutarisana nezvinodzivisa zvechinguvana, kunyange kuora mwoyo. Nharidzano yokugoverana nokusingagumi muzvikomborero zvaMwari inofanira kuchengetwa yakajeka muchiono.

Hungu, isu tose tinotsvaka kuwana nyasha dzaJehovha uye tinotsvaka kukunda munhangemutange youpenyu tinofanira kupfuurira, kutsungarara, uye kutsungirira. Tisina mavara aya, sezvingabvira tingarasikirwa nenyasha dzaJehovha uye tuso youpenyu chaihwoihwo.—Pisarema 18:20; Mateo 24:13; 1 Timotio 6:18, 19.

Kazhinji kazhinji kunoomera zvikuru muKristu kupfuurira mumibato yake yomudzimu kupfuura mune mimwe misengwa yake. Murume angaramba achishanda zvakaoma kubasa rokunyika kuti atarisire zvinodikanwa zvokunyama zvemhuri yake, asi angava ‘akanyanyoneta’ zvokusagona kuitisa fundo yeBhaibheri yenguva dzose mudzimai wake navana. Zvinhui zvinoita kuti kupfuurira mumabasa echiKristu kuomere zvikuru vazhinji?

Chimwe chinhu kuodzwa mwoyo, uko kunobva mukukundikana kwedu timene kwomunhu oga noutera. Kana tichiwanzofunga nezvezvikanganiso zvedu, tingaora mwoyo ndokurega, tichirangarira kuti Jehovha haasati achizotongokwanisa kutikanganwira zvivi zvedu zvose.

Chimwe chinhu chimiro chenyika chounzenza, ushati, uye ruvengo. (1 Johane 2:15, 16) Imwe ye“tsika dzakanaka” idzo pesvedzero yenyika inogona kushatisa kana kuti kukuvadza kupfuurira kwechiKristu.—1 VaKorinte 15:33.

Kupfuurira kwedu mubasa rokuparidza kunogona kuneteswa nechishoro chavanhu kana kuti kusakatara kubasa redu rinoyera. Mukukangaidzwa, tingagumisa kuti vanhu vari mundima yedu havadi zvavo zvokwadi. Ikoku kunogona kutiparira kubvunza kuti, ‘Zvinobatsirei?’ uye kusiya ropafadzo yedu chaiyo yebasa rokushumira.

Tinogonawo kupesvedzerwa nemudzimu wenyika wekuzvigutsa. Nei tichifanira kurwisa uye ndokurega zvakawanda zvikuru nepo munhu ari wose zvake anoratidzika seari kuva nenguva yakanaka kana kuti vasiri kuzvishandisa nesimba?—Enzanisa naMateo 16:23, 24.

Kuti tipfuurire mukuita kuda kwaJehovha, tinofanira kupfeka unhu hwechiKristu nokurarama kupfurikidza nomudzimu, kwete nenyama. (VaRoma 8:4-8; VaKorose 3:10, 12, 14) Kuva nomurangariro waJehovha panhau yacho kuchatigonesa kupfuurira nemibato yedu yomudzimu inokosha.—1 VaKorinte 16:13.

Mienzaniso Yokupfuurira

Jehovha akatigovera mienzaniso yakawanda inonyandura yevabatiri vakaramba vakavimbika uye vakatendeka kwaari mumiedzo yakawanda yakakomba. Kupfurikidza nokuvarangarira, tinoona kuti tinogona sei kuvatanga uye kushandisa kupfuurira kwechiKristu uye chikonzero nei kuchikosha kwazvo.

Muenzaniso mukurusa ndiJesu, uyo akatambura zvakawanda kwazvo kuti arumbidze zita raJehovha. Bhaibheri rinotikurudzira kufunda nokungwarira mabasa ake okuzvipira kunopfuurira: “Naizvozvo, nesuwo, zvatakakomberedzwa negore rezvapupu rakakura rikadai, ngatibvisei zvose zvinoremedza, nezvivi zvinongotinamatira, ngatimhanye nokutsungirira nhangemutange yatakaisirwa, tichitarira kuna Jesu, muvambi nomukwanisi wokutenda kwedu, iye wakatsunga pamuchinjikwa nokuda kwomufaro wakaiswa pamberi pake, akashora kunyadziswa kwawo, akandogara kurudyi rwechigaro choushe chaMwari. Nokuti cherekedzai uyo wakatsunga pakukakavara kwakadai kwavatadzi, kuti imi murege kuneta nokupera simba pamweya yenyu.”—VaHebheru 12:1-3.

Nhangemutange youpenyu irefu, kwete kumhanyisa kupfupi. Ndicho chikonzero nei tichida kupfuurira kwakafanana nokwaKristu. Nharidzano yacho, tambo yokupedzisa, ingasaoneka kworutivi rukuru rwenhangemutange. Nharidzano yacho inofanira kuva yakajeka mundangariro dzedu kuita kuti tigone kusvasvavirira nepfungwa munzira yose, inorayira. Jesu akanga aine chiono chendangariro chakadaro pamberi pake, ndiko kuti, “mufaro wakaiswa pamberi pake.”

Chii chinobatanidzwa mumufaro uyu nokuda kwavaKristu nhasi? Kutanga, ituso youpenyu husingafi mudenga nokuda kwavashomanene uye upenyu husingaperi pasi pano nokuda kwavazhinji. Uyewo, kunzwa kwokugutsikana kunobva mukuziva kuti munhu akaunza mufaro kumwoyo waJehovha uye akaita rutivi mukutsveneswa kwezita raMwari.—Zvirevo 27:11; Johane 17:4.

Hunobatanidzwa mumufaro uyu ukama hwapedyo, hunofadza naJehovha. (Pisarema 40:8; Johane 4:34) Ukama hwakadaro hunosimbisa nokuchengeta upenyu, huchipa munhu simba rokumhanya nhangemutange nokutsungirira uye kwete kurega. Kupfuurirazve, Jehovha anokomborera ukama ihwohwo kupfurikidza nokudurura mudzimu wake mutsvene pavabatiri vake, kuchiguma newedzero yomufaro nomubato unofadza.—VaRoma 12:11; VaGaratia 5:22.

Kurangarira muenzaniso waJobho wokutenda kunopfuurira kunobatsira. Akanga asina kukwana uye akanga aine zivo yakaganhurirwa yamamiriro ake ezvinhu. Naizvozvo padzimwe nguva, akapinda mukuzviruramisa uye kuora mwoyo. Zvisinei, akaratidzira nguva dzose kutsunga kwakasimba kuchengeta kuperera kwake kuna Jehovha uye haana kutongoMuramba. (Jobho 1:20-22; 2:9, 10; 27:2-6) Jehovha akatusa Jobho nokuda kwokuzvipira kwake kunopfuurira, achimupa zvikomborero zvomudzimu nezvokunyama netariro youpenyu husingaperi. (Jobho 42:10-17; Jakobho 5:10, 11) SaJobho, tingatambura kukurasikirwa kukuru mukati moupenyu hwedu zvino, asi tinogonawo kuvimbiswa chikomborero chaJehovha pakutsungirira kwedu kwokutendeka.—VaHebheru 6:10-12.

Munguva dzazvino uno, Zvapupu zvaJehovha zvose hazvo zvakaratidzira kupfuurira kwechiKristu mukuita kuda kwaJehovha. Somuenzaniso, basa razvo rinopfuurira rapaimba neimba nekumwe kuparidza kwapachena zvakazviunzira neshoko razvo ngwariro yenyika yose. Zvinobudisa nhau zvakaita nongedzero dzakawanda kukushingaira kwazvo uye kutsunga kuparidza mashoko akanaka pasinei zvapo nechishoro nemiedzo. Chimwe chaizvozvi chakatoratidza kutaura kunoti, “Hakuna munhu anonzvenga Zvapupu zvaJehovha!”—Mateo 5:16.

Jehovha akakomborera nhamburiko dzokupfuurira dzeZvapupu zvake nezvibereko zvakawedzerwa muushumiri. Cherekedza chakaitika chezvimwe Zvapupu zvine unyanzvi muItaly shure muma1960 apo kwakanga kune Zvapupu zvinenge 10 000 zvaiparidza kurudzi rwevanhu vanopfuura 53 000 000. Mutaundi rimwe ravanhu 6 000, makanga musina Zvapupu. Hama dzaishanya dzakagamuchira kuita kwoutsinye kuushumiri hwadzo.

Nguva iri yose iyo hama dzacho dzaienda ikoko kundoparidza, vazhinji vavakadzi, uye kunyange varume, vetaundi racho vaiunganidza vakomana, vachivakurudzira kutevera Zvapupu uye vachivaridzira mheterwa nokuita ruzha rukuru. Pashure pemaminiti mashomanene aikoku, hama dzakamanikidzirwa kubva ndokuenda kune rimwe taundi. Mukuedza kupa hunenge uchapupu humwe hwakakwana kuvagari vose vetaundi irori, hama dzakasarudza kuparidza ikoko pamazuva anonaya zvikuru bedzi, dzichikarira kuti hadzaizonetswa navanhu vaduku. Dzakacherekedza kuti vanhu vetaundi racho vakanga vasingadi kuzvitotesa kuti vangokanganise chete vaparidzi vacho. Nenzira iyi uchapupu hwakanaka hwakapiwa. Vanhu vanofarira vakawanwa. Fundo itsva dzeBhaibheri dzakatangwa. Somugumisiro, yakanga isiri bedzi ungano inokura yakatangwa mutaundi iroro duku asi basa rokuparidza rakavamba kuitwa kunyange pamazuva aipisa. Jehovha akapfuurira kuropafadza kupfuurira kweZvapupu zvake munzvimbo iyoyo uye muItaly yose. Zvino kune Zvapupu zvaJehovha zvinopfuura 200 000 munyika iyoyo.

Tuso dzokupfuurira mukuita zvakarurama dzakakura. Kupfurikidza nesimba remudzimu waMwari, Zvapupu zvaJehovha zvakakwanisa kuita basa risingaenzaniswi munhau yomunhu, iro rokuparidza mashoko akanaka oUmambo, pamasuo uye nedzimwe nzira, kumamiriyoni avanhu. (Zekaria 4:6) Nomufaro zvakaona uporofita hweBhaibheri huchizadzikwa mukukura kunoshamisa nesimba resangano raJehovha rapasi. (Isaya 54:2; 60:22) Zvine hana yakanaka kuna Mwari, uye zvinofara mutariro youpenyu husingaperi. Kupfuura zvose, zvinofarikanya ukama hwapedyo noMusiki, Jehovha Mwari.—Pisarema 11:7.

[Mifananidzo iri papeji 25]

Jesu akatusa kupfuurira kwokuzvininipisa kwouyu mukadzi wechiGiriki

[Mufananidzo uri papeji 26]

Upenyu muParadhiso hunobatanidzwa mumufaro wakaiswa pamberi pavaKristu nhasi

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe