“Rumbidzai Jah, Imi Vanhu!”
“Zvinhu zvose zvinofema, ngazvirumbidze Jehovha.”—PISAREMA 150:6.
1, 2. (a) ChiKristu chechokwadi chakabudirira kusvikira kutambanukoi muzana rokutanga ramakore? (b) Vaapostora vakanga vafanonyeverei? (c) Kuramba kutenda kwakatanga sei?
JESU akaronga vadzidzi vake kuva ungano yechiKristu, iyo yakabudirira muzana rokutanga ramakore. Pasinei zvapo nechishoro chakakasharara chorudzidziso, “Evhangeri . . . yakaparidzirwa zvisikwa zvose pasi pokudenga.” (VaKorose 1:23) Asi pashure porufu rwavaapostora vaJesu Kristu, Satani akanyandura nenzira yamanomano kuramba kutenda.
2 Vaapostora vakanga vafanonyevera nezvaikoku. Somuenzaniso, Pauro akaudza vakuru veEfeso, kuti: “Zvichenjerei imi, neboka rose ramakaitirwa vatariri varo noMweya Mutsvene, kuti mufudze kereke yaMwari, yaakatenga neropa rake. Ini ndinoziva kuti kana ndaenda, mapere anoparadza achapinda pakati penyu, asingaregi boka. Uye, napakati penyu pamene pachamuka varume, vachataura zvinopesanisa, kuti vatsause vadzidzi vavatevere.” (Mabasa 20:28-30; onawo 2 Petro 2:1-3; 1 Johane 2:18, 19.) Nokudaro, muzana ramakore rechina, chiKristu chakaramba kutenda chakavamba kubatira pamwe neUmambo hweRoma. Mazana amakore gare gare Umambo hweRoma Hutsvene, nebatano napapa weRoma, hwakasvika pakutonga chikamu chikuru chorudzi rwomunhu. Pakupedzisira, Chinjo yePurotesitendi yakamukira kunyanyisa kweChechi yeKaturike, asi yakakundikana kudzorera chiKristu chechokwadi.
3. (a) Mashoko akanaka akaparidzwa rini uye sei kuchisiko chose? (b) Ikariroi dzakavakirwa paBhaibheri dzakazadzika muna 1914?
3 Kunyange zvakadaro, sezvo mugumo wezana ramakore rechi19 wakaswedera, boka repachokwadi revadzidzi veBhaibheri rakanga rakabatikana zvakare kuparidza nokupa ku‘chisiko chose chiri pasi pedenga tariro yemashoko akanaka.’ Pahwaro hwefundo yavo youporofita hweBhaibheri, iri boka rakanongedzera mberi kugore ra1914 kuchine anopfuura makore 30 risati rasvika serinoratidzira mugumo we“nguva dzakagadzwa dzamarudzi,” nhambo ye“nguva nomwe,” kana kuti makore 2 520, iyo yakavamba nokuparadzwa kweJerusarema muna 607 B.C.E. (Ruka 21:24, NW; Dhanieri 4:16) Mukuzadzikwa kwekariro dzavo, 1914 akabvumikisa kuva nhambo yechinjo muzvinhu zvavanhu pasi pano. Zviitiko zvenhau zvakaitika mudengawo. Pakanga pari panguva iyoyo apo Mambo asingagumi akaisa Mambo pamwe chete naye, Jesu Kristu, pachigaro choumambo chokudenga, achigadzirira kubvisa uipi hwose pamusoro pepasi rino nokutangazve Paradhiso.—Pisarema 2:6, 8, 9; 110:1, 2, 5.
Tarirai Mambo Mesiya!
4. Jesu akararama sei mukuwirirana nerevo yezita rake rokuti Mikaeri?
4 Muna 1914 uyu Mambo Mesiya, Jesu, akavamba kuita chiito. MuBhaibheri iye anodanwawo kunzi Mikaeri, kureva kuti “Ndianiko Akafanana naMwari?,” nokuti anoda kureverera uchangamire hwaJehovha. Sezvakanyorwa pana Zvakazarurwa 12:7-12, muapostora Johane akarondedzera muchiono zvaizoitika, kuti: “Zvino kurwa kwakavapo kudenga; Mikaeri navatumwa vake vakarwa neshato, shato ikarwa ine vatumwa vayo; vakasakunda, nenzvimbo yavo haina kuzowanikwa kudenga. Zvino shato huru yakakandirwa pasi, iyo nyoka yekare, inonzi Dhiyabhorosi, naSatani, munyengeri wenyika yose; yakakandirwa panyika, navatumwa vayo vakakandirwa pasi pamwe chete nayo.” Kuwa kukuru zvirokwazvo!
5, 6. (a) Pashure pa1914, izivisoi inofadza yakaitwa mudenga? (b) Mateo 24:3-13 anobatana sei naiyoyi?
5 Inzwi guru mudenga ipapo rakazivisa, kuti: “Zvino ruponeso rwasvika, nesimba, noushe hwaMwari wedu, noumambo hwaKristu wake; nokuti mupomeri wehama dzedu wakakandirwa pasi, wakavapomera pamberi paMwari wedu masikati nousiku. Ivo [vaKristu vakatendeka] vakamukunda neropa reGwayana, [Kristu Jesu] uye neshoko rokupupura kwavo; havana kuda upenyu hwavo kusvikira parufu.” Ikoku kunoreva kununurwa kwavachengeti veperero, avo vakatenda chibayiro chorudzikinuro chinokosha chaJesu.—Zvirevo 10:2; 2 Petro 2:9.
6 Inzwi guru mudenga rakapfuurira kuzivisa, kuti: “Saka farai kudenga nemi munogarako. Mune nhamo imi nyika negungwa, nokuti mweya wakaipa wakaburukira kwamuri, akatsamwa kwazvo, nokuti unoziva kuti uchine nguva duku.” “Nhamo” yakaporofitwa nenzira iyoyi nokuda kwepasi rino yave ichioneka muhondo dzenyika, nzara, nhenda, kudengenyeka kwapasi, uye kusateerera mutemo izvo zvakatambudza pasi muzana rino ramakore. Sokurondedzera kunoita Mateo 24:3-13, Jesu akafanotaura kuti izvozvi zvaizova rutivi rwe‘chiratidzo chemhedziso yetsika yezvinhu.’ Mukuzadzikwa kwouporofita, kubvira muna 1914 rudzi rwomunhu rwakatambura pasi pano nhamo isingaenzaniswi munhau yose yakapfuura yomunhu.
7. Neiko Zvapupu zvaJehovha zvichiparidza nekurumidziro?
7 Munhambo ino yenhamo yaSatani, rudzi rwomunhu runogona kuwana tariro yenguva yemberi here? Chokwadi, hungu, nokuti Mateo 12:21 inotaura nezvaJesu, kuti: “Vahedheni vachaita zita rake tariro yavo”! Mamirire ezvinhu enyongano pakati pamarudzi anoratidzira kwete bedzi ‘chiratidzo chemhedziso yetsika yezvinhu’ asiwo ‘chiratidzo chokuvapo kwaJesu’ saMambo wokudenga woUmambo hwaMesiya. NezveUmambo ihwohwo, Jesu anotizve: “Evhangeri iyi youshe ichaparidzirwa munyika dzose, chive chapupu kumarudzi ose; ipapo kuguma kuchasvika.” (Mateo 24:14) Vanhui vamwe pasi pano vari kuparidza tariro yakaisvonaka yokutonga kwoUmambo hwaMwari? Zvapupu zvaJehovha! Nekurumidziro, vanozivisa pachena uye paimba neimba kuti Umambo hwaMwari hwokururama norugare hwodokudzora zvinhu zvapasi. Uri kugoverana muuhwu ushumiri here? Haungagoni kuva neropafadzo huru zvikuru kupfuureyi!—2 Timotio 4:2, 5.
“Mugumo” Unouya Sei?
8, 9. (a) Rutongeso rwakatanga sei ne“imba yaMwari”? (b) ChiKristudhomu chakashatisa sei Shoko raMwari?
8 Rudzi rwomunhu rwakapinda munhambo yorutongeso. Tinoziviswa pana 1 Petro 4:17 kuti rutongeso rwakatanga “paimba yaMwari”—kutongwa kweanonzi masangano echiKristu uko kwave kuri pachena kubvira apo “mazuva okupedzisira” akatanga nokuuraya kweHondo Yenyika I mukati ma1914-18. ChiKristudhomu chakaita sei muurwu rutongeso? Eya, rangarira chimiro chemachechi mukutsigira hondo kubvira muna 1914. Vafundisi havana kusvibiswa ne“ropa ravarombo vasina mhaka” iro vakakurudzira kuenda kunzvimbo dzehondo here?—Jeremia 2:34.
9 Mukuwirirana naMateo 26:52, Jesu akati: “Vose vanobata munondo, vachafa nomunondo.” Ikoku kwave kuri kwechokwadi sei muhondo dzezana rino ramakore! Vafundisi vakakurudzira majaya kuti aponde mamwe majaya, kunyange ayo orudzidziso rwavo vamene—muKaturike achiuraya muKaturike uye muPurotesitendi achiuraya muPurotesitendi. Urudzi hwakakwidziridzwa pamusoro paMwari naKristu. Misi ichangobva kupfuura iyi, mudzimwe nyika dzomuAfrica, zvisungo zvedzinza zvakaiswa pamberi penheyo dzeBhaibheri. MuRwanda, uko vazhinjisa vavagari vemo vari vaKaturike, inenge hafu yemiriyoni yakaurawa mumasimba masimba edzinza. Papa akabvuma mupepanhau reVatican L’Osservatore Romano, kuti: “Uku kuparadzwa chose chose kworudzi, uko nenzira isingafadzi kunyange vaKaturike vakaparira.”—Enzanisa naIsaya 59:2, 3; Mika 4:3, 5.
10. Jehovha achaita rutongesoi parudzidziso rwenhema?
10 Mambo asingagumi anorangarira sei marudzidziso anokurudzira vanhu kuurayana kana kuti ayo anomira pedyo asina zvaari kuita apo mitezo yeboka rawo inouraya mimwe mitezo? Pamusoro peBhabhironi Guru, sangano romunyika yose rorudzidziso rwenhema, Zvakazarurwa 18:21, 24, inotiudza, kuti: “Zvino mumwe mutumwa une simba akasimudza ibwe rakaita seguyo guru, akarikandira mugungwa, achiti: Saizvozvo guta guru, Bhabhironi, richaputsirwa pasi nesimba, rikasatongowanikwazve. Mukati maro mukawanikwa ropa ravaporofita neravatsvene, neravose vakaurawa panyika.”
11. Zvinhui zvakashata zvave zvichiitika muchiKristudhomu?
11 Mukuzadzikwa kwouporofita hweBhaibheri, zvinhu zvakashata zvave zvichiitika muchiKristudhomu. (Enzanisa naJeremia 5:30, 31; 23:14.) Zvikurukuru nemhaka yechimiro chendangariro chamadiro chevafundisi, mapoka avo akazadzwa nounzenza. MuUnited States, inonzi inyika yechiKristu, inenge hafu yeroorano inoguma nechatanuro. Nhumbu dzevechiduku neungochani zvanyanyisa pakati pemitezo yechechi. Vaprista vari kubata vana vaduku chibharo—uye kwete muzviitiko zvishomanene chete. Kwakataurwa kuti kuripiswa mudare kunobatanidza izvi zviitiko kungagona kuita kuti Chechi yeKaturike iri muUnited States irasikirwe nemadhora ane bhiriyoni mukati megumi ramakore. ChiKristudhomu chakafuratira nyevero yomuapostora Pauro inowanwa pana 1 VaKorinte 6:9, 10, inoti: “Ko hamuzivi kuti vasakarurama havangagari nhaka youshe hwaMwari here? Musarashika; nokuti mhombwe, kana vanonamata zvifananidzo, kana vanofeva, kana vakapata, kana vanoita zvakaipa navarume, kana mbavha, kana vane ruchiva, kana vanosinwa doro, kana vatuki, kana makororo, havangagari nhaka youshe hwaMwari.”
12. (a) Mambo asingagumi achaita sei chiito mukurwisana neBhabhironi Guru? (b) Mukupesana nechiKristudhomu, vanhu vaMwari vachaimba makorasi a“Hareruya” nokuda kwechikonzeroi?
12 Nokukurumidza, Mambo asingagumi, Jehovha, achiita chiito kupfurikidza noMutungamiriri wake Wehondo wokudenga, Kristu Jesu, achasunungura dambudziko guru. Kutanga, chiKristudhomu namamwe mativi eBhabhironi Guru zvichatambura kuitwa kworutongeso rwaJehovha. (Zvakazarurwa 17:16, 17) Vakazviratidza vamene kuva vasina kufanirwa noruponeso urwo Jehovha akagovera kupfurikidza nechibayiro chorudzikinuro chaJesu. Vakazvidza zita dzvene raMwari. (Enzanisa naEzekieri 39:7.) Kunyomba kwakadini kuti vanoimba makorasi a“Hareruya” muzvivako zvavo zvihombe zvorudzidziso zvoumbozha! Vanobvisa zita rinokosha raJehovha mushanduro dzavo dzeBhaibheri asi vanoratidzika kuva vanokanganwa idi rokuti “Hareruya” anoreva kuti “Rumbidzai Jah”—“Jah” achiva chimiro chakapfupikiswa cha“Jehovha.” Nenzira yakakodzera, pana Zvakazarurwa 19:1-6 pakanyorwa korasi dza“Hareruya” dzichaimbwa nokukurumidza mukupemberera kuita rutongeso kwaMwari paBhabhironi Guru.
13, 14. (a) Zviitikoi zvinokosha zvinotevera kuitika? (b) Ndoupi uri mugumisiro unofadza nokuda kwavanhu vanotya Mwari?
13 Chinotevera munhevedzano ‘kusvika’ kwaJesu kuti azivise nokuita rutongeso pamarudzi navanhu. Iye amene akaporofita, kuti: “Zvino kana Mwanakomana womunhu [Kristu Jesu] achiuya nokubwinya kwake, navatumwa vose vanaye, uchagara pachigaro chake choushe chinobwinya [chorutongeso]; namarudzi ose [pasi pano] achaunganidzwa pamberi pake; uchavaraura somufudzi unoraura makwai nembudzi. Uchaisa makwai kurudyi rwake, mbudzi kuruboshwe. Zvino Ishe uchati kuna vari kurudyi: Uyai imi, makaropafadzwa naBaba, mugare nhaka youshe hwakagadzirirwemi kubva pakuvamba kwenyika.” (Mateo 25:31-34) Ndima 46 inopfuurira kurondedzera kuti boka rembudzi ri“chaenda kukurohwa kusingaperi; asi vakarurama kuupenyu husingaperi.”
14 Bhuku reBhaibheri raZvakazarurwa rinorondedzera kuti “Mambo Wamadzimambo, naShe Wamadzishe,” Ishe wedu wokudenga, Jesu Kristu, panguva iyoyo achapinda sei muhondo akatasva bhiza paArmagedhoni, achiparadza masangano ezvematongerwe enyika neezvekutengeserana etsika yaSatani. Nokudaro Kristu achave adurura “hasha dzokutsamwa kwaMwari wamasimba ose” panzvimbo yose yapasi yaSatani. Sezvo izvi ‘zvinhu zvekare zvinopfuura,’ vanhu vanotya Mwari vachapinzwa munyika itsva ine mbiri umo Mwari “uchapisika misodzi yose pameso avo.”—Zvakazarurwa 19:11-16; 21:3-5.
Nguva Yokurumbidza Jah
15, 16. (a) Neiko kuchikosha kuti titeerere shoko rouporofita raJehovha? (b) Vaporofita navaapostora vanoratidza kuti tinofanira kuitei nokuda kworuponeso, uye ikoku kungagona kurevei nhasi nokuda kwavazhinji?
15 Zuva iroro rokuita rutongeso rava pedyo! Tinoita zvakanaka, naizvozvo, kuteerera shoko rouporofita raMambo asingagumi. Kune avo vachakabatwa mudzidziso netsika dzerudzidziso rwenhema, inzwi rokudenga rinozivisa, kuti: “Budai mariri, vanhu vangu, kuti murege kuwadzana naro pazvivi zvaro, mugorega kupiwa ma[t]ambudziko aro.” Asi vapukunyuki vanofanira kuenda kupiko? Kunogona bedzi kuva nezvokwadi imwe, nokudaro rudzidziso rwechokwadi rumwe bedzi. (Zvakazarurwa 18:4; Johane 8:31, 32; 14:6; 17:3) Kuwana kwedu upenyu husingagumi kunotsamira pakuwana rudzidziso irworwo nokuteerera Mwari warwo. Bhaibheri rinotinangidzira kwaari paPisarema 83:18, iyo inorava, kuti: “Imi, moga mune zita rokuti JEHOVHA, muri kumusorosoro kwapasi rose.”—King James Version.
16 Zvisinei, tinofanira kuita zvakawanda zvinopfuura kungoziva bedzi zita raMambo asingagumi. Tinofanira kufunda Bhaibheri ndokudzidza pamusoro pemavara ake akaisvonaka nezvinangwa. Ipapo tinofanira kuita kuda kwake nokuda kwenguva iripoyi, sezvinoratidzirwa pana VaRoma 10:9-13. Muapostora Pauro akanokora mashoko vaporofita vakafuridzirwa ndokugumisa, kuti: “Nokuti ani naani unodana kuzita raShe, uchaponeswa.” (Joere 2:32; Zefania 3:9) Kuponeswa? Hungu, nokuti vazhinji nhasi vanotenda gadziriro yaJehovha yorudzikinuro kupfurikidza naKristu vachanunurwa mudambudziko guru riri kuuya, apo rutongeso panyika yakaipa yaSatani runoitwa.—Zvakazarurwa 7:9, 10, 14.
17. Itariroi yakaisvonaka inofanira kutinyandura kukumbanira zvino mukuimba rwiyo rwaMosesi nerweGwayana?
17 Ndokupi kuri kuda kwaMwari nokuda kwaavo vanokarira kupukunyuka? Ndekwokuti tikumbanire kunyange zvino mukuimba rwiyo rwaMosesi nerweGwayana, tichirumbidza Mambo asingagumi tichikarira rukundo rwake. Tinoita ikoku kupfurikidza nokuudza vamwe pamusoro pezvinangwa zvake zvine mbiri. Sezvatinofambira mberi munzwisiso yeBhaibheri, tinotsaurira upenyu hwedu kuna Mambo asingagumi. Ikoku kuchatungamirira kukurarama kwedu nokusingagumi kwose mugadziriro iyo uyu Mambo ane simba anorondedzera, seinowanwa pana Isaya 65:17, 18, kuti: “Tarirai, ndinosika denga idzva nenyika itsva; zvinhu zvakare hazvingarangarirwi, kana kufungwa mumwoyo. Asi imi farai mufarisise nokusingaperi pamusoro pezvandinosika.”
18, 19. (a) Mashoko aDhavhidhi ari muPisarema 145 anofanira kutisunda kuitei? (b) Tinogona kukarirei nenzira yechivimbo paruoko rwaJehovha?
18 Wezvamapisarema Dhavhidhi akarondedzera Mambo asingagumi neaya mashoko: “Jehovha mukuru, unofanira kurumbidzwa kwazvo; ukuru hwake haunganzverwi.” (Pisarema 145:3) Ukuru hwake haunzverwi semiganhu yechadenga uye kusaguma! (VaRoma 11:33) Apo tinenge tichipfuurira kupinza zivo yoMusiki wedu neyegadziriro yake yorudzikinuro kupfurikidza neMwanakomana wake, Kristu Jesu, tichada kurumbidza Mambo wedu asingagumi zvikuru kwazvo. Tichada kuita sezvinoratidza Pisarema 145:11-13, kuti: “Vachataura vachireva kubwinya kwoushe hwenyu, nokuparidza simba renyu; kuti vazivise vanakomana vavanhu mabasa ake ane simba, nokubwinya kwoumambo hwoushe hwake. Ushe hwenyu ndihwo ushe husingaperi, noumambo hwenyu huchagara nokusingaperi.”
19 Tinogona kukarira nenzira ine chivimbo kuti Mwari wedu achazadzika ziviso, yokuti: “Munotadzanura ruoko rwenyu, ndokugutisa zvipenyu zvose.” Mambo asingagumi achatitungamirira nounyoro kusvikira kumugumo weaya mazuva okupedzisira, nokuti Dhavhidhi akativimbisa, kuti: “Jehovha unochengeta vose vanomuda; asi vakaipa uchavaparadza vose.”—Pisarema 145:16, 20.
20. Unopindura sei kukokero yaMambo asingagumi, seinoziviswa mumapisarema mashanu okupedzisira?
20 Rimwe nerimwe remapisarema mashanu okugumisa muBhaibheri rinotanga uye rinoguma nekokero yokuti “Hareruya.” Nokudaro, Pisarema 146 rinotikumbira, kuti: “Hareruya! Rumbidza Jehovha, Iwe mweya wangu! Ndicharumbidza Jehovha ndichiri mupenyu; ndichaimbira Mwari wangu nziyo dzokurumbidza, ini ndichiripo.” Uchapindura danidzo iyoyo here? Zvirokwazvo unofanira kuda kumurumbidza! Iva pakati paavo vanorondedzerwa paPisarema 148:12, 13, kuti: “Majaya nemhandara; vatana navana; ngavarumbidze zita raJehovha; nokuti zita rake roga rakakurumbira; umambo hwake huri kumusoro kwapasi nokudenga.” Ngatidavidze nemwoyo wose kukokero, inoti: “Hareruya!” Mukubatana, ngatirumbidze Mambo asingagumi!
Ndeipi Iri Tsinhiro Yako?
◻ Vaapostora vaJesu vakafanonyeverei?
◻ Kuvamba muna 1914, zviitikoi zvakasimba zvakaitika?
◻ Marutongesoi ayo Jehovha odokuita?
◻ Neiko ino iri nguva inokosha zvikurusa yokurumbidza Mambo asingagumi?
[Bhokisi riri papeji 19]
Iyi Nguva Ine Ngwavaira Yenyongano
Kuti nguva yenyongano yakatanga pakuvamba muzana ramakore rechi20 kwakabvumwa nevakawanda. Somuenzaniso, mumashoko okutanga ebhuku rinonzi Pandaemonium, rakanyorwa naSenator Daniel Patrick Moynihan weUnited States, rakabudiswa muna 1993, tsinhiro pamusoro pe“ngwavaira ya1914” inorava, kuti: “Hondo yakauya uye nyika yakachinja—chose chose. Nhasi kune nyika sere chete pasi pano idzo dzakanga dziripo muna 1914 uye dzisina kuita kuti chimiro chadzo chehurumende chichinjwe namasimba masimba kubvira panguva iyoyo. . . . Nezvenyika dzepanguva imwe cheteyo dzasara dzinenge 170, dzimwe dzakaitwa nguva pfupi yapfuura zvikuru zvokusagona kuziva nyongano yenguva pfupi yapfuura zvikuru.” Zvirokwazvo, nhambo inobvira muna 1914 yakaona ngwavaira pamusoro pengwavaira!
Rakabudiswawo muna 1993 rakanga riri bhuku rinonzi Out of Control—Global Turmoil on the Eve of the Twenty-First Century. Munyori wacho ndiZbigniew Brzezinski, aichimbova mutungamiriri weNational Security Council yeUnited States. Anonyora, kuti: “Kutanga kwezana ramakore rechimakumi maviri kwakarumbidzwa mumabhuku akawanda anotsinhira sekuvamba chaikoiko kweNguva Yokurangarira. . . . Mukupesana nevimbiso yaro, zana ramakore rechimakumi maviri rakava zana ramakore rekudeurwa kweropa rakawanda nerakazadzwa noruvengo zvikurusa, zana ramakore rezvematongerwe enyika zvenyengedzo nerekuuraya kukuru. Utsinye hwakarongwa kusvikira kumwero usina kumboitika, kuuraya kwakarongwa pahwaro hwekwakawanda. Musiyano pakati pebviro yezvesayenzi yezvakanaka nouipi hwezvematongerwe enyika uhwo hwakabudiswa chaizvoizvo unokatyamadza. Kuuraya kwakapararira munyika yose kudaro hakuna kutongoitika nakare kose munhau, hakuna kutongoparadza upenyu hwakawanda kudaro nakare kose, kuparadzwa kwavanhu hakuna kutongorondwa nenhamburiko yaitsigirwa yakasimba zvakadaro yakavakirwa panharidzano dzokusarangarira nenzira yokuzvitutumadza dzakadaro.” Ikoko ndokwechokwadi sei!
[Mufananidzo uri papeji 17]
Mikaeri akakandira Satani nemapoka ake kupasi pashure pakugadzwa kwoUmambo muna 1914