Dzivisa Magamuchidzanwa Asati Ari Oumwari!
“ZVOKWADI ichakusunungurayi,” akadaro Jesu Kristu. (Johane 8:32) Hungu, chiKristu chinosunungura vanhu—kusununguka muuranda hwokudavira mashura, kusununguka mukudavira dzidziso dzenhema netariro, kusununguka muusungwa hwemiitiro inoshatsa.
Somunguva dzakare, zvisinei, vaKristu nhasi kazhinji kazhinji vanotarisana nedzvinyiriro dzokudzokera kumagamuchidzanwa akare. (VaGaratia 4:9, 10) Hakusati kuri kuti tsika dzose dzakakurumbira dzinokuvadza. Zvirokwazvo, muKristu angasarudza kutevera tsika dzomunzvimbomo idzo dzakanaka nedzinobetsera. Asi apo tsika dzinopesana neShoko raMwari, vaKristu havabvumirani pane zvisina kufanira. Zvapupu zvaJehovha nokudaro zvinosanozivikanwa nokuda kwokuramba kutora rutivi mukuchengetwa kweKrisimasi, mazuva okuzvarwa, uye dzimwe tsika dzinorwisana neShoko raMwari.
Chimiro ichi choushingi kazhinji kazhinji chakaguma nokusekwa kukuru uye chishoro zvinobva kuvazivikanwi, vavakidzani, uye hama dzokunyama dzisingatendi. Zvikurukuru ikoku kwave kwakadaro mune dzimwe nyika dzeAfrica, umo marudzi akawanda emagamuchidzanwa anowanzochengetwa pamariro, michato, uye kuberekwa. Dzvinyiriro dzokuwirirana dzinogona kuva dzinotyisa—kazhinji kazhinji dzichibatanidza tyisidziro uye zviito zvamasimba masimba. VaKristu ikoko vanogona sei kumira vakasimba? Kunobvira here kudzivisa bonderano pasina kubvumirana pane zvisina kufanira? Mukupindura, ngatinzvereyi kuti vaKristu vakatendeka vakabata sei nemamwe magamuchidzanwa asiri apamagwaro.
Tsika Dzapamariro Dzokudavira Mashura
Kumaodzanyemba kweAfrica kune magamuchidzanwa akawanda ane chokuita nemariro nokuviga. Vanotambudzika nguva dzose vanopedza usiku hwose—kana kuti usiku hunoverengeka—vari paimba yokuchemera, apo mwoto unochengetwa uchipfuta nguva dzose. Vanyakufirwa vanorambidzwa kubika, kugerwa, kana kuti kunyange kugeza kusvikira kuviga kwaitika. Pashure pezvo, vanofanira kuzvigeza vamene mumusanganiswa chaiwo wemushonga. Tsika dzakadaro dzinogamuchirika kuvaKristu here? Aiwa. Dzose dzinoratidzira kudavira kusafa kwomweya uye kutya vakafa kwakashata.
Muparidzi 9:5 inoti: “Vapenyu vanoziva kuti vachazofa, asi vakafa havana chavanoziva.” Kuziva zvokwadi iyi kunosunungura munhu mukutya ‘midzimu yavakafa.’ Asi muKristu anofanira kuitei apo hama dzokunyama dzine vavariro dzakanaka dzinorayira kuti iye atore rutivi mumiitiro yakadaro?
Rangarira chakaitika chechimwe Chapupu cheAfrica chinonzi Jane, china baba akafa. Pakusvika paimba yamariro, akaudzwa nokukurumidza kuti iye navasara vose vemhuri vaifanira kutamba vachipoterera chitunha usiku hwose kuti vanyaradze mudzimu womufi. “Ndakavaudza kuti somumwe weZvapupu zvaJehovha, ndaisagona kupinda mumiitiro yakadaro,” anorondedzera kudaro Jane. “Zvisinei, zuva rakatevera racho pashure pokuviga, hama dzokunyama dzakwegura dzakataura kuti dzaizogeza mitezo yemhuri yakanga yafirwa seimwe dziviriro pamudzimu womufi. Zvakare ndakaramba kutora rutivi. Panguva imwe cheteyo, Amai vakachengetwa vakaparadzaniswa mumba. Munhu upi noupi aida kuvaona aifanira kutanga anwa chinwiwa chinodhaka chakagadzirirwa chinangwa ichocho.
“Ndakaramba kubatanidzwa mune kupi nokupi kwaikoku. Panzvimbo pezvo ndakaenda kumusha kunobika, izvo ndakaendesa kumba uko Amai vakanga vachigara. Ikoku kwakagumbura mhuri yangu chaizvoizvo. Hama dzangu dzokunyama dzakafunga kuti ndaipenga.” Zvinopfuura izvozvo, vakamutuka uye vakamushurikidza, vachiti: “Sezvo waramba gamuchidzanwa redu nemhaka yorudzidziso rwako, uchanetswa nomudzimu wababa vako. Kutaura idi, ungasatobereka vana.” Zvisinei, Jane akaramba kutyisidzirwa. Mugumisiro wacho? Iye anoti: “Panguva yacho ndaiva nevana vaviri. Zvino ndine vatanhatu! Ikoku kwakanyadzisa avo vakataura kuti ndaisazotongobereka vana zvakare.”
“Kuchenesa” Muvatano
Imwe tsika inobatanidza mutambo wokuchenesa pashure porufu rwomukwanyina womunhu. Kana mudzimai akafa, mhuri yake ichaunza muramu kupfunda yacho kana kuti mumwe mukadzi ane ukama hwapedyo nomudzimai wake akafa. Anosungirwa kuvatana naye. Panguva iyoyo bedzi apo anogona kuroora upi noupi waanoda. Zvimwe chetezvo zvinoitika apo murume womukadzi anofa. Muitiro wacho unofungwa kuti unochenesa mukwanyina mupenyu pa“mudzimu” womukwanyina akafa.
Munhu upi noupi anoramba kuita “kuchenesa” kwakadaro anova mungozi yokutsamwirwa nehama dzokunyama. Iye angava ari oga ndokunyombwa uye kushurikidzwa. Kunyange zvazvo zvakadaro, vaKristu vanoramba kutevera iyi tsika. Vanoziva kuti panzvimbo pokuva chino“chenesa” chakati, vatano kunze kweroorano inosvibisa mumeso aMwari. (1 VaKorinte 6:18-20) Kupfuurirazve, vaKristu vanofanira kuroora “bedzi munaShe.”—1 VaKorinte 7:39, NW.
Mumwe mukadzi wechiKristu wokuZambia anonzi Violet akarasikirwa nomurume wake. Pashure pezvo, hama dzokunyama dzakaunza mumwe murume kwaari, dzichitaura kuti avatane naye. Violet akaramba, uye sechirango akarambidzwa kuchera mvura patsime ravose. Akanyeverwawo kuti asafambe mumugwagwa mukuru, kutyira kuti kuvadziko ingamuwira. Zvisinei, akaramba kutyisidzirwa nehama dzokunyama kana kuti zvimwe navomumusha biyake.
Gare gare Violet akadanwa kudare romunzvimbomo. Ikoko nenzira isingazununguki akatsanangura zvikonzero zvake zvapaMagwaro zvokuramba kuita vatano isiri yapamutemo. Dare rakasarudza sezvaaida, richitaura kuti raisagona kumumanikidza kunamatira kutsika dzomunzvimbomo namagamuchidzanwa zvaipesana nezvitendero zvake. Nenzira inofadza, kuramba kwake kwakasimba kubvumirana pane zvisina kufanira kwakabatira kuderedza dzvinyiriro yacho pazvimwe Zvapupu mumusha wacho izvo gare gare zvakatarisana nenhau imwe cheteyo.
Chimwe Chapupu cheAfrica chinonzi Monika chakakunda dzvinyiriro yakafanana pashure pokunge murume wake afa. Mhuri yomurume yakaomerera pakumupa mumwe murume. Monika anoti: “Ndakaramba, ndakatsunga kuteerera murairo uri pana 1 VaKorinte 7:39.” Dzvinyiriro yacho haina kupera kunyange zvazvo zvakadaro. “Vakandityisidzira,” Monika anoyeuka kudaro. “Vakati: ‘Kana ukaramba, hauzotongoroorwi zvakare.’ Vakatotaura kuti vamwe vevaKristu biyangu vakange vatocheneswa mumuitiro pachivande nenzira iyi.” Kunyange zvazvo zvakadaro, Monika akamira akasimba. “Ndakagara ndisina kuroorwa kwamakore maviri, pashure pawo ndakaroorwazve munzira yechiKristu,” anodaro. Monika zvino anobatira sapiyona wenguva dzose.
Kupfupfudzika Nokubereka Vana Vakafa
VaKristu kumaodzanyemba kweAfrica vanofanirawo kubata netsika dzine chokuita nokupfupfudzika nokubereka vana vakafa. Zviitiko zvakadaro zvine ngwavaira mugumisiro wokusakwana kwomunhu—kwete wechirango choumwari. (VaRoma 3:23) Asi kana mukadzi akapfupfudzika, mamwe magamuchidzanwa eAfrica anorayira kuti abatwe somunhu asingagamuchirwe kwenhambo yakati yenguva.
Mumwe mukadzi akanga apfupfudzika nguva pfupi yapfuura nokudaro akashamiswa kuona Chapupu chichifamba chakananga kumba kwake. Sezvachakaswedera pedyo, akadanidzira kwaari, kuti: “Musauya pano! Mukuwirirana netsika yedu, mukadzi achangobva kupfupfudzika haafaniri kushanyirwa.” Zvisinei, Chapupu chacho chakamuudza kuti Zvapupu zvaJehovha zvinoendesa shoko reBhaibheri kuvanhu vamarudzi ose uye kuti hazvichengeti tsika dzomunzvimbomo pamusoro pokupfupfudzika. Ipapo akamuravira Isaya 65:20, 23, achitsanangura kuti muUmambo hwaMwari kupfupfudzika nokubereka vana vakafa hazvizoitiki. Somugumisiro, mukadzi wacho akabvuma fundo yeBhaibheri yapamusha.
Tsika dzokudavira mashura dzingabatanidzawo kuvigwa kwavana vanoberekwa vakafa. Apo Chapupu chinonzi Joseph chakapinda kuviga kwakadaro, chakaudzwa kuti vose vaivapo vaifanira kugeza maoko avo nemishonga ndokukwiza mushonga wacho pazvipfuva zvavo. Ikoku kwakanzi kunodzivirira “mudzimu” womucheche kudzokazve ndokuvaparira kuvadziko. Joseph nokuremekedza akaramba, achiziva dzidziso yeBhaibheri yokuti vakafa havagoni kukuvadza vapenyu. Zvisinei, vamwe vakaedza kumudzvinyirira kuti azore mushonga wacho. Joseph akaramba zvakare. Vachiona ichi chimiro chechiKristu chokusatya, vamwe vaivapo nenzira yakafanana vakaramba mishonga yacho.
Dzivisa Bonderano, asi Mira Wakasimba
Kutya vapenyu uye kutya kwokuitwa munhu asingagamuchirwi zvinogona kuva masimba ane simba okubvumirana pane zvisina kufanira. Zvirevo 29:25 inoti: “Kutya munhu kunouyisa musungo.” Zvakaitika zvatangirezvi zvinoratidzira uchokwadi hworutivi rwokupedzisira rwendima iyoyo: “Asi ani naani unovimba naJehovha, uchachengetwa.”
Kunyange zvazvo zvakadaro, bonderano kazhinji kazhinji inogona kudziviswa. Somuenzaniso, kana muKristu akakokwa kumariro ehama yokunyama, haafaniri kumira kusvika azviwana amene ari mumamiriro ezvinhu anobvira kubvumirana pane zvisina kufanira. “Munhu akangwara unoona zvakaipa, ndokuvanda; asi vasina mano vanopfuura havo, ndokuwira munjodzi.”—Zvirevo 27:12.
Kwaizova kuchenjera kubvunza nokungwarira pakutaura kuti chaizvo itsika dzipi dzichateverwa. Kana idzodzi dzakashata, muKristu angagona kushandisa mukana uyu kutsanangura chikonzero nei chaizvo asingagoni kutora rutivi, achiita saizvozvi “nounyoro nokutya.” (1 Petro 3:15) Apo muKristu anotsanangura nokuremekedza chimiro chake chakavakirwa paBhaibheri pachine nguva mberi, hama dzake dzokunyama dzinowanzoda kuremekedza zvitendero zvake ndokuda zvishoma kushandisa tyisidziro nokuvhundutsira.
Kupi kana kupi kungava kuita kwehama dzokunyama, muKristu haagoni zvake kubvumirana pane zvisina kufanira nokutevera magamuchidzanwa anozvidza Mwari—pasinei zvapo netyisidziro kana kuti kubatwa zvisina kufanira zvingatutirwa paari. Takasunungurwa mukutya kwokudavira mashura. Muapostora Pauro akakurudzira, kuti: “Kristu wakatisunungura kuti tive vakasununguka; naizvozvo mirai nesimba, murege kusungwazve nejoko rouranda.”—VaGaratia 5:1.
[Mufananidzo uri papeji 29]
Vazhinji vanodavira kuti munhu achangobva kufa anogona kushanda somutumwa ndokuendesa mashoko kuhama dzokunyama dzakanguve dzafa