RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w93 11/1 pp. 18-23
  • Rukundo Rwokupedzisira rwaMikaeri, Muchinda Mukuru

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Rukundo Rwokupedzisira rwaMikaeri, Muchinda Mukuru
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • “Nenguva Yokupedzisira”
  • ‘Egipita Haisati Ichizopukunyuka’
  • Hondo Yokupedzisira yaMambo Wokuchamhembe
  • Mashoko Anobva Kumabvazuva
  • Mushumo Unobva Kuchamhembe
  • Mambo Wechitatu
  • Madzimambo Anorwisana Anosvika Pedyo Nomugumo Wawo
    Fungisisa Uprofita hwaDhanieri!
  • Ndiani “Mambo Wekuchamhembe” Mazuva Ano?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2020
  • “Mambo Wekuchamhembe” Munguva Yekuguma
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2020
  • Mambo Anomhura Nzvimbo Tsvene yaJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
w93 11/1 pp. 18-23

Rukundo Rwokupedzisira rwaMikaeri, Muchinda Mukuru

“Nenguva iyo Mikaeri uchasimuka, iye muchinda mukuru unorindira vana vavanhu vako.”—DHANIERI 12:1.

1. Chimiroi chendangariro kuuchangamire hwaJehovha icho vatongi venyika vazhinji vakaratidzira, uye mambo wokuchamhembe ave asina kusiana sei?

“JEHOVHA ndiye aniko, kuti nditeerere inzwi rake, kuti nditendere vaIsraeri kuenda?” (Eksodho 5:2) Awa akanga ari mashoko anodenha aFarao kuna Mosesi. Achiramba kubvuma Umwari hukurusa hwaJehovha, Farao akanga akatsunga kuchengeta Israeri ari muuranda. Vamwe vatongi vakaratidza ruzvidzo rwakafanana nokuda kwaJehovha, uye madzimambo ouporofita hwaDhanieri haasiiwi. (Isaya 36:13-20) Zvamazvirokwazvo, mambo wokuchamhembe akapfuura ipapo. Ngirozi inoti: “Uchazviita mukuru, uchazvikudza achiti ndinopfuura vamwari vose, uchataura zvinhu zvinoshamisa pamusoro paMwari wavamwari. . . . Uye haangavi nehanya navamwari vamadzibaba ake, kana norudo rwavakadzi, haangavi nehanya namwari upi noupi; nokuti uchazvikudza achiti ndakapfuura vose.”—Dhanieri 11:36, 37.

2, 3. Mambo wokuchamhembe akaramba munzirai “Mwari wamadzibaba ake” achida kunamata mumwe “mwari”?

2 Achizadzika aya mashoko ouporofita, mambo wokuchamhembe akaramba “Mwari wamadzibaba ake” (kana kuti, “vamwari vavakare vake,” The New English Bible), vangava vamwari vechihedheni veRoma kana kuti umwari hwoUtatu hwechiKristudhomu. Hitler akashandisa chiKristudhomu nokuda kwamadonzo ake amene asi sezviri pachena akaronga kuchitsiva nechechi itsva, yechiGermany. Mutsivi wake akasimudzira kusatenda chaiko kuvapo kwaMwari. Nokudaro mambo wokuchamhembe akazviita amene mwari, ‘achizvikudza amene pamusoro pomunhu ari wose.’

3 Uporofita hwacho hunopfuurira, kuti: “Asi panzvimbo yazvo uchakudza mwari wenhare; mwari wakanga asingazivikanwi namadzibaba ake, ndiye waachakudza nendarama nesirvheri namabwe anokosha nezvinhu zvinodikanwa.” (Dhanieri 11:38) Kutaura idi, mambo wokuchamhembe akaisa chivimbo chake mune zvehondo zvesayenzi zvazvino uno, “mwari wenhare.” Munguva yomugumo yose, iye akatsvaka ruponeso kupfurikidza nouyu “mwari,” achibaira pfuma yakawanda paatari yake.

4. Mambo wokuchamhembe akava nebudiriroi?

4 “Ucharwa nenhare dzakaisvobata achibatsirwa namwari wavatorwa; ani naani unodikanwa naye, iye uchakudzwa naye zvikuru; uchavabatisa ushe pamusoro pavanhu vazhinji, achivagovera nyika uve mubairo wavo.” (Dhanieri 11:39) Achivimba na“mwari wavatorwa” wake wehondo, mambo wokuchamhembe akaita “nenzira inobudirira” zvikurusa, achibvumikisa kuva simba rehondo rakasimba mu“mazuva okupedzisira.” (2 Timotio 3:1) Avo vakatsigira pfungwa yake vakatuswa netsigiro yezvamatongerwe enyika, yemari, uye pane dzimwe nguva yehondo.

“Nenguva Yokupedzisira”

5, 6. Mambo wokumaodzanyemba ‘akapesana’ sei, uye mambo wokuchamhembe akaita sei?

5 Dhanieri 11:40a inorava, kuti: “Zvino nenguva yokupedzisira mambo wezasi uchapesana naye.” Iyoyi nendima dzinotevera dzakarangarirwa sedzinova nezadziko munguva yedu yemberi. Zvisinei, kana “nguva yokupedzisira” pano ichireva zvimwe chetezvo sezvainoita pana Dhanieri 12:4, 9, tinofanira kutsvaka zadziko yaaya mashoko mumazuva okupedzisira ose. Mambo wokumaodzanyemba ‘akapesana’ namambo wokuchamhembe mukati menguva ino here? Hungu, zvamazvirokwazvo. Pashure pehondo yenyika yokutanga, chibvumirano chorugare chechirango chakanga chiri zvirokwazvo ‘kupesana,’ kuchidziro kumatsive. Pashure porukundo muhondo yenyika yechipiri, mambo wokumaodzanyemba akatondeka zvombo zvenyukireya zvinotyisa pamurwisani naye wake ndokuronga mukurwisana naye mubatanidzwa wehondo une simba, NATO. Sezvo makore akapfuura, ku“pesana” kwake kwakabatanidza kutsoropodza kwounyanzvi hukuru pamwe chete nokudenha namashoko nehondo.

6 Mambo wokuchamhembe akaita sei? “Mambo wokumusoro uchauya kuzorwa naye sechamupupuri, ane ngoro navatsvi vamabhiza nezvikepe zvizhinji; uchapinda munyika idzo, ndokupararira, ndokupfuura neseri.” (Dhanieri 11:40b) Nhau yamazuva okupedzisira yakasimbisa kukura kwamambo wokuchamhembe. Mukati mehondo yenyika yechipiri, “mambo” weNazi akapfuura miganhu yake ndokupinda munyika dzakapoteredza. Pamugumo wehondo iyoyo, “mambo” anotsiva akavaka umambo hune simba kunze kwemiganhu yake amene. Mukati moUtsinye Hwakakomba pakati pamarudzi, mambo wokuchamhembe akarwisa murwisani naye wake muhondo dzakarwiwa pakati pedzimwe nyika, asi dzaitsigirwa namadzimambo okuchamhembe nookumaodzanyemba nokumukira muAfrica, Asia, uye Latin America. Iye akatambudza maKristu echokwadi, achiganhurira (asi asingatongomisi) mubato wawo. Uye denho dzake dzehondo nedzezvamatongerwe enyika dzakapinza chiverengero chakati chenyika muudzori hwake. Ikoku kwakaita zvomenemene seizvo ngirozi yakaporofita, kuti: “Uchapindawo munyika yakaisvonaka [mugariro womudzimu wavanhu vaMwari], nyika zhinji dzichakundwa.”—Dhanieri 11:41a.

7. Miganhui yaivapo kukukura kwamambo wokuchamhembe?

7 Kunyanguvezvo, kunyange zvazvo—mumurangariro womurwisani naye wake—mambo wokuchamhembe akaoneka sokuvapo kunotyisa, haasati awana kukundwa kwenyika. “Asi idzi dzicharwirwa paruoko rwake, dzinoti Edhomi, neMoabhi norutivi rwakanaka rwavana vaAmoni.” (Dhanieri 11:41b) Munguva dzakare, Edhomi, Moabhi, uye Amoni dzakanga dziri hadzo pakati peEgipita neAsiria. Idzo dzinogona kurangarirwa kuva dzinomirira marudzi namasangano nhasi izvo mambo wokuchamhembe akatondeka asi asina kukwanisa kupinza mupesvedzero yake.

‘Egipita Haisati Ichizopukunyuka’

8, 9. Pesvedzero yamambo wokuchamhembe yave ichinzwika sei, kunyange nomurwisani wake mukuru?

8 Ngirozi inopfuurira kuti: “Uchatambanudzirawo ruoko rwake kune dzimwe nyika; nyika yeEgipita haingapukunyuki. Asi uchava une simba pamusoro pepfuma yendarama nesirvheri, napamusoro pezvinhu zvose zvinokosha zveEgipita; vaRibhia navaEtiopia vachatevera makwara ake.” (Dhanieri 11:42, 43) Kunyange mambo wokumaodzanyemba, “Egipita,” haana kupukunyuka miuyo yemiitiro yokukura yamambo wokuchamhembe. Iye akatambura, somuenzaniso, kukundwa kunokosha muVietnam. Uye zvakadini na“vaRibhia navaEtiopia”? Ava vavakidzani veEgipita yakare vangasanodeya kufananidzira marudzi ari, kutaura mune zvomugariro wapasi, vavakidzani ve“Egipita” yazvino uno uye ayo padzimwe nguva akava vateveri, ‘achitevera,’ mambo wokuchamhembe.

9 Ko mambo wokuchamhembe akatonga ‘pfuma yakavanzwa yeEgipita’ here? Eya, iye zvamazvirokwazvo haana kukunda mambo wokumaodzanyemba, uye kusvikira muna 1993 mugariro wenyika wakaita kuti kuratidzike kuva kusingabviri kuti achadaro. Asi akava nepesvedzero ine simba panzira iyo mambo wokumaodzanyemba akashandisa nayo pfuma yake yemari. Nemhaka yokutya murwisani naye wake, mambo wokumaodzanyemba akapa zvitsama zvikuru gore rimwe nerimwe kukuchengeta hondo isingakundwi, mauto engarava dzehondo, uye varwi vomudenga. Kusvikira kuiyi tambanuko mambo wokuchamhembe aigona kutaurwa kuva ‘akatonga,’ akadzora, mugariro wepfuma yamambo wokumaodzanyemba.

Hondo Yokupedzisira yaMambo Wokuchamhembe

10. Ngirozi inorondedzera mugumo werwisano iri pakati pamadzimambo maviri munzirai?

10 Ko rwisano iri pakati pamadzimabo maviri inopfuurira kusvikira kunguva isingazivikanwi here? Aiwa. Ngirozi yakaudza Dhanieri, kuti: “Mashoko anobva kumabvazuva nokumusoro achamuvhundusa [mambo wokuchamhembe]; ipapo uchabuda nehasha kwazvo kundoparadza nokupedza chose vazhinji. Uchadzika matente ake oushe pakati pegungwa negomo dzvene rakaisvonaka; kunyange zvakadaro uchasvika pakuguma kwake, uchashaiwa unomubatsira.”—Dhanieri 11:44, 45.

11, 12. Ndizvinoitikai zvemisi ichangobva kupfuura iyi zvamatongerwe enyika zvine chokuita nerwisano iri pakati pamambo wokuchamhembe namambo wokumaodzanyemba, uye chii chatichigere kudzidza?

11 Izvi zvinoitika zvichiri munguva yemberi, naizvozvo hatigoni kutaura muudzame kuti uporofita hwacho huchazadzikwa sei. Misi ichangobva kupfuura iyi, mugariro wezvamatongerwe enyika pamusoro pamadzimambo maviri wakachinja. Rwisano yakakasharara pakati peUnited States nenyika dzeEastern Europe yakatonhora. Uyezve, Soviet Union yakaparadzwa muna 1991 uye haichisipo.—Ona chinyorwa chaMarch 1, 1992, cheNharireyomurindi, mapeji 4, 5.

12 Naizvozvo ndiani ari mambo wokuchamhembe zvino? Ko iye anofanira kuziviswa neimwe yenyika dzakanga dziri rutivi rweSoviet Union yekare here? Kana kuti ari kuchinja kuzivikanwa chose chose here, sezvaakaita kanoverengeka kare? Hatigoni kutaura. Ndiani achava mambo wokuchamhembe apo Dhanieri 11:44, 45 inozadzikwa? Ko rwisano iri pakati pamadzimambo maviri ichamuka zvakare here? Uye zvakadiniko nezvemirwi mikuru yenyukireya ichiripo muchiverengero chakati chenyika? Nguva bedzi ichagovera mhinduro kuiyi mibvunzo.

13, 14. Chii chatinoziva pamusoro penguva yemberi yamadzimambo maviri?

13 Tinoziva chinhu chimwe. Nokukurumidza, mambo wokuchamhembe achaita rwisano yokudenha iyo ichatangwa na“mashoko anobva kumabvazuva nokumusoro achamuvhundusa.” Iyi rwisano ichatangira nokukurumidza “mugumo” wake. Tinogona kudzidza zvakawanda pamusoro paaya “mashoko” kana tikarangarira humwe uporofita hweBhaibheri.

14 Kutanga, kunyanguvezvo, cherechedza kuti aya mabasa amambo wokuchamhembe haasati achitaurwa kuva okurwisana namambo wokumaodzanyemba. Haasati achisvika kumugumo wake mumaoko omurwisani wake mukuru. Nenzira yakafanana, mambo wokumaodzanyemba haasati achiparadzwa namambo wokuchamhembe. Mambo wokumaodzanyemba (anomirirwa muhumwe uporofita sorunyanga rwokupedzisira kuoneka pachikara) anoparadzwa “zvisingaitwi noruoko rwomunhu” noUmambo hwaMwari. (Dhanieri 7:26; 8:25) Kutaura idi, madzimambo ose apasi anoparadzwa pakupedzisira noUmambo hwaMwari pahondo yeArmagedhoni, uye ikoku sezviri pachena ndiko kunoitika kuna mambo wokuchamhembe. (Dhanieri 2:44; 12:1; Zvakazarurwa 16:14, 16) Dhanieri 11:44, 45 inorondedzera zvinoitika zvinotungamirira kuhondo iyoyo yokupedzisira. Hakushamisi kuti “uchashaiwa unomubetsera” apo mambo wokuchamhembe anosangana nomugumo wake!

15. Mibvunzoi inokosha inosara kuti ikurukurwe?

15 Ndohupi, ipapoka, huri humwe uporofita hwakajekesa “mashoko” anosunda mambo wokuchamhembe kutanga “kundoparadza nokupedza chose vazhinji”? Uye ndivanaani vari “vazhinji” avo achada kuparadza?

Mashoko Anobva Kumabvazuva

16. (a) Ndichinoitikai chakatanhamara chinofanira kuitika pamberi peArmagedhoni? (b) Ndivanaani vari “madzimambo anobva kumabvazuva”?

16 Pamberi pehondo yokupedzisira, Armagedhoni, muvengi mukuru wokunamata kwechokwadi anofanira kuparadzwa—Bhabhironi Guru rakafanana nemhombwe, umambo hwenyika yose hworudzidziso rwenhema. (Zvakazarurwa 18:3-8) Ruparadziko rwaro runodeya kufananidzirwa nokudururwa kwendiro yechitanhatu yokutsamwa kwaMwari parwizi rwokufananidzira Yufratesi. Rwizi rwacho rwunopwa “kuti nzira dzamadzimambo anobva kumabvazuva dzigadzirwe.” (Zvakazarurwa 16:12) Ndivanaani vari aya madzimambo? Havasati vari vamwe kunze kwaJehovha Mwari naJesu Kristu!a

17. (a) Chii icho Bhaibheri rinotiudza pamusoro poruparadziko rweBhabhironi Guru? (b) Chii icho mushumo “unobva kumabvazuva” ungabvumikisa kuva?

17 Ruparadziko rweBhabhironi Guru runorondedzerwa zvakajeka mubhuku raZvakazarurwa: “Nyanga dzine gumi dzawaona [‘madzimambo’ anotonga munguva yomugumo], nechikara [chikara chitsvuku, chinomirira sangano reChibatanwa chaMarudzi], ndivo vachavenga mhombwe, vachaiparadza nokuitorera nguvo; vachadya nyama yayo, nokuipisa nomwoto.” (Zvakazarurwa 17:16) Zvirokwazvo, marudzi ‘anoparadza nyama yakawanda’! (Dhanieri 7:5) Asi neiko vatongi, kubatanidza mambo wokuchamhembe, vachaparadza Bhabhironi Guru? Nemhaka yokuti ‘Mwari anoisa mumwoyo yavo kuti vaite mufungo wake.’ (Zvakazarurwa 17:17) Mushumo “unobva kumabvazuva” ungasanonongedzera kuidi rokuti Jehovha, apo, munzira yaanosarudza, iye anoisa mumwoyo yavatungamiriri vohunhu kuti vaparadze mhombwe huru yorudzidziso.—Dhanieri 11:44.

Mushumo Unobva Kuchamhembe

18. Ndichimwe chipfuroi icho mambo wokuchamhembe anacho, uye ikoku kunomuisepi apo anosvika kumugumo wake?

18 Asi kune chimwe chipfuro chokutsamwa kwamambo wokuchamhembe. Ngirozi inotaura kuti iye “uchadzika matente ake oushe pakati pegungwa negomo dzvene rakaisvonaka.” (Dhanieri 11:45) Munguva yaDhanieri, gungwa guru rakanga riri Mediterranean, uye gomo dzvene rakanga riri Zioni, yaichimbova nzvimbo yetembere yaMwari. Nokudaro, muzadziko youporofita, mambo akatsamwa wokuchamhembe anorwisana navanhu vaMwari! Mupfungwa yomudzimu nhasi, “pakati pegungwa negomo dzvene” panomuisa mumugariro womudzimu wavabatiri vakazodzwa vaMwari, avo vakabuda mu“gungwa” rorudzi rwomunhu rwakaparadzaniswa uye vane tariro yokutonga paGomo reZioni rokudenga naJesu Kristu.—Isaya 57:20; VaHebheru 12:22; Zvakazarurwa 14:1.

19. Sezvinoratidzirwa nouporofita hwaEzekieri, tingaziva sei mushumo unonyandura denho yaGogi? (Ona mashoko omuzasi.)

19 Ezekieri, murarami wapanguva imwe cheteyo waDhanieri, akaporofitawo denho pavanhu vaMwari “murutivi rwokupedzisira rwamazuva.” Iye akataura kuti utsinye hwaizotangwa naGogi waMagogi, anomirira Satani Dhiabhorosi. (Ezekieri 38:16, NW) Gogi anouya achibva munzirai, nenzira yokufananidzira? Jehovha, kupfurikidza naEzekieri, anoti: “Zvino iwe uchiuya, uchibva kuugaro hwako kumativi okumusorosoro.” (Ezekieri 38:15) Nokudaro, mushumo “unobva kumusoro” ingasanova paradziro yaSatani inonyandura mambo wokuchamhembe namamwe madzimambo ose kudenha vanhu vaJehovha.b—Enzanisa naZvakazarurwa 16:13, 14; 17:14.

20, 21. (a) Nei Gogi achanyandura marudzi, kubatanidza mambo wokuchamhembe, kuti adenhe vanhu vaMwari? (b) Denho yake ichabudirira here?

20 Gogi anoronga iyi denho yachose chose nemhaka yebudiriro ya“Israeri waMwari,” uyo, neboka guru ramamwe makwai, asati achisiri rutivi rwenyika yake. (VaGaratia 6:16; Johane 10:16; 17:15, 16; 1 Johane 5:19) Gogi anozvidza “rudzi rwakaunganidzwa kumarudzi avanhu, vakawana zvipfuwo nepfuma,” zvomudzimu. (Ezekieri 38:12; Zvakazarurwa 5:9; 7:9) Muzadziko yaaya mashoko, vanhu vaJehovha vari kubudirira nhasi sezvisakamboitika nakare kose. Munyika dzakawanda muEurope, Africa, uye Asia umo vakanga vakamborambidzwa, ivo zvino vanonamata vakasununguka. Pakati pa 1987 na 1992, “zvinodikanwa” zvinosanopfuura mirioni imwe zvakabuda mumarudzi zvichienda kuimba yaJehovha yokunamata kwechokwadi. Nenzira yomudzimu, ivo vakapfuma uye vane rugare.—Hagai 2:7; Isaya 2:2-4; 2 VaKorinte 8:9.

21 Achirangarira mugariro womudzimu wechiKristu se“nyika” iri nyore kukunda, Gogi anoita nhamburiko hurusa yokuparadzanya iyi mhinganidzo kukudzora kwake kwakakwana rudzi rwomunhu. (Ezekieri 38:11) Asi anokundikana. Apo madzimambo apasi anodenha vanhu vaJehovha, acha‘svika kumugumo wawo.’ Seiko?

Mambo Wechitatu

22, 23. Apo Gogi anodenha, ndiani anosimuka nokuda kwavanhu vaMwari, uye nemiuyoi?

22 Ezekieri anotaura kuti denho yaGogi chiratidzo chokuti Jehovha Mwari asimuke nokuda kwavanhu vake ndokuparadza mauto aGogi “pamakomo aIsraeri.” (Ezekieri 38:18; 39:4) Ikoku kunotiyeuchidza nezveizvo ngirozi inoudza Dhanieri, kuti: “Nenguva iyo Mikaeri uchasimuka, iye muchinda mukuru unorindira vana vavanhu vako; ipapo nguva yenjodzi ichavapo, isina kumbovapo yakadaro kubva pakumuka kwamarudzi avanhu kusvikira nguva iyo; nenguva iyo vanhu vako vacharwirwa, ivo vose vakanyorwa mubhuku.”—Dhanieri 12:1.

23 Muna 1914, Jesu—Mikaeri murwi wokudenga—akava Mambo woUmambo hwokudenga hwaMwari. (Zvakazarurwa 11:15; 12:7-9) Chifo chenguva iyeyo, iye ave akamira ‘nokuda kwavanakomana vavanhu vaDhanieri.’ Nokukurumidza, kunyanguvezvo, iye ucha“simuka” muzita raJehovha soMurwi Mambo asingakundwi, achiunza “matsive paavo vasingazivi Mwari uye avo vasingateereri mashoko akanaka pamusoro paShe wedu Jesu.” (2 VaTesaronika 1:8, NW) Marudzi ose apasi, kubatanidza madzimambo ouporofita hwaDhanieri, acha“zvirova amene mukuchema.” (Mateo 24:30, NW) Nemifungo yakashata ichiri mumwoyo yavo ku‘vanhu vaDhanieri,’ ivo vachaparara nokusingaperi pasimba ra‘Mikaeri, muchinda mukuru.’—Zvakazarurwa 19:11-21.

24. Iyi fundo youporofita hwaDhanieri inofanira kuva nomuuyoi patiri?

24 Hatishuvi here kuona rukundo rukuru irworwo rwaMikaeri norwaMwari wake, Jehovha? Nokuti rukundo irworwo ruchareva “kupukunyuka,” kupona, nokuda kwamaKristu echokwadi. (Enzanisa naMaraki 4:1-3.) Nokudaro, tichitarira kunguva yemberi nekariro yokudisa, tinoyeuka mashoko omuapostora Pauro, anoti: “Paridza shoko; ramba uchidaro nenguva yakafanira, kunyange isakafanira.” (2 Timotio 4:2) Ngatibatisise Shoko roupenyu ndokutsvaka nokushingaira makwai aJehovha apo nguva yakanaka inopfuurira. Tava murutivi rwokupedzisira munhangemutange youpenyu. Tuso yava pedyo. Vose ngavatsunge kutsungirira kusvikira kumugumo uye nokudaro kuva pakati paavo vachaponeswa.—Mateo 24:13; VaHebheru 12:1.

[Mashoko Omuzasi]

a Ona Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo! rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc., mapeji 229-30.

b Nenzira yakasiana, mushumo “unobva kumusoro” ungagona kubvumikisa kuva unobva kuna Jehovha, nemhaka yamashoko ake kuna Gogi, anoti: “[Zvamazvirokwazvo, NW] . . . nokukuisa zvikokoono mushaya dzako; ndichakubudisa.” “Ini . . . ndichakuparira kukwira uchibva kumativi ari kuresa okuchamhembe ndokukupinza pamakomo aIsraeri.”—Ezekieri 38:4; 39:2, NW; enzanisa nePisarema 48:2.

Unonzwisisa Here?

◻ Mambo wokumaodzanyemba akapesana sei namambo wokuchamhembe munguva yose yomugumo?

◻ Chii chatichigere kudzidza pamusoro pomuuyo werwisano iri pakati pamadzimambo maviri?

◻ Ndizvinoitikai zviviri pamberi peArmagedhoni zvichabatanidza zvamazvirokwazvo mambo wokuchamhembe?

◻ ‘Mikaeri, muchinda mukuru,’ achadzivirira sei vanhu vaMwari?

◻ Tinofanira kuita sei kufundo yedu youporofita hwaDhanieri?

[Mifananidzo iri papeji 19]

Mambo wokuchamhembe akanamata mwari akasiana namwari wavatangiri vake

[Kwazvakatorwa]

Pamusoro kuruboshwe uye pakati: UPI/Bettmann; pasi kuruboshwe: Reuters/Bettmann; pasi kurudyi: Jasmin/Gamma Liaison

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe