Zvidzidzo Zvinobva muMagwaro: Zefania 1:1–3:20
Tsvaka Jehovha Uye Mubatire Nomwoyo Wose
MAKORE 50 vaBhabhironi vasati vaparadzanya Judha akawa pakutenda, Jehovha akazivisa kupfurikidza nomuporofita wake Zefania, kuti: “Ndichaparadza chose zvinhu zvose zviri pasi pose.” (1:1, 2) Asi Mwari akaratidzawo vanhu vake nzira yokukotsekana. (2:3; 3:9) Muna ikoku, bhuku raZefania rine zvidzidzo zvinokosha nokuda kwavose zvino vakatarisana ne“hondo yezuva guru raMwari Wamasimba ose.”—Zvakazarurwa 16:14, NW.
Zuva raJehovha Rava Pedyo
Nezuva raJehovha rava pedyo kwazvo, vapi navapi vakabva kuna Mwari vanofanira kukurumidza kudzokera kwaari. Pakati pavanhu Mwari acha“paradza” ndivo “vakadzoka pakutevera Jehovha.” Ivo vakadzoka uye havasati vachazvinetsa vamene nokuda kwaMwari. Mugariro une ngozi zvakadini! Unofanira kururamiswa nokukurumidza.—Zefania 1:3-11.
Pfuma yokunyama haigoni kugovera chengeteko muzuva raJehovha. Vamwe vanoti vanobatira Jehovha vanozvibatikanisa vamene muzvinorondwa zvokunyama, vachipinda mumugariro wakanaka. Asi kuzvinyengera kwakadini! Zvinhu zvavo zvokunyama hazvisati zvichizopa chengeteko mu“zuva irero.”—Zefania 1:12-18.
Ruponeso Runobvira
Kuvanzwa muzuva raJehovha, inopfuura zivo yapamusoro yaMagwaro inodikanwa. “Vanyoro” avo vaka“shandisa chisarudzo Chake amene chokutonga” vanopangirwa kuti ‘tsvakai Jehovha, tsvakai kururama, tsvakai unyoro.’ Avo bedzi vaka“tsungirira kusvikira kumugumo” vachaponeswa.—Zefania 2:1-3; Mateo 24:13, NW.
Marudzi anodzvinyirira vanhu vaJehovha nhasi achatambura ruparadziko. Ivo vachava nechinoitika chimwe chetecho naMoabhi, Amoni, Asiria, uye mamwe marudzi akapoteredza Judha. Ruparadziko rwakamirirawo Bhabhironi Guru. (Zvakazarurwa 18:4-8) Haiwa ikoku kunotikurudzira sei kupfuurira mberi mukuzivisa rutongeso rwaMwari!—Zefania 2:4-15.
Vanhu Vakadzorerwa
Jehovha zvino ari kugadzirira vanhu vake nokuda kwokupukunyuka. Ko iwe wakarega pfungwa dzechiBhabhironi ndokuvamba kutaura “mutauro wakachena” wezvokwadi yeBhaibheri inokosha here? Ko iwe ‘wakadana pazita raJehovha’ kupfurikidza nokuzvitsaurira umene kwaari here? Ko iwe uri ‘kuunza chipo,’ ndiko kuti, “chibereko chemiromo inoita ziviso yapachena kuzita rake” here? Nokuda kwokupukunyuka, iwe unofanira kubatira “pamwe chete” navanhu vakazvitsaurira vaJehovha.—Zefania 3:1-10; VaRoma 10:13-15; VaHebheru 13:15.
Nokuda kworuponeso, tinofanira kutsvaka Jehovha ndokukudza zita rake dzvene. Kuzvitutumadza, kusarurama, uye nhema hazvina nzvimbo pakati pavanhu vake. (VaEfeso 4:25-32) “Vanotambudzika navarombo” bedzi vachaponeswa apo iye anotsvenesa zita rake.—Zefania 3:11-20.
Zvidzidzo Zvinobva muMagwaro: Hagai 1:1–2:23
BHUKU raHagai rinotiendesa kuna 520 P.N.V., makore 17 pashure pokunge vakasarira vechiJudha vahwirira kuJerusarema kuzovakazve tembere yaJehovha. (Hagai 1:1) Iyoyo yakanga iri nguva yokuti munhu ari wose aise mwoyo wake pabasa raMwari. Bva, Jehovha akakuwana kuri madikanwa kutuma muporofita Hagai kuzoyeuchidza vanhu Vake nezvemusengwa wavo. Muna ikoku mune zvidzidzo zvedu here?
Isa Basa raJehovha Pakutanga
Usatongoise fariro dzokunyama pamberi pamabasa omudzimu. VaJudha vakahwirira kunyika yokumusha kwavo vaiva nechikonzero chokuitira hanya pamusoro pokusava nechokwadi nomugariro wavo wemari, vavakidzani vane utsinye, uye zvichingodaro. Asi izvozvi zvakanga zvisiri zvisakiso zveregeredzo yavo, nemhaka yemigariro yavo yokurarama youmbozha. Ivo vakavamba kushanda patembere bedzi pashure pokunyandurwa naHagai. Nenzira yakafanana nhasi, tinofanira ‘kuisa mwoyo yedu panzira dzedu’ ndokuva nechokwadi chokuti tinotsigira basa raMwari kusvikira patambanuko yakazara zvikuru seinobvira.—Hagai 1:2-15.
Jehovha anokomborera nhamburiko dzaavo vanoita basa rake nomwoyo wose. Mwari aizokomborera basa raZerubhabheri navamwe vaJudha mukupedza tembere, uye mbiri yayo yaizopfuura iyo yeimba yekare. Ne“boka guru” rinogamuchira shoko roUmambo nhasi, “zvinhu zvinodikanwa zvamarudzi ose” zviri kuuya kutembere yomudzimu yaJehovha, uye iye ari ‘kuzadza imba yake nembiri.’—Hagai 2:1-9; Zvakazarurwa 7:9, NW.
Basa Romwoyo Wose Rinodikanwa
Kunamata kwedu ndokwoukoshi bedzi kana takachena, vavariro dzedu dzakachena, uye tiri kubatira Jehovha nomwoyo wakakwana. Kuregeredza imba yaMwari kwakaita kuti vaJudha vave vasina kuchena, asi iye aizovakomborera nokukurumidza apo basa retembere rakavamba. Naizvozvo, kana tichizofarikanya chikomborero chaJehovha, tinofanira kururamisa chinhu chipi nechipi chinoda ngwariro ndokuisa mwoyo wedu pabasa rake. (Enzanisa naNumeri 19:11-13.) Sezvatinomirira Jehovha kuti azununguse matenga napasi, kuparadza maumambo, ngatiteverei Zerubhabheri wokufananidzirwa, Jesu Kristu, uye kugoverana nomwoyo wose mubasa raJehovha.—Hagai 2:10-23.
[Bhokisi riri papeji 30]
MAGWARO EBHAIBHERI ANONZVERWA
o Zefania 1:5—Markami, sezvinobvira zvimwe chetezvo naMirkomi, Moreki, kana kuti Moroko, akanga ari mwari wenhema mukuru wavaAmoni. (1 Madzimambo 11:5, 7) Kunamatwa kwaMoreki kwaibatanidza kubaira vana kunonyangadza uye kwakashurikidzwa noMutemo.—Revhitiko 20:2-5; Mabasa 7:42, 43.
o Zefania 2:14—Sezvakadeya kutaurwa, mbiru dzakarigwa dzeNinevhe yakaitwa napamusoro padzo zvakava nzvimbo yeshiri nezvikara. Shiri uye sezvingabvira mhepo ‘zvakaimba’ mumahwindo akasiiwa. Masuo uye kunyange mukati memba dzamambo zvakaparadzwa.
o Zefania 3:9—Mutaurowo zvawo wavanhu hausati uchivimbisa chinzwano, sezvinoratidzwa nehondo dzinorwiwa pakati pavanhu vorurimi rumwe cheterwo. “Mutauro wakachena” izvokwadi yapaMagwaro, “mutoo wamashoko akanaka.” (2 Timotio 1:13, NW) Unopfuura rudado, unorumbidza Mwari, uye unobatanidza vose vanoutaura.
o Hagai 1:6—Sezvo vaJudha vakanga vachiregeredza tembere yaJehovha, ivo havana kuva nechikomborero chake. Nokudaro, ivo vakadyara zvakawanda asi vakapinza zviyo zvishomanene ndokushaiwa zvokudya zvakakwana nezvokunwa zvokugutsa zvinodikanwa zvavo. Zvipfeko zvavo zvakanga zviri zvouwandu husakakwana kana kuti unaku zvokuvachengeta vachidziirwa, uye vawani vomubairo vakaratidzika kuva vanoisa mari muhomwe dzemari dzakazara nemwena. Kusafanana navaJudha ivavo, tisatongoregeredze fariro dzoumwari.—Zvirevo 10:22; Nehemia 10:39.
o Hagai 2:9—Nepo tembere “yokutanga,” yakavakwa naSoromoni, yakamira kwamakore 420, “imba yapashure” yakashandiswa kwamakore 584 (515 P.N.V.-70 N.V.). Naizvozvo tembere yechipiri yakagara kwenguva refu. Vanamati vakawanda vakadirana kwairi, sapaPentekosta ya 33 N.V., apo maJudha navaproserite vakaunganira kwairi vachibva mberi kweJudhea. Uyezve, Mesia, Jesu Kristu, akadzidzisa mu“imba yapashure.” Izvi zvinhu zvakaipa mbiri huru yorudzidziso.