RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w95 5/1 pp. 28-31
  • Bhizimisi Rako Richakuparira Kurasikirwa Nei?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Bhizimisi Rako Richakuparira Kurasikirwa Nei?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Chengeta Mari Iri Munzvimbo Yayo
  • Omerera Pashoko Rako
  • Iva Akatendeseka
  • Bata Zvakanaka Navatendi Biyako
  • Nzwisiso Ngaikutavirire
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Iva Akatendeseka Muzvinhu Zvose
    “Rambai Muri Murudo rwaMwari”
  • Iva Akatendeseka Pazvinhu Zvese
    Ramba Uri Murudo rwaMwari
  • “Nyatsosvinurirai”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
w95 5/1 pp. 28-31

Bhizimisi Rako Richakuparira Kurasikirwa Nei?

MUDZIMAI wapurezidhendi weimwe nyika yeSouth America akapomerwa mhaka yokupinza mazana ezviuru zvamadhora muzvibvumirano zvamakambani okunyengera akatangwa nemitezo yemhuri yake. Anotenga nokutengesa zvinhu ane makore 38 okukura muIndia akasungwa ndokubviswa mufurati yake youmbozha nemotokari dzake 29 nemhaka yokubatanidzwa kwake kunofungidzirwa mumhaka yokuisa mabhiriyoni $1.6 mubhangi uye kutenga mastock. MuPhilippines, zviuru zvavagari vapachitsuwa chimwe vanorarama nokugadzira pfuti dzomumaoko zvisiri pamutemo. Kuti varambe vari muiri basa rinopa mari yakawanda, kunoshumwa kudaro, vanowanzopfumba zviremera kuti zvisadzongonyedze.

Hungu, kusatendeseka nokurozva mubhizimisi zvakapararira munyika yose. Uye kunowanzoparira vanhu vanobatanidzwa kurasikirwa nenzvimbo norukudzo, pamwe chete nemari.

Zvakadiniko newe? Uri mubhizimisi here? Kana kuti uri kufunga zvokutanga bhizimisi here? Richakuparira kurasikirwa nei? Nenzira isingadzivisiki, kuva nebhizimisi kuchakuparira kurasikirwa nechimwe chinhu. Ikoku hakuna kuipawo zvako. Zvisinei, kuchenjera kurangarira ndyiko dzacho usati watanga bhizimisi kana kuti kuita zvisarudzo zvine chokuita nerakatotangwa. (Ruka 14:28) Bhokisi riri papeji 31 rinoratidza dzimwe ndyiko idzo uchada kurangarira.

Nenzira yakajeka, kuva mubhizimisi hakusati kuri nyore. Nokuda kwomuKristu, kune misengwa yomudzimu neyetsika yokurangarira. Unogona kuripira ndyiko ndokuramba wakadzikama mumudzimu here? Dzimwe ndyiko dzinopfuura zvaunogona kugamuchira here mutsika? Ndedzipi dziri dzimwe nheyo dzichakubetsera kusarudza kuti indyikoi dzinogamuchirika nedzisiri?

Chengeta Mari Iri Munzvimbo Yayo

Mari inodikanwa kutarisira bhizimisi, uye kunokarirwa kuti bhizimisi richaunza mari yakakwana kutsigira mhuri yomunhu. Zvisinei, nharidzano dzine chokuita nemari dzinogona kuvhiringidzwa nenzira iri nyore. Udyire hungava chinhu chinoparira. Nokuda kwavanhu vakawanda, chinhu chiri chosewo zvacho chinoiswa parutivi apo mari inobatanidzwa. Bva, mumwe munyori webhuku reBhaibheri raZvirevo, Aguri, akataura murangariro wakadzikama apo akati: “Regai kundipa urombo kana fuma; mundigutse nezvokudya zvakandifanira.” (Zvirevo 30:8) Akaziva ukoshi hwokuva anogutswa nechitsama chakakwana chezvokudya—haana kuda kuita “mari yakawanda,” seizvo vamwe vanotaura mubhizimisi.

Udyire, kunyanguvezvo, hunogona kuparira munhu kukanganwa iyi nheyo apo uyo unonzi mukana wokubudirira unomuka. Mumwe mushumiri anofambira weZvapupu zvaJehovha mune imwe nyika iri kubudirira akashuma pamusoro pechakaitika chakadaro. Kambani yakati yaida mari yokutanga nayo yemhindu yakapa mufungo wokuti vanoisa mari vaizopeta nakaviri mari yavo nokukurumidza, zvichida mumwedzi mishomanene chete. Ichi chikarakadzo chokuita mari nenzira iri nyore chakatungamirira vakawanda kuisa mari. Mushumiri anofambira wacho anoti: “Vamwe vakanga vachinyanyodisa kubatanidzwa. Vakanga vasiri kubvunza mibvunzo yakakwana, uye vakakwereta mari [kuti vaise mari].”

Mukupesana, vamwe vanhu vaviri vakaenda kundonzvera hofisi yeiyi kambani vasati vaisa mari. Chikumbiro chavo chokuona zvivako zvokubudisa chakarambwa. Ikoku kwakavaparira kupokana mukurumbira wekambani yacho. Kwakabvumikisa kuva dziviriro kwavari, sezvo mukati mevhiki shomanene, gadziriro yokunyengera kwakajeka yakafumurwa, uye vanhu vakasungwa. Chimbofunga icho ikoku kwakaparira kurasikirwa nacho avo vakanga vasina kufeya-feya pakutanga. Vakarasikirwa kwete bedzi nemari asi zvichida kunyange shamwari idzo dzavakakweretesa asi dzaisagona kudzorerwa apo gadziriro yacho yakakundikana. Munhau dzemari, kuchenjera sei kushandisa nheyo yaZvirevo 22:3, inoti: “Munhu wakangwara unoona zvakaipa, ndokuvanda; asi vasina mano vanopfuura havo, ndokuwira munjodzi”!

Omerera Pashoko Rako

Zvakadiniko kana bhizimisi rikasaita mhindu yawaikarira? Pisarema 15:4 rinorumbidza munhu anoomerera pazvibvumirano zvake kunyange kana kuita kudaro kusiri kwebetserwo yake, richiti: “Iye unoti kana achinge apika, haangazoshanduri shoko rake, kunyange zvikava zvakaipa kwaari.” Kuri nyore kuomerera pashoko romunhu apo zvinhu zvinenge zvichifamba zvakanaka. Asi kunova muedzo wokuperera apo kunenge kuri kusabetserwa kwomunhu mune zvemari.

Yeuka muenzaniso weBhaibheri womunguva dzaJoshua. VaGibheoni vakaronga zvinhu zvokuti machinda aIsraeri aizoita sungano navo ndokusavaparadza. Chaizvoizvo, vakanga vari rutivi rwerudzi rwairangarirwa kuva tyisidziro kuna Israeri. Apo unyengeri hwacho hwakazivikanwa, “vana vaIsraeri havana kuvaparadza, nokuti machinda eungano akanga apika kwavari naJehovha Mwari waIsraeri.” (Joshua 9:18) Kunyange zvazvo iri boka rakabva munharaunda yomuvengi, machinda eungano akanzwa kuchikosha kuchengeta shoko ravo. Uye zviitiko zvakatevera zvinoratidza kuti ikoku kwakafadza Jehovha.—Joshua 10:6-11.

Iwe uchaomererawo pazvibvumirano zvako nezvisungo zvebhizimisi kunyange kana zvinhu zvikasaitika sezvawaikarira here?a Kuita kudaro kuchakuita kuti ufanane zvikuru naJehovha, uyo anoomerera nguva dzose pashoko rake.—Isaya 55:11.

Iva Akatendeseka

Kutendeseka kwakafanana nechinhu chiri mungozi, kana chisina kutotsakatika munharaunda yebhizimisi yanhasi. Vamwe vari mumabhizimisi akafanana neako vangashandisa nzira dzokusatendeseka kuwedzera mibayiro yavo. Vangava vasina kutendeseka mukushambadzira. Vangaba zita reimwe kambani ndokuriisa pachigadzirwa chavo. Kana kuti vangapa chigadzirwa chakaderera seicho choukoshi hukuru. Zvose izvozvi zvimiro zvokusatendeseka. Avo vari kuzviita vakafanana na“vakaipa” avo, maererano naAsafi, “vanowedzera fuma yavo,” sezviri pachena nenzira yokunyengera.—Pisarema 73:12.

SomuKristu, uchashandisa mitoo isiri yapamutemo here? Kana kuti panzvimbo pezvo uchatungamirirwa nenheyo dzeBhaibheri, dzakadai seidzi: “Hatina kuitira munhu zvisakarurama, hatina kutadzira munhu, hatina kunyengera munhu”; “takaramba zvinhu zvakavanzika zvinonyadza, tisingafambi nokunyengera”; “zviidzo, zvakasiyana, zvinonyangadza Jehovha; nechiyero chinonyengedzera hachina kunaka”? (2 VaKorinte 4:2; 7:2; Zvirevo 20:23) Yeuka, muvambi wokusatendeseka haasiri mumwe kunze kwaSatani Dhiyabhorosi, “baba venhema.”—Johane 8:44, NW.

Vamwe vangaramba ndokuti: ‘Kwakaoma kuramba uri mubhizimisi kutoti mumwe akashandisa mitoo yokusatendeseka sezvinoita vamwe.’ Apa ndipo apo muKristu anogona kuratidzira kutenda kwake Jehovha. Kutendeseka kunoedzwa apo kunoparira kurasikirwa nechimwe chinhu. Kutaura kuti munhu haagoni kurarama pasina kuva asina kutendeseka kwakafanana nokutaura kuti Mwari haaitiri hanya avo vanomuda. Munhu ane kutenda kwechokwadi muna Jehovha zvechokwadi anoziva kuti Mwari anogona kugovera vabatiri vake munyika ipi neipi uye mumamiriro ezvinhu api naapi. (VaHebheru 13:5) Chokwadi, munhu angafanira kugutsikana nemari shomanene zvishoma kupfuura iyo vasina kutendeseka vangava nayo, asi uyu hausati uri mutengo wakafanira kuripa kuti uve nechikomborero chaMwari here?

Yeuka, kusatendeseka kwakafanana nechinhu, icho kana chakandwa, chinodzokera kuanokanda wacho. Kana muzvinabhizimisi akawanikwa kuva asina kutendeseka, vatengi navanogovera kazhinji kazhinji vachamusiya. Angavanyengera kamwe, asi ikako kangava kokupedzisira. Kune rumwe rutivi, muzvinabhizimisi akatendeseka anowanzowana ruremekedzo rwavamwe. Ngwarira kusapesvedzerwa nokurangarira kwenhema kwokuti, ‘Munhu ari wosewo zvake anokuita, naizvozvo kwakanaka.’ Nheyo yeBhaibheri ndeyokuti, “Usatevera vazhinji pakuita zvakaipa.”—Eksodho 23:2.

Ngatimboti mukutsirani wako webhizimisi wenguva refu haasiri muKristu biyako uye haaomereri panheyo dzeBhaibheri nguva dzose. Kwaizova kwakafanira here kushandisa ikoku sepembedzo yokunzvenga mutoro wako umene apo chimwe chinhu chisiri chapamagwaro chinenge chichiitwa? Yeuka mienzaniso yakadai saAdhama naSauro. Panzvimbo pokudzivisa chivi, vakatera kudzvinyiriro yaibva kuna vamwe uye ipapo vakapa mhaka vasonganiri vavo. Mutengo mukuru zvakadini wavakaripa!—Genesi 3:12, 17-19; 1 Samueri 15:20-26.

Bata Zvakanaka Navatendi Biyako

Pane ndyiko dzokurangarira here apo unopinda mubhizimisi navanamati biyako vaJehovha? Apo muporofita Jeremia akatenga munda mutaundi rokumusha kwake reAnatoti kuna mukoma wake, haana kungomupa mari ndokubvumirana pasina kunyorerana. Panzvimbo pezvo, akati: “Ndikanyora rugwaro rwokutenga, ndikarunamatidza, ndikadana zvapupu, ndikamuyerera mari pachiyero.” (Jeremia 32:10) Kuita zvibvumirano zvakanyorwa zvakadaro kunogona kudzivisa kusanzwisisana kungamuka panguva yapashure kana mamiriro ezvinhu akachinja.

Asi zvakadini kana hama yechiKristu ikaratidzika kuva yakakubata nenzira isina kunaka mubhizimisi? Unofanira kumuendesa kudare here? Bhaibheri rakajeka zvikuru pana ikoku. “Ko kana mumwe wenyu ane mhosva nomumwe, ungatsunga kumukwirira kuna vasakarurama, akasamukwirira kuna vatsvene here?” akabvunza kudaro Pauro. Zvakadiniko kana chinetso chikasagadzikiswa nenzira inogutsa pakarepo? Pauro akawedzera, kuti: “Matova nemhosva kwazvo pakati penyu, zvamunokwirirana. Munoregereiko kutenda kuitirwa zvisakarurama? Munoregereiko kutenda kubirwa?” Chimbofunga hako kuti ruzvidzo rwakadini rwakungaisa pasangano rechiKristu kana vokunze vakanzwa nezvevaKristu vechokwadi vachikugadzikisa mudare! Kungava here kuti muzvinoitika zvakadaro kuda mari kwava kwakasimba zvikuru kupfuura kuda hama? Kana kuti kungava here kuti rukudzo rwomunhu rwakasvibiswa uye kutsiva ndokwokutanga mundangariro? Zano raPauro rinoratidza kuti muzvinoitika zvakadaro kwaizova kuri nani kutambura kurasikirwa pane kuenda kudare.—1 VaKorinte 6:1, 7; VaRoma 12:17-21.

Chokwadika, pane nzira yapaMagwaro yokubata nayo magakava akadaro mukati meungano. (Mateo 5:37; 18:15-17) Mukubetsera hama dzinobatanidzwa kutevera matanho anorumbidzwa, vatariri vechiKristu vangapa zano rinobetsera nokuda kwavose vanobatanidzwa. Kungaratidzika kuva kuri nyore mukati mekurukurirano dzakadaro kubvumirana nenheyo dzeBhaibheri, asi pashure pacho ucharatidza chaizvoizvo kuti wakateerera kupfurikidza nokushandisa zano rakapiwa here? Kuda Mwari navaKristu biyedu kwaizotigombedzera kuita kudaro.

Pasina kupokana, kuva mubhizimisi kuchakuparira kurasikirwa nechimwe chinhu. Nenzira ine chivimbo, mutengo waunoripira uchava une mufungo. Apo unonangana nezvisarudzo kana kuti mamiriro ezvinhu api naapi anopokanwa, yeuka kuti kune zvinhu zvakawanda muupenyu zvinokosha zvikuru kwazvo kupfuura mari. Kupfurikidza nokuchengeta mari iri munzvimbo yayo, kuchengeta shoko romunhu, kuva akatendeseka, uye kubata navasonganiri vebhizimisi nenzira yechiKristu, tinogona kuva nechokwadi chokuti bhizimisi haritipariri kurasikirwa nenguva nemari kupfuura zviri madikanwa, uye panguva imwe cheteyo, tinogona kuchengetedza ushamwari, hana yakanaka, uye ukama hwakaisvonaka naJehovha.

[Mashoko Omuzasi]

a Nokuda kwomuenzaniso womuzuva razvino uno wokuomerera pashoko romunhu mubhizimisi, ona nyaya “My Word My Bond” iri muMukai! yechiNgezi yaMay 8, 1988, mapeji 11-13.

[Bhokisi riri papeji 31]

Zvinhu Izvo Bhizimisi Rako Ringakuparira Kurasikirwa Nazvo

Nguva: Kutarisira bhizimisi romunhu amene kunodokuva nguva dzose kunotora nguva yakawanda kupfuura kushanda somushandi wekambani yakati. Ikoku kuchadzongonyedza rudungwe rwako, kuchisiya nguva shoma nokuda kwemibato yomudzimu inokosha here? Kurutivi rwakanaka, uchakwanisa kuronga zvinhu zvako kuti upedze nguva yakawanda mukuita kuda kwaMwari here? Kana zvakadaro, zvakaisvonaka. Asi ngwarira! Ikoku kuri nyore kutaura pane kuita.

Mari: Kunoda mari kuita mari. Imarii inodikanwa kuiswa nokuda kwebhizimisi rako? Unotova nemari yacho here? Kana kuti uchatofanira kukwereta? Unogona kurasikirwa neimwe here? Kana kuti kurasikirwa kwacho kuchava kwakakura kupfuura kwaungagona kutsungirira kana zvinhu zvikasaita sezvaikarirwa here?

Shamwari: Nemhaka yezvinetso zvinomuka mukushanda kwezuva nezuva, bhizimisi reari kutanga kakawanda rakamuparira kurasikirwa neshamwari dzake. Kunyange zvazvo bviro yokuita shamwari iripo, bviro youkama hwakashatiswa chinhu chaichoicho. Zvakadiniko kana idzi shamwari dziri hama dzedu dzechiKristu?

Hana Yakanaka: Mutoo wavose womubhizimisi munyika yanhasi ndowokuti “Abayiwa ngaabude” kana kuti “Ndinowanei?” Vanopfuura 70 muzana vavadzidzi mukumwe kunzvera kwomuEurope vakataura kuti tsika dzine nzvimbo duku kana kuti hadzina muupenyu hwebhizimisi. Hakushamisi kuti kurozva, kusatendeseka, uye miitiro yebhizimisi inopokanwa zvazova zvinozivikanwa navose. Uchaedzwa kuita zvakafanana here?

Ukama Hwako naJehovha: Chiito chipi nechipi mubhizimisi chinorwisana nemitemo nenheyo dzaMwari, kunyange zvazvo chichizivikanwa navose muzvinhu zvebhizimisi, chingakanganisa ukama hwomunhu noMuiti wake. Ikoku kungamuparira kurasikirwa nekariro dzake dzoupenyu husingagumi. Iwoyu sezviri pachena ungasava mutengo wakanyanyokura here nokuda kwomuKristu akavimbika kuti aripire, pasinei zvapo nebetsero dzokunyama?

[Mifananidzo iri papeji 31]

Chii chichabetsera kudzivisa kusanzwisisana kwapashure? Chibvumirano chisina kunyorwa here kana kuti chibvumirano chakanyorwa?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe