Goverana Mubasa Risati Richizotongodzokororwa
1 Panguva dzakasiyana-siyana munhau yose yorudzi rwomunhu, kwakanga kuri madikanwa kuti Jehovha aite rutongeso pavavengi vake. Zvisinei, nemhaka yengoni dzake, akagovera vane mwoyo yakarurama mukana woruponeso. (Pis. 103:13) Kuita kwavo kwakasarudza mugumo wavo.
2 Somuenzaniso, Mafashamo asati aitika, muna 2370 B.C.E., Noa akanga ari “muparidzi wokururama.” Vanhu vakaparara vakanga vari vaya vakafuratira nyevero yaMwari. (2 Pet. 2:5; VaH. 11:7) Jerusarema risati raparadzwa muna 70 C.E., Jesu akaonesa zvakajeka chiito chaizodikanwa kuti munhu upi noupi apukunyuke ruparadziko rwaizowira guta racho. Vose vakaramba shoko rake rokunyevera vakatambura migumisiro inotyisa. (Ruka 21:20-24) Nyevero dzakadaro dzaMwari nemarutongeso zvakadzokororwa kazhinji munhau yose.
3 Basa Rokunyevera Romuzuva Razvino Uno: Jehovha kare kare akazivisa kuti hasha dzake dzaizoitirwa tsika yakaipa yanhasi uye kuti vanyoro bedzi vaizopukunyuka. (Zef. 2:2, 3; 3:8) Nguva yokuparidza iri shoko rokunyevera iri kupera nokukurumidza! “Dambudziko guru” riri pamberi apa chaipo, uye vanyoro zvino vari kuunganidzwa. Zvirokwazvo, “minda” ya“ibvira kucheka.” Nokudaro, hapana rimwe basa rinogona kuenzana neiri pakukosha nekurumidziro.—Mat. 24:14, 21, 22; Joh. 4:35.
4 Tinofanira kugoverana mukuzivisa nyevero yomuzuva razvino uno kuna vamwe, “kana vachida kunzwa kana vasingadi.” Uyu mugove wakapiwa naMwari, watisingatsungi kufuratira. (Ezek. 2:4, 5; 3:17, 18) Kugoverana kwedu zvakazara mubasa iri kunogovera kuratidzirwa kunopwisa kwokuda kwedu Mwari zvikuru, kuitira hanya vavakidzani vedu kwepachokwadi, uye kutenda kwedu kusingazununguki muMuponesi wedu, Jesu Kristu.
5 Zvino Ndiyo Nguva Yokuita Chiito: Pashure pemarutongeso akapfuura akaitwa naJehovha, uipi nguva dzose hwaimuka patsva nemhaka yokuti Satani nemadhemoni ake vakanga vachiri kuita basa. Zvisinei, nguva ino zvichava zvakasiyana. Pesvedzero yaSatani ichabviswa. Nyevero yenyika yose pamusoro pe“dambudziko guru” roswedera pedyo haisati ichizotongodikanwazve. (Zvak. 7:14; VaR. 16:20) Tine ropafadzo chaiyo yokuva rutivi rwebasa risati richizotongodzokororwa. Zvino ndiyo nguva yokuti tishandise zvikurusa mukana uno.
6 Pamusoro pemubato wake wokuparidza, muapostora Pauro, nokupwiswa kukuru, akati: “Ndakachena paropa ravanhu vose.” (Mabasa 20:26) Haana kunzwa ane mhaka yeropa kupfurikidza nokukundikana kupi nokupi kuzivisa nyevero. Nemhaka yei? Nemhaka yokuti aigona kutaura nezveushumiri hwake kuti: “Ndizvo zvandinobatirawo, ndichirwa.” (VaK. 1:29) Ngatifarikanyei gutsikano imwe cheteyo yokugoverana zvikurusa zvinobvira mubasa risati richizodzokororwa!—2 Tim. 2:15.