RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Kubva paSeder Kuenda Kuruponeso
    Nharireyomurindi—1990 | February 15
    • Volume 1) Mwedzi wokuwedzera nokudaro unopinda nenzira yomuzvarirwo, kwete kuwedzerwa nenzira isina mufungo.

      25 Mutumbi Unodzora weZvapupu zvaJehovha unogadza musi weChirairo chaShe mutsinhirano nomutoo wakare. Nisani 1 anosarudzwa apo mwedzi mutsva unenge uri pedyosa naapo zuva nousiku zvinenge zviri zvourefu hwakaenzana unogona sezvingabvira kucherechedzwa pakuvira kwezuva muJerusarema. Kuverenga mazuva 14 kuvambira ipapo kunosvitsa munhu kuna Nisani 14, uyo kazhinji kazhinji anowirirana nomusi wejena guru. (Ona Nharireyomurindi yaJanuary 1, 1978, mapeji 23, 24.) Pahwaro hwouyu mutoo weBhaibheri, Zvapupu zvaJehovha kupota pasi zvakaziviswa kuti kuchengetwa kweChirangaridzo gore rino kuchava pashure pokuvira kwezuva pana April 10.

      26. Mativii okuwedzera eChirairo chaShe anofanirwa nengwariro yedu?

      26 Uyu musi unowirirana naNisani 14, pakanga pari apo Jesu akaita Paseka yokupedzisira yapamutemo. Zvisinei, kuchengeta Chirangaridzo kunopinza muchiono ruponeso runopfuura urwo Seder yechiJudha inochengeta. Tose zvedu tinofanira kunzwisisa chinoitika mukati meChirairo chaShe, chachinoreva, uye kuti ruponeso rwedu runobatanidzwa sei.

  • Zorodza Hama Dzako Dzokunyama Nemvura Dzezvokwadi
    Nharireyomurindi—1990 | February 15
    • Zorodza Hama Dzako Dzokunyama Nemvura Dzezvokwadi

      “MUSHUMO wakanaka, unobva, (NW) kunyika iri kure, wakafanana nemvura inotonhorera mumweya une nyota,” Soromoni akadaro. (Zvirevo 25:25) Ndichinoitika chinonyandura zvakadini kuti mweya waneta uteerere mushumo wako wakanaka woupenyu husingaperi muParadhiso iri kuuya! Neiyi nzira, muromo wako unova “tsime roupenyu.”—Zvirevo 10:11; Isaya 52:7.

      Mvura inototesa ivhu uye inoparira kukura, nepo mafashamo angava ane ngwavaira. Uyewo, mvura muchimiro chechinwiwa chakatonhoreswa inozorodza, asi ndiani anoda kubatwa mudutu kana kuti muchimvuramabwe? Sezvo izvo zvinobuda mumuromo medu zvakaenzaniswa nemvura, kusanopa ngwariro kukudzidzisa kwedu kuri madikanwa. (1 Timotio 4:16) Tinofanira kuva vanoziva zvikuru nezvemiuyo yakasiana yeiyi “mvura” patinoparidzira kuhama dzokunyama.

      “Kudiridza” Hama Dzokunyama

      Munguva dzakare, Rakabhi akazarura nzira yokurupukunyuko nokuda kwemhuri yake, uye Kornerio akapa uchapupu pamberi pehama dzake dzokunyama. (Joshua 2:13; 6:23; Mabasa 10:24, 30-33) Munun’una waPetro Andrea akamubetsera kuva mudzidzisi waJesu. (Johane 1:40-42) Uye nhasi vazhinji veZvapupu zvaJehovha vanoita kuti zvokwadi ibudire kuhama dzavo dzokunyama. Zvirevo 11:25 inopikira, kuti: “Chipavhurire uchakodzwa; uye unodiridza uchadiridzwawo.”

      Mumwe mukadzi muEurope akashuva kugoverana kutenda kwake kutsva navabereki vake, hanzvadzi, navakoma navanun’una vaigara muPhilippines. Iye anoshuma, kuti: “Ndakaita saizvozvo mutsamba iri yose yandakavanyorera. Pamberi porubhapatidzo rwangu, ndakatumirawo mabhuku kwavari ndokubvunza kana vaida kushanyirwa neZvapupu zvaJehovha.” Kumufaro wake mukuru, ivo vakabvuma shanyo, uye zvino vasere vavo vanonamata Jehovha. Zvimwe Zvapupu zvakaona miuyo yakanaka kupfurikidza nokutumira kuzvinyoresa kwechipo kweNharireyomurindi neAwake! kuhama dzavo dzokunyama.

      Asi zvakadiniko kana mitezo yemhuri isingaratidzi fariro? Jesu akatarisana nouyu mugariro, nokuti pane imwe nguva “vanun’una vake vakanga vasingatendi kwaari.” Gare gare, zvisinei, “nomwoyo mumwe” ivo vakapfuurira mumunyengetero, pamwe chete navaapostora. (Johane 7:5; Mabasa 1:14) Neiko pakava nechinjo yomwoyo? Jesu sezviri pachena akapa hama dzake dzokunyama betsero asati akwira kudenga. Seiko? Iye akavabetsera kuwana kutenda kupfurikidza nokuoneka kumunun’una wake kuna amai Jakobho. (1 VaKorinte 15:7) Nokudaro, usarega kuedza kubetsera hama dzako dzokunyama. Zvapupu zvakawanda zvakakwanisa kukurukura nehama dzokunyama dzisingatendi pamusoro pezvokwadi yeBhaibheri pashure pokumirira nokushivirira nguva yakarurama.

      “Kudiridza” hama dzokunyama hakusati, zvisinei, kuchireva kudziwanzira mashoko. Varoorani veYugoslavia vanoti: “Nguva dzose pane ngozi yokuparidzira kwadziri zvikuru kwazvo.” Mumwe mutariri anofambira anoti: “Hama kazhinji kazhinji dzinonyanyokuita, dzichiratidzira shingairo yakaipa.” Ludwig anoyeuka nguva apo iye akavamba kufunda Bhaibheri: “Ipapo ndakawanzira amai vangu kwamaawa tsananguro pamusoro pechinodokuva chinhu chiri chose chandakanga ndadzidza muBhaibheri, uye ikoku kazhinji kazhinji kwakatungamirira kunharo, zvikurukuru nababa vangu.”

      Iva “Tsime Rouchenjeri”

      Tinorava kuti “rurimi rwowakachenjera runobudisa zivo kwadzo; asi muromo wamapenzi unodurura upenzi,” uye “mwoyo wowakarurama unombofunga chaangapindura.” (Zvirevo 15:2, 28) Ndangariro yakanaka, uchenjeri, uye nzwisiso nokudaro zvinodikanwa kuti zvipe mashoko edu kuzorodza nokuvaka. Kuti tinotaura zvakawanda rini, chii, uye sei ndezvoukoshi.

      Pazuva rinopisa, somuenzaniso, mukombe wemvura inotonhora unozorodza sei nokuda kwaane nyota! (Mateo 10:42) Asi hakuna munhu angarota nezvokudururira bhakiti remvura mumusoro make! Mutariri wedunhu anokorwa mashoko pamusoro apa anotsinhira, achiti: “Miuyo yakanakisisa inowanwa naavo vanonyandura kuda kuziva muhama dzavo dzokunyama kupfurikidza nokupupurira mumwero yakayerwa.” Apo hama yokunyama inoshora inova nenyota, sokunge zvakadaro, uye inovamba kubvunza mibvunzo, kurukurirano dzeBhaibheri dzinobudirira kazhinji kazhinji dzinotevera.

      Huriye, Chapupu cheTurkey, akaita ikoku pamusha kupfurikidza nokusiya zvinyorwa zveBhaibheri zvakavhurwa pamashoko angafadza murume wake asingatendi. Iye airavira nhau dzeBhaibheri vana, uye—kana iye akanga achiteerera—aipa tsinhiro dzaibetsera kwaari. Pane dzimwe nguva aingobvunza zvake, kuti: “Ndadzidza zvakati nezvakati mufundo yangu nhasi. Munofungei nezvako?” Iye anotaurawo mitemo yomufambiro yaairangarira: “Ramba wakaterama, uye usashatirwa kana kuti kugumbuka. Usava anoziva zvose. Ingova zvako anozvininipisa uye iva wechipiri.” Murume wake pakupedzisira akagamuchira zvokwadi yoUmambo uye zvino anobatira somushumiri wenguva yakazara.

      Marijan akabetsera hama dzokunyama dzinoverengeka kugamuchira kutenda kwake. “Usamanikidzira zvinhu asi mirira nguva yakarurama,” iye anopa zano kudaro. “Tinofanira kuremekedza apo vanotikumbira kusataura navo pamusoro pezvokwadi. Tinofanira kuva vanoshivirira navane rudo.” Zvikurukuru apo hama dzokunyama dzinoshora Muparidzi 3:7 yakanaka. Iyo inotaura kuti kune “nguva yokunyarara, nenguva yokutaura.” Ikoko kunoda kudisa kuteerera nenzira yokushivirira, kwete kudzongonyedza, uye kuremekedza mimwe mifungo. “Kushatirwa pakukurukura nehama dzokunyama hakuna mufungo,” anodaro Petar, uyo aichimbova anoshora zvikuru asi akachinja chimiro chake.

      Mufambiro Wakanaka Ngauparidze

      Kwamakore murume asingatendi akaparira nhamo mudzimai wake wechiKristu, padzimwe nguva achimukiira kunze kwemba. Iye pane imwe nguva akatsamwa zvakadaro zvokuti akabvarura bhuku raakanga akanganwa kuchengeta. Chiiko chakachinja chimiro chake? Iye anotsanangura, achiti: “Ndakaramba ndichizvibvunza ndimene chikonzero nei mudzimai wangu akanga akatsiga kwazvo uye airamba achivimba naJehovha. Handaigona kumuwanira mhaka, sezvo iye aichengeta imba zvakanaka, uye iye akanga ari mudzimai akanaka naamai kuvana vedu.” Rimwe zuva murume akanga achitsvaka mashoko akanaka okupa muboka duku ravadzidzi mumaminiti mashanu, naizvozvo mudzimai wake akamupa zvinyorwa zviviri zvaMukai! Iye akazvitarira nokuzengurira, uye kukushamiswa kwake akawana nhau dzinobetsera pamusoro pokugadzirwa kwepenzura. Neiyi nzira fariro yake kuaya magazini yakanyandurwa. Nhasi, iyi mhuri yakabatanidzwa mukunamatwa kwaJehovha.

      Zano romuapostora Petro rokuti mudzimai angawana murume asingatendi ‘pasina shoko kupfurikidza nomufambiro wakachena pamwe chete noruremekedzo rukuru’ rinoshandawo kumimwe mitezo yemhuri. (1 Petro 3:1, 2) Apo varoorani vakasiya gamuchidzanwa rekare risiri reBhaibheri norudzidziso rwavabereki vavo veRomania, mhuri dzavo dzakava vashori vanotyisa. Mudzimai akatodenhwa navamwene vake, avo vakaedza kumuuraya. “Hatina kubvumira ikoku kutiodza mwoyo kana kuti kutishatirisa. Takakandira funganyo yedu yose pana Jehovha,” anoshuma kudaro Nikolic. Makore gumi nerimwe gare gare vabereki vake, hanzvadzi dzake dzose dziri mbiri, uye varume vehanzvadzi dzake Zvapupu zvakabhapatidzwa. Chiiko chakakunda zvinetso zvacho? “Muenzaniso wakaisvonaka nokuzvibata kwechiKristu. Namamwe mashoko, hatina kupedza nguva yakawanda tichitaura navo pamusoro pezvokwadi. Panzvimbo pezvo, takaedza kuishandisa.”

      Usarega Tariro!

      Nepo kuchisakisa kufara kukuru kucherechedza hama dzokunyama dzichitanga kunamata Mwari wechokwadi, zvakadiniko kana vamwe vachipfuurira kushora? Unofanira kuita sei? Jesu akadeya kuona kuti kunamata kwechokwadi pane dzimwe nguva kwaizoparira mapoka akasimba pakati pehama dzokunyama. (Mateo 10:34-37) Marica akasiiwa nemitezo yake yose yemhuri apo akava mumwe weZvapupu zvaJehovha. Nepo iye asina kubvumirana pane zvisina kufanira mukunamata kwake, zvisinei akaziva “kuti kunyange hama dzokunyama dzine maruramiro emirangariro yadzo dzimene uye mifungo.” Chimiro chake chakavasunda kumuremekedza sezvavaiita kare.

      Ludwig akaziva kuti akanga achisungirwa kuda vabereki vake kunyange zvazvo ivo vangasarudza nzira yakasiana youpenyu. Iye akayeuka ayeukazve mashoko eBhaibheri akakodzera, akadai: “Kudza baba vako naamai vako”; “nguva dzose kutaura kwenyu ngakuve nenyasha, kwakarungwa nomunyu”; “[ivai] vakagadzirira kuita dziviriro . . . nechimiro chounyoro noruremekedzo rukuru”; uye, “muranda waShe haafaniri kurwa.” (VaEfeso 6:2; VaKorose 4:6; 1 Petro 3:15; 2 Timotio 2:24, NW) “Panguva ipi kana ipi pandairidzira runhare vabereki vangu kana kuti kuvashanyira, ndainyengetera kuna Jehovha nokuda kwouchenjeri, uye pashoma napashoma ukama hwedu hwakava hwakaterama zvikurusa, hune hushamwari zvikuru,” iye anoshuma kudaro.

      Usarega tariro yokuti mbeu dzezvokwadi dzichakura mumwoyo yehama dzako dzokunyama. Akaombekwa somumwe weZvapupu zvaJehovha makore 31 pashure pomudzimai wake, mumwe murume anotsinhira, achiti: “Mukurangarira zvinhu zvomunguva yakapfuura, ndinofanira kubvuma kuti mudzimai wangu aiva neshiviriro huru neni. Ndaisanoziva kuti iye ainyengetera kazhinji kazhinji kuna Jehovha nokuda kwangu.”

      Mashoko anobuda mumuromo mako nguva dzose ngaave anonyandura naanopedza nyota semvura yakanaka! Hungu, goverana “mashoko akanaka ane mbiri aMwari anofara” navanhu vose, kubatanidza hama dzako dzokunyama. (1 Timotio 1:11, NW; Zvakazarurwa 22:17) Ipapo mashoko aJesu achashanda, anoti: “Unotenda kwandiri, sezvazvakarehwa noRugwaro, ‘nzizi dzemvura mhenyu dzichayerera dzichibva mukati make.’”—Johane 7:38.

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe