RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w92 10/15 pp. 4-7
  • Nhamo Yemhuri—Chiratidzo Chenguva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nhamo Yemhuri—Chiratidzo Chenguva
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mari Nebasa
  • Zvisungo Zveroorano Zvakaneteswa
  • Pwere Dziri Kudenhwa
  • Mavambo Enhamo Yemhuri
  • Mhuri Dzinobudirira
  • Pane Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri Here?
    Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri
  • Ronda Rugare rwaMwari Muupenyu Hwemhuri
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Wanira Mhuri Yako Ramangwana Rinogara
    Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri
  • Wanano—Matangiro Ayakaita Uye Chinangwa Chayo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2016
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
w92 10/15 pp. 4-7

Nhamo Yemhuri—Chiratidzo Chenguva

NHAMO yemhuri—vazhinji vanoirangarira sechiratidzo chokuti mitemo yamagamuchidzanwa yeroorano nokubereka zvave zvechinyakare. Vamwe vanoiona sechibereko chechinjo yezvamatongerwe enyika, yezvemari, uye yenzanga. Vamwezve vanoiona somumwezve nyajambwa wouzivi hwazvino uno chete. Chaizvoizvo zvinetso izvo mhuri dzinorwisana nazvo nhasi zvinonongedzera kuchimwe chinhu cherevo huru zvikuru. Cherechedza mashoko eBhaibheri ari pana 2 Timotio 3:1-4:

“Zvino uzive chinhu ichi, kuti namazuva okupedzisira nguva dzokutambudzika dzichasvika. Nokuti vanhu vachava vanozvida, vanoda mari, vanozvirumbidza, vanozvikudza, vanotuka, vasingateereri vabereki, vasingaongi, vasati vari vatsvene, vasina rudo chairwo, vasingadi kuyanana, vanochera vamwe, vasingazvidzori, vane hasha, vasingadi zvinhu zvakanaka, vanonyengera, vasingarangariri, vanoita manyawi, vanoda zvinofadza zvenyika kupfuura Mwari.”

Mashoko iwaya haasviki here kumavambo kumene kwezvinetso zvanhasi? Nhamo yemhuri yanhasi nenzira yakajeka muuyo wakananga wemigariro yakaporofitwa kuti ichaitika mukati mamazuva okupedzisira enyika ino. Uye kune ufakazi hunopwisa hwokuti nhambo ino yenhamo yakavamba mugore ra 1914.a Chifo chenguva iyeyo, pesvedzero yechisikwa chomudzimu chinopfuura chohunhu chinonzi Satani Dhiabhorosi yave ichiuraya zvikuru.—Mateo 4:8-10; 1 Johane 5:19.

Akaganhurirwa chifo cha 1914 pedyo napasi, Satani “akatsamwa kwazvo, nokuti unoziva kuti uchine nguva duku.” (Zvakazarurwa 12:7-12) Sezvo Satani ari muvengi asingayananiswi waMwari uyo “rudzi rwose kudenga napanyika runotumidzwa nezita ravo,” kunomboshamisa here kuti pasi razova nzvimbo ine ngozi nokuda kwemhuri? (VaEfeso 3:15) Satani akatsunga kubvisa rudzi rwose rwomunhu kuna Mwari. Inzirai iri nani yaangagona kuita nayo ikoku inopfuura kupfurikidza nokudenha mhuri nezvinetso?

Kuchada dzinopfuura rondedzero dzisina kutendeseka dzenyanzvi dzinofungidzirwa kudzivirira mhuri padenho yakadaro inopfuura yohunhu. Kunyanguvezvo, Bhaibheri rinotaura nezvaSatani, kuti: “Mano ake tinoaziva.” (2 VaKorinte 2:11) Pane mwero wakati wedziviriro mukuziva dzimwe dzenzira dzakananga umo anoita denho yake.

Mari Nebasa

Dzvinyiriro yezvemari ndichimwe chezvombo zvine simba zvikurusa zvaSatani zvedenho. Idzi i“nguva dzinotambudza dzakaoma kubata nadzo,” kana kuti sokushandura kunoita Revised Standard Version 2 Timotio 3:11, “nguva dzenhamo.” Munyika dziri kubudirira, zvinetso zvakadai sokushaya basa, miripo yakaderera, uye perevedzo yezvinodikanwa zvikuru zvinoparira mhuri nhamo huru. Zvisinei, kunyange muUnited States yakapfuma zvikuru, dzvinyiriro dzezvemari dzine muuyo wadzo wakakomba. Imwe nzvero yeU.S. yakazivisa kuti mari ndichimwe chezvisakiso zvikuru zverwisano yemhuri. Bhuku rinonzi Secrets of Strong Families rinotsanangura kuti “nguva, ngwariro, [uye] simba” zvinopiwa kukunangana nezvinoda basa zvinogonawo kuva “muvengi ane manomano” uyo anoparadza musengwa weroorano.

Migariro yakamanikidzira zviverengero zvikuru zvavakadzi kupinda mukutsvaka basa. Munyori Vance Packard anoshuma, kuti: “Panguva ino, chinenge chikamu chimwe chezvina chavacheche navana veAmerica vari pasi pezera ramakore matatu vane vanamai vane rudzi rwakati rwebasa rokunze.” Kutarisira zvinodikanwa zvinodokuva zvisingagutswi zvavana vaduku pamwe chete nebasa zvinogona kuva basa rinonetesa, rinopedza simba—nemiuyo yakaipa pavose vari vaviri vabereki navana. Packard anowedzera kuti nemhaka yeperevedzo yegadziriro dzetarisirwo yavana dzakakwana muUnited States, “vana vane mamirioni akati nhasi vari kunyimwa tarisiro yakanaka mumakore avo apakuvamba.”—Our Endangered Children.

Nzvimbo yebasa imene kazhinji kazhinji inonetesa tsinhirano yemhuri. Vashandi vazhinji vanokweverwa muzvinoitika zvoutere navashandi biyavo. Vamwezve vanobatanidzwa mukutsvaka budiriro kusina maturo ndokurega upenyu hwavo hwemhuri nokuda kwefambiro mberi mubasa. (Enzanisa naMuparidzi 4:4.) Mumwe murume akava akanyura kwazvo mubasa rake somutengesi anomirira zvokuti mudzimai wake akazvirondedzera amene so“mubereki mumwe chaizvoizvo.”

Zvisungo Zveroorano Zvakaneteswa

Boka reroorano rimene rakadenhwawo. Rinoti bhuku rinonzi The Intimate Environment: “Munguva yakapfuura, kariro yakanga iri yokuti varoorani vaizogara vakaroorana kutoti mumwe wavakwanyina akaitira roorano chikanganiso chakakomba—upombwe, utsinye, regeredzo yakakomba. Zvino vanhu vazhinjisa vanoona donzo reroorano segutsikano yomunhu oga.” Hungu, roorano inotyisidzirwa somushonga wokusava nomufarwa, kufinhwa, kana kuti ushoma—kwete somusengwa woupenyu hwose kumumwe munhu. Ngwariro huru zvino iri paicho unogona kuwana muroorano, kwete chaunoisa mairi. (Sianisa naMabasa 20:35.) Iyi “chinjo huru muzvinokosha zvakakomba roorano” yakanetesa zvikuru zvisungo zveroorano. Apo gutsikano yomunhu oga inonzvenga nzwisiso yavo, varoorani kazhinji kazhinji vanotendeukira kuchatanuro somushonga unokurumidza.

Vanhu vari muaya “mazuva okupedzisira” vanorondedzerwa nenzira youporofita muBhaibheri sa“vane chimiro chokuzvipira kwoumwari asi vanobvumikisa kuva venhema kusimba racho.” (2 Timotio 3:3, 5) Nyanzvi dzakawanda dzinorangarira kuti derero murudzidziso yakaita rutivi mukunetesa roorano. Mubhuku rake The Case Against Divorce, Dr. Diane Medved akanyora, kuti: “Mukuwirirana namarudzidziso mazhinjisa, Mwari akati roorano yaifanira kuva yechigarire. Apo unenge usina chokwadi pamusoro paMwari kana kuti usingadaviri maAri, ipapo unoita chaunoda.” Somuuyo, apo roorano inenge ine zvinetso, varoorani havatsvaki mishonga yakanaka. “Ivo nokukurumidza vanogumisa roorano yacho.”

Pwere Dziri Kudenhwa

Vana vari kudzedzereka nemhaka yedzvinyiriro dzanhasi. Zviverengero zvinokatyamadza zvavana zviri kurohwa namasimba masimba uye kubatwa zvisina kufanira namashoko kana kuti muvatano navabereki vavo vamene. Kupfurikidza nechatanuro, mamwe mamirioni ari kunyimwa kuva nepesvedzero ine rudo yavabereki vaviri, uye marwadzo echatanuro yavabereki kazhinji kazhinji anogara kwenduramo yose.

Pwere dzinorovanywa nepesvedzero dzine simba. Panguva apo pwerewo zvayo yeAmerica inenge yava namakore 14 okukura, iyo ichave yapupurira kuuraya 18 000 nezvimwe zvimiro zvisingaverengeki zvamasimba masimba, vatano isiri yapamutemo, utsinye, uye utsotsi nokungotarira bedzi terevhizheni. Nziyo dzinoshandisawo simba guru papwere, uye dzakawanda dzadzo hadzina kunaka nenzira inokatyamadza, dzakajeka mune zvevatano, kana kuti dzinotova nezvakashata. Zvikoro zvinoratidzira pwere kurondedzero dzakadai semhindumupindu iyo inokombamira kunetesa kutenda muna Mwari neBhaibheri. Dzvinyiriro yavaenzani inonyandura vakawanda kutora rutivi muvatano yapamberi peroorano nokushandiswa zvisina kufanira kwezvinodhaka kana kuti mirimo.

Mavambo Enhamo Yemhuri

Denho pamhuri naizvozvo yakafara muukuru uye inogona kuva inoparadzanya. Chii chinogona kubetsera mhuri kupukunyuka? Mupi wezano wemhuri John Bradshaw anokarakadza, kuti: “Mitemo yedu yokubereka haina kuvandudzwa zvakakomba mumakore 150. . . . Chitendero changu ndechokuti mitemo yekare haisati ichashanda.” Zvisinei, mitemo yakawanda yakaitwa nomunhu haisi mushonga. Jehovha Mwari ndiye Muvambi wemhuri. Iye anoziva zviri nani kupfuura munhu upi noupi zvake kuti rutivi runoita upenyu hwemhuri runokosha sei mumufarwa wedu womunhu oga uye chinodikanwa kuita kuti mhuri ive inofara neyakasimba. Kunofanira kutishamisa here kuti Shoko rake, Bhaibheri, rinogovera mhinduro kunhamo yemhuri?

Bhuku iroro rakare rinotsanangura kuti upenyu hwemhuri hwakashata sei. Vaviri vohunhu vokutanga, Adhama naEvha, vakaiswa mumugariro webindu wakaisvonaka ndokupiwa denho inotusa yokushandura pasi kuva paradhiso yapasi rose. Mwari akaraira kuti Adhama aifanira kuva musoro wemhuri. Evha aifanira kubatira pamwe noumusoro hwake so“mubetseri” wake, kana kuti “mukwaniri.” Asi Evha akapandukira iyi gadziriro. Iye akabvuta umusoro hwomurume wake ndokusateerera rambidzo imwe uye bedzi Mwari akanga aisa kwavari. Adhama ipapo akarega umusoro hwake ndokumukumbanira muiyi pandukiro.—Genesi 1:26–3:6.

Miuyo inoparadza youku kubva mugadziriro yaMwari yakava pachena nokukurumidza. Vasati vachiri vakachena navasina mhaka, Adhama naEvha vakaita namanyadzi nokuva nemhaka. Adhama, uyo pakuvamba akanga atsanangura mudzimai wake mumashoko akanaka, okudetembedza, zvino akanongedzera kwaari nenzira yakashata so‘mukadzi wamakandipa.’ Tsinhiro yakaipa iyoyo yaingova zvayo mavambo enhamo yeroorano. Kuedza kusina maturo kwaAdhama kuwanazve umusoro hwake kwaizoguma ‘nokumutonga’ kwake. Evhawo, aizova ne“chishuvo” nokuda kwomurume wake, sezvingabvira nenzira yokunyanyisa kana kuti isina kudzikama.—Genesi 2:23; 3:7-16.

Nenzira isingashamisi, kakavadzano yeroorano yaAdhama naEvha yakava nomuuyo unokuvadza pavana vavo. Mwanakomana wavo wokutanga, Kaini, akava mupondi ane utsinye. (Genesi 4:8) Rameki, muzukuru waKaini, akawedzera kuderero youpenyu hwemhuri kupfurikidza nokuva mubariki wokutanga akanyorwa. (Genesi 4:19) Adhama naEvha nokudaro vakapfuudza kwete bedzi nhaka yechivi norufu asi mutoo wemhuri wakaipa uyo wave uri mugariro wedzinza ravanhu chifo chenguva iyeyo. Mukati maaya mazuva okupedzisira, nyongano yemhuri yasvika pakakwirira zvikurusa.

Mhuri Dzinobudirira

Hadzisati dziri mhuri dzose, zvisinei, dziri kutambura mudzvinyiriro dzanhasi. Mumwe murume, somuenzaniso, anogara nomudzimai wake navanasikana vaviri munzanga duku muUnited States. Kunyange zvazvo vakawanda vavavakidzani vavo vane mukaha wechizvarwa pakati pavabereki navana vavo, iye nomudzimai wake havana, uyewo havanetseki kuti vanasikana vavo vangaedza mirimo kana kuti vatano. Pamadekwana oMuvhuro, apo dzimwe pwere dzinenge dzakatuzurira TV, mhuri yavo yose inoungana yakakomba tafura yomukamuri yokutandarira nokuda kwekurukurirano yeBhaibheri. “Muvhuro madekwana husiku hwedu chaihwo hwokuva pamwe chete ndokutaura,” iye anotsanangura kudaro. “Vanasikana vedu vanonzwa vakasununguka kutaura zvinetso zvavo nesu.”

Pane rumwe rutivi, pane mubereki mumwe muNew York City uyo anofarikanyawo batira pamwe yemhuri yechienzi navanasikana vake vaviri. Chakavanzika chake? “Tinochengeta TV yakavharwa kutozosvikira pakupera kwevhiki,” iye anotsanangura kudaro. “Tinova nekurukurirano yezuva nezuva yorugwaro rweBhaibheri. Tinotsaurawo madekwana mamwe ekurukurirano yeBhaibheri yemhuri.”

Mhuri dzose dziri mbiri Zvapupu zvaJehovha. Ivo vanotevera zano remhuri rinooneswa muBhaibheri—uye iro rinoshanda. Bva, ivo havasi vechienzi. Kune mazana ezviuru emhuri akafanana chaizvo navo avo vari kuwana miuyo yakanaka kupfurikidza nokushandisa mitemo youpenyu hwemhuri inowanwa mubhuku iroro.b Chii chaizvo chiri mitemo iyoyo? Inogona seiko kukubetsera nemhuri yako? Mumhinduro tinokukumbira kurangarira nyaya dzinovambira papeji inotevera.

[Mashoko Omuzasi]

a Nokuda kwohumwe ufakazi hwokuti mazuva okupedzisira akavamba muna 1914, ona ganhuro 18 rebhuku raIwe Unogona Kurarama Nokusingaperi Muparadhiso Pasi Pano, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.

b Kupfurikidza nefundo yeBhaibheri yapamusha yapachena, Zvapupu zvaJehovha zvinopa betsero yomunhu oga mukushandisa nheyo dzeBhaibheri mumhuri. Zvinogona kuwanwa kupfurikidza nokunyorera vabudisi vamagazini ino.

[Mufananidzo uri papeji 4]

Migariro yezvemari yakashata inoparira nhamo huru nokuda kwemhuri munyika dziri kubudirira

[Kwazvakatorwa]

U.S. Navy photo

[Mufananidzo uri papeji 7]

Kupfurikidza nokushandisa nheyo dzeBhaibheri, mhuri dzakawanda dziri kudzivisa dzvinyiriro dzanhasi

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe