RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • kl chits. 7 pp. 62-69
  • Icho Mwari Akaita Kuti Aponese Rudzi Rwomunhu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Icho Mwari Akaita Kuti Aponese Rudzi Rwomunhu
  • Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • AKASARUDZWA NOKUDA KWECHINANGWA CHAICHO
  • CHIKONZERO NEI MESIYA AIZOFA
  • KUBHADHARWA KWAKAITWA RUDZIKINURO
  • RUDZIKINURO RWAKRISTU NEWE
  • Rudzikinuro rwaKristu—Chipo Chikuru Kwazvo chaMwari
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
  • Rufu rwaJesu Rwunorevei Kwauri?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Rudzikinuro—Chipo chaMwari Chinopfuura Zvese
    Bhaibheri Rinotidzidzisei?
  • Jehovha Anoita Urongwa Hwekuti “Adzikinure Vanhu Vazhinji”
    Swedera Pedyo naJehovha
Ona Zvimwe
Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi
kl chits. 7 pp. 62-69

Ganhuro 7

Icho Mwari Akaita Kuti Aponese Rudzi Rwomunhu

CHIMWE chirimo masikati makore anodokusvika 2 000 apfuura, mumwe mutungamiriri weRoma wavarwi vane zana akatarira varume vatatu vachifa nzufu dzinononoka, dzinorwadza. Murwi iyeyo akacherekedza zvikuru mumwe wavo—Jesu Kristu. Jesu akanga arovererwa padanda. Denga ramasikati makuru rakasviba sezvo nguva yorufu rwake yakasvika. Apo akafa, pasi rakazununguka zvikuru, uye murwi wacho akakuwa, kuti: “Zvirokwazvo, munhu uyu wakanga ari Mwanakomana waMwari.”—Marko 15:39.

2 Mwanakomana waMwari! Murwi iyeyo akanga akarurama. Akanga achangobva kupupurira chiitiko chinokosha zvikurusa chakanga chati chamboitika pasi pano. Panhambo dzakatangireyi, Mwari amene akanga adana Jesu kuti Mwanakomana wake anodiwa. (Mateo 3:17; 17:5) Nei Jehovha akanga abvumira Mwanakomana wake kufa? Nemhaka yokuti uyu wakanga uri mutoo waMwari wokuponesa nawo rudzi rwomunhu muchivi norufu.

AKASARUDZWA NOKUDA KWECHINANGWA CHAICHO

3 Sezvo tadzidza kare mubhuku rino, Jesu akavapo asati ava munhu. Anonzi “Mwanakomana wakaberekwa mumwe woga” waMwari nemhaka yokuti Jehovha akamusika zvakananga. Mwari pashure paikoko akashandisa Jesu kuti zvimwe zvinhu zvose zvivepo. (Johane 3:18; VaKorose 1:16) Jesu aida zvikuru rudzi rwomunhu. (Zvirevo 8:30, 31) Hakushamisi kuti Jehovha akasarudza Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi kuti abatire chinangwa chaicho apo rudzi rwomunhu rwakapinda mushurikidzo yorufu!

4 Pakutaura rutongeso pana Adhama, Evha, uye Satani mubindu reEdheni, Mwari akataura nezvoMununuri weramangwana se“mbeu.” Iyi Mbeu, kana kuti mwana, yaizouya kuzoparadza zvinotambudza zvakaipa izvo Satani Dhiyabhorosi, “nyoka yekare,” akanga aparira. Kutaura idi, Mbeu yakapikirwa yaizopwanya Satani naavo vose vakamutevera.—Genesi 3:15, NW; 1 Johane 3:8; Zvakazarurwa 12:9.

5 Mumazana amakore, Mwari akazivisa pashoma napashoma zvakawanda pamusoro peMbeu, inonziwo Mesiya. Sezvinoratidzwa muchati iri papeji 37, uporofita hwakawanda hwakapa udzame pamusoro pamativi akawanda oupenyu hwake pasi pano. Somuenzaniso, aifanira kutsungirira utsinye hwakaipa kuti azadzike basa rake muchinangwa chaMwari.—Isaya 53:3-5.

CHIKONZERO NEI MESIYA AIZOFA

6 Uporofita hwakanyorwa pana Dhanieri 9:24-26 hwakafanotaura kuti Mesiya—Muzodziwa waMwari—aizozadzika chinangwa chikuru. Aizouya kupasi “kupedzisa kudarika nokugumisa zvivi, nokuyananisira zvakaipa, nokuuyisa kururama” nokusingaperi. Mesiya aizobvisa shurikidzo yorufu parudzi rwomunhu rwakatendeka. Asi aizoita sei ikoku? Uporofita hwacho hunotsanangura kuti aizo“bviswa,” kana kuti kuurawa.

7 VaIsraeri vakare vakanga vakarovedzana nepfungwa yeyananiso nokuda kwechikanganiso. Mukunamata kwavo muMutemo uyo Mwari akavapa kupfurikidza naMosesi, nguva dzose vaibayira zvibayiro zvemhuka. Izvozvi zvaiyeuchidza vanhu vaIsraeri kuti vanhu vanoda chimwe chinhu chokuyananisira, kana kuti chokufukidza, zvivi zvavo. Muapostora Pauro akapfupikisa nheyo yacho neiyi nzira: “Kana kusine ropa rinoteurwa, hakuna kanganwiro.” (VaHebheru 9:22) VaKristu havasati vachidzorwa noMutemo waMosesi nezvinodikanwa zvawo, zvakadai sezvibayiro. (VaRoma 10:4; VaKorose 2:16, 17) Vanozivawo kuti zvibayiro zvemhuka hazvigoni kugovera kanganwiro yechigarire neyakakwana yezvivi. Panzvimbo pezvo, izvi zvipiriso zvechibayiro zvakafanofananidzira chibayiro chinokosha zvikuru kwazvo—chiya chaMesiya, kana kuti Kristu. (VaHebheru 10:4, 10; enzanisa naVaGaratia 3:24.) Bva, ungabvunza kuti, ‘Kwakanga kuri madikanwa chaizvoizvo here kuti Mesiya afe?’

8 Hungu, Mesiya aifanira kufa kana rudzi rwomunhu rwaizoponeswa. Kuti tinzwisise chikonzero nei, tinofanira kuyeuka bindu reEdheni ndokuedza kunzwisisa ukuru hweicho Adhama naEvha vakarasa apo vakapandukira Mwari. Upenyu husingagumi hwakanga hwaiswa pamberi pavo! Savana vaMwari, vakafarikanyawo ukama hwakananga naye. Asi apo vakaramba kutonga kwaJehovha, vakarasikirwa nezvose izvozvo ndokuunza chivi norufu padzinza romunhu.—VaRoma 5:12.

9 Kwakanga kwakaita sokunge kuti vabereki vedu vokutanga vakanga vapambadza pfuma huru, vachizvipinza vamene muchikwereti chihombe. Adhama naEvha vakapfuudza chikwereti ichocho kuvana vavo. Nemhaka yokuti hatina kuberekwa takakwana uye tisina chivi, munhu ari wose wedu anotadza uye anofa. Apo tinorwara kana kuti tinotaura chimwe chinhu chinokuvadza icho tinoda kuti kudai tisina kuchitaura, tiri kutambura migumisiro yechikwereti chedu chakagarwa nhaka—kusakwana kwavanhu. (VaRoma 7:21-25) Tariro yedu bedzi iri mukuwanazve icho Adhama akarasa. Zvisinei, hatigoni kuwana upenyu hwakakwana hwomunhu. Sezvo vanhu vose vasina kukwana vachiita chivi, tose zvedu tinowana rufu, kwete upenyu.—VaRoma 6:23.

10 Bva, chimwe chinhu chaigona kupiwa here mutsinhano noupenyu uhwo Adhama akarasa? Mupimo waMwari weruramisiro unoda dzikamo, “mweya nokuda kwomweya.” (Eksodho 21:23, NW) Naizvozvo upenyu hwaifanira kupiwa kubhadhara upenyu hwakaraswa. Hahusati huri upenyu hupi nohupi hwaizokwana. Pisarema 49:7, 8 rinoti nezvavanhu vasina kukwana: “Hapana ungatongodzikinura hama yake, kana kupa Mwari rudzikinuro pamusoro pake; (nokuti rudzikinuro rwemweya yavo runokosha, runofanira kuregwa nokusingaperi).” Mumiriro wacho wezvinhu naizvozvo hauna tariro here? Aiwa, zvirokwazvo.

11 Mumutauro wechiHebheru, shoko rokuti “rudzikinuro” rinoreva chitsama chinobhadharwa kudzikinura nhapwa uyewo rinorevawo chakaenzana. Munhu bedzi aiva noupenyu hwakakwana hwomunhu aigona kupa chakaenzana neicho Adhama akarasa. Pashure paAdhama, munhu bedzi akakwana akaberekwa pasi pano akanga ari Jesu Kristu. Nokudaro, Bhaibheri rinodana Jesu kuti “Adhama wokupedzisira” uye rinotivimbisa kuti Kristu “wakazvipa iye, kuti ave rudzikinuro rwavose.” (1 VaKorinte 15:45; 1 Timotio 2:5, 6) Nepo Adhama akapfuudza rufu kuvana vake, nhaka iyo Jesu anopa upenyu husingagumi. VaKorinte Wokutanga 15:22 anotsanangura, kuti: “Nokuti vose sezvavanofa muna Adhama, saizvozvowo vose vachararamiswa muna Kristu.” Nenzira yakafanira, ipapoka, Jesu anonzi “Baba vokusingaperi.”—Isaya 9:6, 7.

KUBHADHARWA KWAKAITWA RUDZIKINURO

12 Mukupera kwa 29 C.E., Jesu akaenda kuhama yake yokunyama Johane kundobhapatidzwa uye nomutoo iwoyo kuzvipa amene kuti aite kuda kwaMwari. Panhambo iyoyo Jehovha akazodza Jesu nomudzimu mutsvene. Jesu nokudaro akava Mesiya, kana kuti Kristu, uyo akazodzwa naMwari. (Mateo 3:16, 17) Ipapo Jesu akatanga ushumiri hwake hwamakore matatu nehafu. Akafamba munyika yokumusha kwake mose, achiparidza pamusoro poUmambo hwaMwari nokuunganidza vateveri vakatendeka. Zvisinei, sezvakafanotaurwa, chishoro kwaari chakakurumidza kukura.—Pisarema 118:22; Mabasa 4:8-11.

13 Jesu akazivisa noushingi unyengeri hwavatungamiriri vorudzidziso, uye vakatsvaka kumuuraya. Pakupedzisira vakaronga rangano yakaipa iyo yakabatanidza kuchera, kusunga kusina kufanira, kutonga kusiri kwapamutemo, uye pomero yenhema yokumukira. Jesu akarohwa, akapfirwa mate, akanyombwa, uye akarohwa netyava yakagadzirwa kuti ibvarure nyama yake. Gavhuna weRoma Pontio Pirato ipapo akamutongera kurufu padanda rokutambudzira. Akarovererwa padanda ndokuremberapo akatwasuka. Kufema kumwe nokumwe kwakanga kuchirwadza zvikuru, uye kwakatora maawa kuti afe. Mumuedzo iwoyo wose, Jesu akachengeta perero yakakwana kuna Mwari.

14 Nokudaro, pakanga pari pana Nisani 14, 33 C.E., apo Jesu akapa upenyu hwake so“rudzikinuro rwavose.” (Marko 10:45; 1 Timotio 2:5, 6) Ari mudenga, Jehovha aigona kuona Mwanakomana wake anodiwa achitambura ndokufa. Nei Mwari akabvumira chinhu chakaipa chakadaro kuitika? Akaita saizvozvo nemhaka yokuti aida rudzi rwomunhu. Jesu akati: “Mwari wakada nyika nokudaro, kuti wakapa Mwanakomana wake wakaberekwa mumwe woga, kuti ani naani unotenda kwaari, arege kufa, asi ave noupenyu husingaperi.” (Johane 3:16) Rufu rwaJesu runotidzidzisawo kuti Jehovha ndiMwari weruramisiro yakakwana. (Dheuteronomio 32:4) Vamwe vangashamiswa nei Mwari asina kurega nheyo dzake dzeruramisiro idzo dzinoda mweya nokuda kwomweya ndokufuratira mutengo wokutadza kwaAdhama. Chikonzero chacho ndechokuti Jehovha nguva dzose anochengeta mitemo yake uye anoitsigira, kunyange pamutengo mukuru kwaari amene.

15 Ruramisiro yaJehovha yaidawo kuti rufu rwaJesu ruve nomugumisiro unofadza. Pashure pokurangarira zvose, kwaizova neruramisiro here mukubvumira Jesu akatendeka kuvata nokusingaperi murufu? Chokwadika kwete! Magwaro echiHebheru akanga aporofita kuti akavimbika waMwari haasati aizoramba ari muguva. (Pisarema 16:10; Mabasa 13:35) Akavata murufu kwamativi amazuva matatu, uye ipapo Jehovha Mwari akamumutsira kuupenyu somunhu womudzimu ane simba.—1 Petro 3:18.

16 Parufu rwake, Jesu akapa upenyu hwake hwomunhu nokusingaperi. Pakumutsirwa kuupenyu mudenga, akava mudzimu unopa upenyu. Uyezve, apo Jesu akakwira kunzvimbo tsvene zvikurusa muchisiko chose, akabatanidzwazve naBaba vake vanodiwa ndokupa nenzira yapamutemo kwaVari ukoshi hwoupenyu hwake hwakakwana hwomunhu. (VaHebheru 9:23-28) Ukoshi hwoupenyu ihwohwo hunokosha hwaigona panguva iyeyo kushandisirwa rudzi rwomunhu runoteerera. Ikoko kunorevei nokuda kwako?

RUDZIKINURO RWAKRISTU NEWE

17 Rangarira nzira nhatu umo chibayiro chorudzikinuro chaKristu chinokubetsera kunyange zvino. Yokutanga, chinounza kanganwirwo yezvivi. Kupfurikidza nokutenda muropa rakadeurwa raJesu, tine “dzikinuro maari,” hungu, “kukanganwirwa kwokudarika kwedu.” (VaEfeso 1:7) Naizvozvo kunyange kana takaita chivi chakakomba, tinogona kukumbira Mwari nokuda kwekanganwirwo muzita raJesu. Kana tichipfidza zvirokwazvo, Jehovha anoshandisa kwatiri ukoshi hwechibayiro chorudzikinuro choMwanakomana wake. Mwari anotikanganwira, achitipa chikomborero chehana yakanaka, panzvimbo pokupa chirango chorufu chatinowana kupfurikidza nokutadza.—Mabasa 3:19; 1 Petro 3:21.

18 Yechipiri, chibayiro chorudzikinuro chaKristu chinogovera hwaro hwetariro yedu yeramangwana. Muchiono, muapostora Johane akaona kuti “boka guru, risina munhu akakwanisa kuverenga” raizopukunyuka mugumo une ngwavaira uri kuuya wetsika ino yezvinhu. Nei ivo vachapukunyuka apo Mwari anoparadza vamwe vakawanda kwazvo? Ngirozi yakaudza Johane kuti boka guru rakanga ra“suka nguo dzavo ndokudzichenesa muropa reGwayana,” Jesu Kristu. (Zvakazarurwa 7:9, 14, NW) Chero bedzi tichitenda ropa rakadeurwa raJesu Kristu ndokurarama mutsinhirano nezvinodikanwa zvoumwari, tichava vakachena pamberi paMwari uye tichava netariro youpenyu husingaperi.

19 Yechitatu, chibayiro chorudzikinuro ndicho chibvumikiso chikurusa chorudo rwaJehovha. Rufu rwaKristu rwakabatanidza mabasa maviri makurusa orudo munhau yechisiko chose: (1) rudo rwaMwari mukutuma Mwanakomana wake kuti atifire; (2) rudo rwaJesu mukuzvipa amene nokudisa sorudzikinuro. (Johane 15:13; VaRoma 5:8) Kana tichishandisa kutenda zvirokwazvo, rudo urwu runoshanda kumumwe nomumwe wedu. Muapostora Pauro akati: “Mwanakomana waMwari. . . wakandida, akazvipa nokuda kwangu.”—VaGaratia 2:20; VaHebheru 2:9; 1 Johane 4:9, 10.

20 Naizvozvo, ngatiratidze kuonga kwedu rudo rwakaratidzirwa naMwari naKristu kupfurikidza nokutenda chibayiro chorudzikinuro chaJesu. Kuita saizvozvo kunotungamirira kuupenyu husingaperi. (Johane 3:36) Bva, ruponeso rwedu harwusati rwuri chikonzero chinokosha zvikurusa choupenyu hwaJesu norufu pasi pano. Aiwa, itiro hanya yake huru yakanga iri nhau inotova huru zvikuru, yomuchisiko chose. Sezvatichaona muganhuro rinotevera, nhau iyoyo inotapura tose zvedu nemhaka yokuti inoratidza chikonzero nei Mwari akabvumira uipi nokutambura kupfuurira kwenguva refu kwazvo munyika ino.

EDZA ZIVO YAKO

Nei Jesu aifanira kufa kuti aponese rudzi rwomunhu?

Rudzikinuro rwakabhadharwa sei?

Unobetserwa norudzikinuro munzirai?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

1, 2. (a) Mutungamiriri weRoma wavarwi vane zana akasvika sei pakunzwisisa akanga ari Mwanakomana waMwari? (b) Nei Jehovha akabvumira Jesu kufa?

3. Nei kwakanga kwakakodzera kuti Mwanakomana waMwari akaberekwa ari mumwe bedzi asarudzwe nokuda kwechinangwa chaicho pamusoro porudzi rwomunhu?

4, 5. Jesu asati auya kupasi, chii chakazivisa Bhaibheri pamusoro peMbeu youMesiya?

6. Maererano naDhanieri 9:24-26, chii chaizoita Mesiya, uye sei?

7. Nei vaJudha vaibayira zvibayiro zvemhuka, uye izvozvi zvakafanofananidzirei?

8, 9. Zvinhui zvinokosha izvo Adhama naEvha vakarasikirwa nazvo, uye zviito zvavo zvakatapura sei vazukuru vavo?

10. Chii chaidikanwa kudzikinura icho Adhama akarasa?

11. (a) Shoko rokuti “rudzikinuro” rinorevei muchiHebheru? (b) Ndiani oga aigona kudzikinura rudzi rwomunhu, uye nei?

12. Jesu akava Mesiya rini, uye upenyui pashure paikoko hwaakaronda?

13. Zviitikoi zvakatungamirira kurufu rwaJesu somuchengeti weperero?

14. Nei Mwari akabvumira Mwanakomana wake kutambura ndokufa?

15. Sezvo kungadai kwakava kusina kururama kubvumira kuvapo kwaJesu kuguma zvechigarire, Jehovha akaitei?

16. Jesu akaitei pakudzokera kudenga?

17. Tinogona sei kuzviyamura timene nekanganwiro pahwaro hwechibayiro chorudzikinuro chaKristu?

18. Chibayiro chaJesu chinotigovera tariro munzirai?

19. Chibayiro chaKristu chinobvumikisa sei kuti iye naBaba vake vanokuda?

20. Nei tichifanira kutenda chibayiro chorudzikinuro chaJesu?

[Mufananidzo unozadza peji yose uri papeji 67]

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe