RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w95 10/1 pp. 25-28
  • Chengeta Pfungwa Yako Yekurumidziro

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chengeta Pfungwa Yako Yekurumidziro
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Nhambo Chaidzo Dzekurumidziro
  • Kurumidziro Munguva dzechiKristu
  • Kurumidziro Yakadaro Yakaiswa Pasina Kururama Here?
  • Imwe Kurudziro Kukurumidziro
  • Tapuro Yakanaka Yekurumidziro
  • Ramba Uine Pfungwa Yokuti Nguva Yapera
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Zvatingaita Kuti Tiparidze Tichiziva Kuti Nguva Yapera
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2014
  • “Zuva Guru raJehovha Rava Pedyo”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • Shingairira Kunamata Kwechokwadi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
w95 10/1 pp. 25-28

Chengeta Pfungwa Yako Yekurumidziro

NDEIPI iri nzira imwe yechokwadi, inotenderwa naMwari yokuramba nayo uchibatira Jehovha nomweya wose? Kuva nepfungwa yechokwadi yekurumidziro pasi pasi mumwoyo yedu. Kubatira Mwari nomutoo wemweya wose kunoreva kumubatira nezvose zvatiri, uye kunoda kuteerera kwapachokwadi, kwakakwana chinhu chiri chose anotikumbira kuita.

Muporofita Mosesi akasimbisa kudikanwa uku apo akarayiridza rudzi rwaIsraeri, kuti: “Ude Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose, nomweya wako wose, nesimba rako rose.” (Dheuteronomio 6:5) Mazana amakore gare gare murayiro mumwe chetewo wakadzokororwa naKristu Jesu, kuti: “Ida Ishe, Mwari wako, nomwoyo wako wose, nomweya wako wose, nokufunga kwako kwose.” (Mateo 22:37) Muapostora Pauro akanongedzera kuichi chinodikanwa chimwe chetechi apo akaudza vaEfeso kuita “kuda kwaMwari nomwoyo wose,” uye apo akakurudzira vaKorose, kuti: “Zvose zvamunoita, muzviite nomwoyo wose, sokunaShe, musingaitiri vanhu.”—VaEfeso 6:6; VaKorose 3:23.

Kwakaoma, zvisinei, kupinza mwoyo wedu nomweya mubasa redu kuna Mwari kana tisina murangariro wekurumidziro pasi pasi mukati medu timene kana kuti pfungwa yekurumidziro yataimbova nayo zvino yakaderera—zvichida yarasika zvachose chose. Nhasi, tinorarama munguva yekurumidziro isingaenzaniswi neimwe nhambo ipi neipi munhau yomunhu.

Nhambo Chaidzo Dzekurumidziro

Munguva dzakatangira chiKristu pakanga paine nhambo dzinoverengeka dzekurumidziro. Zuva raNoa nenhambo yakatungamirira kuruparadziko rweSodhoma neGomora zvirokwazvo dzakanga dziri nguva dzekurumidziro chaiyoiyo. (2 Petro 2:5, 6; Judhasi 7) Makore akatangira Mafashamo akanga ari pasina panikiro akazadzwa nomubato wokukurumidzira. Kunyange zvazvo Noa nemhuri yake vakanga vasingazivi chaizvoizvo apo Boporodzi raizovamba, “kutya Mwari” kwavo kwaizodai kwakavimbisa kuti havaizoverengera.—VaHebheru 11:7.

Nenzira yakafanana, Sodhoma neGomora zvisati zvaparadzwa, ngirozi “[dz]akakurumidzisa Roti” ndokumuudza, kuti: “Tiza nokuda kwoupenyu hwako.” (Genesi 19:15, 17) Hungu, panhambo iyoyowo, kurumidziro yakaponesa upenyu hwakarurama. Mazana amakore gare gare nhapwa dzechiJudha muBhabhironi dzakakurudzirwa, kuti: “Ibvai, ibvai, budai ipapo, musanyangata chinhu chine tsvina; budai pakati paro.” (Isaya 52:11) Muna 537 B.C.E., dzinenge nhapwa 200 000 dzakakurumidza kubuda muBhabhironi mukuteerera murayiro iwowo wekukurumidzira wouporofita.

Pfungwa yekurumidziro mune mamwe namamwe amamiriro ezvinhu iwayo yakaguma nebasa romweya wose rakaitwa naavo vakanzwa ndokuchengeta chitendero chokuti vakanga vachirarama munguva dzekukurumidzira chiri chipenyu.

Kurumidziro Munguva dzechiKristu

Kutaurwa kwekurumidziro kunogonawo kunzwiwa muMagwaro echiKristu echiGiriki mose. “Chenjerai,” “murinde,” “rindai,” “garai makazvigadzirira”—kwose ikoku kutaura kwakashandiswa naKristu Jesu kuroverera pfungwa yakafanira yekurumidziro muvateveri vake. (Mateo 24:42-44; Marko 13:32-37) Mukuwedzera, mienzaniso yake ine chokuita nemhandara gumi, muranda akashata, matarenda, uye kuparadzaniswa kwamakwai achibva kumbudzi yose inokurudzira kukarira ndokuvamba murangariro wekurumidziro.—Mateo 25:1, 14, 15, 32, 33.

Jesu haana kungotaura bedzi nezvekurumidziro asi akatsigirawo uchokwadi hwamashoko ake nokushanda nekurumidziro. Pane imwe nhambo akaudza mapoka apo akaedza kumunonotsa, kuti: “Ndinofanira kuparidzira mamwe magutawo Evhangeri youshe hwaMwari; nokuti ndizvo zvandakatumirwa.” (Ruka 4:42, 43) Uyezve, akakurudzira vadzidzi vake kukumbira Tenzi wokucheka kutumira vamwe vashandi mukukohwa Kwake nemhaka yokuti “kucheka kukuru, asi vabati vashoma.” (Mateo 9:37, 38) Chikumbiro chakadaro chokunyengetera kuna Mwari zvirokwazvo chinoratidzira mudzimu wekurumidziro.

Kurumidziro Yakadaro Yakaiswa Pasina Kururama Here?

Vamwe vangamutsa mubvunzo une mufungo, Nemhaka yei pfungwa yekurumidziro yakanga ichidikanwa shure panguva iyoyo kana “dambudziko guru” rakafanotaurwa rakanga riri kure namazana amakore?—Mateo 24:21, NW.

Tinogona kuva nechokwadi chokuti hwakanga husiri zvahwo unyengeri hwakashandiswa naJesu kuchengeta vateveri vake vakabatikana mubasa rokuparidza nokudzidzisa. Aiwa, kwakanga kuri kuda kwaKristu vadzidzi vake, pamwe chete nokunzwisisa kwake kwakakwana kwemurangarire waJehovha wenguva, kwakanga kuri hwaro hwezano rake pamusoro pekurumidziro. Hungu, Kristu Jesu aiziva kuti mudzimu wekurumidziro waidikanwa kuita kuda kwaJehovha maererano nechinangwa chaMwari. Kupfuurirazve, aiziva kuti vadzidzi vake vaizobetserwa ivo vamene mumudzimu kupfurikidza nokuchengeta pfungwa yekurumidziro kusvikira pakudzoka kwake.

Jesu Kristu akanga aratidzira zvakajeka kuti kwakanga kuine kupupura munyika yose kwaifanira kuitwa uye munguva yakaganhurirwa. (Mateo 24:14; Marko 13:10) Mwero inofambira mberi yemugove uyu yakaratidzirwa bedzi sezvo basa racho raiziviswa. Asi kurumidziro yakanga ichidikanwa kuita nhano imwe neimwe. Jesu akaratidzira kufambira mberi kwemugove wake uyu apo akati: “Muchava zvapupu zvangu paJerusarema, napaJudhea rose, napaSamaria, nokusvikira kumugumo wenyika.” (Mabasa 1:8) Uye ndizvo izvo mugove wacho wakaziviswa kusvikira zvino. Kwakareva zvishamiso nokuda kwavabatiri vaMwari mukufamba kwenguva, kuchikuita kuve madikanwa kugadziridza mukunzwisisa padzimwe nguva.

Pfungwa yechiKristu yekurumidziro yakabatira chinangwa chaJehovha. Yakabetsera vadzidzi vaKristu kuita kufambira mberi kwemugove wavo maererano nerudungwe rwaJehovha rusina chikanganiso. Uye naizvozvo nhasi, tichitarira shure kumakore anodokusvika 2 000, tinonzwisisa rudungwe irworwo rwoumwari zvizere zvikuru.

Kurumidziro yechiKristu yakabetsera vadzidzi kupa uchapupu hwakakwana muJerusarema, Judhea, Samaria, uye kuvaJudha vakaparadzirwa 36 C.E. asati asvika apo nyasha chaidzo kuna Israeri dzakasvika kumugumo. (Dhanieri 9:27; Mabasa 2:46, 47) Nenzira yakafanana, kurumidziro yechiKristu yakayamura ungano yapakuvamba mukupa nyevero yakajeka kuvaJudha vose yokuti munguva pfupi tsika yavo yaizoguma. (Ruka 19:43, 44; VaKorose 1:5, 6, 23) Uye pashure pokunge yaguma zvisingakarirwi muna 70 C.E., kurumidziro yakabetsera zvapupu zvaKristu zvomuzana rokutanga ramakore kuzivisa tariro yokudenga kuvazhinji kuramba kutenda kwakafanotaurwa kusati kwaparadzira rima rako rakaipa. (2 VaTesaronika 2:3; 2 Timotio 4:2) Ipapo, mumazana amakore eDark Ages, vaKristu vashoma vakaita segorosi vakachengeta tariro yoUmambo iri mhenyu, seizvo Kristu Jesu akanga afanotaura. (Mateo 13:28-30) Pakupedzisira, panguva yake yakagadzwa, Jehovha akamutsa ungano yakasimba, yomuzuva razvino uno, ichinyandurwa neshoko rake rokukurumidzira rorutongeso nokuda kwaavo vari kurarama muchizvarwa chino chokupedzisira.—Mateo 24:34.

SaDhanieri wekare, Zvapupu zvakatendeka zvaMwari zvomuzuva razvino uno hazvaitongotsunga kupanikira Jehovha, kumubvunza, kuti: “Unoiteiko?” (Dhanieri 4:35) Zvine chivimbo chokuti Jehovha anoziva chaizvoizvo izvo zviri madikanwa kuita kuti basa rake riitwe panguva chaipo. Naizvozvo panzvimbo pokupanikira nzira yaJehovha yokuronga nayo zvinhu, zvinofara kuti Mwari akazvipa mukana wokushanda pamwe chete naye munguva dzino dzinokosha.—1 VaKorinte 3:9.

Imwe Kurudziro Kukurumidziro

Chimwe chikonzero chekurumidziro kusakwanisa kwedu kuziva zuva chairoiro nenguva zvamavambo akamwe kamwe edambudziko guru. Kristu Jesu akanga aine chokwadi chokuti hapana munhu pasi pano anoziva zuva nenguva zvakafanotaurwa zvekutanga kwechiitiko ichocho chakakomba. (Mateo 24:36) Pane imwe nhambo akaudza vaapostora vake vaida kuziva, kuti: “Hazvina kufanira kuti muzive nguva kana misi yakatarwa naBaba vamene nesimba ravo.” (Mabasa 1:7) Hungu, mugumisiro wacho wakajeka, asi udzame hwose hausati zvahwo huri hwedu kuti tizive.

Muapostora Pauro akanga aine chimiro chendangariro chakarurama chekurumidziro. Zvichida airangarira mashoko aJesu apo akanyorera vaTesaronika pamusoro pokuvapo kwaKristu, kuti: “Asi kana dziri nguva nemisi, hama dzangu, hamufaniri henyu kuti munyorerwe chinhu.” (1 VaTesaronika 5:1) Akanyora tsamba iyi makore 17 pashure pokunge Jesu ati: “Muchava zvapupu zvangu . . . nokusvikira kumugumo wenyika.” (Mabasa 1:8) Panguva iyoyo hakuna zvimwe zvaigona kunyorwa nemhaka yokuti hakuna zvimwe zvakanga zvaratidzwa. Kunyange zvakadaro vaigona kuva nechivimbo chokuti zuva raJehovha raizouya chaizvoizvo “sembavha usiku” apo vaKristu vaizova vachiri kuparidza nekukurumidzira.—1 VaTesaronika 5:2.

Kwaizoratidzika sekusingabviri kuti vachirangarira aya mashoko, vaKristu vomuzana ramakore rokutanga vaifunga kuti zuva raJehovha raiva kure namazana amakore. Chokwadi, vaiziva nezvemifananidzo yaJesu pamusoro pamambo akaenda kunyika iri kure uye pamusoro pomunhu akaenda kune imwe nyika. Vaizivawo, kuti mifananidzo yacho yairatidza kuti mambo aizodzoka “pakupedzisira” uye mufambi “pashure penguva refu.” Asi pasina panikiro vakashamiswa nemibvunzo yakadai sokuti, Ndirini paizova “pakupedzisira”? Uye chii chinorehwa nokuti “pashure penguva refu”? Makore gumi? Makore makumi maviri? Makore makumi mashanu? Kana kuti kupfuura here? (Ruka 19:12, 15; Mateo 25:14, 19, NW) Mashoko aJesu aizopfuurira kunzwika munzeve dzavo: “Nemiwo mugare makazvigadzira, nokuti Mwanakomana womunhu uchauya nenguva yamusingafungi.”—Ruka 12:40.

Tapuro Yakanaka Yekurumidziro

Hungu, pfungwa inonyandurwa naMwari yekurumidziro yakava netapuro inokurudzira zvinoshamisa pavaKristu vomuzana rokutanga ramakore, ichivabetsera kuramba vakabatikana mubasa rinokosha zvikuru rokuparidza nokudzidzisa. Inopfuurira kutikurudzira nhasi munzira zhinji. Inotidzivirira pakuva vanogutsikana kana kuti ‘vakaneta pakuita zvakanaka.’ (VaGaratia 6:9, King James Version) Inotidzivirira pakunyanyobatanidzwa nenyika nokudisa kwayo zvokunyama kunonyengera. Inochengeta ndangariro dzedu dziri pa“upenyu chaihwo.” (1 Timotio 6:19) Ishe Jesu akataura kuti vadzidzi vake vaizova sa“makwai pakati pamapere,” uye aiziva kudikanwa kwokuti tirambe takatsunga, tiine murangariro wakasimba wakanangidzirwa kurwisa nyika. Hungu, takataviridzwa, takadzivirirwa nepfungwa yedu yechiKristu yekurumidziro.—Mateo 10:16.

Jehovha Mwari muuchenjeri hwake husingagumi anogaropa vabatiri vake mashoko akakwana nokuda kwavo okuti vachengete pfungwa yavo yekurumidziro iri mhenyu. Akativimbisa nomutsa kuti tiri mu“mazuva okupedzisira” etsika ino yakashata yezvinhu. (2 Timotio 3:1) Tinoyeuchidzwa nguva dzose kuti tinofanira kupenya sezvivheneko kusvikira chizvarwa icho tinorarama machiri chapfuura mudambudziko guru, mugumo waro uchiva paHar–Magedhoni.—VaFiripi 2:15; Zvakazarurwa 7:14; 16:14, 16.

Hungu, pfungwa youmwari yekurumidziro rutivi rwunokosha rwebasa remwoyo wose kuna Jehovha. Inodzivisa ndokubetsera kudzivisa kuedza kwaDhiyabhorosi kuparira vabatiri vaMwari ku“neta nokupera simba pamweya” yavo. (VaHebheru 12:3) Nokusingagumi kwose, kuzvipira kwomweya wose kuchaparira vabatiri vaJehovha kumuteerera, asi zvino, mumazuva ano anotangira Armagedhoni, pfungwa huru, yechokwadi yekurumidziro rutivi rwunokosha rwokuzvipira kwomweya wose.

Jehovha Mwari wedu ngaabetsere tose zvedu kuchengeta pfungwa yedu yekurumidziro zvatinopfuurira kudzokorora mashoko omuapostora Johane, okuti: “Ameni, uyai Ishe Jesu.”—Zvakazarurwa 22:20.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe