Zvakaisvonaka zvomuEvhangeri yaRuka
MWANAKOMANA waJehovha, Jesu Kristu, anosanozivikanwa nokuda kwokuva netsitsi. Kwakakodzera sei, ipapoka, kuti munyori weEvhangeri Ruka anofanira kusimbisa tsitsi, ngoni, uye kusiririswa! Nokuda kwavaJudha naVamarudzi zvakafanana, iye akanyora nhauro inofadza zvirokwazvo youpenyu hwapasi hwaJesu.
Mativi akati eiyi Evhangeri anoratidzira kuti munhu akadzidza akainyora. Somuenzaniso, iyo ine sumo yakaisvonaka uye mashoko akawanda. Mapfundo akadaro anokodzera idi rokuti Ruka akanga ari chiremba akasanodzidza. (VaKorose 4:14) Kunyange zvazvo asina kuva mutendi kutozosvikira pashure porufu rwaJesu, iye akaperekedza Pauro kuJerusarema pashure porwendo rwoufundisi rwechitatu rwomuapostora wacho. Naizvozvo, pashure pokusungwa kwaPauro imomo nokuiswa mutorongo kuKesaria, uyu munzveri anongwarira akakwanisa kuunganidza mashoko kupfurikidza nokubvunzurudza zvapupu zvakaona uye kupfurikidza nokunzvera zvinyorwa zvavose. (1:1-4; 3:1, 2) Evhangeri yake ingave yakanyorerwa paKesaria pane imwe nguva mukati mokupfigirwako kwamakore maviri kwomuapostora wacho, munenge muna 56-58 N.V.
Mativi Echienzi
Anenge matanhatu amanenji aJesu ndeechienzi kuEvhangeri yaRuka. Iwaya ndiwo: kubatwa kwenenji kwehove (5:1-6); kumutsa mwanakomana wechirikadzi paNaini (7:11-15); kuporesa mukadzi akafunyana (13:11-13); kurapa mumwe munhu ane maperembudzi (14:1-4); kuchenesa vane maperembudzi gumi (17:12-14); uye kudzorera nzeve yomuranda womuprista mukuru.—22:50, 51.
Yechienziwo kunhauro yaRuka ndimimwe yemifananidzo yaJesu. Iyoyi inobatanidza: vane zvikwereti vaviri (7:41-47); muSamaria ane mutsa (10:30-35); muonde usina michero (13:6-9); chirairo chikuru (14:16-24); mwanakomana anopambadza (15:11-32); mupfumi naRazaro (16:19-31); uye chirikadzi nomutongi asina kururama.—18:1-8.
Zvinoitika Zvinosiririsa
Chiremba Ruka akaratidzira vakadzi, vana, uye vakweguru hanya. Iye oga akadudza kusabereka kwaErisabhete, kunamba kwake pamuviri, uye kuberekwa kwaJohane. Evhangeri yake bedzi yakashuma kuoneka kwengirozi Gabrieri kuna Maria. Ruka akasundwa kutaura kuti mwana waErisabhete akakwakuka mudumbu make sezvo Maria akataura kwaari. Iye oga akataura nezvokudzingiswa kwaJesu nokupiwa kwake kutembere, uko Iye akaonwa nomutana Simeoni naAna. Uye tine zivo yedu youhwana hwaJesu nohwaJohane Mubhapatidzi nemhaka yeEvhangeri yaRuka.—1:1–2:52.
Apo Ruka akanyora pamusoro pechirikadzi yakarohwa nenhamo yeNaini iyo yakarasikirwa nomwanakomana wayo bedzi murufu, iye akataura kuti Jesu “akamunzwira tsitsi” uye ipapo akadzorera murume muduku kuupenyu. (7:11-15) Chinoshumwa bedzi muEvhangeri yaRuka, uye chinofadzawo, ndichinoitika chinobatanidza Zakeo, muteresi mukuru. Zvaakanga ari mupfupi, iye akakwira mumuti kuti aone Jesu. Chishamiso chakadini apo Jesu akataura kuti aizogara kumba kwaZakeo! Ruka anoratidza kuti shanyo yacho yakanga iri chikomborero chikuru kumugamuchiri anofara.—19:1-10.
Zvakanyorwa Nachiremba
Iyi Evhangeri ine kutaura kwakawanda kana kuti mashoko ane revo yemishonga kana kuti ukoshi. Aya mashoko haana kutongoshandiswa kana kuti kwete mupfungwa yemishonga navamwe vanyori vaMagwaro echiGiriki echiKristu. Asi tingakarira mutauro wemishonga mukunyora kwachiremba.
Somuenzaniso, Ruka bedzi akataura kuti ambuya vaPetro vaiva “nefivhiri zvikuru.” (4:38) Iye akanyorawo, kuti: “Tarira! murume akazara namaperembudzi!” (5:12) Kuvamwe vanyori veEvhangeri, kwakanga kwakakwana kududza maperembudzi. Asi kwakanga kusina kudaro nachiremba Ruka, uyo akaratidzira kuti hosha yomurume wacho yakanga yava pamwero mukuru.
Nzwisiso Mutsika
Ruka akataura kuti pashure pokuberekwa kwaJesu, Maria “akamuputira nemicheka.” (2:7) Mukuwirirana netsika, mwana achangobva kuberekwa aigezwa ndokuzorwa munyu, zvichida kuomesa ganda ndokurisimbisa. Ipapo mwana aiputirwa mumicheka, kudokufanana nomutumbi wakaomeswa. Micheka yaichengeta muviri wakatwasuka uye uchidziya, uye kuiisa pasi pechirebvu uye pamusoro kungave kwakarovedza mwana kufema nemhino. Mushumo wezana ramakore rechi 19 pamusoro petsika dzakafanana dzokuputira nemicheka wakanokora mashoko mumwe mushanyi wokuBhetrehema saanoti: “Ndakabata chisikwa chiduku mumaoko angu. Muviri wake wakanga wakaomarara uye usingagonyi, iwo wakanga wakaputirwa zvakasimba nemicheka michena nepepuro. Maoko ake netsoka zvakanga zvakaganhurirwa chose, uye musoro wake wakanga wakasungwa nechari duku, tsvuku yakapfava, iyo yakapfuura napasi pechirebvu chake uye pahuma pake.”
Evhangeri yaRuka inotipawo nzwisiso mutsika dzamariro dzomuzana rokutanga ramakore. Jesu akanga ari pedyo nesuo reNaini apo iye akaona “murume akafa achibudiswa, mwanakomana akaberekwa ari mumwe bedzi waamai vake” chirikadzi, uye “boka rakati rakabva muguta rakanga rinavo.” (7:11, 12, NW) Kuviga kazhinji kazhinji kwaiitika kunze kweguta, uye shamwari dzomushakabvu dzaiperekedza muviri kuguva. Bwanyanza hwakanga uri mubhedha sezvinobvira wakagadzirwa netsanga uye une matanda anobuda pamakona awo aibvumira varume vana kuutakura pamapfudzi avo sezvo mudungwe waifamba uchienda kunzvimbo yokuvigira.
Mumumwe muenzanisiro wakanyorwa naRuka, Jesu akataura nezvomumwe murume akarohwa namakororo. MuSamaria ane mutsa akamu“pombera mavanga ake, akaadira mafuta newaini.” (10:34) Iyi yakanga iri nzira yetsika yokurapa nayo makuvara. Mafuta omuorivhi aizopfavisa ndokunyorovesa maronda. (Isaya 1:6) Asi zvakadiniko newaini? The Journal of the American Medical Association yakati: “Waini yakanga iri mushonga mukuru muGirisi. . . . Hippocrates weCos (460-370 BC) . . . akashandisa waini zvikuru, achiirondedzera seyokurapisa maronda, chinoderedza fivhiri, chinochenesa, uye chinototesa.” Muenzanisiro waJesu wakanongedzera kuzvinhu zvinouraya utachiona nezvinouraya zvinoparira hosha zvewaini, pamwe chete nokushanda kwamafuta omuorivhi mukubetsera kurapa maronda. Chokwadika, pfundo romufananidzo wacho nderokuti muvakidzani wechokwadi anoita nengoni. Ndiyo nzira yatinofanira kubata nayo navamwe.—10:36, 37.
Zvifundo Mukuzvininipisa
Ruka oga akarondedzera muenzaniso uyo Jesu akapa pamusoro pokuona vashanyi vachisarudza nzvimbo dzakatanhamara zvikurusa pazvokudya. Mukati mezvokudya, vashanyi vakatsenhama pazvigaro zvakaiswa pamativi matatu etafura. Vabatiri vaisvika kwairi nokurutivi rwechina. Nenzira yetsika, chigaro chaigarwa navanhu vatatu, mumwe nomumwe achitarisa tafura akatsenhama negokora roruboshwe uye achitora zvokudya norudyi. Nzvimbo nhatu dzakaratidzira kuti munhu aiva nenzvimbo yakakwirira, yapakati, kana kuti yakaderera pachigaro. Munhu ane nzvimbo yakaderera pachigaro chechitatu aiva nenzvimbo yakadereresa zvikurusa pazvokudya. Jesu akati: ‘Apo unokokwa kuzvokudya, sarudza nzvimbo yakaderera zvikurusa uye mugamuchiri achakuudza kuti, “Pinda mberi.” Ipapo uchava norukudzo pamberi pavashanyi biyako.’ (14:7-10) Hungu, ngatiisei nokuzvininipisa vamwe pamberi pedu timene. Kutaura idi, mukushandisa muenzanisiro, Jesu akati: “Mumwe nomumwe unozvikudza uchaninipiswa; uye mumwe nomumwe unozvininipisa, uchakudzwa.”—14:11.
Unosimbisawo kuzvininipisa, uye wechienzi neEvhangeri yaRuka, muenzanisiro waJesu pamusoro pomuteresi nomuFarise vanonyengetera mutembere. Pakati pezvimwe zvinhu, muFarise akati, “Ndinozvinyima zvokudya kaviri nevhiki.” (18:9-14) Mutemo waingoda bedzi kuzvinyima zvokudya kumwe kwegore negore. (Revhitiko 16:29) Asi vaFarise vakanyanyisa kuzvinyima zvokudya. Uyo ari mumuenzanisiro akazvinyima zvokudya pazuva rechipiri revhiki nemhaka yokuti iroro rakanga richifungwa kuva nguva iro Mosesi akapinda muGomo reSinai, umo iye akagamuchira mahwendefa maviri eChipupuriro. Iye anotaurwa kuva akaburuka mugomo pazuva rechishanu revhiki. (Eksodho 31:18; 32:15-20) MuFarise akadudza kuzvinyima kwake zvokudya kaviri vhiki nevhiki sechibvumikiso choutsvene hwake. Asi uyu muenzanisiro unofanira kutisunda kuva vanozvininipisa, kwete kuzviruramisa.
Izvi zvakaisvonaka zvomuEvhangeri yaRuka zvinobvumikisa kuti iyo ndeyechienzi uye inoraidza. Zvinoitika zvinorondedzerwa munhau yacho zvinotibetsera kumutsidzira zvinoitika zvinosiririsa zvomuupenyu hwapasi hwaJesu. Tinobetserwawo namashoko ekare pamusoro petsika dzakati. Asi zvikurukuru tichakomborerwa kana tikashandisa zvifundo zvakadai seizvo zvapamusoro pengoni nokuzvininipisa zvinodzidziswa zvakanaka kwazvo muiyi Evhangeri yakanyorwa naRuka, chiremba anodiwa.