Ganhuro 6
Nei Tichikwegura Ndokufa?
VASAYENDISITI havazivi chikonzero nei vanhu vachikwegura ndokufa. Kunoratidzika kuti masero edu anofanira kuramba achimutsidzirwa uye kuti tinofanira kurarama nokusingaperi. Bhuku rinonzi Hyojun Soshikigaku (Standard Histology) rinoti: “Kuti kukwegura kwamasero kwakabatana sei nokukwegura norufu zvomunhu ndichakavanzika chikuru.” Vasayendisiti vakawanda vanodavira kuti upenyu hune mugumo “womuzvarirwo, wokuberekwa nawo.” Unofunga kuti vakarurama here?
2 Vanhu nguva dzose vakashuva upenyu hurefu uye vakatoedza kuwana kusafa. Kubvira muzana ramakore rechina B.C.E., mirimo yaifungidzirwa kuva yakagadzirwa kuita kuti kusafa kubvire yakakwezva ngwariro yavakuru vakuru veChina. Mamwe madzimambo apashure eChina akaedza zvainzi zvinorebesa upenyu—zvaigadzirwa nesimbi yakati dabwadabwa—uye akafa! Kupota nyika, vanhu vanodavira kuti rufu hausati uri mugumo wokuvapo kwavo. VaBuddha, vaHindu, vaMuslim, uye vamwe vose vane tariro dzakajeka dzoupenyu pashure porufu. MuchiKristudhomu, vakawanda vanoisa muchiono upenyu hwapashure porufu hwomufaro wokudenga.
3 Mirangariro yomufarwa pashure porufu inoratidzira chishuvo choupenyu husingagumi. “Akaisa mumwoyo wavo kunyange nguva isingagumi,” rinodaro Bhaibheri pamusoro pepfungwa yokusaguma iyo Mwari akaisa matiri. (Muparidzi 3:11, NW) Akasika vanhu vokutanga vane kariro yokuti vaigona kurarama nokusingaperi pasi pano. (Genesi 2:16, 17) Nei, ipapoka, vanhu vachifa? Rufu rwakapinzwa sei munyika? Kuziva Mwari kunojekesa iyi mibvunzo.—Pisarema 119:105.
RANGANO INOKUVADZA
4 Tsotsi inoedza kuvanza ufakazi hunoibatanidza. Ikoku kwave kuri kwechokwadiwo nezvouyo akaparira mhaka yakaguma norufu rwamabhiriyoni. Akaronga zvinhu kuti avanze rufu rwavanhu muchakavanzika. Jesu Kristu akazivisa iyi tsotsi apo Iye akaudza avo vaitsvaka kuMuuraya, kuti: “Imi muri vababa venyu Dhiyabhorosi, munoda kuita kuda kwakaipa kwababa venyu. Iye wakanga ari muurayi kubva pakutanga; haamiri muzvokwadi, nokuti maari hamune zvokwadi.”—Johane 8:31, 40, 44.
5 Hungu, Dhiyabhorosi “muurayi ane utsinye.” Bhaibheri rinozivisa kuti iye munhu chaiyeiye, kwete chete zvakaipa zviri mumwoyo momumwe munhu. (Mateo 4:1-11) Kunyange zvazvo akasikwa sengirozi yakarurama, “haamiri muzvokwadi.” Kwakakodzera sei kuti iye anonzi Satani Dhiyabhorosi! (Zvakazarurwa 12:9) Anonzi “Satani,” kana kuti “mudzivisi,” nemhaka yokuti akashora ndokudzivisa Jehovha. Iyi tsotsi inonziwo “Dhiyabhorosi,” kureva kuti “mucheri,” nokuti akakwenengera Mwari nenzira yokuzvidza.
6 Chii chakasunda Satani kupandukira Mwari? Makaro. Akachiva namakaro kunamata uko Jehovha aigamuchira kuchibva kuvanhu. Dhiyabhorosi haana kuramba chishuvo chokugamuchira kunamata kwakadaro, uko nenzira yakarurama kwakanga kuri bedzi kwoMusiki. (Enzanisa naEzekieri 28:12-19.) Panzvimbo pezvo, ngirozi iyo yakava Satani yakachengeta ichi chishuvo chamakaro kutozosvikira chakura ndokuparira chivi.—Jakobho 1:14, 15.
7 Tazivisa mupari wemhaka ane chiito choutsotsi chakatungamirira kurufu rwavanhu. Asi chii chiri chisakiso chaicho chorufu rwavanhu? Bhaibheri rinoti: “Rumborera rworufu ndizvo zvivi.” (1 VaKorinte 15:56) Uye chivi chii? Kuti tinzwisise iri shoko, ngatirangarirei revo iyo raiva nayo mumitauro yapakuvamba yeBhaibheri. Zviito zvechiHebheru nechiGiriki zvinowanzoshandurwa kuti “kutadza” zvinoreva “kupotsa” mupfungwa yokupotsa chiratidzo kana kuti kusasvika nharidzano. Chiratidzoi icho tose zvedu tinopotsa? Chiratidzo chokuteerera Mwari kwakakwana. Kunyange zvazvo zvakadaro, chivi chakapinzwa sei munyika?
NZIRA YAKAITWA NAYO RANGANO YACHO
8 Satani akasanoronga rangano iyo akafunga kuti yaizotungamirira kukutonga kwake vanhu vose nokugamuchira kunamata kwavo. Akasarudza kunyengera varoorani vokutanga, Adhama naEvha, kuti vatadzire Mwari. Jehova akanga apa vabereki vedu vokutanga zivo ingadai yakatungamirira kuupenyu husingaperi. Vaiziva kuti Musiki wavo akanga akanaka nemhaka yokuti akanga avaisa mubindu rakaisvonaka reEdheni. Adhama zvikuru kuru akanzwa kunaka kwaBaba vake vokudenga apo Mwari akamupa mudzimai akaisvonaka naanobetsera. (Genesi 1:26, 29; 2:7-9, 18-23) Upenyu hunopfuuridzirwa hwavanhu vaviri vokutanga hwakatsamira pakuteerera Mwari.
9 Mwari akarayira Adhama, kuti: “Ungadya hako miti yose yomunda; asi muti wokuziva zvakanaka nezvakaipa usaudya; nokuti nomusi waunoudya, uchafa zvirokwazvo.” (Genesi 2:16, 17) SoMusiki, Jehovha Mwari aiva namaruramiro okugadza mipimo yetsika nokurondedzera chakanga chakanakira uye chakanga chakaipira zvisikwa zvake. Murayiro wake wakanga une mufungo nemhaka yokuti Adhama naEvha vakanga vakasununguka kudya michero yemimwe miti yose yaiva mubindu. Vaigona kuratidza kuonga kwavo kutonga kwaiva namaruramiro kwaJehovha kupfurikidza nokuteerera uyu mutemo panzvimbo pokugadza norudado mipimo yavo vamene yetsika.
10 Dhiyabhorosi akaronga kubvisa vanhu vokutanga kuna Mwari. Kuti avanyengedze kumutsigira, Satani akareva nhema. Achishandisa nyoka, sokushandisa kunoita nyanzvi yokutaura kuchiita sokunge inzwi riri kubva muchidhori, Dhiyabhorosi akabvunza Evha, kuti: “Nhai, ndizvo here kuti Mwari wakati: Regai kudya miti yose yomunda?” Apo Evha akadudza murayiro waMwari, Satani akazivisa, kuti: “Hamungafi zvirokwazvo. Iye ipapo akati Jehovha ane vavariro dzakaipa kupfurikidza nokuti: “Mwari unoziva kuti nomusi wamunozvidya nawo, meso enyu achasvinudzwa, mukava saMwari, muchiziva zvakanaka nezvakaipa.” (Genesi 3:1-5) Dhiyabhorosi nokudaro akakarakadza kuti Mwari akanga achinyima chimwe chinhu chakanaka. Idenho yokuchera yakadini pana Baba vezvokwadi, vane rudo, Jehovha!
11 Evha akatarira muti wacho zvakare, uye michero yawo zvino yakaratidzika kuva inoshuviwa zvikuru. Naizvozvo akatanha muchero ndokuudya. Gare gare, murume wake akamukumbanira namaune muichi chiito chokutadza chokusateerera Mwari. (Genesi 3:6) Kunyange zvazvo Evha akanyengedzwa, vose vari vaviri iye naAdhama vakatsigira zano raSatani rokutonga dzinza ravanhu. Chaizvoizvo, vakava vatsigiri vake.—VaRoma 6:16; 1 Timotio 2:14.
12 Adhama naEvha vaifanira kutarisana nemigumisiro yezviito zvavo. Havana kufanana naMwari, vane zivo chaiyo. Panzvimbo pezvo, vakanyara ndokuzvivanza vamene. Jehovha akaita kuti Adhama azvidavirire ndokuzivisa urwu rutongeso: “Uchadya zvokudya zvako neziya rechiso chako kusvikira uchidzokera kuvhu; nokuti wakatorwa kwariri.” (Genesi 3:19) “Nomusi” uyo vabereki vedu vokutanga vakadya mumuti wezivo yezvakanaka nezvakaipa, vakatongwa naMwari ndokufa mumurangariro wake. Ipapo vakadzingwa muParadhiso ndokuvamba kupinda kwavo murufu rwomuviri.
KUPARARIRA KWAKAITA CHIVI NORUFU
13 Satani sezviri pachena akanga abudirira mubangano rake rokugamuchira rumbidzo yavanhu. Bva, aisagona kuchengeta vanamati vake vari vapenyu. Apo chivi chakatanga kushanda muvaroorani vaviri vavanhu vokutanga, vaisachagona kupfuudza kukwana kuvana vavo. Kufanana norunyoro rwakatemerwa mubwe, chivi chakatemerwa zvikuru mumavara anogarwa nhaka avabereki vedu vokutanga. Nokudaro, vaigona kubereka bedzi vana vasina kukwana. Sezvo vana vavo vose vakanambwa pashure pokunge Adhama naEvha vatadza, vana vavo vakagara nhaka chivi norufu.—Pisarema 51:5; VaRoma 5:12.
14 Nhasi, zvisinei, vakawanda havafungi kuti vatadzi. Mumamwe mativi enyika, murangariro wechivi chakagarwa nhaka hauwanzozivikanwa. Asi ichocho hachisi chibvumikiso chokuti chivi hachipo. Mukomana ane chiso chine tsvina angataura kuti akachena, uye angapwiswa bedzi pashure pokunge atarira mugirazi. VaIsraeri vakare vakanga vakafanana nomukomana akadaro apo vakagamuchira Mutemo waMwari kupfurikidza nomuporofita Wake Mosesi. Mutemo wakajekesa kuti chivi chaivapo. “Handizaiziva zvivi kana murayiro usaivapo,” anotsanangura kudaro muapostora Pauro. (VaRoma 7:7-12) Somukomana anotarira mugirazi, kupfurikidza nokushandisa Mutemo kuti vazvitarire vamene, vaIsraeri vaigona kuona kuti vakanga vasina kuchena mumeso aJehovha.
15 Kupfurikidza nokutarira mugirazi reShoko raMwari nokucherekedza mipimo yaro, tinogona kuona kuti hatina kukwana. (Jakobho 1:23-25) Somuenzaniso, rangarira izvo Jesu Kristu akaudza vadzidzi vake pamusoro pokuda Mwari navavakidzani vavo, sezvakanyorwa pana Mateo 22:37-40. Vanhu vanopotsa kazhinji kazhinji sei chiratidzo chacho muidzi nharaunda! Vakawanda havasati vachitongonzwa marwadzo ehana pamusoro pokukundikana kuratidza kuda Mwari kana kuti vavakidzani vavo.—Ruka 10:29-37.
NGWARIRA MAZANO ASATANI
16 Satani anotsvaka kutiparira kuita chivi namaune. (1 Johane 3:8) Pane nzira ipi neipi here yokudzivisa nayo kuva nyajambwa wamazano ake? Hungu, asi ikoku kunoda kuti tirwise mirangariro yokuita chivi chamaune. Ikoku hakusati kuri nyore nemhaka yokuti chimiro chedu chendangariro chomuzvarirwo chokutadza chakasimba zvikuru. (VaEfeso 2:3) Pauro aifanira kurwisa chaizvoizvo. Neiko? Nemhaka yokuti chivi chaigara maari. Kana tichida tendero yaMwari, isuwo tinofanira kurwisa zvimiro zvendangariro zvokutadza zviri mukati medu.—VaRoma 7:14-24; 2 VaKorinte 5:10.
17 Sezvo Satani achitsvaka nguva dzose mikana yokutinyengedza kuti tipunze mitemo yaMwari, kurwisana kwedu nechivi hakusati kuri nyore. (1 Petro 5:8) Achiratidza kuitira hanya vaKristu biyake, Pauro akati: “Ndinotya kuti, senyoka yakanyengera Evha namano ayo, zvimwe saizvozvo ndangariro dzenyu dzingasvibiswa, dzitsauke pakururama nokuchena kwomwoyo kuri kuna Kristu.” (2 VaKorinte 11:3) Satani anoshandisa matandi akafanana nhasi. Anoedza kudyara mbeu dzokupokana pamusoro porunako rwaJehovha nebetsero dzokuteerera mirayiro yaMwari. Dhiyabhorosi anoedza kushandisa zvimiro zvedu zvendangariro zvakagarwa nhaka zvinotadza ndokuita kuti tironde nzira yorudado, makaro, ruvengo, uye kufungira mano akaipa.
18 Chimwe chezvinhu izvo Dhiyabhorosi anoshandisa patiri inyika, iyo iri musimba rake. (1 Johane 5:19) Kana tikasangwarira, vanhu vakaipa navasina kutendeseka vari munyika yakatipoteredza vachatidzvinyirira kuti tipinde munzira yokutadza inopunza mipimo yetsika yaMwari. (1 Petro 4:3-5) Vakawanda vanofuratira mitemo yaMwari uye kunyange kufuratira kurova kwehana yavo, pakupedzisira vachiiita isinganzwi. (VaRoma 2:14, 15; 1 Timotio 4:1, 2) Vamwe vanogamuchira zvishoma nezvishoma nzira iyo kunyange hana yavo isina kukwana yaisavabvumidza kutora.—VaRoma 1:24-32; VaEfeso 4:17-19.
19 Kurarama upenyu hwakachena mugumisiro wenhamburiko huru munyika ino. Kuti tifadze Musiki wedu, zvisinei, zvakawanda zvinodikanwa. Tinofanirawo kutenda Mwari ndokunzwa mutoro kwaari. (VaHebheru 11:6) “Unoziva kuita zvakanaka, akasazviita, iye une zvivi,” akanyora kudaro mudzidzi Jakobho. (Jakobho 4:17) Hungu, kufuratira Mwari nemirayiro yake nenzira yamaune makuri kumene chimiro chechivi.
20 Satani sezvingabvira zvikuru achanyandura chishoro kukuronda kwako kuziva Mwari kupfurikidza nefundo yako yeBhaibheri. Kunokarirwa zvapachokwadi kuti hausati uchizorega dzvinyiriro dzakadaro dzichikudzivisa kushandisa chakarurama. (Johane 16:2) Kunyange zvazvo vatongi vakawanda vakatenda Jesu mukati moushumiri hwake, havana kumubvuma nemhaka yokuti vaitya kudziviswa munzanga mavo. (Johane 12:42, 43) Satani anoedza noutsinye kutyisidzira munhu upi noupi anotsvaka kuziva Mwari. Zvisinei, unofanira nguva dzose kuyeuka ndokuonga zvinhu zvakaisvonaka izvo Jehovha akaita. Ungatokwanisa kubetsera vashori kuwana kuonga kumwe cheteko.
21 Chero bedzi tisina kukwana, tichatadza. (1 Johane 1:8) Kunyange zvazvo zvakadaro, tine betsero mukurwa iyi hondo. Hungu, kunobvira kukurira mukurwisana kwedu nowakaipa, Satani Dhiyabhorosi. (VaRoma 5:21) Pamugumo woushumiri hwaJesu pasi pano, akakurudzira vateveri vake naawa mashoko: “Panyika munotambudzika; asi tsungai mwoyo, ini ndakakunda nyika.” (Johane 16:33) Kunyange nokuda kwavanhu vasina kukwana, kunobvira kukurira nyika nebetsero yaMwari. Satani haadzori avo vanomushora ndoku‘zviisa vamene pasi paMwari.’ (Jakobho 4:7; 1 Johane 5:18) Sezvatichaona, Mwari akagovera nzira yokubuda nayo muusungwa kuchivi norufu.
EDZA ZIVO YAKO
Satani Dhiyabhorosi ndiani?
Nei vanhu vachikwegura ndokufa?
Chivi chii?
Satani anopinza sei vanhu mukutadzira Mwari kwamaune?
[Mibvunzo Yechidzidzo]
1. Chii icho vasayendisiti vasina kukwanisa kutsanangura pamusoro poupenyu hwavanhu?
2. Vamwe vakaitei nemhaka youpfupi hwoupenyu?
3. (a) Nei vanhu vachishuva upenyu husingagumi? (b) Mibvunzoi pamusoro porufu inofanira kupindurwa?
4. Jesu akazivisa sei tsotsi inoparira rufu rwavanhu?
5. (a) Ndaapi akanga ari mavambo ouyo akazova Satani Dhiyabhorosi? (b) Mashoko okuti “Satani” uye “Dhiyabhorosi” anorevei?
6. Nei Satani akapandukira Mwari?
7. (a) Chii chinoparira rufu rwavanhu? (b) Chivi chii?
8. Satani akaedza sei kuwana kunamata kwavanhu?
9. Murayiroi uyo Mwari akapa vanhu vokutanga, uye nei iwoyu wakanga une mufungo?
10. (a) Satani akasvika sei vanhu kuti avakwevere kurutivi rwake? (b) Ivavariroi idzo Satani akati dzaiva dzaJehovha? (c) Chii icho iwe unofunga pamusoro pedenho yaSatani pana Mwari?
11. Adhama naEvha vakava sei vatsigiri vaSatani?
12. Chii chakabva mukupandukira Mwari kwavanhu?
13. Chivi chakapararira sei kudzinza rose ravanhu?
14. (a) Tingafananidza avo vanoramba chivi chavo naani? (b) VaIsraeri vakaitwa sei kuti vazive nezvokutadza kwavo?
15. Chii chinoziviswa kupfurikidza nokutarira mugirazi reShoko raMwari?
16. Chii chatinogona kuita kuti tidzivise kuva nyajambwa wamazano aSatani, uye nei ikoku kwakaoma?
17. Chii chinoita kuti kurwisana nezvimiro zvedu zvendangariro zvinotadza kuve kwakaoma zvikuru?
18. Satani anoshandisa sei nyika kusimudzira chivi?
19. Nei kusina kukwana kungorarama chete upenyu hwakachena?
20. Satani angaedza sei kukudzivisa kuita chiri chakarurama, asi chii chichakubetsera kudzivisa dzvinyiriro dzakadaro?
21. Tingakurira sei nyika nezvimiro zvedu zvendangariro zvokutadza?
[Mufananidzo unozadza peji yose uri papeji 54]