Rwiyo 1
“Rumbidza Jehovha, Mweya Wangu”
1. Ndicharumbidza Jehovha
—Ndichaimbira zita rake—
Iye unokanganwira,
Achibvisa kusuwa kwose.
Ja anononoka kutsamwa,
Zviito zvobvumikisa.
Vose vanotya Jehovha,
Vachaona tsitsi dzake.
2. Mwari woratidza ngoni,
Anoziva kuti tiri’vhu.
Sokubukira kwomunda,
Nesuwo tinonyangarika.
Bva nyasha huru dzaJehovha
Dzina vanoteerera.
Tikayeuka mitemo,
Ticharamba takamira.
3. Jehovha akatogadza,
Chigaro chake mumatenga.
Anodzora zvinhu zvose;
Anesimba pabasa rake.
Ngirozi rumbidzai Mwari
M’kudze zita rake guru.
Mose rumbidzai Mwari.
Kudza Mwari Mweya wangu.