“Jehovha Ndiye Mubetseri Wangu”
1 Apo Jesu akatuma vadzidzi vake vokutanga, akavaudza kuti: “Tarirai, ndinokutumai samakwai pakati pamapere.” (Mat. 10:16) Izvozvo zvakavaita kuti vatye ndokudzokera shure here? Aiwa. Vakagamuchira chimiro chendangariro chakaratidzwa nomuapostora Pauro gare gare paakaudza vaKristu biyake kuti: “Tive vakashinga zvikuru tichiti: “Jehovha ndiye mubetseri wangu; handingatyi. Munhu angandiitei?’” (VaH. 13:6, NW) Vakafara kuti vakafanirwa nokuzvidzwa nokuda kwezita raJesu, uye vakapfuurira kudzidzisa nokuparidza mashoko akanaka vasinganeti.—Mabasa 5:41, 42.
2 Nhasi basa rekuparidza remunyika yose riri munhambo dzaro dzokupedzisira. Sezvakafanotaura Jesu, tava vanhu vanovengwa nemarudzi ose. (Mat. 24:9) Basa redu rekuparidza rave richishorwa nokusekwa, uye mumamwe mativi enyika, rakatorambidzwa. Kudai takanga tisina kutenda, taigona kunzwa tichitya. Zvisinei, kuziva kuti Jehovha ndiye Mubatsiri wedu kunotizorodza ndokutisimbisa kuti titsungirire.
3 Ushingi ivara rokuva akasimba, akashinga, uye ane umhare. Musiyano wokutya, kusava nechivimbo, umbwende. Nguva dzose vadzidzi vaJesu vave vachida ushingi kuti vatsungirire. Hunokosha kana tichizodzivisa kuodzwa mwoyo nezvimiro zvendangariro uye kuita kwevanhu venyika inovengana naMwari. Zvinokurudzira sei kuti tifunge nezvemuenzaniso mukuru waJesu, akakunda nyika! (Joh. 16:33) Uyewo, yeuka, vaapostora avo mukutarisana nemiedzo yakakomba vakazivisa noushingi kuti: “Tinofanira kuteerera Mwari kupfuura vanhu.”—Mabasa 5:29.
4 Hatisi Rudzi Runodzokera Shure: Tinofanira kuvavarira kuchengeta chimiro chendangariro chakanaka kubasa redu. (VaH. 10:39) Nguva dzose ramba uchiyeuka kuti tiri kutumwa naJehovha sokuratidzwa kworudo rwake nengoni kuvanhu vose. Haambokumbiri vabatiri vake kuita chinhu chipi nechipi chisingabetseri. Zvinhu zvose zvatakagoverwa kuita pakupedzisira zvichava zvakanakira vanoda Mwari.—VaR. 8:28.
5 Murangariro wokuva netariro uchatibetsera kuramba tichitsvaka vanhu vakafanana nemakwai vari mundima yedu. Tingagona kurangarira kusakendenga kunoratidzwa nevanhu sokutaurwa kwekusafara kwavo uye kusava netariro. Rudo rwedu ngarutisunde kunzwira tsitsi uye kushivirira. Nguva yose yatinogovera mabhuku kana kuti zvimwe kuona kufarira kwakati, vavariro yedu inofanira kuva yokudzokera nokukurumidza ndokundonyandura imwe fariro. Hatifaniri kusambova nechivimbo chekukwanisa kwedu kutanga fundo yeBhaibheri kana kuti kubudirira mukuiitisa. Panzvimbo pezvo, nguva dzose uye nenzira yokunyengetera tinofanira kutsvaka betsero yaJehovha nenhungamiro, tiine chivimbo chokuti achatibetsera.
6 Tinodavira zvakasimba kuti Jehovha achatarisira basa kusvika rapedzwa. (Enzanisa naVaFiripi 1:6.) Kuvimba kwedu naye kusingatsukunyuki soMubetseri wedu kuchatisimbisa, kuitira kuti ti“rege kuneta pakuita zvakanaka.”—VaG. 6:9.