Rwiyo 132
Rinda Mwoyo Wako
1. Rindaiwo mwoyo yenyu,
Muwane upenyu.
Gam’chira zano reShoko
Uchiziva kuti
Zviito zvatinoita
Zvotangwa nepfungwa.
Chengeta kufunga kwako,
Funga somuKristu.
2. Chengetai mwoyo yenyu
Nokunyengetera.
Huya kwa’ri nokuonga,
Ugotarisirwa.
Kufunda Shoko raMwari
Kwochengeta pfungwa
Zvotiwanisa ukama
Navane chiedza.
3. Ndangariro irambire
Pazvinoukoshi,
Zvakachena, zvinodiwa,
Nezvinorumbidzwa.
Fungisisa pazvinhu’zvi
Uwane rugare,
Mwoyo wakanyatsorindwa
Noupenyu kwahwo.