Ronda Rugare rwaMwari Muupenyu Hwemhuri
“Ipai Jehovha, imi mhuri dzavanhu, ipai Jehovha kukudzwa nesimba.”—PISAREMA 96:7.
1. Jehovha akatangisa upenyu hwemhuri sei?
JEHOVHA akaita kuti upenyu hwemhuri hutange nomufaro apo akabatanidza murume wokutanga nomukadzi wokutanga muroorano. Kutaura idi, Adhama akanga achifara kwazvo zvokuti akataura mufaro wake munhetembo yokutangisisa kunyorwa: “Zvino uyu ifupa ramafupa angu, nenyama yenyama yangu; uchatumidzwa Mukadzi, nokuti wakabviswa paMurume.”—Genesi 2:23.
2. Mwari akanga achirangarirei nezveroorano mukuwedzera kukuunzira vana vake vaiva vanhu mufarwa?
2 Apo Mwari akatanga roorano negadziriro yemhuri, akanga achirangarira zvakawanda kupfuura kungounza mufarwa kuvana vake. Akanga achida kuti vaite kuda kwake. Mwari akaudza vaviri vokutanga kuti: “Berekai, muwande, muzadze nyika, mubate ushe pairi; muve nesimba pamusoro pehove dzegungwa, napamusoro peshiri dzedenga, napamusoro pezvipenyu zvose zvinokambaira panyika.” (Genesi 1:28) Waiva mugove unotusa zvirokwazvo. Adhama, Evha, uye vana vavo vomunguva yemberi vaizova vakafara sei kudai varoorani vokutanga vakanga vaita nokuteerera kuda kwaJehovha!
3. Chii chinodikanwa kuti mhuri dzigare nokuzvipira kwoumwari?
3 Kunyange nhasi, kunyange zvakadaro, mhuri dzinofara zvikurusa apo dzinoshanda pamwe chete kuti dziite kuda kwaMwari. Uye ikariro dzakaisvonaka zvakadini idzo mhuri dzinadzo! Muapostora Pauro akanyora kuti: “Kunamata Mwari kunobatsira pazvinhu zvose, zvakune chipikirwa choupenyu hwazvino nohunouya.” (1 Timotio 4:8) Mhuri dziri kurarama nokuzvipira kwoumwari kwechokwadi dzinotevera nheyo dzeShoko raJehovha ndokuita kuda kwake. Dzinoronda rugare rwaMwari uye nokudaro dzinowana mufarwa mu“upenyu hwazvino.”
Upenyu Hwemhuri Hunoiswa Mungozi
4, 5. Nei kuchigona kutaurwa kuti upenyu hwemhuri zvino huri pangozi munyika yose?
4 Chokwadi, hatiwani rugare nomufarwa mumhuri iri yose. Ichinongedzera kuchinyorwa chakaitwa nesangano rokuverengwa kwavanhu rinonzi Population Council, The New York Times inoti: “Zvakangofanana munyika dzakapfuma nedzisina kupfuma, chimiro choupenyu hwemhuri chiri kuchinja zvikuru.” Munyori weichi chinyorwa akanokorwa mashoko seaiti: “Pfungwa yokuti mhuri inzvimbo yomubatanidzwa umo baba vanobatira somugoveri wezvemari uye mai vanobatira somutarisiri wemirangariro ndeyenhema. Chokwadi ndechokuti miitiro yakadai sokuva vanamai vasina kuroorwa, kuwedzera kwokurambana, [uye] mhuri duku . . . iri kuvapo munyika yose.” Nemhaka yemiitiro yakadaro, mamiriyoni emhuri haana kugadzikana, rugare, uye mufarwa, uye akawanda ari kuparadzana. MuSpain kurambana kwakawedzera kusvika ku1 muroorano 8 pakutanga kwemakore gumi okupedzisira ezana ramakore rechi20—kuwedzera kukuru kubva pa1 mu100 makore 25 chete apfuura. England inoshumwa kuva ine kurambana kwakakwirira zvikurusa muEurope—4 muroorano 10 dzinokundikana. Nyika iyoyo yakaonawo kukwira kwenhamba yemhuri dzine mubereki mumwe.
5 Kunoratidzika kuti vamwe vanhu havatongogoni kumirira kuti varambane. Vakawanda vanomhanyira ku“Nzvimbo Tsvene Yokuparadzanisa Chisungo” iri pedyo neTokyo, Japan. Iyi tembere yeShinto inogamuchira zvikumbiro zvokurambana uye kuparadzana kwohumwe ukama husingadiwi. Munamati mumwe nomumwe anonyora chikumbiro chake pabhodhi repuranga, anorirembedza muruvanze rwenzvimbo yacho uye anonyengeterera mhinduro. Rimwe pepanhau reTokyo rinotaura kuti apo nzvimbo yacho yakatangwa rinenge zana ramakore rakapfuura, “vadzimai vevatengesi vomunzvimbomo vakapfuma vakanyora minyengetero vachikumbira kuti varume vavo vasiye mahure avo ndokudzoka kwavari.” Nhasi, zvisinei, zvikumbiro zvizhinjisa ndezvokurambana, kwete zvokudzokerana. Pasina mubvunzo, upenyu hwemhuri huri mungozi mupasi rose. Ikoku kunofanira kushamisa vaKristu here? Aiwa, nemhaka yokuti Bhaibheri rinotiita kuti tinzwisise njodzi youpenyu hwemhuri yazvino.
Nei Kune Njodzi Yemhuri?
6. 1 Johane 5:19 ine revoi panhamo yorudzi rwomunhu yanhasi?
6 Chimwe chikonzero chenjodzi yanhasi yemhuri ndeichi: “Nyika yose igere muna iye wakaipa.” (1 Johane 5:19) Tinogona kukarirei nezvewakaipa, Satani Dhiyabhorosi? Iye murevi wenhema akaipa, wounzenza. (Johane 8:44) Hakushamisi kuti nyika yake inozvinyudza mukunyengera nounzenza, zvinoparadza kwazvo upenyu hwemhuri! Kunze kwesangano raJehovha, pesvedzero yaSatani inotyisidzira kuparadza gadziriro yaJehovha yeroorano ndokugumisa upenyu hwemhuri hune rugare.
7. Mhuri dzinogona sei kutapurwa nemavara ayo vanhu vakawanda mumazuva ano okupedzisira vanoratidzira?
7 Chimwe chikonzero chezvinetso zvemhuri icho zvino chinotambudza rudzi rwomunhu chinoratidzirwa pana 2 Timotio 3:1-5. Mashoko ouporofita aPauro akanyorwa ipapo anoratidza kuti tiri kurarama mu“mazuva okupedzisira.” Mhuri hadzigoni kuva norugare nomufaro kana mitezo yadzo iri “vanoda mari, vanozvirumbidza, vanozvikudza, vanotuka, vasingateereri vabereki, vasingaongi, vasati vari vatsvene, vasina rudo chairwo, vasingadi kuyanana, vanochera vamwe, vasingazvidzori, vane hasha, vasingadi zvinhu zvakanaka, vanonyengera, vasingarangariri, vanoita manyawi, vanoda zvinofadza zvenyika kupfuura Mwari; vane mufananidzo bedzi wokunamata Mwari, asi vakarasha simba rako.” Mhuri haigoni kuva inofara zvizere kunyange kana mumwe wemitezo yayo usina chidakadaka chomuzvarirwo kana kuti usina kuvimbika. Upenyu hwemhuri hunogona kuva hune rugare sei kana mumwe munhu mumhuri achityisa kana kuti asingadi kubvumirana? Zvinopfuura izvozvo, panogona sei kuva norugare nomufarwa apo mitezo yemhuri inenge iri vadi vemifarwa kupfuura vadi vaMwari? Iyi miitiro yavanhu vari munyika ino inotongwa naSatani. Hazvishamisi kuti mufarwa wemhuri uri kushayikwa muano mazuva okupedzisira!
8, 9. Mufambiro wavana unogona kuva netapuroi pamufarwa wemhuri?
8 Chimwezve chikonzero nei mhuri dzakawanda dzisina rugare nomufarwa mufambiro usina kunaka wavana. Apo Pauro akafanotaura mamiriro ezvinhu mumazuva okupedzisira, akaporofita kuti vana vakawanda vaizova vasingateereri vabereki. Kana uri munhu muduku, mufambiro wako unobetsera kuita kuti mhuri yenyu ive ine rugare uye inofara here?
9 Vamwe vana havasi vomuenzaniso mumufambiro. Somuenzaniso, mumwe mukomana muduku akanyorera baba vake iyi tsamba isingafadzi: “Kana mukasandiendesa kuAlexandria handikunyoreriyi tsamba, kana kuti kutaura nemi, kana kuti kukuwonekai, uye kana mukandisiya pakuenda kuAlexandria handikubatii ruoko rwenyu kana kuti kuzombokukwazisai zvakare. Izvozvi ndizvo zvichaitika kana mukasandiendesa . . . Asi nditumirei [rudimbwa], ndinokukumbirayi. Kana mukasanditumira, handisi kuzodya uye handisi kuzonwa chinhu. Ndiri kuda kuona kuti munoita sei!” Ikoko kunoratidzika kuva kwazvino uno here? Eya, tsamba iyoyo yaibva kumukomana ichienda kuna baba vake yakanyorwa muEgipita yakare anopfuura makore 2 000 akapfuura.
10. Vaduku vanogona sei kubetsera mhuri dzavo kuronda rugare rwoumwari?
10 Chimiro chengangariro chomuEgipita muduku iyeye hachina kutsigira rugare rwemhuri. Chokwadika, zvinhu zvakaipa zvikuru zvinoitika mukati memhuri mumazuva ano okupedzisira. Bva, imi vaduku munogona kubetsera mhuri yenyu kuronda rugare rwaMwari. Sei? Kupfurikidza nokuteerera iri zano reBhaibheri: “Vana, teererai vabereki venyu pazvinhu zvose, nokuti ndizvo zvakanaka munaShe.”—VaKorose 3:20.
11. Vabereki vanogona sei kubetsera vana vavo kuva vabatiri vakatendeka vaJehovha?
11 Zvakadiniko nemi vabereki? Betserai vana venyu nenzira yorudo kuti vave vabatiri vakatendeka vaJehovha. “Rovedza mwana nzira yaanofanira kufamba nayo,” inodaro Zvirevo 22:6. “Ipapo kunyange akwegura haangatsauki pairi.” Nokudzidzisa kwakaisvonaka kwaMagwaro uye mienzaniso yakanaka yavabereki, vakomana navasikana vakawanda havatsauki munzira yakarurama apo vanokura. Asi zvakawanda zvinotsamira pakunaka noukuru hwerovedzo yeBhaibheri uye pamwoyo womuduku wacho.
12. Nei musha wemuKristu uchifanira kuva norugare?
12 Kana mitezo yose yemhuri yedu iri kuedza kuita kuda kwaJehovha, tinofanira kufarikanya rugare rwaMwari. Musha wechiKristu unofanira kuzadzwa ne‘shamwari dzorugare.’ Ruka 10:1-6 inoratidza kuti Jesu akanga achirangarira vanhu vakadaro apo akatuma vadzidzi 70 savashumiri ndokuvaudza kuti: “Paimba ipi neipi yamunopinda, mutange kuti: Rugare ngaruve neimba ino. Kana munhu worugare anenge aripo, rugare rwenyu rwuchazorora pamusoro pake.” Sezvo vabatiri vaJehovha vachienda nenzira yorugare paimba neimba na“mashoko akanaka orugare,” vanotsvaka vanhu vorugare. (Mabasa 10:34-36; VaEfeso 2:13-18) Zvirokwazvo, mhuri yechiKristu inoumbwa neshamwari dzorugare inofanira kuva norugare.
13, 14. (a) Naomi akashuvirei Rute naOrpa? (b) Musha wechiKristu unofanira kuva nzvimbo yokuzorora yorudzii?
13 Musha unofanira kuva nzvimbo yorugare nezororo. Chirikadzi yakanga yakwegura Naomi yakava netariro yokuti Mwari aizopa varoora vayo vaduku, vakanga vava chirikadzi, Rute naOrpa, zororo nenyaradzo inobva mukuva nomurume akanaka nomusha. Naomi akati: “Jehovha ngaakuzorodzei, mumwe nomumwe mumba momurume wake.” (Rute 1:9) Pamusoro pechishuvo chaNaomi, imwe nyanzvi yakanyora kuti mumisha yakadaro Rute naOrpa “vaizonunurwa mukutsamwa nefunganyo. Vaizowana zororo. Yaizova nzvimbo mavaizokwanisa kugara, uye umo mirangariro yavo nezvishuvo zvinokudzwa zvikuru zvaizowana gutsikano uye runyararo. Mataurire anoshamisa echiHebheru . . . anoratidzirwa zvakaisvonaka norudzi rwamashoko akafanana ari muna [Isaya 32:17, 18].”
14 Tapota cherekedza iyi nongedzero kuna Isaya 32:17, 18. Ipapo tinorava kuti: “Basa rokururama richava rugare, zvibereko zvokururama zvichava kunyarara nokutenda nokusingaperi. Vanhu vangu vachagara paugaro vane rugare, napadzimba dzakasimba, napanzvimbo dzokuzorora dzakadzikama.” Musha wechiKristu unofanira kuva nzvimbo yokuzorora yokururama, runyararo, chengeteko, uye rugare rwaMwari. Asi zvakadiniko kana miedzo, misiyano, kana kuti zvimwe zvinetso zvikamuka? Ipapo tinoda kuziva zvikuru chinokosha chomufarwa wemhuri.
Nheyo ina Dzinokosha
15. Ungarondedzera sei chakavanzika chomufarwa wemhuri?
15 Mhuri imwe neimwe pasi pano ine zita rayo nemhaka yaJehovha Mwari, Musiki wemhuri. (VaEfeso 3:14, 15) Naizvozvo avo vanoshuva mufarwa wemhuri vanofanira kutsvaka nhungamiro yake ndokumurumbidza, sezvakaita wezvamapisarema kuti: “Ipai Jehovha, imi mhuri dzavanhu, ipai Jehovha kukudzwa nesimba.” (Pisarema 96:7) Chakavanzika chomufarwa wemhuri chiri mumapeji eShoko raMwari, Bhaibheri, uye mukushandiswa kwenheyo dzaro. Mhuri inoshandisa idzi nheyo ichafara uye ichafarikanya rugare rwaMwari. Naizvozvo ngatitarirei ina dzeidzi nheyo dzinokosha.
16. Ibasai iro kuzvidzora kunofanira kuita muupenyu hwemhuri?
16 Imwe yeidzi nheyo yakavakirwa pane iyi: Kuzvidzora kunokosha kana muchizova norugare rwaMwari muupenyu hwemhuri. Mambo Soromoni akati: “Munhu usingadzori mweya wake, wakafanana neguta rakaputswa, risina rusvingo.” (Zvirevo 25:28) Kudzora hasha dzedu—kushandisa kuzvidzora—kunokosha kana tichishuva kuva nemhuri ine rugare uye inofara. Kunyange zvazvo tisina kukwana, tinofanira kushandisa kuzvidzora, chiri chibereko chomudzimu mutsvene waMwari. (VaRoma 7:21, 22; VaGaratia 5:22, 23) Mudzimu uchabudisa kuzvidzora matiri kana tikanyengeterera vara iri, tikashandisa zano reBhaibheri pamusoro paro, uye tikasonganirana navamwe vanoriratidzira. Nzira iyi ichatibetsera ku“tiza . . . upombwe.” (1 VaKorinte 6:18) Kuzvidzora kuchatibetserawo kuramba masimba masimba, kudzivisa kana kuti kukurira udhakwa, uye kubata zvakadzikama zvikuru nemamiriro ezvinhu akaoma.
17, 18. (a) 1 VaKorinte 11:3 inoshanda sei kuupenyu hwemhuri yechiKristu? (b) Kuziva umusoro kunotsigira sei rugare rwaMwari mumhuri?
17 Imwe nheyo inokosha inogona kutaurwa neiyi nzira: Kuziva umusoro kuchatibetsera kuronda rugare rwaMwari mumhuri dzedu. Pauro akanyora kuti: “Ndinoda kuti muzive kuti musoro womumwe nomumwe ndiye Kristu; uye musoro womukadzi ndiye murume, uye musoro waKristu ndiye Mwari.” (1 VaKorinte 11:3) Ikoku kunoreva kuti murume anotungamirira mumhuri, kuti mudzimai wake anotsigira nenzira yokuvimbika, uye kuti vana vanoteerera. (VaEfeso 5:22-25, 28-33; 6:1-4) Mufambiro wakadaro uchatsigira rugare rwaMwari muupenyu hwemhuri.
18 Murume wechiKristu anofanira kuyeuka kuti umusoro hwaMagwaro hahusi hwokudzvinyirira. Anofanira kutevedzera Jesu, Musoro wake. Kunyange zvazvo akanga achifanira kuva “musoro wazvose,” Jesu “[haa]na kuuya kuzoshumirwa, asi kushumira.” (VaEfeso 1:22; Mateo 20:28) Nenzira yakafanana, murume wechiKristu anoshandisa umusoro nomutoo worudo unomugonesa kutarisira zvakanaka fariro dzemhuri yake. Uye zvirokwazvo mudzimai wechiKristu anoda kubatira pamwe nomurume wake. So“mubatsiri” wake uye “wakamukwanira,” anogovera mavara ayo murume wake asina uye nokudaro anomupa tsigiro inodikanwa. (Genesi 2:20; Zvirevo 31:10-31) Kushandiswa kwakafanira kwoumusoro kunobetsera varume navadzimai kubata nomumwe nomumwe noruremekedzo uye kunosunda vana kuva vanoteerera. Hungu, kuzivikanwa kwoumusoro kunotsigira rugare rwaMwari muupenyu hwemhuri.
19. Nei kurukurirano yakanaka ichikosha kurugare rwemhuri nomufarwa?
19 Nheyo yechitatu inokosha inogona kutaurwa naaya mashoko: Kurukurirano yakanaka inokosha nokuda kworugare rwemhuri nomufarwa. Jakobho 1:19 inotiudza kuti: “Munhu mumwe nomumwe ngaakurumidze kunzwa, anonoke kutaura, anonoke kutsamwa.” Mitezo yemhuri inofanira kuteerera ndokutaura nomumwe nomumwe nemhaka yokuti kurukurirano ndeyavose. Kunyange apo chatinotaura chinenge chiri chokwadi, zvisinei, sezvingabvira chinokuvadza zvikuru kana chikataurwa nomutoo woutsinye, worudado, kana kuti wokusarangarira. Kutaura kwedu kunofanira kuva kwenyasha, “kwakarungwa nomunyu.” (VaKorose 4:6) Mhuri dzinotevera nheyo dzaMagwaro ndokukurukurirana zvakanaka dziri kuronda rugare rwaMwari.
20. Nei ungataura kuti rudo rwunokosha kurugare rwemhuri?
20 Nheyo yechina ndeiyi: Rudo rwunokosha kurugare rwemhuri nomufarwa. Rudo rwenyengano rwungaita rutivi rukuru muroorano, uye chidakadaka chikuru chinogona kutanga pakati pemitezo yemhuri. Rwunotokosha zvikuru, kunyange zvakadaro, rudo rwunoratidzwa neshoko rechiGiriki rokuti a·gaʹpe. Ndirwo rudo rwatinosakurira nokuda kwaJehovha, nokuda kwaJesu, uye nokuda kwomuvakidzani wedu. (Mateo 22:37-39) Mwari akaratidza rudo urwu nokuda kworudzi rwomunhu kupfurikidza nokupa “Mwanakomana wake wakaberekwa mumwe woga, kuti ani naani unotenda kwaari, arege kufa, asi ave noupenyu husingaperi.” (Johane 3:16) Zvakaisvonaka sei kuti tinogona kuratidzira rudzi rumwe chete rworudo kumitezo yemhuri yedu! Urwu rudo rukuru “chisungo chinokwanisa.” (VaKorose 3:14) Rwunobatanidza varoorani pamwe chete ndokuvasunda kuita zvakanakisisa nokuda kwomumwe nomumwe uye nokuda kwavana vavo. Apo zvinetso zvinotanga, rudo rwunovasunda kubata nhau nenzira yokubatana. Tinogona kuva nechokwadi nezvaikoku nemhaka yokuti “rudo . . . haruzvitsvakiri zvarwo . . . runofukidza zvose, runotenda zvose, rune tariro pazvose, runotsungirira pazvose. Rudo harutongoperi.” (1 VaKorinte 13:4-8) Mhuri dzinofara zvirokwazvo ndedziya dzakabatanidza kudanana kwadzo nokuda Jehovha!
Ramba Uchironda Rugare rwaMwari
21. Chii chingawedzera rugare nomufarwa zvemhuri yenyu?
21 Nheyo dzichangobva kutaurwa nedzimwe dzinowanwa muBhaibheri dzinoratidzirwa muzvinyorwa izvo Jehovha akagovera nenzira yomutsa kupfurikidza no“muranda wakatendeka, wakangwara.” (Mateo 24:45) Somuenzaniso, mashoko akadaro anowanwa mubhuku rine mapeji 192 raChakavanzika Chomufarwa Wemhuri, rakabudiswa paKokorodzano Dzoruwa dze“Nhume Dzorugare rwaMwari” dzeZvapupu zvaJehovha dzakaitwa munyika yose muna 1996/97. Fundo yomunhu oga neyemhuri yaMagwaro neyamuro yechinyorwa chakadaro inogona kuguma nebetsero dzakawanda. (Isaya 48:17, 18) Hungu, kushandisa zano raMagwaro sezvingabvira kuchawedzera rugare nomufarwa zvemhuri yenyu.
22. Tinofanira kunangidzira upenyu hwedu pachii?
22 Jehovha akachengetera mhuri dziri kuita kuda kwake zvinhu zvakaisvonaka, uye akafanirwa nokurumbidzwa nokuitirwa basa nesu. (Zvakazarurwa 21:1-4) Mhuri yako naizvozvo ngainangidzire upenyu hwayo pakunamata Mwari wechokwadi. Uye Baba vedu vokudenga, Jehovha, ngavakukomborere nomufarwa sezvaunoronda rugare rwaMwari mumhuri!
Ungapindura Sei?
◻ Chii chinodikanwa kana mhuri dzichizorarama nokuzvipira kwoumwari?
◻ Nei kune njodzi yemhuri nhasi?
◻ Chii chiri chakavanzika chomufarwa wemhuri?
◻ Chii chiri dzimwe nheyo dzichatibetsera kutsigira rugare nomufarwa zvemhuri muupenyu?
[Mufananidzo uri papeji 24]
Kurukurirano yakanaka inotibetsera kuronda rugare rwaMwari muupenyu hwemhuri