-
Uri Shamwari yaMwari Here?—Izvo Minyengetero Yako InozivisaNharireyomurindi—1997 | July 1
-
-
Uri Shamwari yaMwari Here?—Izvo Minyengetero Yako Inozivisa
WAKAMBOITA manzwira vanhu vaviri vachitaura here? Pasina mubvunzo hazvina kukutorera nguva refu usati waziva ukama hwavo—kana vaiva vepedyo kana kuti vasingazivani, vanongozivanawo zvavo kana kuti shamwari dzapedyo, dzinovimbana. Nenzira yakafanana, minyengetero yedu inogona kuzivisa ukama hwedu naMwari.
Bhaibheri rinotivimbisa kuti Mwari haasi “kure nomumwe nomumwe wedu.” (Mabasa 17:27) Zvirokwazvo, anotikumbira kumuziva. Tinotogona kuva shamwari dzake. (Pisarema 34:8; Jakobho 2:23) Tinogona kufarikanya ukama chaihwoihwo naye! (Pisarema 25:14) Nenzira yakajeka, ukama hwedu naMwari ndicho chinhu chinokosha zvikurusa icho vanhu vasina kukwana vanogona kutombowana. Uye Jehovha anokoshesa ukama hwedu. Izvozvi zviri pachena nokuti ushamwari hwedu naye hwakavakirwa pakutenda kwedu mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi, uyo akapa upenyu hwake nokuda kwedu.—VaKorose 1:19, 20.
Minyengetero naizvozvo inofanira kuratidzira rudo rwakadzama nokuonga Jehovha. Wati wambonzwa, kunyange zvakadaro, kuti minyengetero yako, nepo ine rukudzo, haisi kubva pamwoyo nenzira yakati? Izvozvo zvinogaroitika. Chii chingavandudze zvinhu? Kuchengeta ukama hwako naJehovha Mwari.
Kuwana Nguva Yomunyengetero
Chokutanga, zvinotora nguva kuchengeta ndokusakurira ushamwari. Mazuva ose ungakwazise kana kuti kunyange kutaura nevanhu vakawanda—vavakidzani, vaunoshanda navo, vatyairi vemabhazi, uye vatengesi vemuzvitoro. Zvisinei, izvozvo hazvimborevi kuti unonyatsova shamwari nevakadaro. Ushamwari hunokura sezvaunotaura nguva yakareba nemumwe munhu, muchibva pakungotaurawo zvako kusvikira pakuratidza manzwire enyu omukati nemifungo.
Nenzira yakafanana, munyengetero unotibatsira kuswedera pedyo naJehovha. Asi nguva yakakwana inofanira kutsaurirwa kwauri; zvizhinji zvinodikanwa kupfuura kungotenda kwokukurumidza panguva dzezvokudya. Kana ukataura naJehovha kakawanda, uchakwanisawo kunyatsotaura manzwire ako, vavariro, uye zviito. Mhinduro dzezvinetso zvakaoma dzinovamba kuzviratidza dzoga sezvo mudzimu waMwari unokuyeuchidza nheyo dziri muShoko rake. (Pisarema 143:10; Johane 14:26) Uyezve, sezvaunonyengetera, Jehovha anova chaiyeiye zvikuru kwauri, uye unoziva zvikuru kukufarira kwake nokukuitira hanya kwake.
Izvozvi zvinodaro zvikuru paunoona mhinduro yeminyengetero yako. Chokwadi, Jehovha “ane simba rokuita zvikuru kwazvo zvinopfuura zvose zvatinokumbira kana zvatinofunga”! (VaEfeso 3:20) Izvozvi hazvirevi kuti Mwari anokuitira zvishamiso. Zvisinei, kupfurikidza neShoko rake rakanyorwa, zvinyorwa zveboka remuranda akatendeka, kana kuti miromo yehama nehanzvadzi dzine rudo, angakugovera zano kana kuti nhungamiro zvinodiwa. Kana kuti angakupa simba rinodiwa kutsungirira kana kuti kudzivisa muedzo. (Mateo 24:45; 2 Timotio 4:17) Zviitiko zvakadaro zvinozadza mwoyo yedu nokuonga Shamwari yedu yokudenga!
Munhu naizvozvo anofanira kuwana nguva yokunyengetera. Chokwadi, nguva ishoma mukati memazuva ano anorwadza. Asi kana uchinyatsoitira hanya mumwe munhu, unowanzowana nguva yokupedza nomunhu iyeye. Cherekedza mataurire akaita wezvemapisarema: “Senondo inotakwairira hova dzemvura, saizvozvo mweya wangu unokutakwairirai imi Mwari. Mweya wangu une nyota kuna Mwari, iye Mwari mupenyu: Ndichasvika riiniko ndionekwe naMwari?” (Pisarema 42:1, 2) Unonzwa uchipanga kutaura naMwari nenzira yakafanana here? Ipapo iva nenguva yokuita kudaro!—Enzanisa naVaEfeso 5:16.
Somuenzaniso, ungaedza kumuka mangwanani-ngwanani kuitira kuti uve nenguva yaunenge uri woga yokunyengetera. (Pisarema 119:147) Pane dzimwe nguva unonetseka nokusarara usiku here? Ipapo, kufanana nowezvemapisarema, unogona kurangarira nguva dzakadaro dzinotambudza somukana wokutaura zvinokunetsa kuna Mwari. (Pisarema 63:6) Kana kuti ingava chete nhau yokupa minyengetero mipfupi inoverengeka mukati mezuva. Wezvemapisrema akati kuna Mwari: “Ndinodana kwamuri zuva rose.”—Pisarema 86:3.
Kuvandudza Kunaka Kweminyengetero Yedu
Padzimwe nguva uchawanawo zvichibatsira kuwedzera urefu hweminyengetero yako. Mukati momunyengetero mupfupi, ungada kutaura nezvezvinhu zvisina kudzama. Asi paunotaura minyengetero mirefu uye yakadzama, unotaura nokudisa mifungo yako yomukati. Jesu kanopfuura kamwe chete akapedza usiku hwose mumunyengetero. (Ruka 6:12) Pasina mubvunzo uchawana kuti minyengetero yako inova inokosha zvikuru kana ukadzivisa kuitaura uchikurumidza.
Izvozvi hazvirevi kuti unofanira kupoterera poterera apo unenge une zvishoma zvokutaura; uyewo hazvirevi kuti uchangodzokorora zvisina mufungo. Jesu akanyevera kuti: “Pakunyengetera kwenyu, musapamhidza zvisina maturo savahedheni; nokuti ivo vanofunga kuti vachanzwika nokutaura kwavo kuzhinji. Naizvozvo musafanana navo; nokuti Baba venyu vanoziva zvamunoshayiwa, musati makumbira kwavari.”—Mateo 6:7, 8.
Munyengetero une revo zvikuru paunorangarirwa pachine nguva pamusoro pemisoro yaunoda kukurukura. Zvaunogona kutaura hazviperi—mifarwa yedu muushumiri, kuneta kwedu noutera hwedu, kuodzwa mwoyo kwedu, itiro hanya dzedu dzezvemari, dzvinyiriro pabasa kana kuti muchikoro, garikano yemhuri dzedu, uye mumiriro wezvinhu womudzimu weungano yomunzvimbomo, kungodudza hedu zvishomanene.
Ndangariro yako pane dzimwe nguva inoda kutenderera tenderera paunonyengetera here? Ipapo isa nhamburiko huru yokupa ngwariro. Pashure pezvose, Jehovha anodisa ku‘teerera zvikumbiro zvedu.’ (Pisarema 17:1) Hatingadi kuva vanodisa kuita nhamburiko yomwoyo wose yokupa ngwariro kuminyengetero yedu here? Hongu, ‘ita kuti ndangariro yako ifunge zvinhu zvomudzimu,’ uye rega kuita kuti ifunge zvimwe zvinhu.—VaRoma 8:5.
Mataurire atinoita kuna Jehovha anokoshawo. Kunyange zvazvo achida kuti timurangarire seshamwari, hatifaniri kumbokanganwa kuti tiri kutaura naChangamire wechisiko chose. Rava uye fungisisa chiono chinonyandura rutyo chinoratidzirwa pana Zvakazarurwa ganhuro 4 ne5. Ipapo Johane akaona muchiono kuisvonaka kweUyo tinofanira kusvika mumunyengetero. Iropafadzo yakadini yatinayo kukwanisa kusvika ndokutaura ne“agere pachigaro choushe”! Hatimbodi kuita kuti mutauro wedu uve wokusaremekedza kana kuti usingakudzwe. Panzvimbo pezvo, tinofanira kuita nhamburiko isina kukamuka yokuita kuti ‘kutaura kwedu nokufungisisa kwemwoyo wedu zvive zvinofadza kuna Jehovha.’—Pisarema 19:14.
Tinofanira kuziva, kunyange zvakadaro, kuti hatidi kuedza kufadza Jehovha nomutauro wokuzvitutumadza. Anofadzwa nokutaura kwedu kwokuremekedza, kwomwoyo wose, pasinei zvapo nokuti kungataurwe zvakapfava sei.—Pisarema 62:8.
Nyaradzo Nokunzwisisa Munguva Dzokushayiwa
Apo tinenge tichida betsero nenyaradzo, tinowanzotendeukira kushamwari yapedyo nokuda kwetsigiro netsitsi. Eya, hakuna shamwari inogona kuwanikwa zviri nyore saJehovha. Ndiye “mubatsiri uri pedyo pedyo panguva dzokumanikidzwa.” (Pisarema 46:1) Sa“Mwari wokunyaradza kwose,” anonzwisisa zviri nani zvatiri kutambura kupfuura mumwe munhu upi noupiwo zvake. (2 VaKorinte 1:3, 4; Pisarema 5:1; 31:7) Uye anonzwira urombo zvikuru avo vakapererwa nezano rose. (Isaya 63:9; Ruka 1:77, 78) Tichiziva kuti Jehovha ishamwari inonzwisisa, tinonzwa takasununguka kutaura naye zvakasimba, nomwoyo wose. Tinosundwa kutaura zvatinotya nefunganyo. Nokudaro tinozvionera toga nzira iyo ‘kunyaradza [kwaJehovha] kunovamba nayo kuzorodza mweya wedu.’—Pisarema 94:18, 19.
Pane dzimwe nguva tinganzwa tisina kufanirwa kusvika Mwari nemhaka yemhosho dzedu. Asi zvakadini kana shamwari yako yapedyo ikakukanganisira ndokukumbira ruregerero? Haungasundwe here kuinyaradza ndokuikurudzira? Nei, ipapo, uchifanira kukarira zvishoma nezvaJehovha? Anokanganwira nomutsa shamwadzi dzake dzinoita chivi somugumisiro wokusakwana kwomunhu. (Pisarema 86:5; 103:3, 8-11) Tichiziva izvozvi, hatidi kurega kureurura mhosho dzedu kwaari takasununguka; tinogona kuva nechivimbo chorudo rwake nengoni. (Pisarema 51:17) Kana takaora mwoyo nemhaka youtera hwedu, tinogona kunyaradzwa nemashoko a1 Johane 3:19, 20 anoti: “Ndozvatichaziva nazvo kuti tiri vezvokwadi, tigosimbisa mwoyo yedu pamberi pake; nokuti kana mwoyo yedu ichitipa mhaka, Mwari mukuru kumwoyo yedu, unoziva zvose.”
Hatidikanirwi kuva vanhu vapererwa nezano rose, zvisinei, kuti tifarikanye kuitira hanya kwaMwari kune rudo. Jehovha anoitira hanya chinhu chipi nechipi chingatapura umudzimu hwedu negarikano yemirangariro. Hongu, hatimbodi kufunga kuti mirangariro yedu, mifungo, uye itiro hanya zvakanyanyodukupa zvokusagona kududzwa mumunyengetero. (VaFiripi 4:6) Paunenge uine shamwari yapedyo, munongokurukura chete zvinhu zvikuru zvoupenyu hwenyu here? Hamugoveraniwo here itiro hanya duku zvikuru? Nenzira yakafanana, unogona kunzwa wakasununguka kutaura pamusoro porutivi rwupi norwupi rwoupenyu hwako naJehovha, uchiziva kuti “unokuchengetai.”—1 Petro 5:7.
Chokwadika, ushamwari hahungagari nguva refu kana uchingotaura pamusoro pako chete. Nenzira yakafanana, minyengetero yedu haifaniri kuva kurutivi rumwe chete. Tinofanirawo kutaura rudo rwedu nokufunga nezvaJehovha nefariro dzake. (Mateo 6:9, 10) Munyengetero hausi bedzi mukana wokukumbira betsero kuna Mwari asiwo mukana wokutaura kuonga nokurumbidza. (Pisarema 34:1; 95:2) “Kupinza zivo” kupfurikidza nefundo yomunhu oga yenguva dzose kuchatiyamura munhau iyoyi, sezvakunotibatsira kuziva Jehovha nenzira dzake zviri nani. (Johane 17:3, NW) Ungazviwana zvichibatsira zvikuru kurava bhuku raPisarema ndokuona nzira iyo vamwe vabatiri vakatendeka vakataura nayo naJehovha.
Ushamwari naJehovha zvirokwazvo chipo chinokosha. Ngatiratidzei kuti tinohuonga kupfurikidza nokuita kuti minyengetero yedu ive inokosha zvikuru, yomwoyo wose, uye yomunhu oga. Ipapo tichafarikanya mufaro unotaurwa nowezvamapisarema, uyo akazivisa kuti: “Wakaropafadzwa munhu wamunosanangura, wamunoswededza kwamuri.”—Pisarema 65:4.
[Mifananidzo iri papeji 28]
Tinogona kunyengetera kuna Mwari zuva rose sezvo mukana unomuka
-
-
Mibvunzo Inobva KuvaraviNharireyomurindi—1997 | July 1
-
-
Mibvunzo Inobva Kuvaravi
Takafadzwa nefundo yedu yomufananidzo waJesu wamakwai nembudzi. Tichirangarira nzwisiso itsva inopiwa mu“Nharireyomurindi” yaOctober 15, 1995, tichiri kugona kutaura kuti Zvapupu zvaJehovha nhasi zviri kugoverana mubasa rokuparadzanisa here?
Hungu. Nenzira inonzwisisika, vakawanda vakashamisika pamusoro paizvozvi nemhaka yokuti Mateo 25:31, 32 inoti: “Zvino kana Mwanakomana womunhu achiuya nokubwinya kwake, navatumwa vose vanaye, uchagara pachigaro chake choushe chinobwinya; namarudzi ose achaunganidzwa pamberi pake; uchavaraura somufudzi unoraura makwai nembudzi.” Nharireyomurindi yaOctober 15, 1995, yakaratidza chikonzero nei idzi ndima dzichishanda pashure pokunge dambudziko guru ravamba. Jesu achasvika mumbiri yake ane ngirozi dzake uye achagara pachigaro chake chokutonga. Ipapo, achaparadzanisa vanhu. Mupfungwai? Achaita zvisarudzo zvakavakirwa pane izvo vanhu vakaita kana kuti vasina kuita nguva iyoyo isati yakwana.
Tinogona kuenzanisa izvozvi nokutanga kwomuitiro wapamutemo unogadzirira nhau yedare. Ufakazi hunoumbwa mukati menhambo yakatambanudzwa dare risati ratonga uye risati rapa mutongo. Ufakazi pamusoro pokuti vanhu vanorarama zvino vachabvumikisa kuva makwai kana kuti mbudzi hwave huchiwanda kwenguva yakareba. Uye huchiri kuwedzerwa. Asi apo Jesu anogara pachigaro chake, nhau yacho ichava yapera. Achava agadzirira kuita rutongeso. Vanhu vachaparadzaniswa kungava kukuparadzwa kusingaperi kana kuti upenyu husingaperi.
-