-
Hana—Mutoro Kana Kuti Yamuro Here?Nharireyomurindi—1997 | August 1
-
-
yokugutsikana kukuru uye rugare rwomukati. Inogona kutungamirira, kuchengetedza, uye kutikurudzira. The Interpreter’s Bible rinoti: “Utano hwendangariro nehwemirangariro hunogona kuchengetedzwa bedzi sezvo munhu anoedza kuvhara musiyano uri pakati pezvaanoita uye zvaanonzwa kuti anofanira kuita.” Munhu anogona sei kuvhara musiyano iwoyo? Zvinobvira here kugadziridza ndokurovedza hana yedu? Iyi mibvunzo icharangarirwa munyaya inotevera.
-
-
Nzira Yokurovedza Nayo Hana YakoNharireyomurindi—1997 | August 1
-
-
Nzira Yokurovedza Nayo Hana Yako
“HANA yakachena ndiwo mutsamiro wakanakisisa.” Ichi chirevo chekare chinosimbisa idi rinokosha: Patinoteerera hana yedu, tinofarikanya rugare rwomukati netsinhirano.
Havasi vose vanosarudza kuita kudaro, zvisinei. Adolf Hitler akazvizivisa kuva akanga ari pabasa rokusunungura vanhu mupfungwa yokufungidzira yakashata, kana kuti pfungwa yenhema, inozivikanwa sehana. Kutonga kwake kunotyisa kunogovera chiono chinoodza mwoyo pamusoro pokuti vanhu vanombogona kuita utsinye zvakadini apo vanofuratira hana yavo. Vamwewo vane utsinye hwakafanana, kunyange zvakadaro, matsotsi akawanda anhasi ane masimba masimba—ayo anobata chibharo kana kuti kuponda asina tsitsi. Nhamba dzinowedzera dzaava vapari vemhaka ndedzevaduku zvikuru. Rimwe bhuku rainzvera ichi chiitiko nokudaro raiva nomusoro muduku unoti Children Without a Conscience.
Nepo vanhu vazhinjisa vasingambofungi nezvokupara mhaka yamasimba masimba, vakawanda havatyi kubatanidzwa muunzenza, kureva nhema, kana kuti kunyengedza. Tsika dziri kuderera munyika yose. Achinongedzera kukuramba kutenda kukuru kubva mukunamata kwechokwadi, muapostora Pauro akanyora kuti vamwe vaKristu vaizotera kupesvedzero yenyika uye nokudaro ndokuva “vakapiswa pahana dzavo nedare rinopisa.” (1 Timotio 4:2) Kutyisidzira kwouipi kwakatokura zvikuru nhasi mukati meano “mazuva okupedzisira.” (2 Timotio 3:1) Naizvozvo vaKristu vanofanira kuita nhamburiko huru kuti vachengetedze hana dzavo. Tinogona kuzviita kupfurikidza nokuirovedza uye kuikudza.
Ndangariro, Mwoyo, Uye Hana Yako
Muapostora Pauro akati: “Ndinotaura zvirokwazvo muna Kristu, handirevi nhema, hana yangu ichindipupurira muMweya Mutsvene.” (VaRoma 9:1) Naizvozvo hana inogona kuva mupupuriri. Inogona kunzvera mufambiro ndokuutendera kana kuti zvimwe kuupa mhosva. Pfungwa yedu huru yechakanaka nechakaipa yakaiswa matiri noMusiki wedu. Zvisinei, hana yedu inogona kuumbwa ndokurovedzwa. Sei? Kupfurikidza nokupinza kwedu zivo yakarurama inobva muShoko raMwari. “Mushandurwe murangariro wenyu uchivandudzwa, kuti muidze muzive kuda kwaMwari kwakanaka, kunofadza, kwakakwana,” anodaro muapostora Pauro. (VaRoma 12:2) Sezvaunoroverera mifungo yaMwari nokuda kwake mundangariro mako, hana yako inovamba kushanda munzira yaMwari zvikuru.
Zvapupu zvaJehovha zvakabetsera mamiriyoni munyika yose ku‘pinza zivo yaJehovha Mwari naJesu Kristu.’ (Johane 17:3) Kupfurikidza negadziriro yazvo yefundo yeBhaibheri yapamusha yapachena, zvinodzidzisa vanhu vane mwoyo yakatendeseka mipimo yaJehovha Mwari pamusoro pevatano, zvinodhaka, roorano, zvebhizimisi, uye dzimwe nhau dzakawanda.a (Zvirevo 11:1; Marko 10:6-12; 1 VaKorinte 6:9, 10; VaEfeso 5:28-33) Kupinza iyi “zivo yakarurama” inhano inokosha mukutanga hana youmwari. (VaFiripi 1:9, NW) Chokwadika, kunyange pashure pokunge muKristu anzwisisa Bhaibheri, anofanira kupfuurira kudyisa ndangariro yake Shoko raMwari nguva dzose kana hana yake ichizoramba yakasimba.—Pisarema 1:1-3.
Bhaibheri rinobatanidzawo hana nomwoyo wokufananidzira, uyo unobatanidza manzwire edu nemirangariro. (VaRoma 2:15) Ndangariro nomwoyo zvinofanira kushanda pamwe chete zvichitsinhirana kana hana ichizoshanda zvakanaka. Izvozvo zvinoreva kuita zvinopfuura kungoisa mashoko acho mundangariro mako. Unofanirawo kuumba mwoyo wako—mirangariro yako yomukati, zvishuvo, uye kupanga. Bhuku raZvirevo nokudaro rinoshandisa kutaura kwakadai sokuti “rerekera mwoyo wako,” uye “ruramisira mwoyo wako,” uye “tungamirira mwoyo wako.” (Zvirevo 2:2; 23:19; 27:23, NW) Imwe nzira yokuita kudaro ndeyokupfurikidza nokufungisisa uye kurangarira Magwaro. “Ndichafungisisawo basa renyu rose, nokurangarira zvamakaita,” rinodaro Pisarema 77:12. Kufungisisa kunotibetsera kusvika mirangariro yedu yomukatikati nevavariro.
Ngatitii, somuenzaniso, une mumwe muitiro usina kuchena wakadai sokupindwa muropa nefodya. Kufanana navanhu vazhinjisa, pasina kupokana unonyatsoziva nezvengozi yayo youtano. Zvisinei, pasinei zvapo nokukurudzirwa neshamwari nemhuri, wakazviwana zvakaoma kurega. Kufungisisa shoko reBhaibheri kungagona sei kusimbisa hana yako munhau iyi?
Somuenzaniso, edza kufungisisa mashoko omupostora Pauro anowanwa pana 2 VaKorinte 7:1 anoti: “Zvino, vadikanwa, zvatine zvipikirwa izvi, ngatizvinatse pamatsvina ose enyama noomweya, tikwanise utsvene pakutya Mwari.” Nzwisisa mashoko aya. Zvibvunze kuti: “Zvipikirwa izvi” ‘zvinonongedzerwa kwazviri naPauro zvinombova zvii?’ Kupfurikidza nokurava mashoko akapoteredza, uchacherekedza kuti ndima dzapfuura dzinoti: “Budai pakati pavo, muzviraure, ndizvo zvinotaura Ishe, musabata chinhu chine tsvina; ini ndichakugamuchirai, ndichava Baba venyu, nemi muchava vanakomana navanasikana vangu, ndizvo zvinotaura Ishe une simba rose.”—2 VaKorinte 6:17, 18.
Murayiro waPauro woku‘zvichenesa mutsvina’ zvino wakawedzera simba! Sechinosunda chine simba chokuita kudaro, Mwari anopikira ku‘tipinza,’ ndiko kuti, kutiisa mutarisiro yake yakachengeteka. ‘Ndingafarikanya ukama hwapedyo naye—hwakafanana nouhwo hwomwanakomana kana kuti mwanasikana nababa here?’ ungazvibvunza kudaro. Mufungo woku‘pinzwa’ kana kuti wokudiwa naMwari akachenjera, ane rudo haufadzi zvikuru here? Kana mufungo iwoyo uchiratidzika sousingakoshi kwauri, cherekedza nzira iyo vanababa vane rudo vanoratidza nayo rudo uye chidakadaka kuvana vavo. Zvino fungidzira chisungo chakadaro chiri pakati pako naJehovha! Ukaramba uchifungisisa nezvacho, chishuvo choukama hwakadaro chinokurawo.
Asi cherekedza kuti: Kuva pedyo naMwari kunobvira bedzi kana uka“sabata chinhu chine tsvina.” Zvibvunze kuti: ‘Kupindwa muropa nefodya hakusi pakati pe“tsvina yose” inosemwa naMwari here? Kuishandisa kungava ku“svibiswa kwenyama,” kuzviratidzira kumarudzi ose engozi dzoutano here? Sezvo Jehovha akachena, kana kuti ari Mwari “mutsvene,” angagona kutendera kuzvisvibisa kwangu kwamaune neiyi nzira here?’ (1 Petro 1:15, 16, NW) Cherekedza kuti Pauro anonyeverawo nezve‘kusvibiswa kwomudzimu womunhu,’ kana kuti chimiro chendangariro. Zvibvunze kuti: ‘Uku kupindwa muropa kunokurira kufunga kwangu here? Ndichasvika pamwero mukuru kuti ndigutse kupanga kwangu, zvichida ndichiisa pangozi utano hwangu, mhuri yangu, kana kuti kunyange ukama hwangu naMwari here? Ndakabvumira kupindwa kwangu muropa nefodya kuti kukuvadze upenyu hwangu kusvikira kumweroi?’ Kutarisana neiyi mibvunzo inorwadza kungasanokupa ushingi hwokurega!
Chokwadika, ungada betsero netsigiro inobva kuvamwe yokuti urege fodya. Zvisinei, kufungisisa Bhaibheri kunogona kuita zvakawanda kuti kurovedze nokusimbisa hana yako kuti uzvisunungure pakupindwa muropa.
Patinoita Zvakaipa
Pasinei zvapo nenhamburiko dzedu dzokuita zvakanaka, padzimwe nguva kusakwana kwedu kunotikurira uye tinokanganisa. Ipapo hana yedu ichatinetsa, asi muedzo kuedza kuifuratira. Kana kuti tingaodzwa mwoyo zvikuru zvokuti tinoda kurega nhamburiko dzose dzokubatira Mwari. Zvisinei, yeuka chiitiko chaMambo Dhavhidhi. Pashure pokunge aita upombwe naBhati-shebha, hana yake yakamurova. Anorondedzera kutambudzika kwaakaita: “Nokuti ruoko rwenyu rwakanga rwuchirema pamusoro pangu masikati nousiku; unyoro hwangu hwakashandurwa hukava kuoma kwechirimo.” (Pisarema 32:4) Zvairwadza handiti? Zvechokwadi! Bva uku kusuruvara kwoumwari kwakasunda Dhavhidhi kupfidza ndokuyananiswa naMwari. (Enzanisa na2 VaKorinte 7:10.) Kuteterera kwaDhavhidhi kunorwadza kwokukanganwirwa kunopa ufakazi hwakakwana hwokupfidza kwake kwechokwadi. Nemhaka yokuti akateerera hana yake, Dhavhidhi akabetserwa kuchinja uye pakupedzisira kuwanazve mufaro wake.—Pisarema 51.
Zvimwe chetezvo zvinogona kuitika nhasi. Vamwe vakafunda Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha munguva dzakapfuura asi vakarega apo vakaziva kuti upenyu hwavo hwakanga husingatsinhirani nemipimo yakakwirira yaMwari. Zvichida vakanga vari kurarama nomunhu ane mutezo wevatano wakasiyana vasina kuroorana kana kuti vakanga vari varanda vemiitiro isina kuchena. Hana dzavo dzakavatambudza!
Kana uri mumamiriro ezvinhu akadaro, rangarira mashoko omuapostora Petro pazuva rePentekosta. Paakafumura zvivi zvavanhu vomunyika yake vechiJudha, “vakabayiwa pamwoyo.” Panzvimbo pokurega, vakateerera zano raPetro rokupfidza, uye vakawana nyasha dzaMwari. (Mabasa 2:37-41) Unogona kuita zvimwe chetezvo! Panzvimbo pokurega chokwadi nemhaka yokuti hana yako inokutambudza, hana yako ngaikusunde ku‘pfidza ndokutendeuka.’ (Mabasa 3:19) Nokutsunga nenhamburiko, unogona kuita chinjo dzinodikanwa kuti uwane nyasha dzaMwari.
“Ivai Nehana Yakanaka”
Ungava uchangotanga kudzidza nzira dzaJehovha kana kuti wava namakore akawanda oruzivo rwokuzviwanira somuKristu akakura mumudzimu, zano raPetro rakafanira: “Ivai nehana yakanaka.” (1 Petro 3:16) Iyamuro, kwete mutoro. Irovedze kupfurikidza nokudyisa ndangariro yako nomwoyo nouchenjeri hunowanwa muShoko raMwari, Bhaibheri. Teerera hana yako painokunyevera. Farikanya rugare rwomukati rwendangariro urwo kuteerera hana yako kunogona kuunza.
Sezvinobvumwa, kurovedza nokuumba hana yako harisi basa riri nyore. Zvisinei, unogona kunyengetera kuti Jehovha Mwari akubetsere. Nebetsero yake, uchakwanisa kubatira Mwari ne“hana yakanaka, napakutenda kusinganyengeri.”—1 Timotio 1:5.
[Mashoko Omuzasi]
a Inzwa wakasununguka kutaura neungano yomunzvimbomo yeZvapupu zvaJehovha kana kuti kunyorera vabudisi veiyi magazini kana ungafarira kuva nefundo yeBhaibheri yapamusha yapachena.
[Mufananidzo uri papeji 6]
Kurava uye kufungisisa Shoko raMwari kunotibetsera kurovedza hana yedu
-