-
Rusununguko Rworudzidziso Rwunorevei Kwauri?Nharireyomurindi—1997 | February 1
-
-
“Dzimwe hurumende dzine batano dzakasimba norudzidziso rumwe uye dzinorangarira vanhu vokumwe kutenda kuva tyisidziro kuchiremera chezvematongerwe enyika. Hurumende ingarangarirawo rudzidziso sorwune ngozi mune zvematongerwe enyika nemhaka yokuti marudzidziso angavimbika kuna Mwari kupfuura kuteerera hurumende.”
Nokuda kweizvi zvikonzero dzimwe hurumende dzinoisa ganhuriro pakushandiswa kworudzidziso. Shomanene dzinoshora kushandiswa kwokutenda kupi nokupi zvako. Dzimwe, kunyange zvazvo dzichitaura kuva dzinotsigira rusununguko rwokunamata, dzinodzora zvakasimba mibato yose yorudzidziso.
Rangarira, somuenzaniso, mamiriro ezvinhu akapararira kwamakore akawanda muMexico. Kunyange zvazvo Bumbiro Remitemo rakavimbisa rusununguko rworudzidziso, rakati: “Machechi anoshandiswa nokuda kwokunamata kwavose zvinhu zvoRudzi, zvinomirirwa neHurumende Yomubatanidzwa, iyo ichasarudza kuti ndeapi anogona kupfuurira kushandiswa saakadaro.” Muna 1991 Bumbiro Remitemo rakachinjwa kuti rigumise iyi ganhuriro. Kunyange zvakadaro, uyu muenzaniso unoratidzira kuti rusununguko rworudzidziso rwungatsanangurwa nenzira yakasiyana munyika dzakasiyana-siyana.
Rumwe Rudzi Rworusununguko Rworudzidziso
Rusununguko rworudzidziso rwurimo here munyika maunogara? Kana zvakadaro, rwunorondedzerwa sei? Unogona kunamata Mwari nomutoo waunosarudza, kana kuti unomanikidzwa kuva mutezo worudzidziso rweHurumende here? Unobvumidzwa kurava ndokuparadzira mabhuku orudzidziso, kana kuti mashoko akadhindwa akadaro anorambidzwa nehurumende here? Unogona kutaura kuvamwe pamusoro pokutenda kwako, kana kuti ikoku kunorangarirwa kuva kuputswa kwekodzero dzavo dzorudzidziso here?
Mhinduro dzemibvunzo iyi dzinotsamira kwaunogara. Nenzira inofadza, zvisinei, pane rudzi rworusununguko rworudzidziso rwusingatongotsamiri panzvimbo yaunogara. Paaiva muJerusarema mugore ra32 C.E., Jesu akati kuvateveri vake: “Kana imi muchigara mushoko rangu, muri vadzidzi vangu zvirokwazvo. Muchaziva zvokwadi, nezvokwadi ichakusunungurai.”—Johane 8:31, 32.
Jesu akarevei nouku kutaura? Vateereri vake vechiJudha vaishuva rusununguko mukutonga kweRoma. Asi Jesu akanga asiri kukurukura rusununguko mudzvinyiriro yezvematongerwe enyika. Panzvimbo pezvo, akanga ari kupikira vadzidzi vake chimwe chinhu chiri nani zvikuru, sezvatichaona munyaya inotevera.
-
-
Vanosunungurwa NechokwadiNharireyomurindi—1997 | February 1
-
-
Vanosunungurwa Nechokwadi
MUUNITED STATES, vanhu vanopfuura miriyoni vakapfigirwa mutorongo. Vaivava, zvinenge zviuru zvitatu zvakatongerwa kufa. Zvifungidzire umene uri mumamiriro ezvinhu iwayo. Waizonzwa sei? Mufungo wekariro yakadaro unotyisa zvirokwazvo. Bva, mupfungwa yakati, vanhu vose vari mumamiriro ezvinhu akafanana. Bhaibheri rinoti: “Vose vakatadza, vakasasvika pakubwinya kwaMwari.” (VaRoma 3:23) Hungu, savazukuru vaAdhama, taka“pinzwa mutorongo” nemamiriro ezvinhu okutadza. (VaRoma 5:12) Tinonzwa tapuro dzokupfigirwa kwedu zuva riri rose, sezvakaita muapostora wechiKristu Pauro, uyo akanyora kuti: “Ndinoona mumwe murayiro pamitezo yangu, unorwa nomurayiro womurangariro wangu, unonditapira kumurayiro wezvivi uri pamitezo yangu.”—VaRoma 7:23.
Somugumisiro wokutadza kwedu, mumwe nomumwe wedu akatongerwa rufu, sokunge zvakadaro, nokuti Bhaibheri rinoti: “Mubayiro wezvivi ndirwo rufu.” (VaRoma 6:23) Wezvemapisarema Mosesi akarondedzera mamiriro edu ezvinhu zvakanaka: “Makore makumi manomwe ndiwo ose atinawo—makore makumi masere, kana takasimba; bva anongotiunzira hawo nhamo nokusuruvara; upenyu hunokurumidza kupera, uye taenda.”—Pisarema 90:10, Today’s English Version; enzanisa naJakobho 4:14.
Jesu akataura kuvateveri vake achirangarira kuiswa muuranda kworudzi rwomunhu kuchivi norufu kuti: “Chokwadi chichakusunungurai.” (Johane 8:32, NW) Namashoko iwayo, Jesu akanga ari kutambanudzira kuvateveri vake tariro yechimwe chinhu chikuru zvikuru kupfuura rusununguko mukutonga kweRoma—akanga ari kuvagovera kuregererwa chivi uye kubudiswa murufu! Ikoku kwaizopiwa sei kwavari? “Kana Mwanakomana achikusunungurai,” Jesu akavaudza kudaro, “muchava vakasununguka kwazvo.” (Johane 8:36) Hungu, kupfurikidza nokuvanzarika upenyu hwake, “Mwanakomana,” Jesu, akabatira sechibayiro chokuyananisira kuti atenge icho Adhama akarasa. (1 Johane 4:10) Ikoku kwakazarura nzira yokuti rudzi rwose rwomunhu rwunoteerera rusunungurwe muusungwa kuchivi norufu. Mwanakomana akaberekwa ari mumwe bedzi waMwari akafa “kuti ani naani unotenda kwaari, arege kufa, asi ave noupenyu husingaperi.”—Johane 3:16.
Naizvozvo chokwadi chinogona kutisunungura chakavakirwa pana Jesu Kristu. Avo vanova vateveri vetsoka dzake vane tariro yokusunungurwa muchivi norufu apo Umambo hwaMwari hunodzora zvakazara zvinhu zvapasi. Kunyange zvino, avo vanogamuchira chokwadi cheShoko raMwari vanowana rusununguko rwapachokwadi. Munzirayi?
Rusununguko Mukutya Vakafa
Mamiriyoni nhasi anorarama achitya vakafa. Nemhaka yei? Nemhaka yokuti marudzidziso avo akavadzidzisa kuti mweya unosiya muviri parufu uye ndokupfuurira kunzvimbo yomudzimu. Ndicho chikonzero nei kuri tsika mune dzimwe nyika kuti hama dzokunyama dzomufi dzive nokupupudza kunopedza mazuva anoverengeka nousiku. Ikoku kunobatanidza kuimba zvinonzwika nokuridza ngoma. Vachemi vanodavira kuti ikoku kuchafadza munhu afa ndokudzivisa mudzimu wake kudzoka kuzotambudza vapenyu. Dzidziso dzechiKristudhomu dzenhema pamusoro pavakafa dzakangobatira bedzi kupfuudzira iri gamuchidzanwa.
Bhaibheri, zvisinei, rinozivisa chokwadi pamusoro pomugariro wavakafa. Rinotaura zvakajeka kuti mweya wako ndiwe, kwete rutivi rwakati rwako rwakavanzika rwunopfuurira kurarama pashure porufu. (Genesi 2:7; Ezekieri 18:4) Kupfuurirazve, vakafa havasi kutambudzwa mumoto wehero, uyewo havasi rutivi rwenzvimbo yemidzimu inogona kutapura vapenyu. “Vakafa,” rinodaro Bhaibheri, “havana chavanoziva, . . . hakuna basa, kana zano, kana zivo, kana uchenjeri paSheori [guva] kwaunoenda.”—Muparidzi 9:5, 10.
Idzi zvokwadi dzeBhaibheri dzakasunungura vanhu vakawanda mukutya vakafa. Havachapizve zvibayiro zvinodhura kuti vapfupe madzitateguru avo, uyewo havanetseki kuti vadiwa vavo vari kutambudzwa nenzira isina tsitsi nokuda kwemhosho dzavo. Vakadzidza kuti Bhaibheri rinogovera tariro yakaisvonaka nokuda kwaavo vakafa, nokuti rinotiudza kuti panguva yakagadzwa yaMwari, pachava no“kumuka kwavakafa kwavakarurama navasakarurama.” (Mabasa 24:15; Johane 5:28, 29) Nokudaro, vakafa zvino vari kungozorora, sokunge vakarara hope huru.—Enzanisa naJohane 11:11-14.
Chokwadi pamusoro pomugariro wavakafa netariro yorumuko chinogona kutisunungura mukupera mwoyo kungaunzwa norufu. Tariro yakadaro yakasimbisa varoorani muUnited States apo mwanakomana wavo aiva namakore mana okukura akaurawa mutsaona. “Pane nzvimbo isina chinhu muupenyu hwedu isingagoni kuzadzwa kutozosvikira taona mwanakomana wedu zvakare kupfurikidza norumuko,” vanobvuma kudaro mai vake. “Asi tinoziva kuti marwadzo edu ndeechinguvana bedzi, sezvo Jehovha achipikira kupukuta misodzi yedu yorusuruvaro.”—Zvakazarurwa 21:3, 4.
Rusununguko Mukutya Nguva Yemberi
Nguva yemberi inei? Pasi redu richapiswa mukuparadza kukuru kwenyukireya here? Kuparadzwa kwemhoteredzo yapasi kuchaita kuti pasi redu rive risingagariki here? Kuputsika kwetsika kuchatungamirira kunyongano nevhiringidziko here? Uku kutya chaikoiko kwavakawanda nhasi.
Bhaibheri, zvisinei, rinopa rusununguko mukutya kwakaipa kwakadaro. Rinotivimbisa kuti “pasi panongogarapo nokusingaperi.” (Muparidzi 1:4) Jehovha haana kusika pasi redu kuti angoriona richiparadzwa nevanhu vasina kuvimbika. (Isaya 45:18) Panzvimbo pezvo, Jehovha akasika pasi kuti ribatire somusha weparadhiso nokuda kwemhuri yomunhu yakabatana. (Genesi 1:27, 28) Donzo rake harisati rachinja. Bhaibheri rinotiudza kuti Mwari acha“paradz[a] avo vanoparadza pasi.” (Zvakazarurwa 11:18) Pashure paikoko, “vanyoro ndivo vachagara nhaka yenyika,” rinodaro Bhaibheri, “ndivo vachafarikanya kwazvo norugare rukuru.”—Pisarema 37:11.
Ichi chipikirwa chakavimbika, nokuti Mwari haarevi nhema. Jehovha akataura kupfurikidza nomuporofita wake Isaya kuti: “Shoko rangu rinobuda mumuromo mangu; haringadzokeri kwandiri risina, asi richaita zvandinoda, richiendika pane zvandakaritumira.” (Isaya 55:11; Tito 1:2) Naizvozvo, tinogona kutarira mberi nechivimbo kukuzadzikwa kwechipikirwa chaMwari chakanyorwa muBhaibheri pana 2 Petro 3:13: “Sezvaakapikira, tinotarira denga idzva nenyika itsva, munogara kururama mazviri.”
Rusununguko Mukutya Munhu
Bhaibheri rinotigovera mienzaniso yakaisvonaka yavarume navakadzi vakaratidzira kusatya mukuzvipira kwavo kuna Mwari. Pakati paivava pakanga pana Gidheoni, Bharaki, Dhebhora, Dhanieri, Estere, Jeremia, Abhigairi, uye Jaeri—kungodudza vashomanene chete. Ava varume navakadzi vakatendeka vakaratidzira chimiro chendangariro chowezvamapisarema uyo akanyora kuti: “Ndakavimba naMwari, handingatyi; vanhu vangandiiteiko?”—Pisarema 56:11.
Muzana rokutanga ramakore, vaapostora Petro naJohane vakaratidzira ushingi hwakafanana apo zviremera zvorudzidziso zvakavarayira kurega kuparidza. “Kana tirisu,” vakapindura kudaro, “hatigoni kurega kutaura pamusoro pezvinhu zvatakaona nezvatakanzwa.” Somugumisiro wechimiro chavo chakasimba, Petro naJohane gare gare vakapinzwa mutorongo. Pashure pokusunungurwa kwavo kunoshamisa, vakadzokera ndokupfuurira “kutaura shoko raMwari noushingi.” Nokukurumidza Petro navamwe vaapostora vakaunzwa pamberi peSanihedrini yechiJudha. “Takakurayirayi chaizvo kuti musaramba muchidzidzisa pamusoro pezita iri,” muprista mukuru akadaro kwavari, “bva, tarirai! mazadza Jerusarema nokudzidzisa kwenyu.” Petro navamwe vaapostora vakapindura kuti: “Tinofanira kuteerera Mwari somutongi panzvimbo pavanhu.”—Mabasa 4:16, 17, 19, 20, 31; 5:18-20, 27-29, NW.
Mubasa razvo rokuparidza mashoko akanaka oUmambo hwaMwari, Zvapupu zvaJehovha nhasi zvinovavarira kutevedzera shingairo yavaKristu vomuzana rokutanga ramakore. Kunyange pwere dziri pakati pazvo kazhinji kazhinji dzinozvibvumikisa dzimene kuva dzisingatyi kupfurikidza nokutaura kuvamwe pamusoro pokutenda kwadzo. Rangarira mimwe mienzaniso.
Stacie, wechiduku, anonyara zvomuzvarirwo. Somugumisiro, kutaura kuvamwe pamusoro pokutenda kwake pakutanga kwakanga kuri denho. Akaitei kuti akurire kunyara kwake? “Ndakafunda Bhaibheri ndokuva nechokwadi chokuti ndainzwisisa zvandakanga ndiri kutaura pamusoro pazvo,” iye anodaro. “Zvakakuita kuti kuve nyore zvikuru, uye ndakazvivimba ndimene zvikuru.” Mukurumbira waStacie wakaisvonaka wakashumwa mupepanhau romunzvimbomo. Nyaya yacho, yakanyorwa nomudzidzisi womuchikoro chake, yakatsinhira kuti: “Kutenda [kwaStacie] kunoratidzika kuva kwakamupa simba rokurwisa dzakawanda dzedzvinyiriro idzo vechiduku vakawanda zvikurusa vanonzwa. . . . Anorangarira kuti basa raMwari rinofanira kuva rokutanga mundangariro make.”
Tommy akavamba kudzidza pamusoro peBhaibheri kuvabereki vake apo akanga ane makore mashanu chete okukura. Kunyange pazera rapakuvamba, akatsigira zvakasimba kunamata kwechokwadi. Apo vomukirasi biyake vaduku vakanga vachidhirowa mifananidzo yemazororo, Tommy akadhirowa zviono zveParadhiso yaMwari yakapikirwa. Sowechiduku, Tommy akacherekedza kuti vakawanda vavadzidzi vakashamiswa pamusoro pezvitendero zveZvapupu zvaJehovha. Panzvimbo pokurega nokutya, akakumbira mumwe wavadzidzisi vake kana aigona kuitisa kurukurirano yemibvunzo nemhinduro nekirasi yake kuitira kuti agogona kupindura mibvunzo yavo yose panguva imwe. Ikoku kwakabvumirwa, uye uchapupu hwakaisvonaka hwakapiwa.
Apo akanga ava nemakore 17 okukura, Markietta akawana mukana wakaisvonaka wokutaura kuvamwe vaiva mukirasi yake pamusoro pokutenda kwake. “Takapiwa mugove wokutaura,” iye anodaro. “Ndakasarudza musoro wangu kuti uve pamusoro pebhuku raMibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda.a Ndakasarudza maganhuro mashanu mubhuku racho ndokunyora misoro yacho pabhurekibhodhi. Ndakakumbira kirasi kuronga iyoyi munhevedzano yavaifunga kuti yaikosha zvikurusa.” Kurukurirano nokutora rutivi kwekirasi zvakatevera. “Ndakaratidza kirasi bhuku racho,” Markietta anogumisa kudaro, “uye vadzidzi vakati vakakumbira kopi. Kunyange mudzidzisi wangu akati aiida.”
Unogona Kusunungurwa Nechokwadi
Sezvataona, chokwadi chiri muBhaibheri chine tapuro inosunungura paavo vamazera ose vanorifunda ndokufungisisa shoko raro. Chinovasunungura mukutya vakafa, kutya nguva yemberi, uye kutya munhu. Pakupedzisira, rudzikinuro rwaJesu rwuchasunungura rudzi rwomunhu rwunoteerera muchivi norufu. Uchava mufaro wakadini kurarama nokusingaperi mupasi riri paradhiso, tisisina kupinzwazve mutorongo nemagariro edu echivi chakagarwa nhaka!—Pisarema 37:29.
Ungada kudzidza zvakawanda pamusoro pezvikomborero izvo Mwari akapikira here? Kana zvakadaro, unofanira kuitei? Jesu akati: “Upenyu husingaperi ndihwo, kuti vakuzivei imi, Mwari uri woga wazvokwadi, naJesu Kristu, wamakatuma.” (Johane 17:3) Naizvozvo kana uchida kuwana rusununguko urwo Jesu akapikira kuvadzidzi vake, unofanira kudzidza pamusoro paJehovha Mwari noMwanakomana wake. Unofanira kuziva kuri kuda kwaMwari uye ipapo kukuita, nokuti Bhaibheri rinoti: “Nyika inopfuura nokuchiva kwayo; asi unoita kuda kwaMwari, unogara nokusingaperi.”—1 Johane 2:17.
[Mashoko Omuzasi]
a Rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
[Mufananidzo uri papeji 7]
MuUmambo hwaMwari, rudzi rwomunhu pakupedzisira rwuchava rwasunungurwa muchivi norufu
-