Nzvimbo Yenziyo Mukunamata Kwazvino Uno
KUIMBA chipo chaMwari. Kukwidza manzwi edu murwiyo kunogona kuunza mufaro kwatiri uye kuMusiki wedu. Kupfurikidza nako, tinogona kuratidzira mirangariro yedu, yose iri miviri yokusafara neyomufaro. Zvinotopfuura, tinogona kutaura rudo rwedu, rukudzo, uye rumbidzo nokuda kweMuvambi wenziyo, Jehovha.
Zhinjisa dzenongedzero mazana matatu dzeBhaibheri kunziyo dzine chokuita nekunamatwa kwaJehovha. Kuimba kunobatanidzwawo nomufaro—kwete bedzi mufaro weavo vanoimba asiwo mufaro waJehovha. Wezvemapisarema akanyora kuti: “Ngavamuimbire nziyo dzokurumbidza nengoma nembira. Nokuti Jehovha anofarira vanhu vake.”—Pisarema 149:3, 4.
Asi kuimba kunokosha sei mukunamata kwazvino uno? Vanhu vaJehovha nhasi vanogona sei kumufadza kupfurikidza nokukwidza manzwi avo munziyo? Nziyo dzinofanira kuva nenzvimboi mukunamata kwechokwadi? Kunzvera nhau yenziyo mukunamata kuchabetsera kupindura iyi mibvunzo.
Nzvimbo Yenhau Yenziyo Mukunamata
Nongedzero yokutanga yeBhaibheri kunziyo haidudzwi zvakananga muzvine chokuita nokunamatwa kwaJehovha. Pana Genesi 4:21, Jubhari anonzi akatanga kungava kutanga kwezviridzwa zvenziyo kana kuti zvichida kuvambwa kwerudzi kwakati rwebasa renziyo. Zvisinei, nziyo dzakanga dziri rutivi rwekunamatwa kwaJehovha kunyange vanhu vasati vasikwa. Shanduro dzakati dzeBhaibheri dzinorondedzera ngirozi sedzinoimba. Jobho 38:7 inotaura nezvekudanidzira kwengirozi dzakaimba nomufaro uye dzichi“pururudza nomufaro.” Nokudaro, pane chikonzero cheMagwaro chokudavira kuti kuimba mukunamata kuna Jehovha kwakanga kuri muitiro kare kare munhu asati avapo.
Vamwe vezvenhau vakataura kuti nziyo dzechiHebheru dzakare dzakanga dziri dzemashoko chete, dzisina tsinhirano inotsigira. Zvisinei, rinopfuura dhodhodho rimwe chete raigona kuimbwa panguva imwe chete parudimbwa, chiridzwa chinotaurwa zvakatanhamara muBhaibheri. Varidzi vorudimbwa vanofanira kuva vakacherekedza tsinhirano yaigona kubudiswa kupfurikidza nemubatanidzwa wekurira kwakasiyana-siyana pachiridzwa chacho. Panzvimbo pokuva dzechinyakare, nziyo dzavo pasina mubvunzo dzakanga dzakakwirira zvikuru. Uye kuchisarudzwa nenhetembo nekunyorwa kweMagwaro echiHebheru, tinogona kugumisa kuti nziyo dzechiIsraeri dzakanga dzakanaka zvikuru. Zvirokwazvo, kurudziro yekurongwa kwenziyo yakanga yakakwirira zvikuru kupfuura iyo yemarudzi akanga akapoteredza.
Kurongwa kwetemberi kwakare kwakagovera kuti pave negadziriro dzakaoma kunzwisisa dzekurongwa kwezviridzwa mukunamata mutemberi. (2 Makoronike 29:27, 28) Kwakanga kune “vatungamiriri,” “nyanzvi,” “vadzidzi,” uye “vakuru vavaimbi.” (1 Makoronike 15:21; 25:7, 8; Nehemia 12:46, NW) Achitsinhira pamusoro peunyanzvi hwavo hwenziyo hwakakwirira, wezvenhau Curt Sachs akanyora kuti: “Makorasi nemaorchestra akabatanidzwa neTemberi muJerusarema zvinokarakadza mupimo wakakwirira wedzidzo yenziyo, unyanzvi, uye zivo. . . . Kunyange zvazvo tisingazivi kuti nziyo idzodzo dzakare dzainzwika sei, tine ufakazi hwakakwana hwesimba radzo, chiremera, uye unyanzvi.” (The Rise of Music in the Ancient World: East and West, 1943, mapeji 48, 101-2) Rwiyo rwaSoromoni muenzaniso wechinhu chitsva uye runako rwekurongwa kwenziyo dzechiHebheru. Inhau iri murwiyo, yakafanana nemashoko anoimbwa, kana kuti mashoko, emutambo. Rwiyo rwacho mumashoko echiHebheru runonzi “Rwiyo Rukuru rwaSoromoni,” ndiko kuti, rwiyo rwakaisvonaka zvikurusa. Nokuda kwavaHebheru vakare, kuimba kwakanga kuri rutivi rwunokosha rwekunamata. Uye kwakabvumira ratidziro dzechokwadi dzemirangariro mukurumbidza kwavo Jehovha.
Kuimba Kwaiitwa nevaKristuVezana Remakore Rekutanga
Nziyo dzakapfuurira kuva rutivi rwenguva dzose rwekunamata pakati pevaKristu vepakuvamba. Mukuwedzera kukuva neMapisarema akafuridzirwa, kunoratidzika kuti vakaumba nziyo dzepakuvamba uye mashoko enziyo nokuda kwokunamata, vachigadza muenzaniso wekuumbwa kwomuzuva razvino uno kwenziyo dzechiKristu. (VaEfeso 5:19) Bhuku rinonzi The History of Music, rakanyorwa naWaldo Selden Pratt, rinotsanangura kuti: “Kuimba mukunamata kwepachena uye kwepachivande kwakanga kuri muitiro wevaKristu vepakuvamba. Nokuda kwevatendeuki vechiJudha uku kwakanga kuri kupfuuridzirwa kwetsika dzesinagogi . . . Mukuwedzera kuMapisarema echiHebheru . . . , kutenda kutsva kazhinji kazhinji kwaibudisa nziyo itsva, pakutanga sezviri pachena muchimiro chemarhapsody.”a
Achisimbisa ukoshi hwokuimba, apo Jesu akatanga Chirairo chaShe, iye nevaapostora vake zvimwe vakaimba maHareruya. (Mateo 26:26-30) Idzi dzakanga dziri nziyo dzerumbidzo kuna Jehovha dzakanyorwa muMapisarema uye dzaiimbwa muzvine chokuita nekuchengeta Paseka.—Pisarema 113-118.
Pesvedzero Yekunamata Kwenhema
Pakasvika inonzi Dark Ages, nziyo dzerudzidziso dzakaderedzwa kukuva kuimba kwokuchema. Munenge muna 200 C.E., Clement weAlexandria akati: “Tinoda chiridzwa chimwe: shoko rorugare rokurumbidza, kwete rudimbwa kana kuti ngoma kana kuti pembe kana kuti hwamanda.” Ganhuriro dzakaiswa, dzichiganhurira nziyo dzechechi kukuva dzemashoko. Uyu muitiro wakava unozivikanwa sekuimba kana kuti kwaya. “Asingasviki makore makumi mana pashure pokuvakwa kweConstantinople, Dare reRaodhikia (A.D. 367) rakarambidza kutora rutivi kwezvose zviri zviviri zviridzwa uye ungano mukunamata kwavose. Nziyo dzeOrthodox dzave dziri dzemashoko chose chose,” rinodaro bhuku rinonzi Our Musical Heritage. (Kutsveyamisa mashoko ndokwedu.) Idzi ganhuriro dzakanga dzisina zvikonzero muchiKristu chepakuvamba.
Mukati meDark Ages, Bhaibheri rakanga riri bhuku risingazivikanwi kuvanhuwo zvavo. VaKristu vaitsunga kuva neBhaibheri kana kuti kurirava vaitambudzwa uye kunyange kuurawa. Hakushamisi, ipapoka, kuti muitiro wokuimba rumbidzo kuna Mwari wakanyangarika zvikurukuru mukati menhambo iyoyo yerima. Pashure pokurangarira zvose, kana vanhuwo zvavo vakanga vasingakwanisi kuwana Magwaro, vaizoziva sei kuti chikamu chimwe mugumi cheBhaibheri rose nziyo? Ndiani aizovazivisa kuti Mwari akarayira vanamati vake “[kuimbira] Jehovha rwiyo rutsva, nokurumbidza kwake paungano yavatsvene”?—Pisarema 149:1.
Kudzorera Nziyo MunzvimboYadzo Yakafanira Mukunamata
Sangano raJehovha rakaita zvakawanda kudzorera nziyo nokuimba kunzvimbo yazvo yakarurama mukunamata. Somuenzaniso, chinyorwa chaFebruary 1, 1896, cheNharireyomurindi chakanga chine nziyo bedzi. Chakanga chine musoro unoti “Zion’s Glad Songs of the Morning.”
Muna 1938 kuimba pamisangano yeungano zvikurukuru kwakaregwa. Zvisinei, uchenjeri hwekutevera muenzaniso wevaapostora nenhungamiro hwakakurumidza kupararira. Pakokorodzano yoruwa ya1944, F. W. Franz akapa hurukuro yakanga ine musoro unoti “Rwiyo Rwebasa Roumambo.” Akaratidza kuti nziyo dzokurumbidza kuna Jehovha dzakaimbwa nezvisikwa zvokudenga zvaMwari kare kare munhu asati asikwa ndokuti: “Kwakafanira uye kunofadza Mwari kuti vabatiri Vake vapasi vakwidze manzwi avo murwiyo chairwoirwo.” Pashure pokukudziridza chibvumikiso chokuimba mukunamata, akazivisa kubudiswa kweKingdom Service Songbook rekushandisa pamisangano yebasa yevhiki nevhiki.b Ipapo Informant (zvino hunonzi Hushumiri Hwedu Hwoumambo) yaDecember 1944 yakazivisa kuti mimwe misangano yaizobatanidzawo nziyo dzokuzarura nedzokupfiga. Kuimba zvakare kwakava rutivi rwekunamatwa kwaJehovha.
‘Kuimba Mumwoyo Yedu Kuna Jehovha’
Ukoshi hwokuimba kwemwoyo wose hunoratidzirwa nehama dzedu muEastern Europe uye muAfrica idzo dzakava nemakore enhamo nechitambudzo. Lothar Wagner akapedza makore manomwe ari muusungwa achigara ari oga. Akatsungirira sei? Anoti: “Kwevhiki dzinoverengeka ndakaisa ngwariro pakuzadza dura rangu renziyo dzoUmambo. Apo ndakanga ndisingazivi mashoko acho chaizvoizvo ndaingoita mutsetse mumwe kana kuti miviri. . . . Nziyo dzedu dzoUmambo dzine mifungo yakawanda inokurudzira uye inovaka zvakadini!”—1974 Yearbook of Jehovah’s Witnesses, mapeji 226-8.
Mukati memakore mashanu ekugara ari oga nemhaka yechimiro chake chokutendeka, Harold King akawana nyaradzo mukuronga nokuimba nziyo dzerumbidzo kuna Jehovha. Dzinoverengeka dzenziyo dzake zvino dzinoshandiswa neZvapupu zvaJehovha mukunamata kwazvo. Mufaro wakabatana nokuimba unosimbisa. Asi hatifaniri kunetswa kuti tigopwiswa nezvoukoshi hwokuimba rumbidzo kuna Mwari.
Vanhu vose vaJehovha vanogona kuwana mufaro munziyo. Kunyange zvazvo tingava neganhuriro dzakati mukuzviratidzira timene mumashoko, mirangariro yedu kuna Jehovha inogona kusununguka apo tinoitaura murwiyo. Muapostora Pauro akaratidzira mawanire atinogona kuita mufaro mukuimba rumbidzo apo akarayira vaKristu kuramba “[muchitaurirana] pakati penyu namapisarema, nenziyo, nezviimbo zvoMweya, muimbire, muridzire Ishe mumwoyo yenyu.” (VaEfeso 5:19) Apo mwoyo yedu inenge yakazadzwa nezvinhu zvomudzimu, tinowana ratidziro yakasimba murwiyo. Naizvozvo chinokosha mukuimba kwakanatswa chimiro chemwoyo chakarurama.
Kuva neukama hwakanaka naJehovha kunobetsera kuva nomudzimu womufaro, kuchitisunda kutaura, kuimba, uye kudanidzira rumbidzo dzaJehovha. (Pisarema 146:2, 5) Tinoimba nemwoyo wose pamusoro pezvinhu zvatinofarikanya. Uye kana tichida rwiyo rwacho kana kuti mirangariro yerwiyo rwacho, sezvingabvira zvikurusa ticharuimba nembavarira chaiyoiyo.
Munhu haafaniri kuimba nenzwi rakakwirira kuti aimbe nembavarira. Kuimba zvinonzwika hakuna kufanana hako nekuimba kwakanaka; uyewo kuimba kusingagoni kunzwika. Mamwe manzwi ane kunzwika kwomuzvarirwo anotanhamara kunyange zvazvo kuimba kwacho kungava kwakapfava. Rutivi rwedenho yokuimba zvakanaka muboka kudzidza kutsinhirana. Ungave uchiimba mutsinhirano kana kuti pamwe chete, kuenzanisa kwako mwero wenzwi neavo vari pedyo newe kunobetsera kurwiyo runofadza uye rwakabatana. Dzikamo yechiKristu nekuteerera zvinobetsera munhu kuwana dzikamo yokuimba nesimba bva asinganyanyi kuva akasimba nenzwi rake. Zvisinei, avo vanoimba neunyanzvi kana kuti vane manzwi akaisvonaka nenzira yechienzi havafaniri kudziviswa mukuimba. Inzwi rakaisvonaka rinogona kugovera tsigiro yakasimba kuungano inoimba rumbidzo kuna Jehovha.
Kuimba pamisangano yedu kunogoverawo chimiro chakafanira nokuda kwekuimba mativi anotsinhirana enziyo dzacho. Avo vanonzwisisa kana kuti vanogona kurava mitsetse yetsinhirano mubhuku renziyo ndokuiimba vanokurudzirwa kutsinhirana nekuimba ndokuwedzera kurunako rwenziyo dzacho.c
Vamwe vangati, ‘Handikwanisi kuimba rwiyo zvakarurama’ kana kuti ‘Ndine inzwi rakaipa; rinozhorozhoteka pamadhodhodho akakwira.’ Nokudaro, vanotya apo vanoimba, kunyange paHoro yoUmambo. Chokwadi ndechokuti hapana inzwi rinoimbwa mukurumbidza Jehovha “rakaipa” mumurangariro wake. Sezvo inzwi romunhu rokutaura richigona kuvandudzwa nokurovedza uye kupfurikidza nokutevera zvikarakadzo zvinobetsera zvinopiwa muChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari, naizvozvo kuimba kwemunhu kunogona kunatswa. Vamwe vakanatsa manzwi avo kupfurikidza nokungohon’era bedzi vachiita mabasa. Kuhon’era kunobetsera kunatsiridza mabudire anoita inzwi. Uye panguva dzakafanira apo tinenge tiri toga kana kuti tichishanda uko tinenge tisingadzongonyedzi vamwe, kuimba nziyo dzoUmambo kurovedzwa kwakaisvonaka kweinzwi uye mutoo wokuzviisa muchimiro chendangariro chomufaro, chokuzorora.
Tinogonawo kukurudzira kuimba shomanene dzenziyo dzoUmambo pakuungana. Kuimba kwakadaro, kuchiperekedzwa nechiridzwa chakadai segitare kana kuti piyano kana kuti nezvimwe zvakarekodwa zvepiyano zveSosaiti, kunopa mhoteredzo yomudzimu kukuungana kwedu. Kunogoverawo yamuro yokudzidza nziyo dzacho nekudziimba zvakanaka pamisangano yeungano.
Kubetsera ungano kuva mumudzimu wokuimba pamisangano, Sosaiti yakagovera nziyo dzakarekodwa. Apo dzinoridzwa, uyo anotarisira gudzanzwi anofanira kungwarira kunzwika. Kana nziyo dzacho dzisinganzwiki zvakakwana, ungano ingatya kuimba. Sezvo hama inodzora gudzanzwi inoimba pamwe chete neungano, ichakwanisa kuziva kana nziyo dziri kupa tsigiro yakanaka kana kuti kwete.
Imbira Jehovha Rumbidzo
Kuimba kunotipa mukana wokuratidzira mirangariro yedu kuMusiki wedu. (Pisarema 149:1, 3) Hakusi, kungobudiswa chete kwemirangariro, asi kuratidzirwa kune mufungo, kwemufaro, nokunodzorwa kwerumbidzo yedu. Kudurura mwoyo wedu pakuimba kweungano kunogona kutiisa muchimiro chakafanira chendangariro nechemwoyo nokuda kwepurogiramu inotevera uye kunogona kutinyandurira kugoverano huru zvikuru mukunamatwa kwaJehovha. Kunyange zvazvo kuimba kuchitapura mirangariro, mashoko acho anogona kubatirawo kutirayiridza. Nokudaro kupfurikidza nokutaura isu timene pamwe chete uye mutsinhirano, tiri kugadzirira mwoyo yedu nounyoro uye nokuzvininipisa kuti tigodzidza pamwe chete sevanhu vakaunganidzwa.—Enzanisa nePisarema 10:17.
Kuimba nguva dzose kuchava rutivi rwokunamatwa kwaJehovha. Naizvozvo tine kariro yokugoverana nokusingaperi mirangariro yewezvemapisarema: “Ndicharumbidza Jehovha ndichiri mupenyu; ndichaimbira Mwari wangu nziyo dzokurumbidza, ini ndichiripo.”—Pisarema 146:2.
[Mashoko Omuzasi]
a Rhapsody rwiyo rwunosiyaniswa muzvikamu zvakasiyana-siyana nemudzimu worusununguko. Kazhinji kazhinji marhapsody airumbidza zviitiko zveushingi kana kuti vanhu.
b VaKorinte Wokutanga 14:15 inoratidzika kuva inoratidzira kuti kuimba kwakanga kuri rutivi rwenguva dzose rwekunamata kwechiKristu kwomuzana remakore rokutanga.
c Dzimwe dzenziyo dziri mubhuku redu razvino renziyo, Imbirai Jehovha Rumbidzo, dzichiri nemativi mana anotsinhirana nokuda kwebetserwo yeavo vanofarikanya kuimba mativi anotsinhirana. Zvisinei, dzakawanda dzenziyo dzacho dzakarongwa kuti dzikumbanirwe nepiyano uye dzakaitirwa kuridza kunoedza kuchengeta manyuko emarudzi akawanda enziyo dzacho. Kuimba madhodhodho anotsinhirana enziyo dzakanyorwa pasina kuomerera kumativi mana anotsinhirana kungagovera kuvandudzika kunofadza kukuimba kwedu pamisangano.
[Bhokisi riri papeji 27]
Zvimwe Zvikarakadzo Zvekuimba Kuri Nani
1. Simudza bhuku renziyo pakuimba. Ikoku kunobetsera munhu kufema nenzira yomuzvarirwo zvikuru.
2. Fema zvakanaka pakuvamba kwemashoko mamwe namamwe.
3. Kuti vhurei muromo pakutanga kupfuura uko munhu anonzwa kwakanaka kuchawedzera nenzira yomuzvarirwo mwero wenzwi nekunzwika kwenzwi racho.
4. Kupfuura zvose, ramba uchifunga mufungo werwiyo rwuri kuimbwa.