Unotya Kuvimba Vamwe Here?
‘HAKUNA wandinogona kutaurira. Vanhu havasati vachizonzwisisa. Vakanyanyobatikana nezvinetso zvavo vamene. Havana nguva nokuda kwezvangu.’ Vakawanda vanonzwa nenzira iyoyo, naizvozvo vanochengeta zvinhu kwavari vamene. Apo vamwe vanovabvunza kuti vakadini, kazhinji kazhinji vanoda kuvaudza, asi havasati. Havambogoni zvavo kutaura.
Chokwadi, kune avo vasingadi betsero inobva kuvamwe. Bva, vakawanda vanoda betsero zvikuru asi vanotya kuzivisa mifungo yavo yomunhu oga zvikurusa, mirangariro, uye zvakaitika. Uri mumwe wavo here? Hakuna chaizvoizvo waunogona kuvimba here?
Kunzwisisa Kutya
Munyika yanhasi mune kusavimba. Vanhu vaduku havatauri kuvabereki vavo. Vabereki havagoni kutaura nomumwe nomumwe. Vashoma vanodisa kutaura kuavo vane chiremera. Vasingakwanisi kuvimba vamwe, vamwe vanotendeukira kuzvinodhaka, mirimo, kana kuti muraramiro weupengo kuti vaedze kupukunyuka kubva muzvinetso zvavo.—Zvirevo 23:29-35; Isaya 56:12.
Chivimbo muvanhu vane chiremera, vakadai sevafundisi, vanachiremba, varapi, uye vadzidzisi, chakazununguswa nekuziviswa kusingagumi kwekusatendeseka uye unzenza. Somuenzaniso, kumwe kufungidzira kunotaura kuti vanopfuura 10 muzana vevafundisi vanobatanidzwa mumufambiro wakashata wevatano. Ava “vaputsi vechivimbo,” anodaro mumwe munyori, “vanoparira mikaha mikuru muukama hwevanhu.” Ikoku kunotapura sei ungano dzavo? Kunoparadza chivimbo.
Kuputsika kwakapararira kwetsika kwakatungamirirawo kunjodzi mumhuri, kusvika kupfundo rokuti mhuri dzisingashandi zvakanaka dzinodokuva chinhu chenguva dzose, kwete chisingawanzoitika. Musha waichimbova mhoteredzo yokurovedza. Nhasi kazhinji kazhinji wakafanana zvikuru nenzvimbo yenguva yokudyira. Apo mwana anokurira mumhuri umo mu“sina rudo chairwo,” mugumisiro unowanzozivikanwa kusakwanisa kuvimba vamwe muukuru.—2 Timotio 3:3.
Uyezve, sezvo mamiriro enyika anoipa zvikuru, tinoratidzirwa zvikuru kuzvinoitika zvine bviro yokuva nengozi. Ari mumamiriro ezvinhu akafanana, muporofita Mika akanyora kuti: “Regai kutenda shamwari.” (Mika 7:5) Unganzwa zvimwe chetezvo pashure pokuora mwoyo kuduku, chivimbo chaputswa, kana kuti chiitiko chikuru chinotyisidzira upenyu. Unokuwana kwakaoma kuvimba vamwe zvekare uye unova akafa mumirangariro, uchirarama zuva rimwe nerimwe uri seri kwemhinganidzo yemirangariro. (Enzanisa nePisarema 102:1-7.) Chokwadi, chimiro chakadaro chendangariro chingakubetsera kushanda, asi “mwoyo [wako] une shungu” unokubira mufaro upi noupi muupenyu. (Zvirevo 15:13) Chokwadi ndechokuti, kuti uve akasimba mumudzimu, mumirangariro, mundangariro, uye mumuviri, mhinganidzo iyoyo inofanira kuparara uye unofanira kudzidza kuvimba vanhu. Ikoko kunobvira here? Hungu.
Nei Mhinganidzo Yacho Ichifanira Kuparara?
Kuvimba nevamwe kunounza zorodzo kumwoyo unotambudzwa. Hana akava neichi chinoitika. Akanga ane roorano yakanaka, musha wakachengeteka, asi akanga atambudzwa zvikuru. Kunyange zvazvo akanga “ane shungu kwazvo,” nokuchenjera “akanyengetera kuna Jehovha” nokuteterera kukuru uko kwakaita kuti miromo yake yakanyarara idedere. Hungu, akavimba naJehovha. Ipapo akazarurira mwoyo wake kumumiriri waJehovha Eri. Nemugumisiroi? “[Hana] akaenda hake, akazodya, chiso chake chikashanduka.”—1 Samueri 1:1-18.
Tsika dzakawanda zvikurusa dzinoziva betsero dzokuzivisa zvakavanzika. Somuenzaniso, kugoverana pfungwa nezviitiko neavo vakambova mumamiriro ezvinhu akafanana kunogona kubvumikisa kuva kunobetsera. Vanzveri vanogumisa kuti: “Kuzviparadzanisa mumirangariro kunoparira chirwere—tinofanira kuzivisa zvinhu kuti tirambe takanaka mundangariro.” Uwandu hunowedzera hwenzvero yesayenzi hunobvumikisa chokwadi chechirevo chakafuridzirwa chinoti: “Unozviparadzanisa navamwe, unongotsvaka kuda kwake, unorwa nouchenjeri hwose kwahwo.”—Zvirevo 18:1.
Kana usingatauri kuvamwe, vanogona sei kukubetsera? Nepo Jehovha Mwari ari munzveri wemwoyo, mifungo yako yomukati-kati nemirangariro haizivikanwi kumhuri neshamwari—kutoti ukataura. (1 Makoronike 28:9) Apo chinetso chacho chinobatanidza kudarikwa kwemutemo waMwari, kunonoka kureurura mhaka kunongoiita bedzi yakaipa zvikuru.—Zvirevo 28:13.
Zvirokwazvo, betsero dzokutaura nhamo kuvamwe dzinopfuura zvikuru ngozi dzokukuvadzwa. Chokwadika, ikoko hakurevi kuti tinofanira kuwadzanyura udzame hwomunhu oga pasina kusarudza. (Enzanisa naVatongi 16:18; Jeremia 9:4; Ruka 21:16.) “Munhu une shamwari zhinji unoparadzwa,” Zvirevo 18:24 inonyevera asi ipapo inowedzera kuti: “Asi shamwari iriko inonamatira kupfuura hama.” Ndokupi kwaunogona kuwana shamwari yakadaro?
Vimba Nemhuri Yako
Kana une chinetso, wakaedza here kuchikurukura nemukwanyina wako weroorano kana kuti nevabereki vako? “Nokuda kwezvinetso zvakawanda, kuzvitaura zvose ndiko kunodikanwa bedzi,” anobvuma kudaro mumwe mupi wezano ane ruzivo rwekuzviwanira. (Zvirevo 27:9) Varume vechiKristu ‘vanoda vadzimai vavo saivo,’ vadzimai vano“[zviisa] pasi pavarume [vavo],” uye vabereki vanokoshesa basa ravo rakapiwa naMwari roku‘rera vana vavo nokutungamirira ndangariro kwaJehovha’ vachashanda zvakaoma pakuva vateereri vanonzwira tsitsi uye vapi vezano vanobetsera. (VaEfeso 5:22, 33; 6:4) Kunyange zvazvo akanga asina mudzimai kana kuti zvimwe vana mupfungwa yenyama, muenzaniso wakaisvonaka zvakadini uyo Jesu akagadza muna ikoku!—Marko 10:13-16; VaEfeso 5:25-27.
Zvakadini kana chinetso chacho chichipfuura icho chinogona kutarisirwa mumhuri? Muungano yechiKristu, hatifaniri kutongova tiri toga. “Ndianiko usina simba, neni ndikasava nesimba?” akadaro muapostora Pauro. (2 VaKorinte 11:29) Akarayira kuti: “Takuriranai mitoro yenyu.” (VaGaratia 6:2; VaRoma 15:1) Pakati pehama nehanzvadzi dzedu dzemudzimu, pasina mubvunzo tinogona kuwana inopfuura “hama [imwe] inoberekerwa kuti ibatsire pakutambudzika.”—Zvirevo 17:17.
Vimba Neungano
Muungano dzinopfuura 80 000 dzeZvapupu zvaJehovha pasi pose, mune varume vanozvininipisa vanobatira se“vashandi biyamwe nokuda kwomufaro wenyu.” (2 VaKorinte 1:24, NW) Ava vakuru. “Munhu mumwe nomumwe,” Isaya anodaro, “uchava soutiziro pamhepo, sechivando pakunaya kukuru kwemvura, senzizi dzemvura panzvimbo yakaoma, somumvuri wedombo guru panyika yafa nenyota.” Izvozvo ndizvo izvo vakuru vanovavarira kuva.—Isaya 32:2; 50:4; 1 VaTesaronika 5:14.
Vakuru vanosvitsa zvinodikanwa zveMagwaro vasati ‘vagadzwa nomudzimu mutsvene.’ Kuziva ikoku kuchasimbisa chivimbo chako mavari. (Mabasa 20:28; 1 Timotio 3:2-7; Tito 1:5-9) Zvaunokurukura nemukuru zvinoramba zvakavanzika chose chose. Kuva akavimbika ndechimwe chezvikwaniriso zvake.—Enzanisa naEksodho 18:21; Nehemia 7:2.
Vakuru vari muungano “vanorinda mweya yenyu, savanhu vanozobvunzwa pamusoro penyu.” (VaHebheru 13:17) Ikoku hakukusundi kuisa chivimbo chako muava varume here? Nomuzvarirwo, havasi vakuru vose vanoita zvakanaka mumavara mamwe chetewo. Vamwe vangaratidzika kuva vanosvikika zvikuru, vane mutsa, kana kuti vanonzwisisa kupfuura vamwe. (2 VaKorinte 12:15; 1 VaTesaronika 2:7, 8, 11) Kuregererei kuvimba nemukuru waunonzwa wakasununguka naye?
Ava varume havasi vashandi vane unyanzvi vanobhadharwa. Panzvimbo pezvo, ivo “zvipo,” zvakagoverwa naJehovha kukubetsera. (VaEfeso 4:8, 11-13; VaGaratia 6:1) Sei? Vachishandisa Bhaibheri nounyanzvi, vachashandisa simba raro rokuporesa kumamiriro ako ezvinhu omunhu oga. (Pisarema 107:20; Zvirevo 12:18; VaHebheru 4:12, 13) Vachanyengetera newe uye nokuda kwako. (VaFiripi 1:9; Jakobho 5:13-18) Betsero inobva kuvapi vezano vane rudo vakadaro inogona kuita zvakawanda kuporesa mweya watambudzwa ndokudzorera rugare rwendangariro.
Mavakirwe Eukama Hwokuvimbika
Kukumbira betsero, zano, kana kuti nzeve inoteerera chete hakusi chiratidzo cheutera kana kuti chekundikano. Kubvuma bedzi kwepachokwadi kuti hatina kukwana uye kuti hakuna ane mhinduro dzose. Zvirokwazvo, mupi wezano mukurusa uye wokuvimba naye watinaye ndiBaba vedu vokudenga, Jehovha Mwari. Tinobvumirana nowezvemapisarema akanyora kuti: “Jehovha ndiye simba rangu nenhovo yangu. Mwoyo wangu wakavimba naye, ndikabatsirwa.” (Pisarema 28:7) Mumunyengetero tinogona pasina kuzengurira ku‘durura mwoyo wedu’ kwaari panguva ipi neipi, tine chivimbo chokuti anotinzwa uye anotiitira hanya.—Pisarema 62:7, 8; 1 Petro 5:7.
Asi unogona sei kudzidza kuvimba nevakuru uye vamwe muungano? Kutanga, zvinzvere. Kutya kwako kwakasimba here? Unonyumwira vavariro dzevamwe here? (1 VaKorinte 13:4, 7) Pane nzira here yokuderedza nayo ngozi yokukuvadzwa? Hungu. Sei? Edza kurovedzana nevamwe somunhu oga muchimiro chomudzimu. Taura kwavari pamisangano yeungano. Goveranai mubasa repaimba neimba pamwe chete. Kuvimba, sekuremekedza, kunofanira kuwanwa. Naizvozvo shivirira. Somuenzaniso, sezvaunosvika pakuziva mufudzi womudzimu, chivimbo chako maari chichakura. Zivisa zvaunoitira hanya pashoma nepashoma. Kana akapindura nenzira yakafanira, yekunzwira tsitsi, uye yekuchenjera, ipapo ungaedza kuwadzanyura zvakawanda.
Vanamati biyako vaJehovha, zvikurukuru vakuru vechiKristu, vanoshanda zvakaoma pakutevedzera mavara anokwezva aMwari muukama hwavo nomumwe nomumwe. (Mateo 5:48) Ikoku kunoguma nemhoteredzo yokuvimba muungano. Mumwe mukuru kwenguva refu anoti: “Hama dzinofanira kuziva chinhu chimwe: Pasinei zvapo nezvinoita munhu, mukuru wacho haarasikirwe nerudo rwake rwechiKristu nokuda kwake. Angasada chakaitwa, asi achiri anoda hama yake uye anoda kuibetsera.”
Naizvozvo hapana kudikanwa kwokunzwa uri woga nechinetso. Taura kumumwe munhu ane “zvikwaniriso zvomudzimu” anogona kukubetsera kutakura mutoro wako. (VaGaratia 6:1, NW) Yeuka kuti “kutambudzika pamwoyo womumhu kunouremedza,” asi “mashoko, anofadza, akaita somusvi wouchi, zvinotapira kumweya zvichiporesa mafupa.”—Zvirevo 12:25; 16:24.
[Bhokisi riri papeji 26]
MuKristu upi noupi angakumbirwa kubatsira hama yokunyama, shamwari, kana kuti hama yomudzimu nechinetso chomunhu oga. Unoziva nzira yokubetsera nayo here?
Mupi wezano anobudirira
anosvikika: Mateo 11:28, 29; 1 Petro 1:22; 5:2, 3
anosarudza nzvimbo yakarurama: Marko 9:33-37
anotsvaka kunzwisisa chinetso: Ruka 8:18; Jakobho 1:19
haanyanyisi: VaKorose 3:12-14
anobetsera kugonana nemirangariro inorwadza: 1 VaTesaronika 5:14; 1 Petro 3:8
anoziva ganhuriro dzake: VaGaratia 6:3; 1 Petro 5:5
anopa zano rakananga: Pisarema 19:7-9; Zvirevo 24:26
anochengeta chakavanzika: Zvirevo 10:19; 25:9