RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w98 4/1 pp. 6-8
  • Mhuri—Inodikanwa Navanhu!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mhuri—Inodikanwa Navanhu!
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Musha Inzvimbo Yakachengeteka
  • Kubetsera Mhuri Yako Kuti Ipukunyuke
  • Murangariro Wakarurama Wemari
  • Kukosha Kwedzidzo yeBhaibheri
  • Pane Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri Here?
    Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri
  • Mhuri yechiKristu Inoitira Zvinhu Pamwe Chete
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Garai Muchidzidza Shoko raMwari Semhuri
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Farikanya Upenyu Hwemhuri
    Farikanya Upenyu Hwemhuri
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
w98 4/1 pp. 6-8

Mhuri—Inodikanwa Navanhu!

ZVINONZI nzanga yavanhu inobudirira bedzi kana mhuri dzichibudirira. Nhau inoratidza kuti sezvo gadziriro yemhuri inoparara, simba renzanga nemarudzi rinoderera. Apo kuparara kwetsika kwakaparadza mhuri muGreece yakare, kubudirira kwayo kwakaparara, zvichiita kuti ikurirwe navaRoma. Umambo hweRoma hwakaramba hwakasimba apo bedzi mhuri dzayo dzakaramba dzakasimba. Asi sezvo mazana amakore akapfuura, upenyu hwemhuri hwakaderera, uye simba roumambo rakapera. “Chengeteko nekukwirira kwemhuri nekwoupenyu hwemhuri zvinhu zvikuru zvebudiriro, uye zvinangwa zvokupedzisira zvamabasa ose,” akatsinhira kudaro Charles W. Eliot, aichimbova purezidhendi weHarvard University.

Hungu, mhuri ndichinodikanwa navanhu. Ine tapuro yakananga pakuterama kwenzanga negarikano yavana nezvizvarwa zvomunguva yemberi. Pasina mubvunzo, pane vanamai vasina kuroorwa vakawanda kwazvo vanoshanda zvakaoma zvikuru kuti varere vana vakaisvonaka, uye vanofanira kurumbidzwa nokuda kwebasa ravo rakaoma. Zvisinei, nzvero dzinoratidza kuti kazhinji kazhinji vana vanova nani zvikuru kana vachigara mumhuri ine vabereki vose vari vaviri.

Imwe nzvero yokuAustralia yevayaruki vanopfuura 2 100 yakawana kuti “vechiduku vanobva mumhuri dzakaputsika vakanga vane zvinetso zvoutano zvakawanda zvikuru, inoratidzira zviratidzo zvezvinetso zvendangariro, uye vaida zvokuita vatano kupfuura vana vanobva mumhuri dzakakwana.” Imwe nzvero yakaitwa neU.S. National Institutes of Health Statistics yakazivisa kuti vana vanobva mumhuri dzakaputsika vakanga vane “bviro ye20-30 muzana yokuita tsaona, 40-75 muzana yokudzokorora giredhi rechikoro, uye 70 muzana vangangodzingwa chikoro.” Uye munzveri wemiitiro anoshuma kuti “vana vanobva mumisha ine mubereki mumwe vangangobatanidzwa muutsotsi kupfuura avo vanokurira mumisha yegamuchidzanwa.”

Musha Inzvimbo Yakachengeteka

Gadziriro yemhuri inogovera musha unofadza, unovaka, uye wakanakira vose. “Munobva mufaro negarikano munokosha zvikurusa, hamusi mubasa, muzvinhu, mabasa okuzvifadza kana kuti shamwari asi mhuri,” anotaura kudaro mumwe ane chiremera wokuSweden.

Bhaibheri rinoratidza kuti mhuri yose pasi pano ine zita rayo nemhaka yoMusiki Mukuru wemhuri, Jehovha Mwari, mukuti akatanga gadziriro yemhuri. (Genesi 1:27, 28; 2:23, 24; VaEfeso 3:14, 15) Zvisinei, muMagwaro akafuridzirwa, muapostora Pauro akafanotaura kudenha kunotyisa pamhuri, zvichiguma nokuputsika kwetsika nenzanga yavanhu kunze kweungano yechiKristu. Akataura kuti “mazuva okupedzisira” aizoratidzirwa nokusavimbika, kusavapo kwe“rudo chairwo,” uye kusateerera vabereki, kunyange pakati paavo “vanomufananidzo bedzi wokunamata Mwari.” Akakurudzira vaKristu kuti vafuratire vakadaro. Jesu akafanotaura kuti kushora chokwadi chaMwari kwaizokamura mhuri.—2 Timotio 3:1-5; Mateo 10:32-37.

Kunyange zvakadaro, Mwari haana kutisiya tisina betsero. MuShoko rake nzvimbo huru yakapiwa kumirayiridzo ine chokuita noukama hwemhuri. Rinotiudza nzira yatinogona kuita nayo kuti mhuri ibudirire uye kuti musha uve nzvimbo inofadza umo mutezo mumwe nomumwe wemhuri une basa rokuitira mumwe.a—VaEfeso 5:33; 6:1-4.

Zvinobvira here kuwana ukama hunofadza kudaro mumazuva ano apo mhuri iri kutyisidzirwa zvakakomba? Hungu, zvirokwazvo! Unogona kubudirira kuita mhuri yako nzvimbo inofarikanywa, inozorodza munyika ino yakaoma, yakafanana negwenga. Asi izvi zvinoda chimwe chinhu chinobva kumunhu wose muboka remhuri. Zvinotevera ndezvimwe zvikarakadzo.

Kubetsera Mhuri Yako Kuti Ipukunyuke

Imwe yenzira dzakanakisisa idzo mhuri inogona kuramba yakabatana iri kupfurikidza nokupedza nguva pamwe chete. Mitezo yose inofanira kudisa kugoverana nguva yayo yokuzorora. Izvozvo zvingareva kurega zvimwe zvinhu. Imi vechiduku, somuenzaniso, mungafanira kurega zvimwe zvirongwa zveTV zvamunofarira zvikuru, mitambo, kana kuti kunoshanya neshamwari. Imi madzibaba, kazhinji kazhinji muri vagoveri vezvokudya, musashandisa nguva yokuzorora muchiita chete basa rokuzvifadza kana kuti zvimwe zvinofarirwa zvemunhu oga. Rongai mibato nemhuri, zvichida nzira yokupedza nayo kupera kwevhiki kana kuti mazororo pamwe chete. Chokwadika, rongai chimwe chinhu icho chichakarirwa nemunhu wose uye chaachafarikanya.

Vana vanoda inopfuura inonzi nguva yakanaka, ndiko kuti, hafu yeawa kana kuti kupfuura yakarongwa navana panhambo nenhambo. Vanoda yakawanda. Mumwe munyori wepepanhau rinobuda mazuva ose reSweden anonyora kuti: “Mukati mamakore angu 15 somunyori wenhau, ndakasangana navanhu vaduku vakasindimara zvikuru vakawanda . . . Muitiro unozivikanwa navose ndewokuti vanoratidzika sevakarerwa vasina nguva yakanaka yakawanda: ‘Vabereki vangu vakanga vasina nguva.’ ‘Vaisamboteerera.’ ‘[Baba vangu] vaigara vachingofamba.’ . . Somubereki, nguva dzose unogona kusarudza kuti inguva yakawanda sei yauchapa mwana wako. Chisarudzo chako chinoyerwa makore 15 gare gare neane makore 15 okukura ane utsinye.

Murangariro Wakarurama Wemari

Mitezo yose inofanira kutanga murangariro wakarurama wemari. Vanofanira kuva vakagadzirira kupa zvavanogona kuti vafukidze ndyiko dzenguva dzose dzemhuri. Vakadzi vakawanda vanofanira kutsvaga basa kuitira kuti vawane chokurarama nacho, asi imi madzimai munofanira kuziva ngozi nemiedzo zvamungasangana nazvo. Nyika ino inokukurudzirai ku“zvigutsa” uye ku“ita chinhu chako pachako.” Ingakuparira kuti uve akazvimirira ndokusagutsikana nebasa rako rawakapiwa naMwari saamai nomugadziri womusha.—Tito 2:4, 5.

Kana imi vanamai muchigona kuva pamusha ndokuva mutungamiriri neshamwari kuvana venyu, zvirokwazvo zvichabetsera zvikuru kuvaka zvisungo zvakasimba izvo zvichabetsera kuchengeta mhuri yenyu pamwe chete nyangwe zvotsvuka sei. Mukadzi anogona kubetsera zvikuru kuita kuti musha ufadze, uve wakachengeteka, uye unoshanda. “Zvinoda varume vane zana kuti vagadzire musasa, asi mukadzi mumwe anogona kuita musha,” akadaro wezvematongerwe enyika wezana ramakore rechi19.

Kana vose vari mumhuri vakabatira pamwe kuti vararame nemari yose inowanikwa nemhuri, zvichadzivirira mhuri yacho pazvinetso zvakawanda. Varoorani vanofanira kubvumirana kuti vachengete upenyu hwakapfava uye kuti vaise fariro dzomudzimu pakutanga. Vana vanofanira kudzidza kugutsikana, kwete kurayira zvinhu izvo mari yemhuri isingagoni kutsigira. Ngwarirai zvishuvo zvameso! Kuedzwa kutenga zvinhu zvausingakwanisi, kupinda muchikwereti, kwakatungamirira mhuri dzakawanda kuti dziputsike. Zvingava zvakanakira kubatana kwemhuri kana vose vakabatanidza mari dzavo nokuda kwechinhu chinofarirwa navose—rwendo rwunozorodza, chimwe chinhu chinoshanda uye chinofarikanywa nokuda kwomusha, kana kuti mupiro wokutsigira ungano yechiKristu.

Chimwe chimiro “chokubetsera” mudzimu wemhuri inofara icho mitezo yose yemhuri inofanira kuita kugoverana mukuchenesa nebasa rokuchengetedza—kutarisira musha, bindu, motokari, uye zvichingodaro. Mutezo mumwe nomumwe wemhuri, kunyange vaduku, ungagona kupiwa rumwe rutivi rwebasa. Imi vana, edzai kusapedza nguva. Panzvimbo pezvo, tangai mudzimu wokubetsera nokubatira pamwe; izvo zvichaguma noushamwari hwechokwadi, hunovaka kubatana kwemhuri.

Kukosha Kwedzidzo yeBhaibheri

Mumhuri yechiKristu yakabatana, kukosha kwefundo yeBhaibheri yenguva dzose kunosimbiswawo. Kukurukurwa kwezuva nezuva kwemagwaro eBhaibheri nefundo yevhiki nevhiki yeMagwaro Anoyera kunogovera hwaro hwemhuri yakabatana. Zvokwadi dzeBhaibheri dzinokosha nenheyo zvinofanira kukurukurwa pamwe chete nenzira inonyandura mwoyo yavose vari mumhuri yacho.

Gadziriro dzemhuri dzakadaro dzinofanira kuva dzokudzidzisa asi panguva imwe cheteyo dzinofarikanywa nedzinokurudzira. Imwe mhuri iri kuchamhembe kweSweden yaiita kuti vana vanyore mibvunzo yaimuka mukati mevhiki. Ipapo mibvunzo iyi yaikurukurwa pafundo yeBhaibheri yevhiki nevhiki. Mibvunzo yacho kakawanda yakanga yakadzama uye ichinyandura mufungo uye yakabvumikisa kuva kuratidzirwa kwemano okufunga evana uye kuonga dzidziso dzeBhaibheri. Mimwe mibvunzo yakanga iri yokuti: “Jehovha anoita kuti zvinhu zvose zvikure nguva yose, kana kuti akangozviita pakutanga here?” “Nei Bhaibheri richitaura kuti Mwari akasika munhu ‘nomufananidzo wake’ sezvo Mwari asiri munhu?” “Adhama naEvha havana kugwamba mukati mechando muParadhiso sezvo vakanga vasina shangu uye vasina mbatya dzipi nedzipi here?” “Nei tichida mwedzi usiku pakunofanira kuva kwakasviba?” Vana vacho zvino vakura uye vari kubatira Mwari savashumiri venguva yakazara.

Pakutarisira zvinetso zvemhuri, imi vabereki munoita zvakanaka kuvavarira kuva vakananga nevanofara. Ivai vanorangarira nevanochinjika, asi vakatsiga nguva dzose, kana toreva nezvokuteerera nheyo dzinokosha. Itai kuti vana vaone kuti kuda Mwari nemipimo yake yakarurama nguva dzose kunodzora zvisarudzo zvenyu. Mamiriro ezvinhu ekuchikoro anowanzova anofunganyisa uye anodzvinyirirwa zvikuru, uye vana vanoda kurudziro huru mumusha kuti idzikamise pesvedzero yakadaro.

Vabereki, musanyepera kuva vakakwana. Bvumai mhosho uye kumbirai kuregererwa navana venyu pazvinenge zviri madikanwa. Vanhu vaduku, apo Mai naBaba vanobvuma mhosho, vadei zvikuru.—Muparidzi 7:16.

Hungu, mhuri yakabatana inogovera musha worugare, chengeteko, uye mufaro. Mudetembi wokuGermany Goethe akamboti: “Mambo kana kuti munhuwo zvake, anofara zvikuru, anowana mufarwa mumusha.” Kuvabereki navana vanoonga, hapafaniri kuva nenzvimbo inopfuura musha.

Chokwadi, mhuri inotyisidzirwa zvakakomba nhasi nedzvinyiriro dzenyika yatinorarama mairi. Asi sezvo mhuri ichibva kuna Mwari, ichapukunyuka. Mhuri yenyu ichapukunyuka, uye imiwo muchadaro kana mukatevera nhungamiro dzakarurama dzaMwari dzoupenyu hwemhuri hunofadza.

[Mashoko Omuzasi]

a Nokuda kwamashoko akawanda pamusoro penhau iyi, ona bhuku rine mapeji 192 raChakavanzika Chomufarwa Wemhuri, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe