Mitambo Yokukohwa Inofadza Mwari Here?
MICHERO inotapira, miriwo inofadza, uye miguri yechibage yakasimba zvakaunganidzwa zvinoratidzika zvakanaka. Panguva yokukohwa kuratidzwa kwakadaro kunoshongedza atari nezvikuva zvemachechi muEngland mose. MuEurope, sokumwe kwose, mitambo yakawanda inoratidzira zvose zviri zviviri kuvamba nokuguma kwemwaka wokukohwa.
Vaya vanorarama nokurima vanoonga zvikuru goho reminda yavo. Zvechokwadi, Mwari akarayira rudzi rwakare rwaIsraeri kuchengeta mitambo mitatu pagore yaiva yakabatanidzwa zvikuru nekukohwa. Pakuvamba kwechirimo, mukati meMutambo Wezvingwa Zvisina Mbiriso, vaIsraeri vaipa kuna Mwari chisote chemichero yokutanga yekukohwa gorosi. PaMutambo weVhiki (kana kuti, Pentekosta) mukupera kwechirimo, vaipa zvingwa zvakagadzirwa nezvibereko zvokutanga zvegorosi. Mumatsutso maiitwa Mutambo Wokuunganidza, uyo wairatidzira kupera kwegore rechiIsraeri rokurima. (Eksodho 23:14-17) Iyi Mitambo yaiva “ungano tsvene” uye nguva dzokufara.—Revhitiko 23:2; Dheuteronomio 16:16.
Zvakadini, ipapo, nokuchengetwa kwokukohwa kwomuzuva razvino? Kunofadza Mwari here?
Kwakabatana nechiHedheni
Ashungurudzwa nemutambo wekukohwa waitevedzera zvinhu zvenyika noudhakwa hwaibatanidzwa nekuchengeta kwacho, mumwe mufundisi weAnglican muCornwall, England, akasarudza muna 1843 kuti amutsidzire tsika yokukohwa. Akatora zvimwe zvirimwa zvakanga zvakakohwewa ndokubika chingwa nazvo nokuda kwekuchengeta muchechi make. Achiita kudaro, akatanga mutambo waLammas—kuchengeta kwe“chiKristu” uko vamwe vanotaura kuti kwakavamba nekunamatwa kwakare kwamwari weCeltic Lugh.a Nokudaro, mutambo wanhasi weAnglican wokukohwa wakavamba nechiHedheni.
Zvakadini nokumwe kuchengeta kunoitika pakupera kwomwaka wokukohwa? Maererano neEncyclopædia Britannica, tsika dzacho zhinji dzinoratidzira iyi mitambo dzakavambira pa“kudavira mudzimu wechibage [tsanga] kana kuti mai vechibage.” Mune dzimwe nharaunda varimi vaidavira kuti mudzimu waigara muchisote chokupedzisira chezviyo zvaida kukohwewa. Kuti vadzinge mudzimu wacho, vaipura zviyo zviri pasi. Kumwewo vairuka mashizha kuva “chidhori chechibage” chavaichengeta chakachengeteka kuitira “mhanza” kusvikira pakudyara mbeu gore raitevera racho. Ipapo vaidyara muguri muvhu vachifunga kuti izvozvi zvaizokomborera chirimwa chitsva.
Dzimwe ngano dzinotaura nezvenguva yokukohwa pamwe chete nokunamatwa kwamwari wechiBhabhironi Tammuz, shamwari yamwarikadzi woruzvaro Ishtar. Kucheka kumusoro kwakaibva kwomuguri kwaifananidzira kufa kwaTammuz kwaisakarirwa. Dzimwe ngano dzinotobatanidza nguva yekukohwa nekubayirwa kwevanhu—muitiro unovengwa naJehovha Mwari.—Revhitiko 20:2; Jeremia 7:30, 31.
Mwari Anofungei?
Kubata kwakaita Mwari naIsraeri wakare kwakaratidzira zvakajeka kuti Jehovha, Musiki uye Mavambo oupenyu, airayira kuti vanamati vake vazvipire zvakazara. (Pisarema 36:9; Nahumi 1:2) Muzuva romuporofita Ezekieri, muitiro wokuchema mwari Tammuz waiva ‘chinhu chikuru chinonyangadza’ mumeso aJehovha. Izvozvi, pamwe chete nemimwe miitiro yorudzidziso, zvakaita kuti Mwari avhare nzeve dzake asingateereri minyengetero yavanamati venhema ivavo.—Ezekieri 8:6, 13, 14, 18.
Siyanisa izvozvi nezvakarayirwa Israeri naJehovha Mwari kuti achengete zvaiva nechokuita nekukohwa. PaMutambo Wokuunganidza, vaIsraeri vaiva nomusangano mukuru umo vaduku navakuru, vapfumi navarombo, vaigara kwechinguva mudzimba dzakashongedzerwa nemashizha emiti yakanaka. Iyi yaiva nguva yokufara zvikuru kwavari, asi yaivawo nguva yokufungisisa kununurwa kwakanga kwaitwa madzitateguru avo naMwari panguva Yokubuda muEgipita.—Revhitiko 23:40-43.
Mukati memitambo yavaIsraeri, zvipiriso zvakapiwa kuna Jehovha, Mwari wechokwadi bedzi. (Dheuteronomio 8:10-20) Kana toreva nezvezvitendero zvambotaurwa zvokuti chinhu chose chine mweya, Bhaibheri hapana parinombotaura nezvegoho, zvakadai segorosi, sezvine mweya.b Uye Magwaro anoratidza zvakajeka kuti zvidhori zvinoramba zvisina upenyu, zvisingakwanisi kutaura, kuona, kunzwa, kunhuwidza, kubata, kana kuti kubatsira vanozvinamata.—Pisarema 115:5-8; VaRoma 1:23-25.
VaKristu nhasi havasi pasi pesungano yoMutemo iyo Mwari akaita nerudzi rwakare rwaIsraeri. Zvirokwazvo, Mwari ‘akaibvisa kupfurikidza nokuiroverera padanda rokutambudzira raJesu.’ (VaKorose 2:13, 14) Vabatiri vaJehovha vomuzuva razvino uno vanorarama maererano no“murayiro waKristu” uye vanoteerera nokuonga zvose zvinogoverwa naMwari.—VaGaratia 6:2.
Muapostora Pauro akataura zvakajeka kuti mitambo yechiJudha yaiva “mumvuri wezvichauya,” achiwedzera kuti, “asi muviri ndowaKristu.” (VaKorose 2:16, 17) Somugumisiro, vaKristu vechokwadi vanogamuchira kurangarira kweMagwaro: “Izvo zvinobayirwa navahedheni, havazvibayiri Mwari . . . hamunganwiri pamukombe waShe, napamukombe wemweya yakaipa.” (1 VaKorinte 10:20, 21) Uyezve, vaKristu vanoteerera nhungamiro yokusa“bata chinhu chine tsvina.” Mitambo yokukokwa munharaunda yako ine chokuita nechihedheni kana kuti rudzidziso rwenhema here? Kana zvakadaro, vaKristu vechokwadi vanodzivisa kusafadza Jehovha kupfurikidza nokuramba kubatanidzwa kupi nokupi nokunamata kwakadaro kwakashatswa.—2 VaKorinte 6:17.
Apo mwana anoonga anogamuchira chipo kubva kuna baba vake, anotenda ani? Mueni kana kuti mubereki wake? Kupfurikidza nomunyengetero womwoyo wose vanamati vaMwari vanotenda Jehovha zuva nezuva, Baba vavo vokudenga, nokuda kwokugovera kwavo kwomutsa.—2 VaKorinte 6:18; 1 VaTesaronika 5:17, 18.
[Mashoko Omuzasi]
a Shoko rokuti “Lammas” rinobva muchiNgezi Chakare rinoreva “mutambo wechingwa.”
b Insight on the Scriptures inoti: “Neʹphesh (mweya) haushandiswe uchitaura nezvekusikwa kweupenyu hwemiti pa‘zuva’ rechitatu rokusika (Ge 1:11-13) kana kuti pashure paizvozvo, sezvo zvirimwa zvisina ropa.”—Rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.