Rwiyo 42
“Iyi Ndiyo Nzira”
1. Mwari ari kuti; Famba munzira,
Nzira iyo Mwari atiratidza.
Ane mukoto wakaisvonaka,
Nawo anosarudza kutaura.
Tinofamba nenzira’yi.
Tisamira! Kana kutya!
Nenzeve dzedu tinonzwa danidziro.
Ngatitaure nezvayo.
Mudzimu waMwari uchatisunda.
Tichafamba m’makwara akanaka.
2. Inzwirinobva shure rakanaka,
M’raidzi akatizivisa nzira.
Tinosanom’nzwa nokum’tereresa.
Tinoda kungwarira kutsauka.
Ngatifambe muzvokwadi,
Nzira tsvene yakajeka.
Rugare ruchakurumidza kuvapo,
zvaKristu avakutonga.
Ngatirege kumbotsauka zvedu,
Fambiro mberiyobva m’nzira yaJa.
3. Ngatizivise nzira yaJehovha
Kuna vanoterera m’nyika yose.
Senjiva kumadendere vanonzwa
Vanouya kuna Ja Dombo ravo.
Nzirayi ndeyorugare.
Tinobviswa kwaSatani.
Munzira dzakaisvonaka zvikuru
Anoendesa ku’penyu.
Ngatisim’dze misoro timhanyise,
Tichiona Ushe, kwatozorora.