-
Nguva Dzakaoma Nokuda KwavakweguraNharireyomurindi—1997 | September 1
-
-
Nguva Dzakaoma Nokuda Kwavakwegura
MAI ONIYAN, avo vane makore 68, vanogara mune rimwe guta guru reWest Africa. Pavakanga vari muduku, vaifunga nezvokufarikanya makore avo oukweguru kana varega basa, vakapoteredzwa navana vavo navazukuru. Panzvimbo pezvo vanoswera vachitengesa mvura yokunwa inotonhora muzuva rinopisa zvikuru. Mari shoma yavanowana inovabetsera kurarama. Vanakomana vavo vaviri vanogara mune imwe nyika iri kure. Yave nguva yakareba chibviro chepavakavatumira mari.
Munguva dzapfuura, vakwegura muAfrica vaikosheswa zvikuru. Vairemekedzwa nemhaka yoruzivo rwavo rwokuzviwanira nezivo, pamwe chete nouchenjeri nenzwisiso zvazvinoparira. Vaibetsera kurera vazukuru. Vaduku vaitsvaka zano ravo netendero yavo. Vanhu vairarama maererano nezano reBhaibheri rokuti: “Unofanira kusimukira wachena vhudzi, nokukudza mutana [kana kuti chembere].”—Revhitiko 19:32.
Nguva dzachinja. Urombo, kukwira kwemitengo, kushayikwa kwebasa, uye kutama kukuru kuenda kumaguta zvakaita kuti vakwegura vakawanda vazviriritire. Mukuru mukuru weHelpAge Kenya, Camillus Were, anoti: “Tsika yokutsigira nokutarisira vakwegura iri kuramba ichifuratirwa.”
Chokwadika, kufuratirwa kwechisungo chemhuri hakusi chinhu chisingazivikanwi munyika dzeAfrica. Ichitaura nezveJapan, Guardian Weekly inoshuma kuti: “Kuzvipira kwavabereki kwaimbova chinhu chinokosha mumuitiro weJapan wetsika dzaipiwa nechiConfucian, asi kwakanyangarika nemhaka yokuchinja kubva kumaruwa kuenda kumaguta uye kusasimbiswa kwezvisungo zvemhuri: nhasi, 85 muzana yevanhu vokuJapan inofira muzvipatara kana kuti mumisha inochengeterwa vakwegura.”
Api kana api angava mamiriro ezvinhu, avo vanoda kufadza Mwari zvechokwadi vanoedza kukudza vabereki vavo. Vanoteerera zano reBhaibheri rokuti: “Kudza baba vako namai . . . kuti uitirwe zvakanaka, ugare nguva refu panyika.” (VaEfeso 6:2, 3) Kunyange zvazvo kusiri nyore nguva dzose kukudza nokutarisira vabereki vakwegura, kunogona kuunza mibayiro inofadza.
-
-
Mibayiro Yokukudza Vabereki VakweguraNharireyomurindi—1997 | September 1
-
-
Mibayiro Yokukudza Vabereki Vakwegura
VANAMATI vechokwadi vaMwari vanoremekedza, kukudza, uye kutarisira vabereki vavo vakwegura nemhaka yokuti vanovada. Rutivi rwokunamata kwavo. Bhaibheri rinoti: “Vana kana vazukuru, ngavatange ivo kudzidza kunamata Mwari paimba yavo, vadzosere zvakafanira kuvabereki vavo, nokuti ndizvo zvinofadza Mwari.” (1 Timotio 5:4) Tingava tiri vaduku kana kuti vakuru, zvakakodzera kuti ti“dzosere zvakafanira” kuvabereki vedu navanambuya navanasekuru. Nenzira iyi tinoratidza kuonga rudo rwavo, kushanda kwavo zvakaoma, uye kutitarisira kwavo kwamakore akawanda kwazvo. Chokwadi, upenyu hwedu chaihwo huripo nemhaka yevabereki vedu!
Cherekedza kuti kudzosera zvakafanira kuvabereki navanambuya navanasekuru kuno“fadza Mwari.” Kunobatanidzwa no“kuzvipira [kwedu] kuna Mwari.” Nokudaro, kupfurikidza nokushandisa zano iri, tinopiwa mubayiro, tichiziva kuti tiri kuita zvinofadza Mwari. Izvozvo zvinotiunzira mufaro.
Kupa vamwe kunofadza, zvikurukuru patinopa avo vakatipa. (Mabasa 20:35) Ipapoka, mune mubayiro mukuru, mukuita mutsinhirano nenheyo yeBhaibheri inoti: “Ita kuti baba vako namai vako vafare, ita kuti wakakubereka afare”!—Zvirevo 23:25, The New English Bible.
Tinogona sei kudzorera zvakafanira kuvabereki vedu navanambuya navanasekuru? Munzira nhatu: mune zvokunyama, mumirangariro, uye mumudzimu. Imwe neimwe inounza mibayiro yayo.
Kupa Zvokunyama
Avo vanobatira Mwari vanoziva kuti zvinokosha kugovera zvokunyama kumitezo yemhuri yapedyo. Muapostora Pauro akarayira kuti: “Kana munhu asingachengeti vokwake, zvikuru veimba yake, warasha kutenda, wakaipa kukunda usingatendi.”—1 Timotio 5:8.
Tunji naJoy vanogara muWest Africa. Kunyange zvazvo vachitambura mune zvemari, vakakumbira vabereki vaJoy vakwegura kuti vatame vazogara navo. Baba vacho vakanga vachirwara uye pakupedzisira vakafa. Tunji anoti: “Pakafa Tezvara, Ambuya vakambundira mudzimai wangu ndokuti: ‘Wakaita zvose zvaigona kuitwa nomunhu. Haumbofaniri hako kunzwa une mhaka ipi neipi nokuda kworufu rwaBaba.’ Kunyange zvazvo tichisuwa Baba, tinoziva kuti takavatengera mishonga yakanakisisa uye nguva dzose taiedza kuti vanzwe vachidiwa; takaita zvataigona kuti tiite basa redu ratakapiwa naMwari. Tine gutsikano.”
Chokwadika, haasi munhu wose anogona kubetsera vamwe mune zvekunyama. Mumwe murume anogara muNigeria akati: “Kana munhu asingagoni kuzviriritira, angagona sei kuriritira mumwe munhu?” Munyika dzakawanda mamiriro ezvinhu angatoipisisa mumakore ari kuuya. Maererano nokufanotaura kweUnited Nations, nokukurumidza hafu yavanhu vomuAfrica iri musub-Sahara vachava vachirarama muurombo chaihwoihwo.
Kana ukazviwana uri murombo, unganyaradzwa nenhau yechokwadi yeimwe chirikadzi yaishayiwa. Jesu paakanga ari pasi pano, akacherekedza imwe chirikadzi ichiisa mupiro muduku muchivigiro chetembere. Yakapa “tumari tuviri tuduku.” Zvisinei, achiziva mamiriro ayo ezvinhu, Jesu akati: “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Chirikadzi iyi, iri murombo, yakaisa kupfuura vamwe vose; nokuti avo vose vakaisa pazvipo, vachitora pazvizhinji zvavo, asi uyu wakaisa, achitora pakushayiwa kwake, zvaaifanira kurarama nazvo, zvose zvaakanga anazvo.”—Ruka 21:1-4.
Nenzira yakafanana, kana tikaita zvatinogona nokuda kwavabereki kana kuti vanasekuru navanambuya mune zvokunyama, kunyange zvazvo zvingava zvishoma, Jehovha anoona uye anoonga izvozvo. Haatikariri kuita zvinopfuura zvatinokwanisa kuita. Zvimwe vabereki vedu navanasekuru navanambuya vanonzwa nenzira yakafanana.
Kupa Zvinodikanwa Zvemirangariro
Kugovera vabereki vedu navanasekuru navanambuya kunobatanidza zvinopfuura kungotarisira bedzi zvinodikanwa zvavo zvokunyama. Tose zvedu tine zvinodikanwa zvemirangariro. Munhu wose, kubatanidza vakura, anoshuva kudiwa, kunzwa achidiwa, uye kuva mutezo unokosheswa wemhuri yacho.
Mary, anogara muKenya, akatarisira vamwene vake vakwegura kwamakore matatu. Mary anoti: “Kunze kwokuvagovera zvinodikanwa zvokunyama, tinotaura navo nguva dzose. Mai havagoni kuita basa rakawanda pamba, asi tinotaura uye takava shamwari dzapedyo. Pane dzimwe nguva tinotaura pamusoro paMwari, pane dzimwe nguva pamusoro pevanhu vanogara kwataimbogara. Kunyange zvazvo vapfuura makore 90 okukura, vachiri kuyeuka zvakanaka zvikuru. Vanoyeuka ndokutaura pamusoro pezvaiva zvakaita upenyu pavakanga vachiri musikana muduku, 1914 asati asvika.”
Mary anopfuurira kuti: “Hazvisi nyore kutarisira munhu akwegura, asi kuva navo kwakatiunzira mibayiro inokosha. Tine rugare netsinhirano mumhuri. Kuzvipa kwangu kwavari kwakanyandura mudzimu wokupa muvamwe vari mumhuri. Murume wangu anondiremekedza zvikuru. Uye kana Mai vakanzwa munhu upi noupi achitaura neni nehasha, vanokurumidza kutaura kuti vandidzivirire. Hapana munhu anogona kunditaurira shoko nehasha kana varipo!”
Kupa Zvomudzimu
Sezvo kupa zvokunyama nezvemirangariro kuchiunza mibayiro kune uyo anopa, zvakadarowo nenhau dzomudzimu. Muapostora Pauro akanyorera vaKristu vomuungano yeRoma kuti: “Ndinoda zvikuru kukuonai, kuti ndikupei chimwe chipo chomweya, kuti musimbiswe. Ndokuti ini ndinyaradzwe pamwe chete nemi pakati penyu, mumwe nomumwe nokutenda kwomumwe, kwenyu nokwangu.”—VaRoma 1:11, 12.
Nenzira yakafanana, kana iri nhau yokupa vakwegura vanobatira Mwari zvomudzimu, kazhinji kazhinji kukurudzirana kunobva kumativi ose. Osondu, uyo anogara muNigeria, anoti: “Zvinondifadza zvikurusa pamusoro pavanasekuru navanambuya vangu mukana wavanondipa wokurangarira nguva yakapfuura. Sekuru vangu, vachinyemwerera nomufaro, vanotaura pamusoro pendima yavakashanda somushumiri wenguva yakazara muma1950 nema1960. Vanoenzanisa mamiriro akaita ungano yazvino nezvayakanga yakaita pavakava Chapupu. Zviitiko izvi zvinondibetsera mubasa rangu sapiyona.”
Vamwe vari muungano yechiKristu vanogonawo kubetsera mukupa vakura. Tunji, adudzwa pakuvamba, akatsanangura zvakaitika muungano yake: “Imwe hama duku yaiva piyona iyo yakagoverwa kuti ipe hurukuro yavose yakauya nendaza yacho kuna Baba kuti vaigadzirire pamwe chete. Muitisi weFundo yeNharireyomurindi akauya kuna Baba ndokuti: ‘Mune ruzivo rwokuzviwanira. Mungatii kuti mundibetsere kuvandudza.’ Baba vakakwanisa kupa mukuru iyeye zano rinoshanda. Hama dzakadudza zita raBaba muminyengetero yeungano kanoverengeka. Zvose izvozvi zvakavaita kuti vanzwe vachidiwa.”
Mufambiro Wakanaka Unoswededza Vanhu Kuna Mwari
Pane dzimwe nguva, sezvatinoratidza rukudzo norudo kuvabereki vedu navanasekuru navanambuya, tinoswededza vanhu kuna Mwari. Muapostora Petro akanyora kuti: “Mufambire wenyu uve wakanaka pakati pavahedheni, kuti pavanokupomerayi vachiti munoita zvakaipa, varumbidze Mwari nezuva rokushanyira, kana vachiona mabasa enyu akanaka.”—1 Petro 2:12.
Andrew, mumwe mukuru wechiKristu muWest Africa, akafamba makiromita 95 kaviri pavhiki kuti atarisire baba vake vairwara, avo vakanga vasiri mutendi. Anorondedzera kuti: “Pandakava mumwe weZvapupu zvaJehovha, baba vangu vakanga vachishora zvakasimba. Asi pavakacherekedza nzira yandakanga ndichivatarisira nayo pavairwara, vakaramba vachikurudzira vanun’una vangu nehanzvadzi kuti, ‘Munofanira kupinda chechi yomukoma wenyu!’ Izvozvo zvakavakurudzira, uye zvino vana vapfumbamwe vababa vangu vose vava Zvapupu zvaJehovha.”
Kukudza nokutarisira vabereki vedu vakwegura kunogona kuva denho, zvikurukuru munguva dzinonetsa dzezvemari. Asi sezvo vaKristu vachivavarira kuita izvi, vanokohwa mibayiro yakawanda. Kupfuura zvose, vanowana mufaro wokupa, pamwe chete negutsikano yokuziva kuti vari kufadza Jehovha Mwari, uyo ari “Baba vavose.”—VaEfeso 4:6.
-