Ponesa Upenyu Hwomwana Wako!
MICHAEL naAlphina vanogara mumupata womumaruwa uri pakati pemakomo akasvibira eKwaZulu-Natal, South Africa. Vakatarisana nedenho dzakawanda mukurera vana vanomwe. Netsigiro yakazara yomudzimai wake, Michael akaita unani hwake kuti ateerere murayiro weBhaibheri kumadzibaba: “Varerei [vana venyu] pakuranga nokurayira kwaShe.” (VaEfeso 6:4) Asi zvinetso pane dzimwe nguva zvinotanga.
Somuenzaniso, kwakarovedzeka kuti vafudzi vemombe vomuAfrica vabatanidze mombe dzavabereki vavo kuitira kuti vave nenguva yokutamba pamwe chete. Pane dzimwe nguva vanoita misikanzwa ndokukurukura pamusoro pezvinhu zvavasingafaniri kukurukura. Apo vanakomana vaMichael vaienda kunofudza mombe dzemhuri, aivapa mirayiridzo chaiyo yokuti vasasonganirana navana vakati. (Jakobho 4:4) Bva, paaidzoka kumba achibva kubasa, pane dzimwe nguva aivawana vachidaro. Somugumisiro, aifanira kuvaranga.—Zvirevo 23:13, 14.
Unofunga kuti Michael ainyanyoomesera vana vake here? Vamwe vangarangarira nenzira iyoyo, asi Jesu Kristu akataura kuti “kuchenjera kwakaruramiswa namabasa ako.” (Mateo 11:19) Michael naAlphina vakaumba mamiriro ezvinhu orudo mumusha mavo, vachipedza nguva navana vavo uye vachivadzidzisa nhoroondo dzeBhaibheri nezvokwadi.
Michael naAlphina vane vanasikana vana—Thembekile, Siphiwe, Tholakele, uye Thembekani. Vose vaparidzi venguva yakazara vamashoko akanaka oUmambo hwaMwari. Vaviri vavanakomana vavo vanobatira savatariri vanotungamirira muungano dzeZvapupu zvaJehovha. Mwanakomana wavo wechitatu, ane mudzimai ariwo muevhangeri wenguva yakazara, anobatira somubatiri anoshumira.
Vabereki vakawanda vechiKristu vane mhuri huru vakakomborerwa nebudiriro mukurera vana vavo. Zvisinei, vamwe vana vanogamuchira kurerwa kwakanaka navabereki vanosiya chokwadi. Pasina mubvunzo, vabereki vavo vanorangarira muenzaniso waJesu womwanakomana anopambadza ndokukarira kuti mwanakomana kana kuti mwanasikana wavo achapfidza uye pakupedzisira kuwana ruponeso.—Ruka 15:21-24.
Nenzira inosuruvarisa, kunyange zvakadaro, vamwe vabereki vechiKristu vari kurasikirwa nevana vavo munyika. Ichi zvikurukuru chikonzero chokuitira hanya mumativi eAfrica umo vana vanoratidzika kuva vanoita zvakanaka kutozosvikira vasvika mazera avo oupwere. Ipapo, mukuyaruka, vanokwezvwa nenzira dzounzenza dzenyika yaSatani. (1 Johane 5:19) Somugumisiro, vanababa vakawanda havakwanirisi kubatira savakuru veungano. (1 Timotio 3:1, 4, 5) Sezviri pachena, baba vechiKristu vanofanira kurangarira kuponeswa kwemhuri yavo senhau inokosha zvikuru. Naizvozvo, vabereki vanogona kuitei kuti vaponese upenyu hwavana vavo?
Iva Shamwari Yapedyo
Jesu akanga asina kungokwana bedzi asiwo akanga ari mukuru zvikuru kumumwe munhu upi noupi muzivo noruzivo rwokuzviwanira. Kunyange zvakadaro, akabata vadzidzi vake vasina kukwana seshamwari dzapedyo. (Johane 15:15) Ndicho chikonzero nei vakashuva kuva naye ndokubudirira paaivapo. (Johane 1:14, 16, 39-42; 21:7, 15-17) Vabereki vanogona kudzidza muna izvozvi. Kufanana nezvisimwa zviduku zvine mashizha akatambanudzwa akatarira zuva rinodziya, vana vanokura panenge pane mamiriro ezvinhu orudo, oushamwari mumusha.
Vabereki, vana venyu vanonzwa vakasununguka kukusvikai nezvinetso zvavo zvose here? Munovateerera here? Musati magumisa, munoita kuti vataure mifungo yavo nemirangariro kuitira kuti vagowana mufungo wacho wakazara here? Munovabetsera nenzira yokushivirira kuwana mhinduro dzemibvunzo yakati kupfurikidza nokuita nzvero navo muzvinyorwa zveBhaibheri here?
Vamwe mai vokuSouth Africa vanotsanangura kuti: “Kubvira pazuva rokutanga iro mwanasikana wedu akaenda kuchikoro, takamukurudzira kuti arondedzere zviitiko zvezuva racho. Somuenzaniso, ndaibvunza kuti: ‘Wapedza nguva yokuzorora masikati unaani? Ndiudze pamusoro pomudzidzisi wako mutsva. Anoratidzika sei? Mibatoi yakarongwa nokuda kwevhiki?’ Pane imwe nguva, mwanasikana wedu akauya kumba ndokutaura kuti mudzidzisi wake wechiNgezi akanga ari kuendesa kirasi kunoona firimu ravaizonyora rondedzero pamusoro paro gare gare. Musoro wefirimu racho wakanga uchimutsa mubvunzo. Pakuunzvera, takawana kuti raisazova rakafanira muKristu. Takazvikurukura semhuri. Zuva rakatevera racho mwanasikana wedu akasvika mudzidzisi wacho, achitsanangura kuti akanga asingadi kunoona firimu racho, sezvo tsika dzarairatidzira dzaisazowirirana nezvitendero zvake zvechiKristu. Mudzidzisi akarangarirazve nhau yacho uye gare gare akaonga mwanasikana wedu, achitaura kuti akanga asingadi kuendesa kirasi kunoona chimwe chinhu chaaizodemba.” Fariro yorudo iyo vabereki vairatidza nguva dzose mukuponeswa kwomwanasikana wavo yakabereka zvibereko zvakanaka. Ane unhu hunofadza, hwakanaka uye zvino anobatira somuzvipiri pabazu rokuSouth Africa reWatch Tower Bible and Tract Society.
Jesu akagadza muenzaniso wakaisvonaka mukubata navana vavamwe vanhu. Aifarikanya kuva navo. (Marko 10:13-16) Vabereki vanofanira kufara sei kuita zvinhu navana vavo chaivo! Mune mamwe mativi eAfrica, baba vanonyara kuonekwa vachitamba bhora kana kuti mimwe mitambo navana vavo. Asi baba vechiKristu havambofaniri kurangarira kuti vanokosha zvikuru zvokusaonekwa vachiita zvinhu navana vavo. Vaduku vanoda vabereki vanofarikanya kupedza nguva navo. Ikoku kunokuita kuti kuve nyore kuvana kutaura zvinovanetsa. Apo zvinodikanwa zvemirangariro zvakadaro zvinoregeredzwa, vana vangava vanokangaidzwa kana kuti vasingadi kutaura, zvikurukuru kana vachiruramiswa nguva dzose.
Pakunyorera vaKorose pamusoro poukama hwemhuri, Pauro akati: “Madzibaba, regai kunetsa vana venyu, kuti verege kuora mwoyo.” (VaKorose 3:21) Ikoku kungaratidzira kuti pane dzimwe nguva pane kusadzikamiswa kwechirango chakakurisa uye ushamwari hushoma zvikuru. Vana, kubatanidza vechiduku, vanodiwa uye vanokosheswa sezvingabvira vachagamuchira chirango chinodikanwa.
Kuda Mwari
Nhaka inokosha zvikurusa iyo vabereki vanogona kupa vana vavo ndeyomuenzaniso wavo pachavo wokuratidza rudo. Vana vanoda kuona nokunzwa vabereki vavo vachitaura uye kuratidza kuda Mwari kwechokwadi. Rimwe jaya rinobatira pabazu rokuSouth Africa reWatch Tower Bible and Tract Society rinotsanangura kuti: “Pandakanga ndiri mukomana, ndaibatsira baba vangu mabasa epamba. Ndaida kuvabatsira, nemhaka bedzi yokuti Baba vaionga chaizvoizvo zvishoma zvandaiita. Vaishandisa nguva yacho kundiudza zvinhu zvakawanda pamusoro paJehovha. Somuenzaniso, ndinoyeuka mumwe Mugovera apo takanga tichishanda zvakasimba tichicheka uswa. Kwaipisa chaizvo. Baba vakanga vachibuda dikita, naizvozvo ndakamhanya ndokutora magirazi maviri emvura ndokuaisa aizi. Baba vakati: ‘Mwanakomana, unoona here kuti Jehovha akachenjera sei? Aizi inoyangarara pamusoro pemvura. Kudai yainyura, zvinhu zvose zviri pasi penyanza nemadziva zvaizofa. Panzvimbo pezvo, aizi inoshanda segumbeze rinoparadzanisa! Izvozvo hazvitibetseri kuziva Jehovha zviri nani here?’a Gare gare, pandakasungwa nokuda kwokusatora rutivi, ndakava nenguva yokufunga. Ndaodzwa mwoyo humwe usiku ndiri muchitokisi mangu, ndakayeuka mashoko iwayo aBaba. Akanga ane revo zvakadini! Ndaizonamata Jehovha nokusingaperi kana ndaigona.”
Hungu, vana vanoda kuona kuda Mwari kuchiratidzirwa muchinhu chose icho vabereki vavo vanoita. Kuda Mwari uye kudisa kumuteerera kunofanira zvikurukuru kuonekwa sesimba rinosunda kuva pamisangano yechiKristu, kutora rutivi muushumiri hwomumunda, uye kurava Bhaibheri kwemhuri nefundo. (1 VaKorinte 13:3) Zvinokosha zvikuru, kuda Mwari kunofanira kuratidzirwa muminyengetero yomwoyo wose yemhuri. Kukosha kwokupa nhaka yakadaro kuvana vako hakugoni kusimbiswazve. Ndicho chikonzero nei vaIsraeri vakarayirwa kuti: “Ude Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose, nomweya wako wose, nesimba rako rose. Zvino mashoko awa andinokurayira nhasi, anofanira kuva mumwoyo mako; unofanira kushingaira kuadzidzisa vana vako, nokuataura kana ugere mumba mako, kana uchifamba munzira, kana uchivata pasi, kana uchimuka.”—Dheuteronomio 6:5-7; enzanisa naMateo 22:37-40.
Mhinganidzo huru yokuda nokuteerera Mwari mamiriro ezvinhu edu okutadza akagarwa nhaka. (VaRoma 5:12) Naizvozvo, Bhaibheri rinorayirawo kuti: “Vengai zvakaipa, imi munoda Jehovha.” (Pisarema 97:10) Mifungo yakaipa kazhinji kazhinji inotungamirira kuzviito zvakaipa. Kuti adzivise iyoyi, mwana anofanirawo kutanga mamwe maitiro anokosha.
Kutya Mwari
Rudo rwakabatanidzwa nokutya kwokuremekedza kwokusafadza Jehovha ndechimwe chinhu chinoshuviwa zvikuru. Jesu Kristu pachake akatigadzira muenzaniso wakakwana womunhu akawana mufaro “pakutya Jehovha.” (Isaya 11:1-3) Kutya kwakadaro kunokosha sezvo mwana anosvika pakuyaruka ndokuvamba kuva nesundo dzakasimba dzevatano. Kutya Mwari kunogona kubetsera pwere kudzivisa dzvinyiriro dzenyika dzingatungamirira kumufambiro wounzenza. (Zvirevo 8:13) Mune dzimwe nzanga, vabereki vanonyara kudzidzisa vana vavo nzira yokubata nayo nemiedzo yevatano. Kutaura idi, vakawanda vanorangarira kuti hazvina kururama kukurukura idzi nhau. Asi chii chakava mugumisiro wokuregeredza kwavabereki kwakadaro?
Nyanzvi nhatu dzezvokurapa dzinonzi Buga, Amoko, uye Ncayiyana dzakabvunzurudza vasikana 1 702 uye vakomana 903 vaibva mumaruwa eTranskei, South Africa. South African Medical Journal yakashuma kuti “76% yavasikana uye 90.1% yavakomana muiyi nzvero vakanga vatova neruzivo rwokuzviwanira mune zvevatano.” Zera ravasikana rapaavhareji rakanga riri makore 15, uye vakawanda vakamanikidzwa kuita vatano. Vanopfuura 250 vakanga vava napamuviri pamwe kana kuti kupfuura. Mumwe mugumisiro wakanga uri kuwedzera kwezvirwere zvinoparadzirwa muvatano.
Sezviri pachena, vabereki vakawanda havaoni kudikanwa kwokudzidzisa vana vavo nzira yokudzivisa nayo vatano vasati varoorana. Panzvimbo pezvo, magazini yambodudzwa inotsanangura kuti: “Kuva navana uye kuva mai mavara anokosheswa zvikuru okuva mukadzi munzanga yomumaruwa eTranskei, uye ikoku kunokurumidza kuratidzirwa navasikana vachangobva kuyaruka.” Chinetso chimwe chetecho chiri kuitika mune mamwe mativi enyika.
Vanhu vaduku vakawanda muAfrica vari kuwanira vabereki vavo mhaka yokusavabetsera kunzwisisa kuva kwavo vakomana navasikana. Vamwe vabereki vechiKristu vakava vanonyara zvikuru kushandisa bhuku raUpwere Hwako—kuWana zvakaNakisisa maHuri.b Pamapeji 20-3, rinotsanangura kushandiswa kunokudzwa kwemitezo yevatano uye kuchinja kunoitika pakuyaruka.
Vabereki vechiKristu vanonangana nedenho yokukurukura murangariro waMwari wevatano navana vavo vanofanira kurumbidzwa. Ikoku kunoitwa zvakanakisisa nenzira inofambira mberi, maererano nemano omwana okunzwisisa zvinhu. Zvichitsamira pachinhu chakadai sezera romwana, vabereki vangada kuva vakananga mukunongedzera mitezo yomuviri nemabasa ayo. Zvimwe, pwere isina ruzivo rwokuzviwanira ingasanzwisisa zviri kutaurwa.—1 VaKorinte 14:8, 9.
Vamwe baba vokuSouth Africa vevanasikana vaviri nomwanakomana vanotsanangura kuti: “Panhambo nenhambo, ndakava nemikana yokukurukura nhau inonyadzisa yenhau dzevatano kunyange nevasikana. Mudzimai wangu, kunyange zvakadaro, akapa ngwariro chaiyo kuvanasikana vedu, achishandisa bhuku raUpwere Hwako—kuWana zvakaNakisisa maHuri. [Ona mapeji 26-31.] Apo mwanakomana wangu akanga ava namakore 12 okukura, ndakasarudza kuenda naye kunofamba mumakomo. Panhambo iyoyo, takakurukura muudzame kukura kwomuviri womukomana uye chinangwa chaicho icho ikoku kwaizoita muroorano. Ndakakurukurawo naye kudikanwa kwokudzivisa muitiro wakaipa webonhora uye kurangarira vasikana norukudzo noruremekedzo—sezvaanorangarira mai vake nehanzvadzi.”
Tuso Dzinofadza
Baba namai vachangobva kududzwa vakashanda nesimba uye vari kufara kuti vakava nemigumisiro yakanaka mukurera vana vavo vatatu. Vose vari vatatu zvino vanhu vakuru, vakaroorwa nokuroora vaKristu vakatendeka. Mwanakomana wavo nevakuwasha vavo vose vanobatira savakuru muungano yechiKristu, uye mbiri dzemhuri dzacho dzave dziri mubasa renguva yakazara rouevhangeri kwamakore akawanda.
Hungu, vabereki vanoshanda nesimba nokuda kwokuponeswa kwemhuri yavo vanogona kukarira tuso inofadza kuvana vavo avo vanosarudza kugamuchira dzidziso yeBhaibheri yakadaro, nokuti Zvirevo 23:24, 25 inoti: “Baba vowakarurama vachafara kwazvo; uye wakabereka mwana wakachenjera, uchafadzwa naye. Baba vako namai ngavafare.” Rangarira mhuri huru yadudzwa musumo yenyaya ino. “Pandinofunga nezvefambiro mberi yomudzimu iyo vana vangu vakaita,” anodaro Alphina, “mwoyo wangu unozara nomufaro.” Vabereki vose vechiKristu ngavashande vakananga iyi tuso inofadza.
[Mashoko Omuzasi]
a Sezvo mvura inosvika pakuoma kuva chando, inova isingaremi uye inokwira pamusoro. Ona peji 137-8 yebhuku raLife—How Did It Get Here? By Evolution or by Creation?, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
b Onawo Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
[Mufananidzo uri papeji 23]
Baba vanogona kuronga mamiriro ezvinhu akarurama kuti vatsanangure maidi oupenyu