Nzira Yokuwana Nayo Tariro Kana Wakaora Mwoyo
FUNGIDZIRA kuti zvinotevera zvaizoitika kwauri: Zvinhu zvako zvose zvekunyama zvinoparadzwa, uchisiyiwa uri anoshayiwa. Vana vako—mufaro woupenyu hwako—vafa. Mukwanyina wako haasi kukukurudzira. Utano hwako hwaderera zvikuru. Zuva riri rose chitambudzo chinorwadza.
Kana iwoyo waiva mugariro wako muupenyu, waigona kuwana chikonzero chokuramba uchirarama here? Kana kuti waizoora mwoyo here?
Mumiriro wezvinhu wakaipa uchangobva kurondedzerwa waiva chakaitika chaichoicho choupenyu chaJobho, mumwe murume akararama munguva dzeBhaibheri. (Jobho, ganhuro 1, 2) Aodzwa mwoyo zvikuru, Jobho akachema achiti: “Mwoyo wangu waneta noupenyu hwangu.” Aizodai akagamuchira rufu senyaradzo. (Jobho 10:1; 14:13) Pasinei zvapo nokutambura kwake kukuru, zvisinei, Jobho akachengeta kuperera kwake kuna Mwari. Jehovha naizvozvo “akaropafadza kupedzisira kwaJobho kupfuura kutanga kwake.” Nokudaro akafa murugare, “akwegura, ava namazuva mazhinji.”—Jobho 42:12, 17.
Jobho akagadza muenzaniso mukutsungirira kunorumbidzwa kusvikira kuzuva rino. Miedzo yake yakavandudza unhu hwake ndokusunda vamwe kuita mabasa akanaka. (Jakobho 5:10, 11) Zvinotokosha zvikurusa, kuperera kwaJobho kwakakwana kwakaita kuti mwoyo waJehovha ufare. (Zvirevo 27:11) Nokudaro kurwadza kunotyisa pakupedzisira kwakava rukundo rukuru rwoumwari, kutenda, uye kuperera izvo zvakaunza zvikomborero kuna Jobho uye kuvose vakasundwa nemuenzaniso wake.
Tariro Pasinei Zvapo Nemiedzo Yakasiyana-siyana
Ungatambura miedzo yakafanana neiya yakatamburwa naJobho. Kurasikirwa nemudiwa kungava kwakakusiya wakuvadzwa mundangariro. Kurwara kwakakomba kungava kwakaita kuti kuvapo kwako kuve chitambudzo chinorwadza. Mararamire ako ose angave akaratidzika kuva akaderera nemhaka yechatanuro inorwadza. Chinjo dzezveupfumi dzingave dzakakusiya usina kana nechii zvacho. Ungatambudzwa zvakakasharara nevashori vane ruvengo vekunamata kwechokwadi. Kurwa kuti ukunde miedzo yako kungava kwakakusiya uchinzwa kuti ramangwana rako harina tariro.—1 Petro 1:6.
Panzvimbo pekuora mwoyo, zvibvunze kuti, ‘Nei ndiri kutambura?’ Uri kutambura nemhaka yekuti uri kurarama munyika “igere muna iye wakaipa,” Satani Dhiyabhorosi. (1 Johane 5:19) Somugumisiro, munhu ari wose anotambura. Munzira yakati tose zvedu tinotapurwa nekuvenga shoko roUmambo kunonyandurwa naDhiyabhorosi, mashoko asina rudo evamwe, kana kuti mabasa anotyisa emufambiro usiri woumwari akapararira kwazvo mudzino “nguva dzokutambudzika.”—2 Timotio 3:1-5.
Kana chimwe chinhu chakaipa chikaitika muupenyu hwako, ungave wakawirwa ne“nguva nezvinoitika.” (Muparidzi 9:11) Kune rumwe rutivi, zvinhu pane dzimwe nguva zvinoshata muupenyu nemhaka yekutadza kwedu kwakagarwa nhaka. (VaRoma 5:12) Kunyange kana wakatadza zvakakomba asi wakapfidza ndokutsvaka betsero yomudzimu, usanzwe kuti wasiyiwa naMwari. (Pisarema 103:10-14; Jakobho 5:13-15) Kupfuura mumwe munhu upi noupi, anotiitira hanya. (1 Petro 5:6, 7) Unogona kuva nechivimbo chokuti “Jehovha uri pedyo navane mwoyo yakaputsika, unoponesa vane mweya yakapwanyika.” (Pisarema 34:18) Pasinei zvapo nekuti muedzo wako wakashata kana kuti wakakomba sei, Jehovha anogona kukupa uchenjeri hwokugonana nawo. (Jakobho 1:5-8) Nguva dzose yeuka kuti Jehovha anogona kuporesa maronda ose. Apo unenge une nyasha dzake, hakuna chinhu chinogona kukudzivisa kuwana mubayiro woupenyu.—VaRoma 8:38, 39.
Chinhu Chipi Nechipi Chakanaka Chinogona Kubva Mumiedzo Here?
Kune chirevo chekare chinoti, “Kugarika tange nhamo.” Iyoyo inzira yakapfava yokutaura kuti pasinei zvapo nokuti zvinhu zvinova zvakashata sei, nguva dzose unogona kuwana chikonzero chetariro. Donzo rechinhu chiri chose chakanyorwa muShoko raMwari nderekuti “tive netariro.” (VaRoma 15:4) Pasinei zvapo nokuti dambudziko rako rakakomba zvakadini, zvipikirwa nenheyo zviri muBhaibheri zvinogona kukuunzira mufaro netariro zvakavandudzwa.
Magwaro anoratidza kuti “kutambudzika kwedu, kwakareruka, kuripo chinguva chiduku” apo kunoenzaniswa nezvikomborero zvisingagumi zvakaiswa pamberi paavo vanoda Mwari. (2 VaKorinte 4:16-18) Bhaibheri rinoratidzirawo kuti mavara oumwari anokudziridzwa pakati pemiedzo anokosha zvikuru kwazvo kupfuura mukurumbira kana kuti upfumi hwokunyama. (1 Johane 2:15-17) Nokudaro, kunyange kutambura kunogona kubatira donzo rakanaka. (VaHebheru 5:8) Kutaura idi, kushandisa zvinodzidzwa mukati memiedzo kunogona kukuunzira zvikomborero zvisingakarirwi.
Muedzo wakaoma ungaite kuti uve wakapfava zvikuru. Ungabvuma kuti munguva yakapfuura waiva nevara reunhu raiparira kugumbura vamwe uye kunyange kupinganidza fambiro mberi yako yomudzimu. Zvichida kwaiva kunyanyova nechivimbo. Pashure pokuwirwa nedambudziko rakati, kamwe kamwe ungaziva kuti wakaneta sei uye kuti unoda vamwe sei. Kana muedzo wako wakakudzidzisa chidzidzo ichocho uye wakaita chinjo dzaidikanwa, wakakubetsera.
Zvakadini kana, munguva yakapfuura, vamwe vakakuwana kwakaoma kubata newe nemhaka yekuti waiva nechinetso chokudzora hasha dzako? Ikoku kungave kwakakuparira kurwadziwa kwakati kune chokuita noutano hwako. (Zvirevo 14:29, 30) Zvino, zvisinei, mumiriro wacho wezvinhu ungave uri nani zvikuru nemhaka yekuti uri kuvimba nemudzimu waMwari kuti ukubetsere kuzvidzora.—VaGaratia 5:22, 23.
Kufanana nevamwe, sezvinobvira pane imwe nguva waisava netsitsi zvokusagona kunzwira ngoni avo vanotadza. Asi kana wakapinda mumamiriro ezvinhu umo wakanzwa kudikanwa kukuru zvikuru kwengoni, sezvingabvira zvino unoda zvikuru kunzwira vamwe ngoni. Tsitsi dzinonyaradza, kuitira hanya, uye ngoni zvawakaratidzwa zvakakuita kuti uzive kuti unofanira kuratidza mavara mamwe chetewo kuvaiti vezvakaipa vanopfidza. Kana marwadzo ako akakusunda kururamisa utera ihwohwu muunhu hwako, iyoyi ndeimwe betsero yawakawana mukutambura kwako. Wakadzidza kuti “ngoni dzinozvirumbidza dzichikunda kutonga.”—Jakobho 2:13; Mateo 5:7.
Zvakadini kana kurangwa neungano yeChikristu kwakakuita kuti urasikirwe neropafadzo dzaikosheswa uye kuremekedzwa nevamwe? Usaore mwoyo. Chiito chokuranga chinobetsera kuchengeta ungano yakachena, asi vavariro dzacho dzinobatanidza kuvandudzwa mumudzimu kwomuiti wechakashata. Sezvinobvumwa, “kuranga kwose, kana kuchaitwa, kwakaita sokusingafadzi, kunochemedza; asi pashure kunoberekera ivo, vakadzidziswa nako, zvibereko zvorugare, ndizvo zvibereko zvokururama.” (VaHebheru 12:11) (Kutsveyamisa mashoko ndokwedu.) Kunyange zvazvo kurangwa kuchigona kuva chiito chinorwadza, hakusiyi munhu anopfidza nenzira yokuzvininipisa asina tariro. Mambo Dhavhidhi waIsraeri wakare akarangwa zvakakomba nokuda kwokuwa, asi akapfidza uye pakupedzisira akawana rumbidzo chaiyo semurume wokutenda kwakatanhamara.—2 Samueri 12:7-12; Pisarema 32:5; VaHebheru 11:32-34.
Muedzo ungagona kuva netapuro huru pamurangariro wako. Munguva yakapfuura, ngwariro yako ingave yaive yakanangidzirwa panharidzano dzokunyama nezvaunobudirira kuita izvo zvakaita kuti uve anozivikanwa uye ane mukurumbira munyika ino. Zvichida muedzo wakabatanidzwa nekushaya mari kana kuti kurasikirwa nezvekunyama wakanangidzira mifungo yako pazvinhu zvinokosha zvikuru. (Enzanisa naVaFiripi 1:10.) Zvino unoziva kuti zvinokosha zvomudzimu nevavariro mubasa rinoyera ndizvo zvinhu bedzi zvinounza mufaro wechokwadi negutsikano isingaperi.
Vimba naJehovha
Kuitira Jehovha basa rinoyera kungaguma nekuoneswa nhamo nekutambudzwa neavo vanoshora zvitendero zvako zveChikristu. Unganzwe uchidzvinyirirwa nemhaka yemuedzo iwoyu, asi unogona kukubetsera. Muedzo iwoyu ungasimbisa kutenda kwako. Uyezve, vamwe vari kutambudzwa vangakurudzirwa ndokusimbiswa nokucherekedza kupfuurira kwako. Zvapupu zvinoona mufambiro wako wakaisvonaka zvingasundwa kurumbidza Mwari. Kunyange vashori vako vanganyara ndokubvuma mabasa ako akanaka!—1 Petro 2:12; 3:16.
Kuti udzivise kuora mwoyo pakutambudzwa, unofanira kuvimba naJehovha. Shoko Rake rinoratidza kuti kunyaradzwa pamuedzo kuchauya zvirokwazvo, asi kungasasvika nokukurumidza sezvaungada. Munguva ino, “usaneta pakuita zvakanaka.” (2 VaTesaronika 3:13) Ramba uchitsvaka nzira dzokugonana nadzo nemiedzo uye kutsungirira. Kunyange apo zvinhu zvinoratidzika sezvisina tariro, “kandira mutoro wako pamusoro paJehovha, iye uchakusimbisa; haangatongotenderi wakarurama kuti azununguswe.” (Pisarema 55:22) Panzvimbo pokunyanyozvinzwira tsitsi, funga kuti wakakomborerwa sei kuziva Jehovha, kuva nenzvimbo pakati pavanhu vake, uye kuva netariro yeupenyu husingaperi.—Johane 3:16, 36.
Chengeta ndangariro yako yakanangidzirwa pazvinhu zvinokosha. Enda kuna Jehovha zuva rimwe nerimwe mumunyengetero, uchikumbira simba rokutsungirira. (VaFiripi 4:6, 7, 13) Bvisa pfungwa ipi neipi yokutsiva avo vari kukonzera kutambura kwako. Ita kuti Jehovha atarisire zvinhu. (VaRoma 12:19) Ramba uchitsvaka nzira dzokunatsiridza nadzo unhu hwako, uchisakurira mavara eChikristu. (2 Petro 1:5-8) Onga chinhu chiri chose chaunoitirwa nevamwe, kubatanidza vakuru avo vanotarisira zvinodikanwa zvako zvomudzimu norudo. (VaHebheru 13:7, 17) Iva akatendeka kuna Mwari, uye chengeta ziso rako rakanangidzirwa pamubayiro woupenyu, uine chivimbo chokuti kunyange rufu harugoni kukubira.—Johane 5:28, 29; 17:3.
Kana uri kutambura kusuruvara kukuru panguva ino kana kuti miedzo yakakomba, “vimba naJehovha nomwoyo wako wose,” uye mufaro mukuru pakupedzisira uchatsiva kutambudzika kwako uye nhamo. (Zvirevo 3:5, 6; Johane 16:20) Nhamo ichatsiviwa nomufaro apo Mwari anokukomborera sezvaakaita Jobho. Kutambura kwomuzuva razvino uno hakuzi chinhu chipi nechipi pakunoenzaniswa nemubayiro wako. (Enzanisa naVaRoma 8:18.) Kutsungirira kwako kwokutendeka kunogona kukurudzira vamwe ndokukubetsera kusakurira mavara eChikristu akaisvonaka ayo anouya ne“munhu mutsva.” (VaEfeso 4:23, 24; VaKorose 3:10, 12-14) Naizvozvo, ipapoka, simbiswa nezano rokuchenjera romuapostora Petro rokuti: “Naizvozvo naivo, vanotambudzika nokuda kwaMwari, ngavaise mweya yavo kuMusiki wakatendeka vachiita zvakanaka.”—1 Petro 4:19.
[Mufananidzo uri papeji 23]
Iva saJobho. Usamborasikirwe netariro
[Mufananidzo uri papeji 24]
Vimba naJehovha nemwoyo wako wose