-
Unogona Kudavira Mwari Chaiye Here?Nharireyomurindi—1997 | October 1
-
-
Scotland. “Handimbonzwisisi zvinoda Mwari,” akadaro mumwe mudzimai akanga achitambura. Kusuruvara kwenhamo yacho kwakaratidzwa pakadhi nemaruva zvakasiyiwa kunze kwechikoro chavana vacho. Raiva neshoko rimwe, “NEI?” Achipindura mufundisi weDunblane Cathedral akati: “Hazvitsananguriki. Hatigoni kupindura kuti nei izvi zvaifanira kuitika.”
Gare gare gore rimwe chetero, mumwe mufundisi muduku akakurumbira weChurch of England akaurawa nenzira youtsinye. Church Times yakashuma kuti ungano yakakatyamadzwa yakanzwa mudhikoni mukuru weLiverpool achitaura nezvoku“gogodza zvine simba pasuo raMwari nemibvunzo yokuti nei? nei?” Uyu mufundisi akanga asinawo mashoko okunyaradza anobva kuna Mwari chaiye.
Chii, ipapoka, chatinofanira kudavira? Zvine mufungo kudavira muna Mwari chaiye. Ndicho chinokosha chokupindura mibvunzo inonetsa yabvunzwa pamusoro apa. Tinokukumbira kurangarira ufakazi hunopiwa munyaya inotevera.
-
-
Ziva Jehovha—Mwari ChaiyeNharireyomurindi—1997 | October 1
-
-
Ziva Jehovha—Mwari Chaiye
ACHIENZANISA murangariro wavaHindu waMwari nouyo wedzimwe tsika dzorudzidziso, Dr. S. Radhakrishnan wokuIndia anoti: “Mwari wavaHebheru ndeworudzi rwakasiyana. NdiMwari chaiye uye anoshingaira munhau uye anofarira kuchinja nemikana zvenyika ino iri kubudirira. Iye Munhu anokurukura nesu.”
Zita rechiHebheru raMwari weBhaibheri ndiיהוה, rinowanzoshandurwa kuti “Jehovha.” Anopfuura vamwe vamwari vose. Tinozivei pamusoro pake? Akabata sei navanhu munguva dzeBhaibheri?
Jehovha naMosesi “Zviso Zvakatarisana”
Ushamwari hwe“zviso zvakatarisana” hwaiva pakati paJehovha nomubatiri wake Mosesi, kunyange zvazvo Mosesi akanga asingagoni kuona Mwari chaizvoizvo. (Dheuteronomio 34:10; Eksodho 33:20) Muupwere hwake, mwoyo waMosesi wakanga una vaIsraeri, avo panguva iyoyo vakanga vari muuranda muEgipita. Akaramba upenyu hwake somutezo wemhuri yaFarao, “akati zviri nani kuitirwa zvakaipa pamwe chete navanhu vaMwari.” (VaHebheru 11:25) Somugumisiro, Jehovha akapa Mosesi ropafadzo chaidzo dzakawanda.
Somutezo wemhuri yaFarao, “Mosesi akadzidziswa uchenjeri hwose hwavaEgipita.” (Mabasa 7:22) Asi kuti atungamirire rudzi rwaIsraeri, aifanirawo kusakurira mavara okuzvininipisa, kushivirira, uye unyoro. Izvi akazviita mukati mamakore ake 40 somufudzi muMidhiani. (Eksodho 2:15-22; Numeri 12:3) Jehovha, kunyange zvazvo achiramba asingaoneki, akazviratidza nechinangwa chake kuna Mosesi, uye kupfurikidza nengirozi Mwari akapa Mirayiro Gumi kwaari. (Eksodho 3:1-10; 19:3–20:20; Mabasa 7:53; VaHebheru 11:27) Bhaibheri rinotiudza kuti “Jehovha waitaura naMosesi zviso zvakatarisana, somunhu unotaurirana neshamwari yake.” (Eksodho 33:11) Zvirokwazvo, Jehovha pachake akati: “Ndichataura naye nomuromo.” Mosesi akafarikanya ukama hunokosha zvikuru, hwomunhu oga naMwari wake asingaoneki asi chaiye!—Numeri 12:8.
Mukuwedzera kunhau yapakuvamba yorudzi rwaIsraeri, Mosesi akanyora bumbiro roMutemo wakanyorwa nemimwe yokuwedzera. Akapiwawo imwe ropafadzo inokosha—yokunyora bhuku raGenesi. Rutivi rwapashure rwebhuku iroro rwakanga rwuri nhau yaizivikanwa nemhuri yake uye naizvozvo zvaiva nyore kuti anyore. Asi Mosesi akawanepi mashoko enhau yavanhu yapakuvamba? Zvinobvira kuti Mosesi akanga ane zvinyorwa zvakare zvakanyorwa, zvakachengetedzwa namadzibaba ake, zvaakashandisa sepaibva mashoko. Pane rumwe rutivi, aigona kuva akagamuchira mashoko kupfurikidza nokunzwa zvichitaurwa kana kuti zvakananga kupfurikidza nokuziviswa naJehovha. Vanhu voumwari vemazera ose kubva kare vakabvuma ukama hwomunhu oga uhwo Mosesi akafarikanya naMwari wake munhau iyi.
Jehovha—Mwari Chaiye waEria
Muporofita Eria akazivawo Jehovha saMwari chaiye. Eria akanga achishingairira kunamata kwakachena uye akabatira Jehovha pasinei zvapo nokuva nyajambwa wokuvengwa kukuru nechishoro chaibva kuvanamati vaBhaari, Mwari mukuru wetemberi yavaKanani.—1 Madzimambo 18:17-40.
Ahabhi, Mambo waIsraeri, nomudzimai wake, Jezebheri, vakatsvaka kuuraya Eria. Achityira upenyu hwake, Eria akatizira kuBheeri-Shebha, kumadokero kweGungwa Rakafa. Ikoko akadzungaira ari murenje ndokunyengeterera kuti afe. (1 Madzimambo 19:1-4) Jehovha akanga asiya Eria here? Akanga asisina basa nomubatiri wake akatendeka here? Eria angava akafunga kudaro, asi akanga asina kururama zvikuru! Gare gare, Jehovha akataura naye chinyararire, achibvunza kuti: “Unobateiko pano Eria?” Pashure pokuratidzirwa kunoshamisa kwesimba guru, “inzwi rakasvika kwaari [zvakare], rikati: Unobateiko pano, Eria?” Jehovha akaratidzira uku kufarira kwomunhu oga Eria kuitira kuti akurudzire mubatiri wake akatendeseka. Mwari akanga ane basa rakawanda rokuti aite, uye Eria akagamuchira nokudisa kudana ikoko! Eria nenzira yokutendeka akaita migove yake, achitsvenesa zita raJehovha, Mwari wake chaiye.—1 Madzimambo 19:9-18.
Pashure pokurambwa kwake norudzi rwaIsraeri, Jehovha haana kuzombotaura kuvabatiri vake vapasi somunhu. Izvi hazvina kureva kuti kuvafarira kwake kwakanga kwapera. Kupfurikidza nomudzimu wake mutsvene, akanga achiri kuvatungamirira nokuvasimbisa mubasa rake. Rangarira, somuenzaniso, muapostora Pauro, aimbozivikanwa saSauro.
Kutungamirirwa kwaPauro Nomudzimu Mutsvene
Sauro aibva kuTarso, guta raiva rakakurumbira reKirikia. Vabereki vake vakanga vari vaHebheru, asi akaberekwa ari mugari weRoma. Kurerwa kwaSauro, zvisinei, kwakanga kuri maererano nezvitendero zvakasimba zvavaFarise. Gare gare, muJerusarema, akanga ane mukana wokudzidziswa ari “pamakumbo aGamarieri,” mudzidzisi aiva akakurumbira woMutemo.—Mabasa 22:3, 26-28.
Nemhaka yokushingaira kwaSauro kusina kururama kwegamuchidzanwa rechiJudha, akatora rutivi munhimbe huru yaiva yakanangidzirwa kuvateveri vaJesu Kristu. Akatotendera kupondwa kwaStefano, muKristu wokutanga kuurayirwa kutenda. (Mabasa 7:58-60; 8:1, 3) Gare gare akabvuma kuti kunyange zvazvo aimbova mushori waMwari nomutambudzi uye anodada, “akaitirwa ngoni, nokuti [w]akanga [a]chizviita nokusaziva pakusatenda.”—1 Timotio 1:13.
Sauro akasundwa nechishuvo chechokwadi chokubatira Mwari. Pashure pokutendeuka kwaSauro pamugwagwa wokuenda kuDhamasko, Jehovha akamushandisa nesimba. Ananiasi, mudzidzi wechiKristu wapakuvamba, akanangidzirwa naKristu akamutswa kuti amubetsere. Pashure paizvozvo Pauro (zita reRoma iro Sauro akazivikanwa naro somuKristu) akatungamirirwa nomudzimu mutsvene waJehovha kuti aite ushumiri hurefu uye hune zvibereko mumativi eEurope neAsia Minor.—Mabasa 13:2-5; 16:9, 10.
Nhungamiro imwe cheteyo inopiwa nomudzimu mutsvene inogona kuzivikanwa nhasi here? Hungu, inogona.
Kusadavira Kuvapo kwaMwari Hakudzivisi Kufarira Vanhu kwaJehovha
Joseph F. Rutherford akanga ari purezidhendi wechipiri weWatch Tower Society. Akabhabhatidzwa muna 1906 soMudzidzi weBhaibheri—zita raizivikanwa Zvapupu zvaJehovha naro—akagadzwa segweta reSosaiti gore rakatevera racho, uye akava purezidhendi wayo muna January 1917. Bva, pane imwe nguva iri gweta duku rakanga risingatendi kuvapo kwaMwari. Rakava sei mubatiri wechiKristu anoshingaira waJehovha?
Muna July 1913, Rutherford akashanda sasachigaro wekokorodzano yeInternational Bible Students Association yakaitwa muSpringfield, Massachusetts, U.S.A. Mumwe mutori wenhau wepepanhau romunzvimbomo, The Homestead, akabvunzurudza Rutherford, uye nhoroondo yacho yakanyorwazve mumushumo wechiyeuchidzo wekokorodzano iyoyo.
Rutherford akatsanangura kuti panguva yaaironga kuroora, mirangariro yake yorudzidziso yakanga iri yesangano reBaptist, asi yeaizova mudzimai wake yaiva yePresbyterian. Apo mufundisi waRutherford akataura kuti “akanga achienda kuhero nemhaka yokuti akanga asina kuombekwa uye kuti iye aienda zvakananga kudenga nemhaka yokuti akanga aombekwa, ndangariro yake ine unyanzvi yakapanduka uye akava asingatendi kuvapo kwaMwari.”
Zvakatorera Rutherford makore anoverengeka okunzvera nokungwarira kuti avakezve kutenda kwake muna Mwari chaiye. Akataura kuti, akarangarira kuti, kubva mukutaura kwokuti “chisingagoni kugutsa ndangariro hachina kodzero yokugutsa mwoyo.” VaKristu “vanofanira kuva nechokwadi chokuti Magwaro avanodavira ndeechokwadi,” akatsanangura kudaro Rutherford, achiwedzera kuti: “Vanofanira kuziva pavamire.”—Ona 2 Timotio 3:16, 17.
Hungu, zvinobvira kunyange nhasi kuti asingatendi kuvapo kwaMwari kana kuti anoti Mwari haazivikanwi anzvere Magwaro, avake kutenda, uye atange ukama hwakasimba hwomunhu oga naJehovha Mwari. Pashure pokufunda nokungwarira Bhaibheri neyamuro yechinyorwa cheWatch Tower chinonzi Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi, rimwe jaya rakabvuma kuti: “Ndakanga ndisingadaviri Mwari pandakatanga fundo iyi, asi zvino ndinowana kuti kuziva Bhaibheri kwakachinja kufunga kwangu kwose. Ndava kuvamba kuziva Jehovha nokumuvimba.”
“Benzi” naMwari
“Hazvina kumboitika kumunyori upi noupi weTY [Magwaro echiHebheru] kuti abvumikise kana kuti kuramba kuvapo kwaMwari,” anodaro Dr. James Hastings, muA Dictionary of the Bible. “Nyika yakare yose zvayo yaisaramba kuvapo kwaMwari, uye yaisada kushandisa mashoko okubvumikisa izvozvo. Rudaviro rwacho rwakanga rwuri rwomusikirwo kundangariro uye rwuchizivikanwa navanhu vose.” Chokwadika, izvi hazvirevi kuti vanhu vose panguva iyoyo vaitya Mwari. Nyangwe napaduku pose. Pisarema 14:1 na 53:1 ose ari maviri anodudza nezve“benzi,” kana kuti sokutaura kunoita King James Version, “rema,” iro rakati mumwoyo maro, “[Jehovha, NW] haako.”
Uyu munhu anoramba kuvapo kwaMwari, ibenzi rorudzii? Hakusi kuti haana musoro. Panzvimbo pezvo, shoko rechiHebheru rokuti na·valʹ rinonongedzera kukuderera kwetsika. Purofesa S. R. Driver, mutsinhiro dzake muThe Parallel Psalter, anotaura kuti mhaka yacho “haisi kusagona kufunga, asi kusafunga kwetsika nekworudzidziso, kusava nomufungo, kana kuti murangariro.”
Wezvemapisarema anopfuurira kurondedzera kupera kwetsika kuri mugumisiro wechimiro chendangariro chakadaro: “Vakaora, vakabata mabasa anonyangadza; hapana unoita zvakanaka.” (Pisarema 14:1) Dr. Hastings anogumisa achiti: “Vatsamira pane uku kusavapo kwaMwari munyika uye pakusvibiswa, vanhu vakava vakashata uye vachiita zviito zvakaipa.” Vanogamuchira pachena nheyo dzisiri dzaMwari uye vakaramba Mwari chaiye wavasingadi kuti avabvunze zvavanoita. Asi kufunga kwakadaro hakuna mufungo nhasi sezvakwakanga kwakaita apo wezvemapisarema akanyora mashoko ake makore anopfuura 3 000 akapfuura.
Nyevero Dzinobva Kuna Mwari Wedu Chaiye
Zvino ngatidzokerei kumibvunzo yamutswa munyaya yedu yokutanga. Nei vanhu vakawanda kwazvo vasingakwanisi kuyanana naMwari chaiye pakutambudzika kwakatekeshera munyika yanhasi?
Bhaibheri rine mashoko akanyorwa anobva kuvanhu “vaMwari vakataura, vachimutswa noMweya mutsvene.” (2 Petro 1:21) Iro roga rinotizivisa Mwari chaiye, Jehovha. Rinotinyeverawo nezvemunhu akaipa, asingaoneki, ane simba mukunyevera nokudzora kufunga kwavanhu—Satani Dhiyabhorosi. Nenzira ine mufungo, kana tisingadaviri muna Mwari chaiye, tinogona sei kudavira kuti Dhiyabhorosi chaiye arikowo, kana kuti Satani?
Achifuridzirwa muapostora Johane akanyora kuti: “[A]nonzi Dhiyabhorosi, naSatani, munyengeri wenyika yose.” (Zvakazarurwa 12:9) Gare gare Johane akati: “Tinoziva kuti tiri vaMwari, nenyika yose igere muna iye wakaipa.” (1 Johane 5:19) Uku kutaura kunoratidzira mashoko aJesu, ari mashoko ayo Johane pachake akanyora muEvhangeri yake: “Muchinda wenyika unouya; asi haana chinhu kwandiri.”—Johane 14:30.
Iyi dzidziso yomuMagwaro iri kure sei nezvava kudavirwa navanhu zvino! “Kutaura pamusoro paDhiyabhorosi hakusi kwenguva dzose nenzira yakajeka nhasi. Zera redu risingadi chokwadi uye rezvesayenzi, rakarega Satani,” inodaro Catholic Herald. Bva, Jesu nenzira yakasimba akati kuvarume vaya vakanga vachida kumuponda: “Imi muri vaBaba venyu Dhiyabhorosi, munoda kuita kuda kwakaipa kwaBaba venyu.”—Johane 8:44.
Kutsanangura kweBhaibheri simba raSatani kune mufungo. Rinojekesa chikonzero nei, pasinei zvapo nechishuvo choruzhinji rwavanhu chokugara murugare netsinhirano, nyika yakazadzwa noruvengo, hondo, uye masimba masimba asina mufungo, sezvakaratidzirwa paDunblane inodudzwa pamapeji 3 ne4). Uyezve, Satani haasi muvengi oga atinofanira kurwisa. Bhaibheri rinopa nyevero dzokuwedzera dzine chokuita nadhiyabhorosi, kana kuti madhimoni—zvisikwa zvakaipa zvemudzimu izvo kare kare zvakabatana naSatani mukutsausa nokubata zvisina kufanira rudzi rwomunhu. (Judhasi 6) Jesu Kristu akatarisana nesimba remidzimu iyi kakawanda, uye akakwanisa kuikurira.—Mateo 12:22-24; Ruka 9:37-43.
Mwari wechokwadi, Jehovha, akavimbisa kubvisa uipi pasi pano uye pakupedzisira kubvisa mibato yevose vari vaviri Satani namadhimoni ake. Tichishandisa kuziva kwedu Jehovha, tinogona kuva nokutenda kwakasimba ndokuvimba nezvipikirwa zvake. Anoti: “Hakuna mumwe Mwari wakanditangira pakuumbwa, shure kwangu hakungazovipo mumwe. Ini—iyeni, ndiJehovha, kunze kwangu hakuna mumwe muponesi.” Zvirokwazvo Jehovha ndiMwari chaiye kuna vose vanomuziva, vanomunamata, uye vanomubatira. Tinogona kutarira kwaari, iye oga, nokuda kwokuponeswa kwedu.—Isaya 43:10, 11.
[Mufananidzo uri papeji 7]
Mufananidzo womuzana ramakore rechi18 unoratidzira Mosesi achinyora Genesi 1:1 achifuridzirwa
[Kwazvakatorwa]
Kubva muThe Holy Bible rakanyorwa naJ. Baskett, Oxford
[Mufananidzo uri papeji 8]
Jesu Kristu akakurira madhimoni kakawanda
-