-
Ndinoonga Nguva Refu Youpenyu Mubasa raJehovhaNharireyomurindi—1997 | October 1
-
-
magazini nemabhurocha kuzvikoro zviri muKopervik, zvakadai sekukireshi kwandaiva mudzidzi makore anenge 100 apfuura. Ndinofara kuti ndichiri kukwanisa kuva muparidzi wenguva dzose.
Sezvineiwo mokudyira neHoro yoUmambo zviri pauriri humwe chete nekamuri rangu paBheteri, iyo kubvira muna 1983 yave iri paYtre Enebakk kunze kweOslo. Naizvozvo ndinokwanisa kuenda kundonamata mangwanani, kuzvokudya, uye kumisangano yedu newiricheya. Uye ndinofara kuti ndichiri kuenda kukokorodzano namagungano. Ndinofarikanya kusangana neshamwari dzandave ndichiziva kwamakore akawanda, pamwe chete nehama nehanzvadzi itsva nevana vakanaka vakawanda.
Kuchengeta Kutenda Kusvikira Kumugumo
Chikomborero kukomboredzwa nevanhu vanoshingaira, vanofadza, uye vomudzimu pano paBheteri. Pandakatanga basa rangu repaBheteri, mhuri yose yaiva yakaumbwa neavo vaiva netariro yokudenga. (VaFiripi 3:14) Parizvino munhu wose ari paBheteri kunze kwangu anotarira mberi kuti agorarama pasi nokusingaperi.
Chokwadi, taikarira kuti Jehovha angadai akaita chiito kare. Bva, ndinofara nokuona boka guru richiramba richikura zvikuru. Ndakaona wedzero dzakakura zvakadini! Pandakapinda muushumiri kekutanga, kwaiva nevaparidzi 5 000 munyika yose. Zvino kwave nevanopfuura 5 400 000! Zvirokwazvo, ndakaona “muduku [achi]va chiuru, wakadukupa [achi]va rudzi rune simba.” (Isaya 60:22) Tinofanira kuramba tichikarira Jehovha, seizvo muporofita Habhakuki akanyora: “Kunyange zvikanonoka, uzvimirire, nokuti zvichauya zvirokwazvo.”—Habhakuki 2:3.
-
-
Mudzimu Wenyika Uri Kukukuvadza Here?Nharireyomurindi—1997 | October 1
-
-
Mudzimu Wenyika Uri Kukukuvadza Here?
PANA September 12, 1990, kwakava nokuputika mune imwe fekitari yemuKazakstan. Mwaranzi unochetura wakabudiswa mumhepo, uchikanganisa utano hwavagari vane 120 000 vomunzvimbo yacho, vakawanda vavo vakaratidzira mumigwagwa vasingadi muchetura une ngozi.
Asi sezvo mashoko akawanda akaziviswa, vakaziva kuti vakanga vachitogara munharaunda ine ngozi kwamakumi amakore. Kwamakore akawanda, matani 100 000 etsvina yemwaranzi unochetura akanga arasirwa munzvimbo isina kudzivirirwa, yakazaruka. Kunyange zvazvo ngozi yakanga iri pavari, hapana munhu akanga ambofungisisa nezvayo. Nei?
Mazuva ose, munhandare yemitambo yemunzvimbo yacho, vakuru vakuru vakanyora mashoko pamusoro pemwaranzi, ayo aitaura kuti kwaisava nengozi kana zvodini. Nhamba dzacho dzakanga dzakarurama, asi dzaingoratidzira bedzi gamma radiation. Alpha radiation, iyo yakanga isina kuyerwa, inogona kuva ine ngozi yakafanana. Vana mai vakawanda vakaziva chikonzero nei vana vavo vakanga vave vachirwara kudaro.
Tichitaura nenzira yomudzimu, tinogonawo kukuvadzwa netsvina isingaoneki. Uye kufanana nevanhu vaya vomuKazakstan, ruzhinji haruzivi nezveiyi ngozi inokuvadza upenyu. Bhaibheri rinozivisa tsvina iyi se“mudzimu wenyika,” uyo usingarongwi nomumwe munhu kunze kwaSatani Dhiyabhorosi. (1 VaKorinte 2:12) Muvengi waMwari anoshandisa mudzimu uyu nenzira youtsinye—kana kuti chimiro chendangariro chakapararira—chenyika kuti akanganise kuzvipira kwedu kuna Mwari.
Mudzimu wenyika unogona sei kupedza simba redu romudzimu? Kupfurikidza nokunyandura chishuvo chameso uye kupfurikidza nokushandisa udyire hwedu hwomuzvarirwo. (VaEfeso 2:1-3; 1 Johane 2:16) Kupfurikidza nomuenzaniso, ticharangarira nharaunda nhatu umo kufunga kwenyika kungatikuvadza zvishoma nezvishoma mumudzimu.
Kutanga Kutsvaka Umambo
Jesu akakurudzira vaKristu ku‘tanga kutsvaka Umambo nokururama kwaMwari.’ (Mateo 6:33) Mudzimu wenyika, pane rumwe rutivi, ungatitungamirira kukoshesa fariro dzedu zvisina kufanira. Ngozi huru iri, kwete mukurega zvinhu zvomudzimu zvose, asi mukuzviisa munzvimbo yechipiri. Tingagona kufuratira ngozi yacho—sezvakaita vanhu vaiva muKazakstan—nemhaka yepfungwa yokuchengeteka yenhema. Makore edu ebasa rokutendeka nokuonga kwedu hama dzedu nehanzvadzi dzomudzimu angatinyengera kuti tifunge kuti hatizombosiyi nzira yechokwadi. Sezvingabvira, vakawanda vaiva muungano yeEfeso vairangarira nenzira iyoyo.
Munenge mugore ra96 C.E., Jesu akavapa zano rinotevera: “Handifari nechinhu ichi kwauri, kuti wakasiya rudo rwako rwokutanga.” (Zvakazarurwa 2:4) Ava vaKristu vakanga vabata kwenguva refu vakanga vatsungirira zvinetso zvakawanda. (Zvakazarurwa 2:2, 3) Vakanga vadzidziswa navakuru vakatendeka, kubatanidza muapostora Pauro. (Mabasa 20:17-21, 27) Mukati mamakore akawanda, zvisinei, kuda kwavo Jehovha kwakanga kwaderera, uye vakarasikirwa nesimba ravo romudzimu.—Zvakazarurwa 2:5.
Sezvingabvira, vamwe vavaEfeso vakatapurwa nezvemari uye kupfuma kweguta racho. Nenzira inosuruvarisa, chimiro chendangariro chokudisa zvenyika kwenzanga yanhasi nenzira yakafanana kwakatsausa vamwe vaKristu. Kutsunga kuva nemararamire oupfumi nenzira isingadzivisiki kuchatitsausa muvavariro dzomudzimu nenzira isingadzivisiki.—Enzanisa naMateo 6:24.
Achinyevera pamusoro pengozi iyi, Jesu akati: “Mwenje womuviri iziso; zvino kana ziso rako rakanaka, muviri wako wose uchavhenekerwa. Asi kana ziso rako rakaipa [“rine godo,” mashoko omuzasi eNW], muviri wako wose uchava nerima.” (Mateo 6:22, 23) Ziso “rakanaka” iziso romudzimu, ziso rakanangidzirwa paUmambo hwaMwari. Pane rumwe rutivi, ziso “rakaipa” kana kuti “rine godo” rinoona zviri pedyo, richikwanisa kunangidzirwa pazvishuvo zvokukurumidza zvenyama bedzi. Rinoona zvinangwa zvomudzimu nemibayiro yenguva yemberi.
Jesu akati mundima yapashure: “Pane pfuma yako, nomwoyo wako uchavapowo.” (Mateo 6:21) Tinoziva sei kana mwoyo wedu wakanangidzirwa pazvinhu zvomudzimu kana kuti zvokunyama? Zvichida nhungamiro yakanakisisa ikurukurirano yedu, sezvo ‘muromo uchitaura zvizere pamwoyo.’ (Ruka 6:45) Kana tikazviwana nguva dzose tichitaura pamusoro pezvinhu zvokunyama kana kuti kubudirira mune zvenyika, ufakazi hwokuti mwoyo wedu wakamuraniswa uye kuti chiono chedu chokumudzimu hachisisina kunaka.
Carmen, imwe hanzvadzi yechiSpanish, akarwisana nechinetso ichi.a “Ndakarererwa muchokwadi,” anotsanangura kudaro Carmen, “asi pazera ramakore 18, ndakatanga bhizimisi rangu rekireshi. Makore matatu gare gare ndakava nevashandi vana, bhizimisi racho rakanga riri kubudirira, uye ndakanga ndichiwana mari yakawanda. Zvichida zvakandigutsa zvikurusa, kunyange zvakadaro, rakanga riri idi rokuti ndakanga ndakasununguka mune zvemari, uye ndakanga ndiri ‘kubudirira.’ Kutaura idi, mwoyo wangu wakanga wava mubhizimisi rangu—ndiro randaida zvikurusa.
“Ndakafunga kuti ndaigona kuramba ndiri Chapupu nepo ndichitsaurira nguva yangu yakawanda zvikuru kubhizimisi rangu. Pane rumwe rutivi, ndakanga ndine murangariro wainditambudza wokuti ndaigona kuita zvakawanda kuti ndibatire Jehovha. Pakupedzisira chakandisunda kuti ndiise fariro dzoUmambo pakutanga wakanga uri muenzaniso weshamwari mbiri dzakanga dziri mapiyona. Mumwe wavo, Juliana, akanga ari muungano mangu. Haana kundimanikidza kuti ndipayone, asi kurukurirano dzake nemufaro waaiwana nenzira yakajeka muushumiri hwake zvakandibetsera kurangarirazve zvinokosha zvangu zvomudzimu.
“Imwe nguva gare gare, patakanga tiri pazororo muUnited States, ndakagara naGloria, hanzvadzi iri piyona. Akanga achangobva kufirwa nomurume, uye akanga ari kutarisira mwanasikana wake aiva namakore mashanu okukura uye amai vaiva nekenza. Bva aipayona. Muenzaniso wake nokuonga kwake kwomwoyo wose ushumiri zvakabaya mwoyo wangu. Mazuva mana mapfupi andakapedza ndiri pamba pake akandiita kuti ndisarudze kupa Jehovha zvakanakisisa zvangu. Kutanga ndakava piyona wenguva dzose, uye makore mashomanene gare gare, murume wangu neni takakokwa kunoshanda paBheteri. Ndakasiya bhizimisi rangu—mhinganidzo yokufambira mberi kwangu mumudzimu—uye zvino ndinonzwa kuti upenyu hwangu huri kubudirira mumeso aJehovha, zvinova ndizvo zvinokosha chaizvoizvo.”—Ruka 14:33.
Kudzidza ku“va nechokwadi chezvinhu zvinokosha zvikuru,” sezvakaita Carmen, kuchatibetsera kuita zvisarudzo zvakanaka pamusoro pebasa redu, dzidzo, pokugara, uye mararamire. (VaFiripi 1:10) Asi tinovawo nechokwadi chezvinhu zvinokosha zvikurusa pamusoro penhandaro here? Iyi ndeimwe nharaunda umo mudzimu wenyika unoshandisa pesvedzero yakakura zvikuru.
Chengeta Nhandaro Iri Munzvimbo Yayo Yakafanira
Mudzimu wenyika nenzira youchenjeri unoshandisa chishuvo chomuzvarirwo chavanhu chokuzorora nenhandaro. Sezvo vanhu vakawanda vasina tariro chaiyoiyo yenguva yemberi, zvinonzwisisika kuti vanofanira kutsvaka kuzadza nguva ino nevaraidzo nekuzorora. (Enzanisa naIsaya 22:13; 1 VaKorinte 15:32) Tinozviwana tichiramba tichikoshesa nhandaro here? Ichocho chinogona kuva chiratidzo chokuti nzira yokufunga kwenyika ino iri kuumba murangariro wedu.
Bhaibheri rinonyevera kuti: “Unofarira zvinofadza [“varaidzo,” Lamsa] uchava murombo.” (Zvirevo 21:17) Kufara hakuna kuipa, asi kukuda, kana kuti kukupa nzvimbo yokutanga, kuchatungamira kukushayiwa kwomudzimu. Kupanga kwedu kwomudzimu nenzira isingadzivisiki kuchadzikatidzwa uye tichava nenguva shoma yokuparidza mashoko akanaka.
Nokuda kwechikonzero ichi, Shoko raMwari rinotikurudzira kuva “vakagadzirira kuita chiito mundangariro, vanozvidzora zvakakwana.” (1 Petro 1:13, The New English Bible) Kuzvidzora kunodikanwa kuti kuganhurire nguva yedu yenhandaro kune ine mufungo. Kugadzirira kuita chiito kunoreva kuva akagadzirira mubato womudzimu, ingava fundo, misangano, kana kuti basa romumunda.
Zvakadini nokuzorora kunodikanwa? Tinofanira kunzwa tine mhaka patinotora nguva yokuzorora here? Nyangwe napaduku pose. Kuzorora kunokosha, zvikurukuru munyika yanhasi inonetsa. Kunyange zvakadaro, savaKristu vakazvitsaurira hatigoni kubvumira upenyu hwedu kuti huve hwenhandaro bedzi. Kutandara kwakanyanyisa kunogona kutitungamirira kuita mubato mushomanene une revo. Kunogona kubvisa pfungwa yedu yokukurumidzira, uye kunotogona kukurudzira kuzvigutsa. Tinogona sei, ipapoka, kuva nomurangariro wakadzikama pamusoro pokuzorora?
Bhaibheri rinorumbidza kuzorora kushoma panzvimbo pokushanda zvakaoma pasina zororo—zvikurukuru kana basa rokunyika risiri madikanwa. (Muparidzi 4:6) Kunyange zvazvo kuzorora kuchibetsera miviri yedu kuwana simba, panobva simba romudzimu isimba rinobata basa raMwari. (Isaya 40:29-31) Tinogamuchira uyu mudzimu mutsvene maererano nemibato yedu yechiKristu. Fundo yomunhu oga inodyisa mwoyo yedu uye inonyandura zvishuvo zvakarurama. Kupinda misangano kunokudza kuonga Musiki wedu. Kugoverana muushumiri hwechiKristu kunokurudzira kurangarira vamwe. (1 VaKorinte 9:22, 23) Sokutsanangura kwakaita Pauro, “munhu wokunze anosakara zvechokwadi, asi zuva rimwe nerimwe munhu womukati anogamuchira simba idzva.”—2 VaKorinte 4:16, Phillips.
Ileana, mai vevana vatanhatu uye mudzimai womurume asingatendi, anorarama upenyu hwakabatikana zvikuru. Anotarisira mhuri yake nedzimwe hama dzokunyama dzinoverengeka, izvo zvinoreva kuti nguva dzose anoratidzika kuva ari kumhanya-mhanya. Kunyange zvakadaro, anogadzawo muenzaniso wakanaka mukuparidza nokugadzirira misangano. Anogona sei kubata nemibato yakawanda kudaro?
“Misangano nebasa romumunda zvinondibetsera chaizvoizvo kuita mamwe mabasa,” anotsanangura kudaro Ileana. “Somuenzaniso, pashure pokuparidza, ndine zvakawanda zvokufunga nezvazvo pandinoita basa rangu rapamba. Kakawanda ndinoimba sezvandinoriita. Pane rumwe rutivi, kana ndisina kupinda mumwe musangano kana kuti ndaita zvishoma mubasa romumunda, ndinonetseka nokuita mabasa apamba.”
Musiyano wakadini nokukosheswa kunoitwa nhandaro!
Kunaka Mumudzimu Kunofadza Jehovha
Tinorarama munyika iri kuramba ichizadzwa nechimiro chokunze. Vanhu vanopedza mari yakawanda pakugadzirwa kuti vavandudze kutarisika kwavo ndokuderedza tapuro dzokukwegura. Izvi zvinobatanidza kuisirwa bvudzi nokudhaya, kuwedzerwa mazamu, uye kugadziridzwa kumeso. Mamiriyoni anoenda kunzvimbo dzokuderedza uremu, zvidzidzo zvekurovedza muviri, kana kuti vanotenga mavhidhiyo okurovedza muviri uye mabhuku ezvokudya zvakarongwa. Nyika ingatiita kuti tidavire kuti nzira yokufara chitarisiko chedu chomuviri, kuti “chitarisiko” chedu chinokosha zvikuru.
MuUnited States, kunzvera kwakaitwa nemagazini yeNewsweek kwakawana kuti 90 muzana yevechiduku vechichena vemuAmerica vakanga “vasingagutsikani nemiviri yavo.” Kutsvaka chimiro chakanaka kwokupererwa nezano kunogona kutapura umudzimu hwedu. Dora aiva Chapupu chaJehovha chiduku uye ainzwa achinyara nechimiro chake nemhaka yokuti akanga akati korei. “Pandaienda kunotenga, zvakanga zvakaoma kuwana mbatya dzaindikwana,” anotsanangura kudaro. “Zvaiita sokuti mbatya dzakanaka dzakanga dzakaitirwa bedzi pwere dzakatetepa. Zvakatoipisisa, vanhu vakataura zvinoodza mwoyo pamusoro pemuviri wangu, izvo zvainditsamwisa zvikuru, zvikurukuru apo zvaibva kuhama dzangu nehanzvadzi dzomudzimu.
“Somugumisiro, ndakaramba ndichinetseka pamusoro pechitarisiko changu, kusvikira kumwero wokuti zvinokosha zvangu zvomudzimu zvakavamba kuva nenzvimbo yechipiri muupenyu hwangu. Zvakanga zvoita sokuti mufarwa wangu waitsamira pachiuno changu. Makore anoverengeka apfuura, uye sezvo zvino ndakura kuva mukadzi uye muKristu, ndinoona zvinhu nenzira yakasiyana. Kunyange zvazvo ndichifunga nezvechitarisiko changu, ndinoziva kuti kunaka mumudzimu ndiko kunokosha zvikurusa, uye kuti ndiko kunondipa gutsikano huru. Ndangonzwisisa izvozvo, ndakakwanisa kuisa fariro dzoumambo panzvimbo yadzo yakafanira.”
Sara akanga ari mudzimai akatendeka wekare uyo akanga ane murangariro uyu wakadzikama. Kunyange zvazvo Bhaibheri richitaura nezvokunaka kwake kwechiso paakanga ava namakore anopfuura 60 ezera, rinosimbisa mavara ake akanaka—munhu wakavanzika womwoyo. (Genesi 12:11; 1 Petro 3:4-6) Akaratidza mudzimu munyoro uye wokuzvinipisa, uye akateerera murume wake nenzira yokuzviisa pasi. Sara akanga asingaitiri hanya zvisina kufanira pamusoro pokuti vamwe vaimurangarira sei. Kunyange zvazvo aibva mumhuri yakapfuma, akadisa kugara mumatende kwamakore anopfuura 60. Nenzira younyoro uye pasina udyire akatsigira murume wake; akanga ari mukadzi wokutenda. Ndizvo zvakamuita kuti ave mukadzi akaisvonaka zvechokwadi.—Zvirevo 31:30; VaHebheru 11:11.
SavaKristu, tinofarira kunatsa kunaka kwedu kwomudzimu, kunaka uko, kana kukasakurirwa nguva dzose, kuchakura ndokugara kuripo. (VaKorose 1:9, 10) Tinogona kuitira hanya chitarisiko chedu chomudzimu munzira huru mbiri.
Tinova vakanaka zvikuru mumeso aJehovha sezvatinotora rutivi muushumiri hwedu hunoponesa upenyu. (Isaya 52:7; 2 VaKorinte 3:18–4:2) Uyezve, sezvatinodzidza kuratidzira mavara edu echiKristu, kunaka kwedu kunokura. Mikana yokunatsa kunaka kwedu kwomudzimu inokura: “Danai norudo rukuru; pakukudzana tungamiriranai. . . . pisai pamweya; . . . itirai vaeni rudo. . . . Farai navanofara; chemai navanochema. . . . Musatsiva munhu chakaipa kana akuitirai chakaipa. . . . Ivai norugare navanhu vose.” (VaRoma 12:10-18) Kusakurira mirangariro yakadaro kuchatiita kuti tidiwe nevose vari vaviri Mwari navanhu, uye kuchaderedza chitarisiko chakaipa chechimiro chedu chendangariro chokutadza kwakagarwa nhaka.—VaGaratia 5:22, 23; 2 Petro 1:5-8.
Tinogona Kurwisa Mudzimu Wenyika!
Munzira dzakawanda dzamanomano, mudzimu wenyika wakaipa unogona kunetesa kutendeseka kwedu. Unogona kutiita kuti tisagutsikane nezvatinazvo ndokufunganya kuti tiise zvatinoda nezvatinofarira pamberi pezvaMwari. Kana kuti ungatitungamirira kufunga mifungo yavanhu panzvimbo peyaMwari, tichipa ukoshi husina kufanira kunhandaro kana kuti chitarisiko chomuviri.—Enzanisa naMateo 16:21-23.
Satani akatsunga kuparadza umudzimu hwedu, uye mudzimu wenyika ndeumwe wezvombo zvake zvikuru. Yeuka kuti Dhiyabhorosi anogona kuchinja unyanzvi hwake kubva pane huya hwokufamba-famba seshumba kuva huya hwenyoka yakangwara. (Genesi 3:1; 1 Petro 5:8) Panhambo nenhambo, nyika inokunda muKristu kupfurikidza nechitambudzo chakakomba, asi kazhinji kazhinji inomukuvadza zvishoma nezvishoma. Pauro aiitira hanya zvikuru nhau yengozi yadudzwa pechipiri: “Ndinotya kuti, senyoka yakanyengera Evha namano ayo, zvimwe saizvozvo ndangariro dzenyu dzingasvibiswa, dzitsauke pakururama nokuchena kwomwoyo kuri kuna Kristu.”—2 VaKorinte 11:3.
Kuti tizvidzivirire pakuruma kwenyoka, tinofanira kuziva mashoko anoparadzirwa ayo “anobva munyika” ipapo ndokuaramba zvakasimba. (1 Johane 2:16, NW) Hatifaniri kunyengedzwa kufunga kuti nzira yokufunga kwenyika haikuvadzi. Mhepo ine chepfu yetsika yaSatani yasvika mwero inotyisa.—VaEfeso 2:2.
Kufunga kwenyika kwangooneka, tinogona kukukurira kupfurikidza nokuzadza ndangariro dzedu nomwoyo nedzidziso yaJehovha yakachena. Kufanana naMambo Dhavhidhi, ngatitii: “Ndiratidzei nzira dzenyu, Jehovha; ndidzidzisei nzira dzenyu. Ndiperekedzei muzvokwadi yenyu, mundidzidzise.”—Pisarema 25:4, 5.
[Mashoko Omuzasi]
a Mazita asiri avo akashandiswa.
[Mufananidzo uri papeji 26]
Kudzingirirana nemararamire akanaka kunogona kutitsausa pavavariro dzomudzimu
-