RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Kuvimbika Munyika Isina Kukwana
    Nharireyomurindi—1997 | May 1
    • Kuvimbika Munyika Isina Kukwana

      “NOKUTI zvakanaka, zvandinoda, handizviiti; asi zvakaipa, zvandisingadi, ndizvo zvandinoita.” Unowana ikoku kuva kwechokwadi kwauri here? Kurudzirwa kuziva kuti muapostora Pauro akanga ane chinetso chimwe chetecho; bva akanga ari murume wokutendeseka kwakatanhamara kweChikristu. Ikoku hakusi kuzvipokanidza here? Mutsamba yake kuVakristu vaiva muRoma, Pauro akaongorora chinetso chacho: “Zvino kana ndichiita zvandisingadi, handichini ndinozviita, asi zvivi zvinogara mandiri.” Ari kunongedzera kuchivi chipi, uye akachikurira sei kuti ave munhu akatendeseka?—VaRoma 7:19, 20.

      Pakuvamba mutsamba yake, Pauro akanyora kuti: “Zvivi sezvazvakapinda munyika nomunhu mumwe, norufu rukapinda nezvivi; saizvozvo rufu rwakasvika kuvanhu vose, nokuti vose vakatadza.” “Munhu mumwe” wacho akanga ari Adhama. (VaRoma 5:12, 14) Chivi chaAdhama—chivi chomunhu wokutanga, Adhama—ndicho chisakiso chokusakwana kwakagarwa nhaka kworudzi rwomunhu uye chikonzero chinokosha nei kuchengeta kutendeseka kuri denho chaiyoiyo.

      Murangariro waPauro we“chivi chapakuvamba,” sezvachaisimbodanwa, haugamuchirwi zvakafara nhasi nemhaka yokuti nhoroondo yeBhaibheri yechisiko yakarambwa mune zvorudzidziso kuchitsigirwa rondedzero dzemhindumupindu. “Nyanzvi dzakabvisa chikamu chose” ndeimwe nzira iyo rimwe bhuku retsinhiro razvino uno pamusoro paVaRoma 5:12-14 rinokutaura nayo. Bva makore ane zana akapfuura, mabhuku anotsinhira pamusoro peBhaibheri nguva dzose akatsanangura kuti “apo Adhama akatadza . . . akasvibisa vazukuru vake vose nechivi ichocho uye nemigumisiro yacho.”a

      Kurasikirwa Nokutendeseka Kwapakuvamba

      Seizvo kuvapo kwaAdhama, munhu wokutanga, kuchirambwa navakawanda nhasi, naizvozvowo Satani, Dhiyabhorosi, anorambwa sengano.b Asi chiremera chikuru Jesu Kristu chinotiudza kuti iyeyu “haamiri muzvokwadi,” namamwe mashoko, akanga asina kuvimbika. (Johane 8:44) Uye Adhama nomudzimai wake, Evha, vakapandukira Jehovha ndokuputsa kutendeseka kwavo mumuedzo nemhaka yokukusvudzira kwaSatani.—Genesi 3:1-19.

      Nemhaka yokuti tose takabva kuna Adhama, tose tinogara nhaka chimiro chendangariro chokutadza. Murume akachenjera Soromoni akati: “Hapana munhu wakarurama panyika, unoita zvakanaka, asingatadzi.” (Muparidzi 7:20) Zvisinei, munhu upi noupi anogona kuva akavimbika. Ikoku kunobvira sei? Nemhaka yokuti kuchengeta kutendeseka hakudi kuti munhu ave akakwana.

      Hwaro Hwokutendeseka

      Mambo Dhavhidhi waIsraeri akaita mhosho dzakawanda, kubatanidza upombwe hwake hwakasanopupurirwa naBhati-shebha. (2 Samueri 11:1-27) Mhosho dzaDhavhidhi dzakawanda dzakabatira kusimbisa kuti akanga asina kutongokwana. Chii, kunyange zvakadaro, icho Jehovha akaona mumunhu wacho? Achitaura kumwanakomana waDhavhidhi, Soromoni, Jehovha akati: “Famba pamberi pangu sababa vako Dhavhidhi nomwoyo usinganyengeri, nokururama.” (1 Madzimambo 9:4) Pasinei zvapo nemhosho dzake dzakawanda, kuvimbika kunokosha kwaDhavhidhi kwakazivikanwa naJehovha. Nei?

      Dhavhidhi akapa mhinduro yacho apo akaudza Soromoni kuti: “Jehovha unonzvera mwoyo yose, unonzwisisa ndangariro dzose dzemifungo.” (1 Makoronike 28:9) Dhavhidhi akaita mhosho, asi akanga achizvininipisa, uye akanga achida kuita zvakanga zvakarurama. Nguva dzose akagamuchira tsiuro neruramiso—zvirokwazvo, akaikumbira. “Ndinzverei Jehovha, ndiidzei, natsai itsvo dzangu nomwoyo wangu” ndicho chakanga chiri chikumbiro chake. (Pisarema 26:2) Uye Dhavhidhi akanatswa. Ganhuriro dzakabva muchivi chake naBhati-sheba, somuenzaniso, dzakagara kutozosvikira pakuguma kwoupenyu hwake. Zvisinei, Dhavhidhi haana kutongoedza kururamisa kukanganisa kwake. (2 Samueri 12:1-12) Zvinokosha zvikuru, haana kutongobva pakunamata kwechokwadi. Nokuda kwechikonzero ichochi, uye nemhaka yourombo nokupfidza kwaDhavhidhi kwapachokwadi, kwomwoyo wose, Jehovha akanga akagadzirira kukanganwira zvivi zvake uye kumugamuchira somunhu akatendeseka.—Onawo Pisarema 51.

      Kuvimbika Mumuedzo

      Jesu akaedzwa naSatani Dhiyabhorosi munhamburiko yokuputsa kutendeseka kwake. Akanga achifanira kuchengeta kutendeseka kwake munhamo nokutambura, mukupesana naAdhama, ane kuteerera somunhu akakwana kwakaedzwa nokungorayirwa kwake kuti ateerere mutemo waMwari. Mukuwedzera, Jesu akanga ane dzvinyiriro yokuziva kuti kununurwa kwemhuri yavanhu kwakanga kuchitsamira pakutendeseka kwake.—VaHebheru 5:8, 9.

      Satani, akatsunga kuputsa kutendeseka kwaJesu, akamusvika apo Jesu akanga akaneta zvikurusa—pashure pokunge apedza mazuva 40 achifungisisa uye achitsanya ari murenje. Akaedza Jesu katatu—kuchinja mabwe kuti ave chingwa; kuti asvetuke achibva pachiruvu chetembere, achikarakadza kuti kupindira kwengirozi kwaizomuponesa uye nokudaro kuchipa chiratidzo chinoshamisa chokuti abvumikise kuva kwake Mesiya; uye kuti agamuchire kutonga kwoumambo hwose hwenyika ino mukutsinhana ne“chiito chokunamata” chimwe chete kuna Satani. Asi Jesu akaramba muedzo mumwe nomumwe, achichengeta kutendeseka kwake kuna Jehovha.—Mateo 4:1-11; Ruka 4:1-13, NW.

      Kutendeseka kwaJobho

      Chimiro chaJobho, kuchengeta kutendeseka kwake mumuedzo, chinosanozivikanwa. Nenzira inofadza, Jobho haana kunzwisisa chikonzero nei dambudziko rakauya paari. Haana kuziva kuti Satani akanga aparira vavariro dzenhema kwaari, achitaura kuti Jobho aibatira Mwari nokuda kwezvikonzero zvoudyire uye achitaura kuti kuti aponese ganda rake amene, Jobho aizoputsa nokudisa kutendeseka kwake. Mwari akabvumira Jobho kutambura zvinoitika zvakaoma zvikuru kuitira kuti aratidze kuti Satani akanga asina kururama.—Jobho 1:6-12; 2:1-8.

      Shamwari nhatu dzenhema dzakaoneka. Nenzira yamaune dzakamonyanisa mipimo yaMwari nemadonzo. Kunyange mudzimai waJobho, asingakwanisiwo kunzwisisa nhau yacho, akakundikana kukurudzira murume wake munguva yake yenhamo huru. (Jobho 2:9-13) Asi Jobho akamira akasimba. “Kusvikira parufu rwangu handingarashi kusanyengera kwangu. Ndinobatisa kururama kwangu, handingakuregi; mwoyo wangu haungandipi mhaka ndichiri mupenyu.”—Jobho 27:5, 6.

      Muenzaniso wakaisvonaka waJobho, pamwe chete nokutendeseka kwavamwe varume navakadzi vakatendeka vakawanda, sezvakanyorwa muBhaibheri, wakabvumikisa Satani kuva murevi wenhema.

      Kutendeseka Noushumiri hweChikristu

      Kutendeseka ivara iro Jehovha anokoshesa nokuda kwegutsikano yake amene chete here? Aiwa. Kutendeseka kune ukoshi hwechokwadi nokuda kwedu vanhu. Jesu akatirayira ‘kuda Jehovha Mwari wedu nomwoyo wedu wose nemweya wedu wose uye nendangariro yedu yose’ nokuda kwokubetserwa kwedu. Zvirokwazvo, uyu ndiwo “murayiro mukuru nowokutanga,” uye kunoda murume, mukadzi, kana kuti mwana akatendeseka kuti auchengete. (Mateo 22:36-38) Chii chinobatanidzwa, uye ndedzipi dziri tuso dzacho?

      Munhu akatendeseka anogona kuvimbwa naye, kwete chete nomunhu biyake asi, zvinokosha zvikuru, naMwari. Kuchena kwomwoyo wake kunooneka muzviito zvake; haana unyengeri. Haanyengeri uye haana kushata. Muapostora Pauro akakutaura neiyi nzira: “Takaramba zvinhu zvakavanzika zvinonyadza, tisingafambi nokunyengera, tisingashatisi shoko raMwari; asi pakuratidza kwedu zvokwadi, tinozvitendisa kuhana dzavanhu vose pamberi paMwari.”—2 VaKorinte 4:2.

      Cherekedza kuti Pauro anodudza zvimiro zvendangariro zvine chokuita noushumiri hweChikristu. Mushumiri weChikristu anogona sei kubatira vamwe kana maoko ake asina kuchena, kana asiri munhu akatendeseka? Mukuru weboka rorudzidziso reIreland uyo nguva pfupi yapfuura akarega anoratidzira pfundo racho. Akabvuma kuti aka“bvumira muprista aivatana nevana kuti apfuurire kushanda navana nguva refu pashure pokunge kubata kwake vana zvisina kufanira kwava kuzivikanwa,” maererano nepepanhau reThe Independent. Nhoroondo yacho yakatsanangura kuti kubata zvisina kufanira kwacho kwakatambanuka kwamakore anopfuura 24. Muprista wacho akaiswa mutorongo kwamakore mana, asi funga nezvokutambura kwakaiswa pavana vaakatambudza mukati mamakore iwayo nemhaka yokuti mutariri wake akanga asina kutendeseka mutsika kuti aite chiito!

      Kutendeseka—Tuso Dzacho

      Muapostora Johane akanga ari munhu asingatyi. Nemhaka yembavarira yavo yakasimba, Jesu akadana iye nomukoma wake Jakobho kuti “vanakomana vokutinhira.” (Marko 3:17) Murume wokutendeseka kwakatanhamara, Johane, pamwe chete naPetro, akatsanangura kuvatongi veChijudha kuti akanga ‘asingagoni kurega kutaura’ pamusoro pezvinhu zvaakanga aona nokunzwa apo akanga ana Jesu. Johane akanga ariwo mumwe wavaapostora vakati: “Tinofanira kuteerera Mwari kupfuura vanhu.”—Mabasa 4:19, 20; 5:27-32.

      Kunoratidzika kuti apo Johane akanga ava zvikuru mumakore ake ema90, akatapwa paChitsuwa chePatmosi “nokuda kweshoko raMwari, nokwokupupura kwaJesu.” (Zvakazarurwa 1:9) Pazera rake, angave akafunga kuti ushumiri hwake hwakanga hwaguma. Asi murume bedzi wokutendeseka kwake aigona kugoverwa mugove wokunyora chiono chinofadza chaZvakazarurwa. Muna ikoku, Johane akanga akatendeka. Iyoyo yakanga iri ropafadzo yakadini nokuda kwake! Uye kwakanga kune dzakawanda dzaizouya. Gare gare, sezviri pachena munharaunda yeEfeso, akanyora nhoroondo yake yeEvhangeri netsamba nhatu. Ropafadzo dzakaisvonaka dzakadaro dzichigumisa makore 70 ebasa rokutendeka, rokuchengeta kuvimbika!

      Kuva munhu akatendeseka kazhinji kazhinji kunopa gutsikano huru. Kuva akavimbika mukuona kwaMwari kunounza tuso dzisingaperi. Nhasi, “boka guru” ravanamati vechokwadi riri kugadzirirwa kupinda munyika itsva yorugare netsinhirano, nekariro youpenyu husingaperi. (Zvakazarurwa 7:9, NW) Kutendeseka muzvinhu zvinokosha zvetsika nokunamata kunofanira kutsigirwa, pasinei zvapo nemiedzo yetsika ino yezvinhu uye denho dzakawanda idzo Satani angaunza. Iva nechokwadi chokuti musimba iro Jehovha anopa, unogona kubudirira!—VaFiripi 4:13.

      Achitaura pamusoro pezvose zviri zviviri nezvenguva ino nezvenguva yemberi, wezvamapisarema Dhavhidi anokurudzira tose zvedu apo anoti, mumunyengetero wokuonga kuna Jehovha: “Kana ndirini munonditsigira pakururama kwangu, munondiisa pamberi penyu nokusingaperi. Jehovha, Mwari waIsraeri, ngaaongwe, . . . Ameni, zvirokwazvo Ameni.”—Pisarema 41:12, 13.

      [Mashoko Omuzasi]

      a Tsinhiro iri muThe New Testament of Our Lord and Saviour Jesus Christ, according to the Authorised Version, with a brief commentary by various authors.

      b Zita rokuti Satani rinoreva “Mudzivisi.” “Dhiyabhorosi” rinoreva “Mucheri.”

      [Mufananidzo uri papeji 4]

      Pasineri zvapo nemhosho dzake, Dhavhidhi akabvumikisa kuva akafanirwa nechivimbo

      [Mufananidzo uri papeji 5]

      Jesu akatisiyira muenzaniso wakaisvonaka zvikurusa wokuvimbika

      [Mifananidzo iri papeji 7]

      Kuva akavimbika kunounza gutsikano huru

  • ‘Tinoda Vanhu Vakatendeseka’
    Nharireyomurindi—1997 | May 1
    • ‘Tinoda Vanhu Vakatendeseka’

      KUTENDESEKA hakuwanzowanika munyika yanhasi. Bva, ndichinodikanwa chinokosha nokuda kweVakristu. Pauro akanyora kuti: “Tinoda kufamba zvakanaka pazvinhu zvose.” (VaHebheru 13:18) Ndizvo zvaida kuita Wilma, mumwe weZvapupu zvaJehovha muFaenza, Italy.

      Pepanhau rinonzi Il Resto del Carlino rinorondedzera kuti apo akawana chikwama chakanga chine chitsama chikuru chemari kunze kwesupamaketi muguta rake, akachipa kumapurisa “pasina kuzengurira” kuitira kuti chigogona kudzoserwa kumuridzi wacho.

      Apo meya akanzwa nezvaizvozvi, akatumira pakarepo tsamba pfupi yekutenda kuna Wilma. “Muzita reGuta,” akanyora kudaro, “ndinokuongai nemwoyo wose nokuda kwekuita kwenyu kwakaisvonaka. Guta redu rakakurumbira reFaenza rinoda vanhu vakanaka uye vakatendeseka.”

      Kana zviito zvakanaka zvichizivikanwa kana kuti kwete, nguva dzose tinofanira kuvavarira kuva vakatendeseka. Seizvo Magwaro Matsvene anokurudzira, “tinoedza kuita zvakarurama kwete bedzi pamberi paMwari asi pamberi pavanhu.”—2 VaKorinte 8:21, The Jerusalem Bible.

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe