RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Nei Idzi Nguva Dzakaipa Kwazvo?
    Nharireyomurindi—1997 | April 1
    • Ndozvakwakaitawo nedzimwe hosha dzomunyika. Ndechimwe chinhu kurava pamusoro penzara; ndechimwe chinhu zvikuru kuona mufananidzo womusikana ane makore mashanu okukura ane dumbu guru nemakumbo nemaoko matete, nyajambwa ari kungoraramawo zvake wokuziya nenzara. Ndechimwe chinhu kurava nezvenhamba dzoutsotsi; ndechimwe chinhu zvikuru kunzwa nezvechirikadzi yakwegura yanga ichirohwa noutsinye, kupambwa, uye kubatwa chibharo. Ndechimwe chinhu kurava nezvokuderera kwemhuri; ndechimwe chinhu zvikuru kuziva kuti namaune mai vakaziyisa nenzara uye kukuvadza zvinotyisa vana vavo vamene.

      Zvinorwadza kurava pamusoro pezvinhu zvakadaro. Asi zvakaipa zvikuru kwazvo sei apo rimwe raaya matambudziko omunyika rinotitambudza zvakananga! Apo iwe somunhu oga unotambura uipi, mamiriro ezvinhu omunyika anoratidzirwa nenhau dzenyika anogona kuva anotyisa. Zvinotyisa kutarisana neidi rokuti kutambura noutsotsi, hondo, nzara, uye hosha kuri kuwedzera pamwero usingaenzaniswi munhau yavanhu. Tapuro dzokubata nezvinhu chaizvoizvo zvezana rino ramakore rechi20 dzinogona kuva dzakakura zvirokwazvo—kukangaidzika, kutya, uye kuora mwoyo zvinozivikanwa navose.

      Vanhu vamarudzidziso akawanda vari kutsvaka mhinduro kumibvunzo inonetsa yakadai seyokuti, Nei zvinhu zvakaipa kwazvo? Rudzi rwomunhu rwuri kunangepi?

      Nenzira inosuruvarisa, marudzidziso nhasi haawanzogovera mhinduro dzinogutsa. Pawatanga kuona mubvunzo pabutiro remagazini ino, ungava wapanikira—chiito chinonzwisisika. Marudzidziso evanoomerera pane zvapakuvamba kazhinji kazhinji anoedza kutsanangura zvomuBhaibheri zvarisitongorina—zuva neawa zvimene zvokuparadzwa kwenyika ino. (Ona Mateo 24:36.) Vabudisi vemagazini ino vanoda kuita kuti Bhaibheri rizvitsanangure rimene. Ungashamiswa kuziva kuti kukurukurwa kweBhaibheri kwemazuva okupedzisira ndokwechokwadi uye kune mufungo. Uye Bhaibheri rinoita zvakawanda kupfuura kutsanangura kuti nei zvinhu zvakaipa kwazvo. Rinogoverawo tariro yenguva yemberi, iyo inonyaradza zvirokwazvo. Tinokukumbira kuti urangarire nyaya dzinotevera kuti uone kuti kwakadaro sei.

  • Aya Ndiwo Chaizvoizvo Mazuva Okupedzisira Here?
    Nharireyomurindi—1997 | April 1
    • Aya Ndiwo Chaizvoizvo Mazuva Okupedzisira Here?

      URI nechokumberi kweigwa sezvarinopinda muchikamu chakaoma kukwasva chorwizi. Mabwe makuru anooneka mumapopoma emafuro nemasaisai. Unoedza kuadzivisa nechikwasvo chako. Munhu ari shure kwako anofanira kubetsera kukwasva igwa, asi ane ruzivo rwokuzviwanira rushoma. Zvakatoipa zvikuru, hauna mepu, naizvozvo hauzivi kana aya mapopomo achagumira mudziva rakaterama kana kuti mumapopoma.

      Hachisi chiono chinofadza, ndicho here? Naizvozvo ngatichichinjei. Fungidzira kuti une mutungamiriri ane ruzivo rwokuzviwanira, uyo anoziva ibwe riri rose rourwu rwizi, kona iri yose. Aifanoziva kuti aya mapopoma akanga ari kusvika, anoziva kuti achaguma sei, uye anoziva nzira yokuwana nayo nzira yokupfuura nayo nemo. Ungasanzwa wakachengeteka zvikuru here?

      Chaizvoizvo, tose zvedu tiri mumamiriro ezvinhu akafanana. Tinozviwana timene, kupfurikidza neisiri mhosva yedu timene, tiri munhambo yakaoma yenhau yavanhu. Vanhu vazhinjisa havazivi kuti zvinhu zvichava zvakadai kwenguva yakareba sei, kana mamiriro ezvinhu achanaka, kana kuti vangapukunyuka zvakanakisisa sei munguvayo. Asi hatifaniri kunzwa tarasikirwa kana kuti tisina betsero. Musiki wedu akatigovera nhungamiro—iyo yakafanotaura iyi nhambo isingafadzi yenhau, inofanotaura nzira yaichaguma nayo, uye inotigovera nhungamiro yatinoda kuti tipukunyuke. Nhungamiro iyoyo ibhuku, Bhaibheri. Munyori waro, Jehovha Mwari, anozvidana amene kuti Murayiridzi Mukuru, uye kupfurikidza naIsaya anoti nenzira inonyaradza: “Nzeve dzenyu dzichanzwa shoko shure kwenyu, richiti: “Heyi nzira, fambai nayo! kana muchida kutsaukira kurudyi, kana zvimwe muchida kutsaukira kuruboshwe.” (Isaya 30:20, 21) Ungada nhungamiro yakadaro here? Ipapo ngatirangarirei kana Bhaibheri rakafanotaura chaizvoizvo icho mazuva edu aizova akaita.

      Vateveri vaJesu Vanobvunza Mubvunzo Une Revo

      Vateveri vaJesu vanofanira kuva vakashamiswa. Jesu akanga achangovataurira, zvakananga uye zvakajeka, kuti zvivako zvinoorora zvetembere yeJerusarema zvaizoparadzwa chose chose! Kufanotaura kwakadaro kwakanga kuchishamisa. Nokukurumidza pashure pacho, sezvavakagara paGomo Remiorivhi, vana vavadzidzi vakabvunza Jesu kuti: “Tiudzei, kuti izvozvi zvichagova riniko? Nechiratidzo chokuuya kwenyu nechokuguma kwenyika chichava chipiko?” (Mateo 24:3; Marko 13:1-4) Kana vakazviziva kana kuti kwete, mhinduro yaJesu yaizoshanda kakawanda.

      Kuparadzwa kwetembere yeJerusarema uye kuguma kwetsika yezvinhu yechiJudha kwakanga kusiri kumwe cheteko nekwapanguva yokuvapo kwaKristu uye yemhedziso yetsika yezvinhu yenyika yose. Kunyange zvakadaro, mumhinduro yake refu, Jesu nenzira younyanzvi akataura mativi aya ose omubvunzo wacho. Akavaudza izvo zvinhu zvaizova zvakaita Jerusarema risati raparadzwa; akavaudzawo zvokukarira kuti nyika ive yakaita mukati mokuvapo kwake, apo aizova achitonga saMambo mudenga uye ava pedyo nokugumisa tsika yose yezvinhu yenyika.

      Kuguma kweJerusarema

      Rangarira kutanga icho Jesu akataura pamusoro peJerusarema netembere yaro. Anopfuura makumi matatu amakore pachine nguva mberi, akafanotaura nguva yenhamo dzinotyisa nokuda kwerimwe ramaguta makurusa munyika. Cherekedza zvikurukuru mashoko ake akanyorwa pana Ruka 21:20, 21: “Kana muchiona Jerusarema rakombwa nehondo, zivai kuti rodokuparadzwa. Musi uyo vari muJudhea ngavatizire kumakomo; navari pakati paro ngavabude; navari kuruwa ngavarege kupindamo.” Kana Jerusarema raifanira kupoteredzwa, rakakombwa namauto ari mumisasa, “vari pakati paro” vaizogona sei kungo“buda,” seizvo Jesu akanga arayira? Nenzira yakajeka, Jesu akanga ari kureva kuti nhambo yomukana yaizozaruka. Yakadaro here?

      Muna 66 C.E., mauto eRoma aitungamirirwa naCestius Gallus akanga adzorera mauto anopandukira echiJudha kuJerusarema uye akanga aita kuti adzivirirwe mukati meguta. VaRoma vakatomanikidzira kupinda muguta rimene ndokutosvika kumadziro etembere. Asi ipapo Gallus akarayira mauto ake kuti aite chimwe chinhu chinokangaidza zvirokwazvo. Akaarayira kuti adzoke! Varwi vaifara vechiJudha vakatanga kuronda ndokukuvadza vavengi vavo vechiRoma vaitiza. Nokudaro, nhambo yomukana yakafanotaurwa yaJesu yakazaruka. VaKristu vechokwadi vakateerera nyevero yake ndokubuda muJerusarema. Vachiita saizvozvo nokuchenjera, kwamakore mana chete akatevera gare gare, mauto eRoma akadzoka, Mutungamiriri wehondo Titus achiatungamirira. Nguva ino kupukunyuka kwakanga kusingabviri.

      Mauto eRoma akapoteredza Jerusarema zvakare; akavaka nhare yemapango akapinza akaripoteredza. Jesu akanga aporofita pamusoro peJerusarema kuti: “Uchasvikirwa namazuva, auchavakirwa nawo muchinjiziri navavengi vako, vachakukomba, nokukumanikidza pamativi ose.”a (Ruka 19:43) Nokukurumidza, Jerusarema rakawa; tembere yaro yaiva nembiri yakaitwa matongo anotsva. Mashoko aJesu akazadzikwa muudzame huri hwose!

      Jesu akanga achirangarira zvakawanda zvikuru, kunyange zvakadaro, kupfuura kuparadzwa ikoko kweJerusarema. Vadzidzi vake vakanga vamubvunzawo pamusoro pechiratidzo chokuvapo kwake. Vakanga vasati vachichiziva ipapo, asi ikoku kwakanongedzera kunguva apo aizogadzwa kuti atonge saMambo mudenga. Akafanotaurei?

      Hondo Mumazuva Okupedzisira

      Kana ukarava Mateo maganhuro 24 ne25, Marko ganhuro 13, uye Ruka ganhuro 21, uchaona ufakazi hwakajeka hwokuti Jesu akanga achitaura pamusoro pezera redu timene. Akafanotaura nguva yehondo—kwete chete “kurwa neguhu rokurwa” izvo nguva dzose zvakashatisa nhau yavanhu asi hondo dzinobatanidza ‘rudzi runorwisana norudzi uye umambo hunorwisana noumambo’—hungu, hondo huru dzamarudzi akawanda.—Mateo 24:6-8.

      Funga kwechinguvana pamusoro penzira iyo hondo yakachinja nayo muzana redu ramakore. Apo hondo yaireva kubonderanawo zvako kwamauto anomirira marudzi maviri anopikisana, kuurayana nemapakatwa kana kuti kunyange kupfura pfuti kune mumwe nomumwe muhondo, zvakanga zvichityisa zvakakwana. Asi muna 1914 Hondo Huru yakaitika. Rudzi rwakatevera rudzi kupinda murwisano munhevedzano—hondo yenyika yose yokutanga. Zvombo zvinoshanda zvoga zvakagadzirwa kuuraya vanhu vakawanda zvikuru uye zviri kure zvikuru. Zvigwagwagwa zvakapfura mapara nebudiriro inotyisa; mustard gas yakapisa, yakatambudza, yakaremadza, uye yakauraya zviuru zvavarwi; matangi akatinhira nenzira isina tsitsi mumitsara yavavengi, pfuti dzavo huru dzichibvira. Ndege nengarava dzinofamba pasi pegungwa zvakashandiswawo—zvokutangawo hazvo zveizvo zvaizova.

      Hondo Yenyika II yakaita zvaisafungidzirwa—yakadukupisa chaizvoizvo yakaitangira, ichiuraya mamiriyoni akawanda avanhu. Maaircraft carrier mahombe, anodokuva maguta anoyangarika, akafamba mumakungwa ndokukanda ndege dzehondo kuti dzibhombe dziri mumatenga panzvimbo dzavavengi. Ngarava dzinofamba pasi pegungwa dzakaputika ndokunyudza ngarava dzavavengi. Uye mabhomba eatomu akadonhedzwa, achiuraya zviuru zvavanhu mukuparadza kumwe nokumwe! Kungofanana neizvo Jesu akaporofita, pave pane zvirokwazvo “zvinotyisa” zvinoratidza iri zera rehondo.—Ruka 21:11.

      Hondo yakaderera here chibviro cheHondo Yenyika II? Nyangwe. Pane dzimwe nguva hondo chaizvoizvo dzakawanda dzinoitika mukati megore rimwe—kunyange mugumi rino ramakore rema1990—kuchisvitsa nhamba yavanofa mumamiriyoni. Uye pave pane chinjo muvananyajambwa vakuru vehondo. Vakafa havachisirizve varwi zvikurukuru. Nhasi, vananyajambwa vakawanda zvikurusa vehondo—kutaura idi, inopfuura 90 muzana yavo—vanhuwo zvavo.

      Mamwe Mativi Echiratidzo

      Hondo rutivi rumwe bedzi rwechiratidzo icho Jesu akadudza. Akanyeverawo kuti paizova “nenzara.” (Mateo 24:7) Uye kwave kwakadaro, kunyange zvazvo nenzira inopesana pasi riri kubereka zvokudya zvakawanda kupfuura zvinodikanwa kudyisa rudzi rwose rwomunhu, kunyange zvazvo sayenzi yokurima yaifambira mberi kupfuura nakare kose munhau yavanhu, kunyange zvazvo kufambiswa kwezvinhu kwokukurumidza uye kunobudirira kuchiwanika kuti kuendese zvokudya kupi nokupi munyika. Pasinei zvapo naizvozvo zvose, chinenge chikamu chimwe muzvishanu chevanhu venyika chinorumwa nenzara zuva riri rose.

      Jesu akafanotaurawo kuti “kune dzimwe nzvimbo” kwaizova ne“hosha.” (Ruka 21:11) Zvakare, zera redu rakaona mhesano yechienzi—kurapa kuri nani kupfuura nakare kose, kufambira mberi kwezvesayenzi yokugadzira zvinhu, nhomba dzokudzivirira hosha dzakawanda dzinozivikanwa navose; bva hosha dzisingarapiki dzakawanda zvisingaenzaniswi. Furuwenza yeSpain yakatevera nokukurumidza pashure peHondo Yenyika I uye yakauraya vanhu vakawanda kupfuura zvakaita hondo yacho. Hosha iyi yakanga ichipomeranwa kwazvo zvokuti mumaguta akadai seNew York, vanhu vaigona kuripiswa kana kuti kuiswa mutorongo nokuda kwokungohotsira! Nhasi, kenza nehosha yomwoyo zvinouraya mamiriyoni oupenyu gore rimwe nerimwe—hosha chaidzoidzo. Uye AIDS inopfuurira kuparira rufu, zvikurukuru rwusingarapwi nesayenzi yezvokurapa.

      Nepo Jesu akakurukura mazuva okupedzisira zvikurukuru maererano nemamiriro ezvinhu makuru enhau neezvematongerwe enyika, muapostora Pauro akasimbisa zvinetso zvomunzanga uye zvimiro zvendangariro zvakapararira. Akanyora, murutivi kuti: “Uzive chinhu ichi, kuti namazuva okupedzisira nguva dzokutambudzika dzichasvika. Nokuti vanhu vachava vanozvida, . . .  vasati vari vatsvene, vasina rudo chairwo, vasingadi kuyanana, . . . vasingazvidzori, vane hasha, vasingadi zvinhu zvakanaka, vanonyengera, vasingarangariri, vanoita manyawi, vanoda zvinofadza zvenyika kupfuura Mwari.”—2 Timotio 3:1-5.

      Mashoko iwayo akarovedzeka kwauri here? Rangarira rutivi rumwe chete rwakaora rwomunzanga munyika yanhasi—kuputsika kwemhuri. Kuwanda kwemisha yakaparara, vakwanyina vanorohwa, vana vanobatwa zvisina kufanira, uye vabereki vakwegura vanobatwa zvisina kunaka—izvozvi zvinoratidza sei kuti vanhu havana “rudo chairwo,” vane “hasha,” uye kunyange “vanonyengera,” “vasingadi zvinhu zvakanaka”! Hungu, tinoona aya mavara pamwero wakapararira nhasi.

      Chizvarwa Chedu Ndicho Chakafanotaurwa Here?

      Ungashamisika, kunyange zvakadaro, ‘Aya mamiriro ezvinhu nguva dzose haana kutambudza rudzi rwomunhu here? Tinoziva sei kuti chizvarwa chedu chazvino uno ndicho chakafanotaurwa muuhu uporofita hwakare?’ Ngatirangarirei idzi nzira nhatu dzoufakazi hunobvumikisa kuti Jesu akanga achitaura pamusoro penguva yedu.

      Yokutanga, nepo pakanga pane kuzadzika kusina kukwana, kwapakuvamba mukuparadzwa kweJerusarema netembere yaro, mashoko aJesu chaizvoizvo akanongedzera kunguva yemberi inopfuura zuva iroro. Anenge makore 30 pashure pengwavaira yakaparadza Jerusarema, Jesu akapa muapostora akwegura Johane chiono chairatidza kuti mamiriro ezvinhu akaporofitwa—hondo, nzara, nhenda, uye rufu zvinovapo somugumisiro—zvakanga zvichifanira kusvika munyika yose munguva yemberi. Hungu, idzi nhamo dzaibatanidza, kwete nzvimbo imwe ipi neipi, asi “nyika” yose.—Zvakazarurwa 6:2-8.

      Yechipiri, muzana rino ramakore mamwe mativi echiratidzo chaJesu ari kuzadzikwa muwatingadana kuti mwero mukurusa. Somuenzaniso, pane bviro ipi neipi yokuti hondo dzive dzakaipa zvikuru kupfuura zvadzave dziri chibviro cha1914 here? Kana pakava neHondo Yenyika III, nyika dzose dzanhasi dzenyukireya dzichiparadzira zvombo zvadzo, mugumisiro wacho sezvingabvira waizowana pasi rino rava marara akapiswa—uye rudzi rwomunhu rwusisipo. Nenzira yakafanana, Zvakazarurwa 11:18 yakafanotaura kuti muano mazuva apo marudzi “akatsamwa,” rudzi rwomunhu rwaizo“paradza nyika.” Kwenguva yokutanga munhau, kusvibisa uye kuparadzwa kwemhoteredzo zvino kunotyisidzira kugarwa kumene kwepasi rino! Naizvozvo urwu rutiviwo rwuri kuzadzikwa mumwero mukurusa kana kuti pedyo nomwero mukurusa. Hondo nokusvibisa zvingagona kupfuurira kuipa kutozosvikira munhu azviparadza amene nepasi rino here? Aiwa; nokuti Bhaibheri rimene rinorayira kuti pasi richagara nokusingaperi, vanhu vane mwoyo yakarurama vachigara pariri.—Pisarema 37:29; Mateo 5:5.

      Yechitatu, chiratidzo chemazuva okupedzisira chinopwisa zvikurukuru apo chinorangarirwa chose. Zvose zvarangarirwa, apo tinorangarira mativi ayo Jesu akadudza muEvhangeri nhatu, idzo dziri mumanyoro aPauro, uye idzo dziri muna Zvakazarurwa, ichi chiratidzo chine mativi akawanda. Munhu angaita nharo pamusoro padzo imwe panguva, achitaura kuti mamwe mazera akaona zvinetso zvakafanana, asi apo tinorangarira ose zvawo pamwe chete, anonongedzera zvakajeka pazera rimwe bedzi—redu timene.

      Ikoku kose, kunyange zvakadaro, kunorevei? Kuti Bhaibheri rinongoratidzira zera redu senguva isina chivimbo, isina tariro here? Nyangwe!

      Mashoko Akanaka

      Rumwe rwamativi anokosha zvikurusa echiratidzo chamazuva okupedzisira rwakanyorwa pana Mateo 24:14: “Evhangeri iyi youshe ichaparidzirwa munyika dzose, chive chapupu kumarudzi ose; ipapo kuguma kuchasvika.” Muzana rino ramakore, Zvapupu zvaJehovha zvakaita basa rakatanhamara munhau yavanhu. Zvakagamuchira shoko reBhaibheri pamusoro poUmambo hwaJehovha Mwari—zvahuri, nzira yahunotonga nayo, uye zvahuchaita—uye zvakaparadzira shoko iroro mupasi rose. Zvakabudisa mabhuku panhau iyi mumitauro inopfuura 300 uye zvakaaendesa kuvanhu mumisha yavo kana kuti mumigwagwa kana kuti panzvimbo dzavo dzebhizimisi muinodokuva nyika iri yose pasi pano.

      Mukuita kudaro, zvave zvichizadzika uhwu uporofita. Asi zvavewo zvichiparadzira tariro. Cherekedza kuti Jesu akadana iyoyi kuti “Evhangeri,” kwete mashoko akaipa. Ikoko kungagona sei kuva kwakadaro mudzino nguva dzisingafadzi? Nemhaka yokuti shoko guru reBhaibheri harisi pamusoro pokuti zvinhu zvakaipa zvichava zvakaita sei pakuguma kwenyika ino yekare. Shoko raro guru rinobatanidza Umambo hwaMwari, uye Umambo ihwohwo hunovimbisa chimwe chinhu chinokosheswa nemwoyo yomunhu ari wose anoda rugare—kukunurwa.

      Kununurwa ikoko kunombova chii, uye kunogona sei kuva kwako? Tapota rangarira nyaya dzinotevera paiyi nhau.

      [Mashoko Omuzasi]

      a Titus akakurira chose chose pano. Kunyange zvakadaro, mumativi maviri anokosha, haana kuwana zvaaida. Akapa zvikarakadzo zvokutera kune rugare, asi vatungamiriri veguta vakaramba nenzira yechisimbwa, isinganzwisisiki. Uye apo masvingo eguta akaputswa pakupedzisira, akarayira kuti tembere isiyiwe. Bva yakapiswa chose chose! Uporofita hwaJesu hwakanga hwajekesa kuti Jerusarema raizoparadzwa uye kuti tembere yaizopazwa chose chose.—Marko 13:1, 2.

      [Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 5]

      Vanhu vari kutsvaka mhinduro kumibvunzo inonetsa yakadai seyekuti, Nei zvinhu zvakaipa kwazvo? Rudzi rwomunhu rwuri kunangepi?

      [Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 6]

      Nhasi, vanopfuura 90 muzana vevananyajambwa vehondo vanhu vasiri varwi

      [Mufananidzo uri papeji 7]

      Uporofita hwaJesu pamusoro poruparadziko rweJerusarema hwakazadzikwa muudzame huri hwose

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe