RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Ngwarira Kuti Vamwe Vane Vavariro Dzakaipa
    Nharireyomurindi—1997 | May 15
    • Ngwarira Kuti Vamwe Vane Vavariro Dzakaipa

      MUMWE muevhangeri wemuterevhizheni akatanhamara akazvidza zvikuru muparidzi biyake nokuda kwekuita upombwe. Mukati megore rimwe, zvisinei, muevhangeri aipomera akabatwa ane pfambi.

      Mune chimwe chiitiko, rimwe simba guru renyika rakatumira nhume kunoita kuti mapoka anorwisana aite hurukuro dzerugare. Munguvayo, nyika imwe cheteyo yakatumira pachivande vashambadzi vayo vezvombo kudzimwe nyika kunotengesa zvombo zvinokosha mabhiriyoni emadhora.

      Sezvo unyengeri huri pachena hwazova hunozivikanwa kwazvo, kunomboshamisa here kuti kusava nechokwadi kwakabvisa zvikuru kuvimba? Nokuda kwevakawanda, kusava nechokwadi nevavariro dzevamwe kwazova muitiro.

      SeVakristu, tinofanira kungwarira kusabvumira zvimiro zvakadaro zvendangariro kutapura ukama hwedu nevatendi biyedu vakatendeka. Kunyange zvazvo Jesu Kristu akatikurudzira ku“chenjera senyoka” apo tinenge tiri pakati pevavengi vedu, haana kutaura kuti tinofanira kuva vanonyumwira vateveri vake vechokwadi. (Mateo 10:16) Naizvozvo, ipapoka, ndedzipi dziri ngozi dzokuti vamwe vane vavariro dzakaipa? Munharaundai matinofanira kungwarira zvikuru kudzivisa chimiro chendangariro chakadaro? Uye tinogona sei kutaviridza ukama hwedu hunokosha neVakristu biyedu?

      Chidzidzo Chemunguva Yakapfuura

      Kuti vamwe vane vavariro dzakaipa pasina chikonzero chakarurama kwakaenzana nokuvatonga. Kwakaita sokuti tiri kukurumidza kusarudza kuti mashoko avo kana kuti zviito zvinongova hazvo pembedzo inovanza chimwe chinhu chakaipa uye choutsinye. Kazhinji kazhinji chinetso chaichoicho chiri mumurangariro wakaipa wezvinhu, sezvinogona kuonwa munhoroondo yeBhaibheri inowanwa muna Joshua 22.

      VaIsraeri vakanga vapedza kukunda kwavo Nyika Yakapikirwa uye vakanga vachangobva kugamuchira nyika dzavo dzendudzi. Ndudzi dzaRubheni naGadhi nehafu yerudzi rwaManase dzakavaka “atari huru kana ichionekwa” paRwizi rwaJoridhani. Dzimwe ndudzi dzakakanganisa kurangarira kuti ichi chakanga chiri chiito chekuramba kutenda. Kwakafungidzirwa kuti ndudzi nhatu dzacho dzaizoshandisa ichi chivako chikuru nokuda kwechibayiro panzvimbo pokuenda kutende rokusanganira muShiro, nzvimbo yakagadzwa yekunamata. Pakarepo, ndudzi dzaipomera dzakaita gadziriro dzechiito chehondo.—Joshua 22:10-12.

      Kunorumbidzwa kuti dzakakurukura nehama dzadzo dzechiIsraeri kupfurikidza nokutumira nhume dzakabvumirwa dzaitungamirirwa naPinehasi. Pakunzwa pomero dzekusatendeka, kupandukira, uye kuramba kutenda mukurwisana naJehovha, ndudzi dzaifungidzirwa kutadza dzakatsanangura chikonzero chadzo cheiyi atari huru. Panzvimbo pokuva atari yechibayiro, yaizova “chapupu” chekubatana kwendudzi dzaIsraeri mukunamata Jehovha. (Joshua 22:26, 27) Nhume dzakadzoka kumusha dzagutswa kuti hapana chakanga chakaipa nehama dzadzo. Nokudaro hondo yevagari vemo nekudeurwa kweropa kwakaipa zvakadziviswa.

      Chidzidzo chakadini kwatiri chokusatongokurumidza kuti vamwe vane vavariro dzakaipa! Kazhinji kazhinji chinoratidzika kuva chechokwadi mukucherekedzawo zvako chinowanwa kuva chakasiyana chose chose zvikuru pakusanonzvera kwekungwarira. Ikoku ichokwadi mumativi akawanda eupenyu hweMukristu.

      Kurangarira Kwedu Vakuru

      Mukuita basa ravo roku“[fudza] kereke yaMwari,” padzimwe nguva vakuru vanokuwana kuri madikanwa kupa zano vanhu vakasiyana-siyana muungano. (Mabasa 20:28) Somuenzaniso, tinoita sei kana mukuru akataura kwatiri pamusoro pevana vedu panhau dzakadai sesonganiro yakaipa kana kuti mufambiro usina kufanira nemumwe munhu ane mitezo yakasiyana yevatano? Tinorangarira here kuti ane vavariro yakavanzwa ndokuzviudza kuti, ‘Haana kutongoda mhuri yedu’? Kana tikabvumira mirangariro yakadaro kutipesvedzera, tingagona kuva neurombo gare gare. Garikano yemudzimu yevana vedu ingava iri mungozi, uye tinofanira kuonga zano reMagwaro rinobetsera.—Zvirevo 12:15.

      Apo mukuru weungano anotipa zano, ngatiregei kutsvaka imwe vavariro yakavanzwa. Panzvimbo pezvo, ngatizvibvunzei kana pane nzira yakati yatinogona kubetserwa nayo nezano rake rakavakirwa paBhaibheri. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Zvino kuranga kwose, kana kuchaitwa, kwakaita sokusingafadzi, kunochemedza; asi pashure kunoberekera ivo, vakadzidziswa nako, zvibereko zvorugare, ndizvo zvibereko zvokururama.” (VaHebheru 12:11) Naizvozvo ngationgei ndokufunga zvinhu nenzira yakananga. Yeuka kuti kazhinji kazhinji kwakaoma kuti vakuru vatipe zano sezvakwakaita kuti tirigamuchire.

      Mirangariro Pamusoro Pevabereki

      Apo vanotarisana neganhuriro dzakati dzevabereki, vamwe vanhu vaduku havana chokwadi nevavariro dzevabereki vavo. Dzimwe pwere dzingati: ‘Nei vabereki vangu vachiita mitemo yakawanda kwazvo? Vanofanira kuva vasingadi kuti ndifarikanye upenyu.’ Panzvimbo pokuita mhedziso yakadaro, zvisinei, vaduku vanofanira kunzvera mamiriro ezvinhu nenzira yakananga.

      Vabereki vakapedza makore vachitarisira vana vavo. Ikoku kwakaitwa vachirega zvimwe zvinhu zvakawanda mune zvokunyama uye muzvimwe. Kune chikonzero chipi nechipi chokugumisa kuti zvino vakatsunga kuita kuti upenyu hwevana vavo vechiduku husafadze here? Hakuna mufungo zvikuru here kufunga kuti rudo runosunda ava vabereki kudzivirira vana vavo uye kuvatarisira? Rudo rumwe cheterwo harungavi rwuchivasunda here kuisa ganhuriro dzakati pavana vavo, avo zvino vanotarisana nezvinetso zvitsva muupenyu? Kungava kusina mutsa uye kusaonga sei kuti vabereki vane rudo vane vavariro dzakaipa!—VaEfeso 6:1-3.

      Chimiro Chedu Chendangariro kuVakristu Biyedu

      Vakawanda vanowanzofanotonga vamwe uye vanofunga kuti vachaita zvakati. Zvakadini kana isu timene takava nechimiro chakadaro chendangariro uye tichiti nyumwirei vanhu vakati? Tingagona kuve tichipesvedzerwa nenyika muna ikoku here?

      Somuenzaniso, ngatiti imwe yehama dzedu dzomudzimu ine musha wakaisvonaka nemotokari inodhura. Tinofanira here kungoerekana tagumisa kuti mudisi wezvenyika uyo asiri kuisa fariro dzeUmambo pakutanga muupenyu? Vamwe Vakristu vangakwanisa kutenga zvinhu zvakaisvonaka, asi izvozvo hazvirevi kuti vane vavariro dzakaipa kana kuti havasi “kutanga kutsvaka umambo.” Vangava vakabatikana zvikuru mumibato yomudzimu, vachishandisa norupo pfuma yavo yokunyama kutsigira fariro dzeUmambo, zvichida munzira isingaoneki.—Mateo 6:1-4, 33.

      Ungano yeChikristu muzana rekutanga remakore yakanga yakaumbwa nevanhu vemarudzi ose—vapfumi nevarombo. (Mabasa 17:34; 1 Timotio 2:3, 4; 6:17; Jakobho 2:5) Mwari haayeri vanhu nemari yavo, uye hatifaniriwo kudaro. Tinofanira kuda vatendi biyedu vakabvumikiswa uye vakatendeka, “[tisingaiti] chinhu [tichi]tsaura vanhu.”—1 Timotio 5:21.

      Munyika ino iri musimba raSatani, kufunga kuti vamwe vachaita zvakati nokunyumwira zvinoratidzwa nezvimiro zvakasiyana-siyana. Somuenzaniso, mumwe munhu angarangarirwa seane masimba masimba kana kuti anodisa zvenyika nemhaka chete yemamiriro ake ezvinhu ekare. SeVakristu, zvisinei, hatifaniri kuva nyajambwa kuzvimiro zvakadaro zvendangariro. Sangano raJehovha harisi nzvimbo yechisimbwa nenyumwiro. Vakristu vose vechokwadi vanofanira kutevedzera Jehovha Mwari, uyo asina “zvakaipa, kana kutsaura vanhu.”—2 Makoronike 19:7; Mabasa 10:34, 35.

      Sundwa Nerudo

      Magwaro nenzira yakajeka anotaura kuti “vose vakatadza, vakasasvika pakubwinya kwaMwari.” (VaRoma 3:23) Naizvozvo tinofanira kurangarira vanamati biyedu seavo vakabatana nesu mukuvavarira kupa basa rinogamuchirika kuna Jehovha. Kana takabvumira kunyumwira kana kuti mimwe mirangariro yakaipa kutapura ukama hwedu nehama kana kuti hanzvadzi yemudzimu, ngatinyengetererei betsero yaMwari kurwisa chimiro chakadaro chendangariro kuitira kuti tisave nyajambwa kuna Satani. (Mateo 6:13) Akapwisa Evha kuti Jehovha akanga ane vavariro dzakaipa, akanga asingaitiri hanya garikano yake, uye akanga achimunyima rusununguko urwo rwaizomuita kuti afare zvirokwazvo. (Genesi 3:1-5) Kutaura kwedu kuti hama dzedu dzine vavariro dzakaipa kunoita zvinangwa zvake.—2 VaKorinte 2:11; 1 Petro 5:8.

      Kana tikawana kuti tine chimiro chendangariro chekuti vamwe vane vavariro dzakaipa, ngatirangarire muenzaniso waJesu Kristu. Kunyange zvazvo akanga ari Mwanakomana akakwana waMwari, haana kutsvaka vavariro dzakaipa muvadzidzi vake. Panzvimbo pezvo, Jesu akatsvaka zvakanaka mavari. Apo vadzidzi vake vakanga vachikakavadzana nokuda kwenzvimbo yakatanhamara, haana kurangarira kuti vakanga vane vavariro dzakashata naizvozvo ndokuvatsiva nevamwe vaapostora vatsva 12. (Marko 9:34, 35) Zvavakanga vasina kukwana, vangave vakapesvedzerwa munzira yakati netsika yeChijudha chakaramba kutenda, nokusimbisa kwacho parudado nemisiyano yemapoka. Jesu akaziva kuti sundo huru yevateveri vake yakanga iri kuda Jehovha. Nokuda kwekuratidzira rudo rwakadaro uye nokuda kwekuramba vana Jesu, vakatuswa zvikuru.—Ruka 22:28-30.

      Kana tikatarira vatendi biyedu vakatendeka nokunyumwira, ikoku kungafanana nokutarira zvinhu nomumagirazi akaipa. Hapana chinhu chingaoneka sezvachiri chaizvoizvo. Naizvozvo ngatitarirei nomumagirazi erudo. Kune ufakazi hwakawanda hwokuti Vakristu biyedu vakavimbika vanotida uye vakafanirwa nekurangarira kwedu kwemutsa. (1 VaKorinte 13:4-8) Naizvozvo ngativaratidzei rudo rwakadaro ndokungwarira kuti vamwe vane vavariro dzakaipa.

      [Mufananidzo uri papeji 26]

      Unorangarira sei vamwe vanonamata Mwari nokutendeka?

      [Mufananidzo uri papeji 27]

      Chivimbo noruremekedzo zvinoita Zvapupu zvaJehovha mhuri imwe inofara

  • ‘Vanorarama Maererano Nokurovedzwa Kwavo Kworudzidziso’
    Nharireyomurindi—1997 | May 15
    • ‘Vanorarama Maererano Nokurovedzwa Kwavo Kworudzidziso’

      MUMWE mukadzi wokuMiami, Florida, U.S.A., akatumira tsamba inotevera kupepanhau romunzvimbomo: “Pana Dec. 10 chikwama chomwanakomana wangu chakabiwa pamusika wembatya tsaru. Chakanga chine rezenisi rake rokuchaira, kadhi reInishuwarenzi, nezvimwewo, pamwe chete ne$2 600.

      “Pashure pokushuma kurasikirwa kwacho kuna maneja, akauya kumba. Mumanheru akagamuchira runhare kubva kumukadzi aitaura chiSpanish uyo, nomushandisi [worunhare] aiita somuturikiri, akamuudza kuti akanga awana chikwama chake.

      “Akamupa kero yake. . . . Akamupa chikwama chacho, chakanga chakazara, kubatanidza $2 600.

      “Akanga aona mbavha yacho ichiba chikwama chake ndokudanidzira. Mbavha yacho yakadonhedza chikwama chacho ndokumhanya. Panguva iyoyo akanga asingachagoni kuona mwanakomana wangu, naizvozvo akaenda nechikwama chacho kumba ndokuridza runhare.

      “Iye nemhuri yake Zvapupu zvaJehovha. Sezvinobvira vanorarama maererano nokurovedzwa kwavo kworudzidziso.”

      Zvapupu zvaJehovha hazviratidziri kuvimbika kuti zviwane rumbidzo kubva kuvanhu. (VaEfeso 6:7) Panzvimbo pezvo, zvinoshuva zvapachokwadi kuunza rumbidzo kuna Baba vazvo vokudenga, Jehovha. (1 VaKorinte 10:31) Kuda kwazvo Mwari nomuvakidzani kunozvisunda kuzivisa “mashoko akanaka” pamusoro poUmambo hwaMwari. (Mateo 24:14) Kupfurikidza noUmambo hwacho, Mwari anovimbisa kushandura pasi kuva paradhiso yakaisvonaka. Ipapo pasi richava nzvimbo kwete bedzi yorunako rwunooneka asiwo yokuisvonaka kwetsika apo kuvimbika kuchatekeshera nokusingaperi.—VaHebheru 13:18; 2 Petro 3:13.

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe