Rwiyo 96
Kurumbidza Baba Vedu, Jehovha
1. Ja, chisiko chinoimba
Nezvesimba nembiri.
Makada, ndizvo chisiko
Chiripo chopambiri.
Munopa zvikomborero,
Nezvipo zvakanaka.
Makaita zviprofita
Zvinozadzika zvino.
’She wokudzwa pa’kazvarwa
Nenziyo dzengirozi.
Kupfurikidza naJesu
Akapa dzikinuro!
2. Tinoona Mwana wenyu
Achizadzika basa,
Pano pasi wakakunda
Akachinjawo vanhu,
Sa’She ari pachigaro
Anopa mirairo,
Yokuzivisa madonzo
Enyu kurudzi rwose,
Vanhu venyu tinofara
Nokuimba nom’faro:
“She Jehovha, wechiedza,
Achabvisa kushuwa.”
3. Ngati’mbe rumbidzo yenyu,
Tichida kumufadza.
Isu tozvitsaurira,
Ndokukubatirai.
Totsigira zita renyu,
Ndokupedzisa basa.
Rudo rwusambotonhore,
Pamwe neshingairo.
Nemwoyo nepfungwa zvedu
Tinokubatirai.
“Kurumbidza zita renyu
Ticharamba tichi’ta.