Rwiyo 78
Kutaura “Mutauro Wakachena”
1. Vanhu vaMwari vane mutauro,
Wakachena wouhumwe.
Mashoko awo anofadza kwazvo.
Achinyandurawo rudo.
2. Ja anopa kuchinja mutauro
Kuvanozvininipisa.
Ava vanodisa kundodzidzisa
Vamwewo kuutaura.
3. Mifungo yakaipa inobviswa
Navomutauro uyu.
Vakachena vachirambira m’nzira.
Voramba nzira dzenyika.
4. Tibatire Mwari wedu mukuru.
Anotitungamirira.
Nom’tauro’yu toparidza Ushe;
Mashoko acho tinawo.