Govera Bhuku raMufarwa Wemhuri Kuvanhu Vemazera Ose
1 Mumwe mukomana ane makore 11 wekuCalifornia akaratidza kuonga kwake bhuku raChakavanzika Chomufarwa Wemhuri. Akanyora kuti: “Ndinofara kuva naro, uye ndinokurudzira dzimwe mhuri kurava bhuku iri nokuti rakanaka kwazvo. Riri . . . kubatsira mhuri yangu kuwana rugare nemufaro mumba medu.” Zvakaitika kupwere iyi zvinofanira kutikurudzira kugovera bhuku raMufarwa Wemhuri kuvanhu vemazera ose. Heano mazano mashomanana aungada kuedza muushumiri hwako muna February.
2 Paunoona wechiduku, ungati:
◼ “Vakawanda vezera rako vari kufunga zvekuroora kana kuroorwa. Asi ndekupi kwaungawana mashoko aungavimba nawo pamusoro penhau yacho? [Bvumira mhinduro.] Vaduku vakawanda vanowanzotaura kuti havana chokwadi kana vakagadzirira kuroora kana kuroorwa. Rega ndikuudzewo zvinotaurwa nebhuku rino pamusoro penhau yacho.” Enda papeji 14 mubhuku raMufarwa Wemhuri, uye rava ndima 3. Ipapo ratidza musoro muduku woga woga muganhuro yacho. Govera bhuku racho, uye ronga kudzoka.
3 Paunotaura nomubereki, ungati:
◼ “Tiri kukurukura nevabereki nhungamiro dzinonyatsoshanda pakurera vana. Idzi dzakarongwa mubhuku iri Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri.” Vhura papeji 55. Rava ndima 10, ichiteverwa naDheuteronomio 6:6, 7, iri mundima 11. Ipapo ratidza mitsetse ine mashoko akatsveyamiswa iri mundima 12 kusvika ku16. Pfuurira uchiti: “Bhuku iri rabatsira vakawanda kubudirira kwazvo sevabereki. Kana muchida kurirava, ndichafara kukugoverai kopi ino pamupiro we$13,00.”
4 Pakutaura nemunhu akwegura, ungati:
◼ “Kana ndapedza kurava tsinhiro iyi pfupi, ndapota ndiudzei zvamunofunga.” Vhura bhuku raMufarwa Wemhuri papeji 169, uye rava mitsetse miviri yokutanga yendima 17. Ipapo kumbira tsinhiro. Zvichienderana nemhinduro yacho, ungarava dzimwe ndima mubhuku racho usati warigovera.
5 Paunodzokera kwawakagovera bhuku raMufarwa Wemhuri, funga nezvekuedza kutanga fundo yeBhaibheri. Chidzidzo 8 mubhurocha raAnodei kana kuti ganhuro 15 mubhuku raZivo pangava pakakodzera pokutangira. Patinenge tichiita kudaro, ngatiedzei kubatsira vanhu vemazera ose kuvaka upenyu hwemhuri hunofadza.